JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 6, 2025 at 04:26 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA*
⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️
https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT
*✍️CHINYAKARE NOVELS✍️*
WRITTEN BY
JOHN MANDONGWE
_📞+278454121O5_
_📞+263779698O11_
_*FOLLOW CHANNEL YEDU*_
⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a
*JOIN COMMENT GROUP*
⬇️⬇️
https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR
CHITSAUKO 13
Nguva yekufunga Mukombachoto haana kuiwana bodo asi akangorova nhanho shanu ndiye mumuti kata kata . Shumba dzakasvika jinda ratova mumuti kare idzo dzainge dzichiita kudonha masiriri ,urwo rwaiva rute sezvo dzainge dziine nzara . Mukombachoto akatsvaka pokunyatsogara mumuti imomo zvino shumba dzinobva dzaita kunge dzakuda kukwira mumuti sezvo muti uyu wainge wakarereka zvekuti munhu waikwira uchifamba asi wozoti wavanechemberi wotanga hwenyoka . Mukombachoto achiona shumba dzichiyedza kukwira anoinda kumadya husvu apo anoringa mativi ose ndokuona ari pakati pesango iro raiva ziyenda nakuyenda . Chisina kuziikanwa naMukombachoko ndechokuti ,kuinda kumadya husvu kwaayita akaona nhongonya dzemiti ayinge ayirasa sezvo sango iri raiyera .
Zvaayinge ayita izvi zvaidudza kumedzwa nesango kwake asi iye kuziva haana . Pasina nguva anonzwa shumba dzaiva pasi kudzvova idzo dzakaita kuindirana ndokubva dzatotendeuka kudzokera nedivi radzainge dzabva naro. Jinda rinofara sezvo rainge roti hupenyu hwangu hwaparara. Anoti papera nguva asingachaoni shumba dziya ndokubva adzika kwakutanga kufamba akananga kumavirira. Anofamba zuva rose ndipo paanozonzwa kutanga kurwadziwa pasi petsoka uye nzara nenyota zvainge zvomubvunza mutupo. Jinda rinogara pamusoro perimwe dombo ndokuringa mativi ose kwakudzungudza musoro apo parakaona kuti ndarasika . Nguva iyi zuva rainge rogara makomo . Nyota inomutuma kusimuka ndokutanga kufamba nedivi raiva rakaita kudzikira kureva kuti ayibva kwakakwirira achiinda kwakaderera uko kwaayifunga kuti anowana mvura. Akafamba asi kufamba kwaayiita ayitowedzera kupinda muchakasara mesango. Anoti ari mukufamba kudero ndokuona mhara mbiri dzaizvifurira akati vadzimu vangu mandiringa. Anotepfenyurira imwe yacho museve ichibva yanowira kwakadero ndokubva amanya kuinda payaiva kwakuipedzisa nepfumo. Jinda rinodzvara mhuka yaro ndokuramba achifamba apo paanotora divi remabvazuva . Riri mukufamba kudero rinoona chikomo mberi kwaro ndokubva rananga ikoko uko kwarinosvika zuva richipinda muna mai varo . Mukombachoto akaona kuti kwekuinda zvanhasi hakuchina sezvo tsoka dzainge dzorwadza uye nzara . Anoti asvika pachikomo chiya kwakukwiramo ndokutanga kutsvaka pangaita kuti akwanise kuzorara , sezvineiwo anowana bako ndokupinda imomo kwakuona muchiratidza kuti mainge mutori muimba memhuka asi akatadza kuziva kuti ingava mhuka rudziyi. Semurume ayinge aneta akabva akanda mhara yake pasi kwakubuda ndokutsvaka huni idzo dzaanoitawo rombo rakanaka kwakuona muti wainge wakawoma waiva pedyo nebako iri. Anobudisa bakatwa rake kwakutanga kutema achiunganidza ndokuzotakura achiisa mubako . Jinda rinovesa moto kwakutanga kuvhiya nyama yaro , semunhu ayiva nenzara ayiti achivhiya uku achigotya . Pasina nguva ayinge atova nemate matsva . Kunze hakuna kumira kusviba rakabva rawedzera dzimwe huni mumoto richidya haro nyama yaro . Hope ndokuyerekana dzamubata semunhu ayiva aneta . Ari kuhope kudero anoita kumuka achivhunduka mushure mekunzwa kuti chokoto chokoto avo vaiva vene vebako vainge vasvika , uyo waiva uno mukono weshumba uye nguva iyi moto wake wainge wadzima ...........
KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE
Mupwanyanzombe anopinda muimba mainge mapinda Chirashauta akaita kuunyanisa shiso ndokusvikomira pakati pechoto. "Chirashauta", anodero Mupwanyanzombe izvo zvakaita kuti Chirashauta atendeuke kutarira kwaibva inzwi ndokuona vari baba vake uyo akabva asimuka kubva panaamai vake kwakuinda kunogara pachigaro chaiva kuruboshwe kwababa vake.
"Maswera sei baba?", anodero mwanakomana neinzwi rakanyorovera. Mambokadzi panguva iyi vakabva vabudisa mvura yemumuviri nokuda kwekutya iro bvumo raipenya kunge runambi rwemoto iro rainge rakabatwa nababamunini wavo. "Handisi kuda kutaura newe unoda kuuya uchinditukisa namukoma wangu izvozvi simuka unodzosera Mirirai kwawamutora", anodero Mupwanyanzombe . Chirashauta haana raakataura asi akangosimuka kwakudzikisa nhava yaiva kumusana kwake ndokuinda pedyo nababa vake kwakurereka nhava iya misoro miviri ichibva yabuda , umwe kwakukunguruka uchiinda mumakumbo ababa vake .
Mupwanyanzombe anorohwa nehana ndiye simu , akazongoyerekana ava panze zvisina akanzwisisa chero hazvo iye akanyatsoona kutiza kwake asi vaiwona havana kunzwisisa mubudiro wake , akatozomira ava chinhambwe.
Mumbawo makaita bata murefu bata mupfupi vanhu vashanu vainge vaungana kumadziro kuita sepane vanhu vaviri . Imba yakaita kunge ichadhirika . Chirashauta ayinge akangomira panhu pamwe chete asingahwairi bodo chiso chake chakaita kunge chechikara chesango.
Akabva anonga musoro iya kwakuidzosera munhava yake ndokuyibereka zvakare kwakudzoka kugara pachigaro chaayinge akagara.
Mupwanyanzombe anobata musoro wake sezvo ayinge asina kunzwisisa pane zvaayinge awona. Pokutanga paakaona misoro iyi anoona kunge seyemachinda ayinge atora Mirirai asi paakaramba akaitarisa anoona sewa mukoma wake newa Mandigona izvo zvakaita kuti azobuda achitiza . Paanoona mwanakomana wake achidzosera misoro iya munhava yake anobva atangawo kufamba achidzoka mumba .
Akasvikopinda achiita kunyangira ndokugara pachigaro chake . "Chirashauta waiwanepi misoro iyoyo?", anobvuna Mupwanyanzombe akatarisa mwanakomana wake. "Baba handina akawanda nemi asi munhu wandinoda panguva ino ndimambo . Hamungamanikidzi hadzvanzi yangu kuti inoroorwa nemunhu waasingadi . Dai murimi muchinzi roorai munhu wamusingadi mainzwa sei? . Mukoma wenyu ndowandirikuda kubvunza mibvunzo yangu yokutanga ndozotaura nemi sezvo ndanzwa kuti imi makasiirwa shoko rekuti Mirirai aroorwe saka ndoda akakusiirai wacho", anodero Chirashauta achiratidza kutsamwa . "Hauna kupindura mubvunzo wangu mwanangu . Hongu ndakasiirwa shoko rawareva asizve iwe uri mwana, haungaiti kuti zvatatenderana isu vanababa wobva watevera munhu wataindisa semuripo , ko Nyamatsimba akauya muno mumuzinda unoita sei?", anodero Mupwanyanzombe akanyorova achiyedza kuti pamwe zvaanoda zvingaita. "Baba ini ndirimwana handizvirambi , asizve handingasiyi hadzvanzi yangu ichitambudzika . Ndasangana nayo kwandanga ndamukira kumisungo yangu ndava kudzoka ndaita kunzwa inzwi rekuchema kwake ndiri Kure Kure kuratidza kushungurudzika kwake, ndamubvunza Mirirai akati haasati ava kuda kuroorwa saka ini baba kana muchida tikonane kubva nhasi , Mirirai muindisei kwamurikuda kumuindisa iye asingadi . Kunze kwekuti azobvuma kuinda ini handimurambidzi anoyenda asi kana iye asingadi mobva maita zvamurikuita izvi ndawona ndatadza kukudaidzai ndichiti baba", anodero Chirashauta achiratidza kurevesa.
