JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 5, 2025 at 04:25 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 12 Chiitiko chainge chaitika mumuzinda chakasiya ruzhinji rwakati kanha nazvo. Mai Mandigona vakazosara kukamhina vachibuda muimba mavo mwanasikana abuda mumuzinda kare. Mukadzi mukuru akachema zvakasiririsa kusvika pakudemba kuti deno mwanakomana wavo aripo anunurawo hadzvanzi yake. Mai Chirashauta muromo wainge waita kunge chiropa chenhongo yabaiwa asi kunzwa kwavakaita mambokadzi vachichema vakanzwa kurwadziwa zvakanyanya ndokubuda muimba mavo vakabata muromo wavo uyo wainge watozvimba. Vakapinda basa kunyararidza. Vanovabatirana nevamwe vakadzi kwakuvapinza mumba mavo. Mambokadzi vakachema kusvika pakudzivira inzwi kana ari saMarwei sandi mufaro iwoyo waaive nawo. Madzingaidze ainge oshaiwa chainge chonyatsoitika paari. Aingoti akaona amai vake onzwa kakusada kuvaona asi asiri pavari ainzwa kuda amai vake samai. Pavakarohwa nababa akasara onzwa dzimwe hasha mushure mekunge mai vaindiswa kumba ndokubva ada kusimuka kuti abvunze chavavarovera asi anoyeuka mashoko aMarwei ekuti remekedza baba vako vasazofungira nezverudo rwedu. Achifunga izvi ndiyo nhambo yakapararira vanhu mushure mekunge Mirirai abuda mumuzinda. Mwanakomana akasimuka ndokunanga kugota rake uko kwaakasvika achizvikandira pasi. Shungu dzakamubata mushure mekufunga kurohwa kwaamai vake ndokusimuka kuti ainde kunonyaradza amai asi achingosimuka Marwei akabva apinda. "Madzingaidze ukanonetsana nababa vako nezvaitwa amai vako ndinovaudza baba vako kuti wakavata neni. Kana utori umwe tevedzera zvose zvinoda baba vako", akadero Marwei achibva atendeuka kubuda mumba umu. Madzingaidze akanzwa mashoko aMarwei kutapira kunge muto wemakwande emuti wemutondo. Mupwanyanzombe akambosara mudare nemachinda kwakuzoinda kuimba yaMarwei uko kwaakanobvunza nyama yake yemusoro ndokubvuwirwa chisadza icho chavakadya vose. Mupwanyanzombe pamhuka aifarira nyama yemusoro nechiropa chete zvino musi uyu akaita kunge achazviruma sezvo Marwei pakubvuwa yaiva shasha. "VaDzvovera mazonge morovawo vahosi pakazara vanhu sei?", anodero Marwei vachiri pakudya achida kunzwa kuti murume wake anoti kudii. "Handidi zvekuti munhu akaona kuwanda kwemaziso ondiona kunge ndumure. Mukoma wangu ndiye akandisiira basa iri asi woona rumwe rumunhu roda kuonererwa pazere vanhu. Zvitori zvishoma zvandamuita ndazongosvoda iwewe pawanditarisa paya", anodero Mupwanyanzombe zvinova zvakaita kuti Marwei awane mhunduro yaaida. Mupwanyanzombe haana kugarisa muimba umu akabva ainda kudare kwaiva neamwe machinda uko kwaakasvika pasiwo ndokunzwa vachitaura nezve chiitiko chainge chichangobva kuitika. "Asi varume Mupwanyanzombe akanganisa zvaaita handifungi kana mambo vachizviziva ini", akadero umwe murume. "Ipapo ichokwadi uye ini zvandirwadza", anodero umwe murume zvose izvi zvaiva munzeve dzaMupwanyanzombe amire pasiwo redare ndokubva afunga kutsvaka rumuti rwekuvanda narwo. Akabva apinda kwakusvikogara pasi uye nyaya iya yainge yanyararwa. "Machinda ndanzwa muchitaura nezvangu kuti ndaita zvakaipa asi sandi kuda kwangu nekuti mukoma ndivo vakandituma uye pachavo vakati kuti vaudze mwana wavo vega kuti aite semuripo kwa Nyamatsimba anovarambira ndoo sekera vakandituma uye ndoo sekera vakambobuda mumuzinda vose naMandigona vaiitira nyaya iyoyi uye vakaitira kuti Mandigona asazokonzeresa kuti hadzvanzi yake isainda. Kuita izvi nyangwe ini ndaita hangu asi ndiri kurwadziwa, mukoma vakatya kutorwa kwedunhu ravo naNyamatsimba", anodero Mupwanyanzombe achitaura manyepo. Akaramba achitaura dzamara machinda ose aiva mudare agutsurira kuti Mupwanyanzombe haana mhosva asi angoteedzera mashoko amukoma wake. Vakamboita nguva vari mudare kwakubva Mupwanyanzombe azobuda kuinda kuimba yamambokadzi uko kwaakasvika muine vakadzi vatatu wechina ari mukadzi wake. "Mambokadzi zvandaita izvi sandi kuda kwangu asi mukoma ndivo vandituma ndoo kusaka wavaona vambobuda mumuzinda", akadero Mupwanyanzombe. "Babamunini chimbobudai muno", vanodero mambokadzi neinzwi raiva kure kure uye vainge vakagara vakazendama madziro. Mupwanyanzombe haana kupikisa sezvo zvaaida kutaura ainge atopedza. Akabva abuda kwakuinda kunogara hake mudare. Nguva dzakafamba kwakuzoti zuva rotungidza nhongonya dzeharahwa Mupwanyanzombe anoti agere mudare ndokuona zvakamushatirisa ndiye simu.................. Sekuru Muturikwa vakapukuta meso avo runokwana rutatu asi zvavaiona hazvina kushanduka bodo. Vainge vaona mambo neJinda guru ravo pamwechete nanevanji wavo vakanyura mugwamba reropa. Murume mukuru anorukutika ndokutanga kuita sedzakambotamba nepwere dzikaresva kudzoserwa. Panozoti pava paya anoita kakuvhunduka kunge munhu apepuka kubva muruvato . Anofamba zvishoma zvishoma akananga paiva namambo asati asvika anoona buri raiva pakati pemusoro iro raakaziva kuti ndere bvumo. Anosvika ndokubata mambo ndokunzwa chava chando kare. Anobata Mandigona ndokunzwa zvakare chava chando anoona museve wainge wakamubaya ndokuucherechedza asi akatadza kuziva rupawu rwawo. Anosimuka kwakuinda paiva naMutangemhanza ndokuona zvakare chava chando uye museve uri umwechete. Anosimuka kwakutenderana panzvimbo iyi asi chaanowana hapana. Murume mukuru akadzoka ndokuchonjomara paiva nemusoro wamambo. Ainge amboshinga kusada kuchema asi akazoisvimha misodzi. _"Muzukuru unoreva here kuti ungauya kundioneka kuti uchambofamba rwendo ndirwo rwendo rwacho here urwu?"_, anodero Muturikwa misodzi ichiyerera anoedza kuda kubudisa amwe mashoko asi shungu dzainge dzamubata anotadza kubuda . Akaita nguva refu aripo achichema ndokubva azosimuka kwakunogara pasi peumwe muti waivapo. Anopukuta misodzi yake ndokutanga kufunga kuti chiitiko ichi chinoda kumborevei uye auraya muzukuru wake angava ani. Dzinopishana pfungwa asi chaakabudisa hapana. Akambofunga kuti ndiNyamatsimba asi nekuda kwemuseve yainge yashanda zvakamurambira. Zuva rakazenge ropisa chero hazvo rainge risati ratungidza nhongonya dzeharahwa anobva afunga kunosvitsa shoko kumuzukuru wake mudiki nezve mukoma wake kureva iye Mupwanyanzombe. Anosimuka Muturikwa ndokudzokera paiva namambo kwakutora bvumo ravo ndokurisungirira kumusana kwake kwakutendeuka kudzokera kumuzinda. Anofamba achiita kukanda nhanho kuti akasire kusvika. Mupfungwa dzake aifamba achitsvakurudza kuti chinguva chii chapinda mumuzinda asi kwaiva kutsvaka munzwa wenungu mujecha, ko waigouwanepi?, Chirashauta anofamba akananga kudziva