"Regai ndimbomubvunza makateerera , Hadzvanzi unoda here kunoroorwa naNyamatsimba sekunzwa kwandiri kuzviita?", anodero Chirashauta .
"Kwete mukoma handidi , uye handisati ndakuda kuroorwa", anodero Mirirai .
"Mazvinzwira baba nemi vanaamai zvinodiwa newenyu wekubereka . Chiitai zvokuti tose tisasurukirwa uye Mambo ndichauya ndovabvunza kuti sei moyo wavo waoma kudero ndosiziva vari munhu munyoro", anodero Chirashauta achibva asimuka kubuda muimba umu neropa rake rakazara muviri wose ndokunanga kugota rake kwakusvikomira akabata musoro wake . Zvaayinge onzwa Chirashauta ayisanzwisisa kuti zvaibvepi .
Kunyangwe zvaayitaura chero iye ayinge asingazivi kwazvaibva . Ihwo hushingi hwaayinge ava nahwo hwainge hwapfurikudza mwero . Mupwanyanzombe anoti kubuda kwakaita mwanakomana wake ndokubudawo kwakuinda kudare umo maiva nemachinda akatiwandei ayinge afunga kuti amwe machinda ayende naMirirai kwaNyamatsimba sezvo akaona iri hondo yagadzirwa naChirashauta pakati pake naNyamatsimba . "Ndinoda machinda mashanu akashinga mhare pakurwa ndikutumei kwaNyamatsimba", anodero Mupwanyanzombe izvo zvinonzwikwa naChirashauta sezvo Gota rake raiva pedyo nedare . Akabva abuda kwakuinda kudare.
Mupwanyanzombe akabva asarudza machinda aya mashanu . "Ndinoda kuti muinde naMirirai izvozvi kwaNyamatsimba tisati tavingwa nehondo tingaparara tose", anodero Mupwanyanzombe , Chirashauta achibva asvika . "Machinda ababa vangu zvinonzi gwara harina mbonje asi zvisinei rangu shoko rinoti anongonobata hadzvanzi yangu ndiri kumuisa bvumo mumusoro . Kana anenge afunga kunopa Nyamatsimba mukadzi ngaatore hadzvanzi yake . Iyi nhava iyi yakamirira kupindwa nemisoro yevose vachashungurudza hadzvanzi yangu vamwe venyu avo", anodero Chirashauta achidurura misoro iya pasi kwakusara akabata nhava chete. Machinda ose anokatyamara nazvo sezvo zviso zvemisoro iyi vakazviziva ndokubva vaziva kuti ndiye arwira Hadzvanzi yake kuti idzoke . "Sekushinga kwamaita uko kwabudikidza nekusimuka kwenyu panzi ndinoda varume vakashinga chiindayi munomubata Mirirai", anodero Chirashauta achibva atotendeuka kwakusiya Misoro iya pasi . Anofamba akananga kuimba kwaiva nana Mirirai uko kwaakasvikopinda asina kugugudza.
"Ndichambonozvidira dira kurwizi uko vana amai ndibvise ropa randiinaro iri ndinodzoka izvozvi", anodero Chirashauta . "Ndashaya kuti ndokutenda nei Mwanangu nezvawaita asi tinokunda here nezviri kuitika izvi?, ko ivo baba vako vakuru chakaita vasiye shoko iri chii?", vanodero mambokadzi vachitotanga kusvimha misodzi . "Chiregai kuchema amai hapana chichaitika kana ndiripo zvatopera", anodero Chirashauta . "Mukoma kuti muinde kurwizi kunoshamba hazviiti nekuti Mirirai anosara akatorwa zvakare musipo regai ndinokutekerai mvura mugezere pano pamuzinda", anodero Nyaradzai izvo zvakabvumirwana nemunhu wese ayiva muimba iyi. "Handingapikisi hangu shoko rako hadzvanzi asi ndasiya ndavaudza kuti handidi kuona anouya kubata Mirirai saka ndandichida kuona kuti vanoita sei", anodero Chirashauta . Vakazobvumirana kuti Nyaradzai anoteka mvura , Chirashauta akasara obvunzurudza Mai vake nezvokuzvimba kwemuromo wavo asi vakada kuvanza dzamara Mirirai ataura zvose zvainge zvaitika izvo zvakarwadza Chirashauta asi nekuda kwepfungwa dzaayinge ava nadzo akaona kuti hazviiti ndimanyirane netsuro mbiri kwakubva angopfumbira wake muromo . Nyaradzai akadzoka nemvura kwakubva Chirashauta anogeza uyewo Mirirai kwakupihwawo yake ndokunogeza . Mupwanyanzombe pamashoko ayinge ataurwa naChirashauta akamutyisa zvikuru kwazvo sezvo zvivindi zvake akatadza kuziva pazvaibva . Akaita chinguva akamira mudare ndokubva afunga kutora Mirirai omene ayinde naye apo ayinge afunga kupedzerana oga nemwanakomana wake.