raiva kujinga kwechimwe chikomo uko kwavaishamba kana vapedza kuvhima. Pasina nguva anosvika kwakudzisa zvombo zvake pasi ndokukurura zvipfeko zvake kwakutanga kushamba. Haana kutora nguva akabva apedza kwakutakura zvombo zvake kudzokera kumuzinda. Anofamba nemusango asi anozoti ode kupinda munzira anonzwa kuchema kwemunhukadzi kwaibva nechemberi kwake. Mwanakomana anomira kwakuteerera kuchema kuya kwainzwikwa kuuya nedivi raaiva. Chirashauta anofamba achiinda nechokurudyi kweinzwi iri. Zvinomuvhundusa anonzwa kudanwa kwezita raMandigona pakarepo anoona varume vatatu vaiva nechokure vachiuya kwaaiva umwe wavo akadzvara munhu ndokubva anzwa munhu aiva akadzvarwa ariye aichema. Chirashauta anomira seri kwehunde yemuti sezvo aida kunyatsoona. Pakarepo anonzwa munhu uya kudaidza zita raMandigona zvakare apo panova paakabva ashamisika sezvo inzwi iri akabva ariziva zvinova zvakamunetsa kuti sei. Anobva aramba akatarisa kwakuona zvedi munhu wacho ndiMirirai apo paanoona zvipfeko zvehumambo zvaainge akapfeka. Chirashauta anoshatirwa zvikuru kwazvo ndokuvhomora bvumo rake kwakutanga kudududza kudzoka shure apo paanomanya achiinda nekwainge kwakatarisa vanhu ava. Anotsvaka musekesa kwakutora mashizha acho ndokumatsenga tsenga achipfira muto wawo uyo waanozora kumeso kwake zvose nemaoko nemakumbo. Anoramba achinzwa inzwi rehadzvanzi yake izvo zvaimuwedzera hasha. Anorangarira hope dzaainge akamborota ndokuona dzichiindirana nechiitiko ichi. Mwanakomana akazvizodza muviri wese kusvika afanana ne mashizha emusekesa kwakumanya kudzoka munzira inova yaibva nevarume ava. Anofamba akatsikitsira chainge chonyanyomunetsa ndechokuti aiziva kuti mambo havapo pamwechete naMandigona izvo zvakamupa kuziva kuti Mirirai anenge aita zvokubiwa asi imwe pfungwa yakati pamwe mambo vasara vakasvika rungwanani izvo zvinova zvakamupa kuti afambe kuti asangane navo. Mirirai ainge akatarisa shure saka kuuya kwaChirashauta haana kukuona. Varume vatatu ava hapana chavakafungira pakuona kwavainge vaita Chirashauta vakangoti muvhimi. Chirashauta anoti ava kusvika pavarume vaya ndokumira achibva atanga kutaura. "Zvomofamba muchiita ruzha ko isu varidzi vemasango tofambirepi?", anodero Chirashauta ndokubva varume vaya vamira apo hana dzavo dzinotanga kurova mushure mekunge vaona ganda raChirashauta uye mutauriro waainge aita varume ava vakauziva kuti haungotaurwi nemunhu wo zvake asi nevagari vemasango kunyanya mhondoro. Zvainge zvataurwa naChirashauta hapana akapindura uyo akabva afamba kuinda pedo pavaiva. Uyu Mirirai ainge asati aona zvayiitika. "Wamakaisa pafudzi mabvepi naye uye chaita kuti afambe achitiitira ruzha mumusha wedu chii?", anodero Chirashauta apo Mirirai anonzwa kutaura kwemunhu kwakutarisawo mberi wanei mukoma wake ndokubva vatarisana kwenguva refu kwakubva Chirashauta avhara muromo wake nechigunwe akatarisa Mirirai uyo akabva aziva zvazvaireva uye varume ava vakazivawo zvazvaireva asi vakashaya kuziva kuti azviitirei. "Kana muchifamba munzvimbo dzisi dzenyu fambai makapfumbira yenyu muromo. Chifambai muende uye musacheuka, asi kuneuyo acheuka uchadyiwa nepasi uye musabuda munzira", anodero Chirashauta uyo asina kuda kutambisa nguva asati aonekwa. Mwanakomana kabva abuda