Mupwanyanzombe ayinge agarwawo nezvekwakewo uye Chirashauta agarwawo nezvekwake zvekuti dayi Mupwanyanzombe ayiva chimhene pangadayi Chirashauta chava chando sezvo rume iri raisada kujairirwa bodo.
Asi panguva iyi Mupwanyanzombe ayinge afunga kupfuudza mwanakomana wake Anotendeuka kuti abude mudare anange kunotora Mirirai ndiye dhuma dhuma naSekuru Muturikwa pasiwo . "Muzukuru vadzimu vatifuratira ", anodero Muturikwa achigashidza muzukuru wake bvumo ramukoma wake . Mupwanyanzombe achiona bvumo iri akabva aziva kuti mukoma wake awoneka nyika, asi haana kuda kuzviratidza akaita kunge asinakunzwisisa. "Marevei sekuru?", anodero Mupwanyanzombe . Sekuru vakabva vatora vasharukwa vashanu pamwe chete naiye Mupwanyanzombe , Tumbare naMaronga kwakuinda muimba yematare . Muturikwa anotaura zvaayinge awona izvo zvakashamisa vasharukwa vaiva Mumba umu . Kana ari saMupwanyanzombe anoramba kuti mukoma wake haana kufa izvo zvakapa kuti ati ngatitosimuka ndinozvionera pamhino sefodya.
Shoko iri rakazivikanwa nevanhu vaPfumbamwe chete avo vaiva mumba umu vanova vakatorana kwakubuda mumuzinda vakananga kwaiva nezvitunha zvanamambo.
Vakafamba vasharukwa nevakagwinya munzira mose yaiva mwii mwii nhaka yemakonzo. Zuva richirereka vanosvika paiva nezvitunha paya vose vakangobata miromo yavo . Mupwanyanzombe akabva azviwisira pamusoro pamukoma wake ndiye mhere kwetsu . Rume guru rakachema zvakanzwisa tsitsi izvo zvakapawo kuti vasharukwa vaiva apa vaidonhedzewo misodzi . Zvekuti mambo havachemewi akava manyepo zuva iri .
Mupwanyanzombe ayiita kuzvibonderedza zvekuti chero kumufungira kuti ndiye nyamuparanzvongo waisamufungira. Mitumbi yose iyi hapana kana umwe chete wainge wakadyiwa nechikara . Vasharukwa vose vakagara pasi kwakutenderana kuti zvitunha zvinangwe nazvo kuninga . Vakatakura zvitunha zvavo kwakutanga kufamba kudzoka kumuzinda sezvo ninga yavo yaiva pedyo nemuzinda . Vakafamba ndokuti vava pedyo kusvika kumuzinda , Mupwanyanzombe anoona zvisingaiti kuti iye ayinde kuninga nekuda kwezvaayinge akaita . Akabva atsvaka zano rake rekuita apo ayinge ofamba akatarisa pasi.