munzira nenhanho imwechete ndokufamba kudzokera kwaibva varume ava izvo zvakaitawo kuti varume vafambe kuinda mberi asi pavanoti vachipesana Chirashauta anoerekana agadza murume aiva divi raaiva bvumo pachipfuva izvo zvisina akanzwisisa, jinda ndiro pasi dhi. Vamwe vachiona izvi vanovhunduka vachidududza Mirirai achiita kujatirwa kwakadero kunge svinga rehuni. Jinda rainge rakadzvara Mirirai rinovhomora bvumo raro kwakuripotsera kwaiva naChirashauta asi ainge anyangira yaona sezvo Chirashauta akarinzvenga asi kunzvenga kwaakaita akaerekana agarwa nemuseve neche pabendekete uyo wainge wapotserwa neuyo ainge asina kudzvara Mirirai. Chirashauta anonzwa kubaiwa ndokubva avhomora bakatwa rake uku kwaiva neumwe museve waiuya ngokubva aunzvenga zvakare achiita kuzviwisira pasi uku achipotsera bakatwa rake iro rakasvikobvarura nzeve yeiro jinda raigadzirisa uta hwaro. Chirashauta anovhomora uta hwake akavatakudero zvisina akanzwisisa uyo anotanga kuitepfenyura miseve. Jinda riya rekubvarurwa nzeve rainge rabata nzeve yaro richiita kudududza. "Haungarwi nemhondoro ukaukurira ngatitize shamwari", rinodero jinda riya richidududza uku Chirashauta ainge atosimuka asi kusimukawo kwaakaita akayerekana umwe museve wamugara nechemumbabvu uyo wakauya asingauoni apo panova pakazotange mashura. Chirashauta anoita kunge abudirwa . Anotanga kunzvenga miseve yejinda iro rainge rasara riri rimwechete sezvo rimwe racho rainge rasiya nyemba uye rimwe ndiro rekudududza rikabva ratotiza. Anoinzvenga miseve asingadzoseri ndokubva azoti apo jinda riya roratidza kuneta chero hazvo rainge richiri kutepfenyura anobva aritepfenyurira umwechete richibva ranzvenga asi wepiri rinononoka kunzvenga richibva ragarwa nawo pabendekete. Richiri mukunetseka rinoyerekana umwe wagara mudumbu ndiro pasi mbi rakabata mudumbu uyu Chirashauta haana kumira bodo anoinaya miseve ndokubva onzwa kutaura. "Musandiuraya handina mhosva ndangotumwawo", rinodero junda riya kwakubva Chirashauta anyemwerera kwakudzisa uta hwake ndokufamba achiinda paraiva. "Watumwa nani uye mhandara iyo muri muindepi nayo, maipuwa nani?", anodero Chirashauta. "Tatumwa namambo Nyamatsimba uye musikana uyu tamupuwa naMupwanyadzombe", anodero Murume uya. "Mukoma waMupwanyanzombe anga aripo here zvose izvi zvichiitika?", anodero. "Kwete anga asipo asi.......", Haapedzisi kutaura mushure mekunge Chirashauta abatwa nehasha uyo anoyerekana autepfenyura museve mumusoro jinda ndokusiya nyemba. Chirashauta anotarisa kwaiva nehadzvanzi yake kwakufamba achiinda uko kwaakasvikomusunungura. "Mukoma!!" anodero Mirirai achimbundirana nemukoma wake misodzi yake ichiyerera. Chirashauta yake misodzi inotangawo kuyerera vakambundirana kudero. "Chii chiri kuitika hadzvanzi? Ko mukoma Mandigona vadzoka here nababa?", anodero Chirashauta. "Kwete havana kudzoka. Mukoma handidi kunoita mukadzi waNyamatsimba ini ", anodero Mirirai achichema izvo zvinovhundusa Chirashauta. "Ati unoita mukadzi wake ndiani?" "Ndibabamunini vachinyepa kuti baba vangu ndoo vasiya vadero asi ndinoziva baba vangu havadero kudeno vakandiudza voga. Izvozvi ndasiya mai vachichema uye vanga vachirwara zvakare", anodero Mirirai. "Chirega kuchema hadzvanzi yangu. Asi ndinoda undiudzewo chinhu chimwechete", anodero Chirashauta. "Chii mukoma?", anobvunza. "Zvauchataura ndinomira newe Mirirai. Zvimwe tasvika kumuzinda unogona kunzi udzokere kwaNyamatsimba zvino sezvo nyaya iyi ndakamboinzwa nerunyerekupe, iwe ndiudze paumire. Unoda kunoita mukadzi waNyamatsimba here kana kwete?", anodero Chirashauta. "Kwete mukoma handidi", anodero Mirirai. "Kana wadero ndichamira newe kubva izvozvi dzamara waroorwa newaunoda. Kunyangwe mambo chaivo pavachadzoka vakati uindwe newe kwa Nyamatsimba ndichakutsigira sekutaura kwako kunyangwe Mandigona akati uinde zvakare hakuna kwaurikuzoinda sechibvimirano chedu asi uriwe wasarudza. Chero vangava baba vangu shoko ndiro ndiro uye......", Haapedzisi kutaura Chirashauta mushure mekunzwa kurwadziwa. Nechomudumbu make apo anotarisa kwakuona uri museve waainge abaiwa nawo ndokubva auvhomora apo panobuda ropa rainge ratogwamba asi kwete rakawanda bodo. Anobva avhomora zvakare waiva pabendekete rake apo ndipo pakabuda ropa rakawanda asi akazopavhara negavi remusekesa raakaita zvokutsenga tsenga kusvika rava dete dete kwakuriisa paubuda ropa ndokubva pavhara. Chirashauta akabva atendeuka paaiva kwakunovhomora bvumo rake pamutumbi wejinda rekutanga kwakunononga bakatwa rake ndokudzoka kugura misoro yemachinda maviri aya kwakutora imwe nhava yerimwe jinda kwakuisa misoro iya ndokubva abereka kumusana. Anodzoka painge pakagara Mirirai kuti vachiinda kumuzinda ndokubva asimuka asi Mirirai kuti achifamba anonzwa kurwadziwa nechomumbabvu sezvo kupotserwa pasi kwaainge aitwa akasvikorovera padombo. Hazvina kushamisa Chirashauta uyo anobaira bvumo rake muchiuno bakatwa kwakuisa muchiuno zvakare nhava yemiseve kumusana ndokubva amusimudza akamubatira mberi rumwe ruoko kumakumbo rwumwe kumusana. Vakafamba vakadero vachitaura nyaya yechiitiko ichi asi Mirirai haana kutaura zvekurohwa kwaana amai naMupwanyadzombe bodo.Chirashauta ainzwa marwadzo paainge abaiwa asi chokuita painge pasina. Anotakura hadzvanzi yake dzamara asvika kumuzinda uko kwa anosvika achipinda nekusiwo guru. Varindi vachiona izvi vanoshamisika sezvo vainge vanzwa kutaura kwaMupwanyanzombe. Mwanakomana anopinda mumuzinda apo anoti achingopinda pachivanze Mupwanyanzombe anobva azviona uyo anosimuka kwakubvomora bvumo rake chiso ndokufinyamiswa ndiye kufamba akananga kwaiva naChirashauta. Chirashauta zvose izvi haana kuzviona anofamba akangotakura hadzvanzi yake ndokunopinda muimba yamambokadzi umo maanowana muine vakadzi vatatu wechina vari amai vake. Chirashauta anosvika nekumira pakati pemba. Vaiva muimba umu vachiona mwanakomana wavo akazara ropa iro rainge richibva pamisoro yaainge akabereka iro raibomha bomha pasi vakaratidza kuvhunduka kutya kukavapinda sezvo vainge vasina kuona kwaraibva. Zvineiwo Chirashauta anomboita chinguva akatarisa vana amai vake avo vaiyeredza misodzi vakamutarisa. Anoona kuzvimba kwemuromo waamai vake izvo zvakazoita kuti afambe zvishoma nezvishoma kwakunoisa Mirirai pamakumbo amambokadzi avo vanoita zvokumbundira mwanasikana wavo uyu Chirashauta akabva anopfungama neibvi rimwe chete pamberi paamai vake akatarisa muromo wavo asi pasati pane shoko raataura Mupwanyanzombe akabva apinda......... KUPERA KWECHITSAUKO 12
❤️ 👍 🙏 11

Comments