Vanoti vachingoyambuka karwizi kaiva pedyo nemuzinda, Mupwanyanzombe anoona munzwa wemubaya mhondoro kwakutsunzunya ndokuutsika achiita kakugiya pasi ndokubva aridza mhere yakavhundusa vose vaiva apa . Vanocheuka wanei ndiMupwanyanzombe uyo ayinge owumburuka akabata gumbo rake . Pavanoti tsveee meso pagumbo wanei akabaiwa nemunzwa wainge wabudira pamusoro petsoka . Vanoisa zvitunha pasi kwakuyedza kumubvisa asi vose vakautadzakusvikira Muturikwa ati ngatitoinda kumuzinda sezvo achanovhura ninga hapachina . Vakabva vatakura zvitunha zvavo pamwe chete naiye Mupwanyanzombe .Vanosvika pedyo nemuzinda ndokumbomira kuti kusvibe vawane kupinda mumuzinda . Nguva yose yavainge vainda kunotora zvitunha mumuzinda makasara muine runyararo uye hapana akaziva kwainge kwaindwa nevakuru ava asi chavakangoita chete kuvaona vachibuda vari dungwe. Chirashauta akafunga kuti pamwe varikuinda kwaNyamatsimba akabva angoti nechomumoyo 'ndinoda kuona kunowira tsvimbo nedohwe', ndokubva ayinda kwaiva nana Mirirai naNyaradzai avo vaiva kunhanga yavo kwaayinoyaradza nekusimbisa hadzvanzi yake . Pakwakazoti hunderere ndiyo nguva inopinda vana Muturikwa mumuzinda kwakunanga kunoisa zvitunha zvose muimba huru yamambo zvino basa rakachitanga nderokubvisa munzwa Pana Mupwanyanzombe . Chirashauta kupinda kwevanhu ava mumuzinda haana kukuona sezvo ayiva mugota rake...........
KUMUZINDA KWAMAMBO NYAMATSIMBA
Mambo vanoti vagere mudare nemachinda avo nguva iyo zuva rotekaira kupinda munaamai varo vanoona Jinda rakayerekana rawira pamakumbo ndokuvhunduka kusanganisira vose vaiva mudare umu . Pavanoti tsveee meso avo pariri wanei ijinda rainge rakainda naMupwanyanzombe . Vanoritarira wanei meso aro akazara ropa kunyanya divi rekurudyi izvo zvinovakatyanadza . Vanoramba vakatarisa wanei imwe nzeve ava marubvu rubvu. "Mambo Wangu, Mambo Wangu", rinodero Jinda riya richinongedza kwarainge rabva nako. Madzvike anosimuka akafinyamisa chiso Ndiye vhomo bvumo rake kwakuringa kwainge kwabva neJinda iri asi chaakaona hapana. "Iripi Mhandara yandakakutumai", anodero Nyamatsimba nehasha. "Tasangana nemhondoro ikamutora uye yauraya vamwe vangu vose", rinodero Jinda riya . Mambo vachinzwa izvi vanonyemwerera nehasha , ndivo simu vhomo bvumo ravo ndiye nyaaaa mumusoro mejinda riye ndiri tatari tatarii sarai .
"Mupwanyanzombe asvasvavira nhongonya yangu , atamba nemadhaka pasina mvura , kuita kupinda nemwenje mudziva . Madzvike nguva iya yakwana ridza hwamanda yehondo ipinde munzira", anodero Nyamatsimba achiita kusekerera . "Ndinemi mambo Wangu murume haarohwi netsvimbo imwe ngatitume zvakare amwe machinda mashanu tive nerizere kana zvadero tochizopinda munzira , sei ndadero ?, Tinenge tichimirira vana Jerenyenje vakainda kunovhima vadzoke zvimwe pada mangwana vanosvika sekutaura kwavo totopinda munzira", anodero Madzvike sezvo mamwe machinda anehumhare ayinge abuda mumuzinda kuinda kumbonovhima . Mambo vanogutsurira musoro pamashoko ejinda ravo kwakubva vasarudza hwitakwi shanu . "Imi machinda sezvo rode kuvira muchaita zvokumukira runyanhiriri makananga kwaMudzvovakamwe munoti hanzi neni Nyamatsimba, Mupwanyanzombe wati ndiuye nehondo here?, ndiro shoko ramunotaura mopfumbira yenyu miromo", vakadero mambo Kwakubva machinda agutsurira misoro yawo.
"Zvimwe kuda tinogona kutevera nehondo kana vana Jerenyenje vakakurumidza kudzoka tikasangana munzira", anodero Madzvike .
Nyamatsimba ayionekwa kuti hasha dzakamuputira uyo akati kungopedza kutaura ndokutobuda mudare kwakunanga kuimba huru yake . Chitunha chakazosara chonopiswa kunze kwemuzinda iye asisipo . Madzvike akazotevera kwaiva naMambo uko kwavakanopangana mazano ekupindira Mupwanyanzombe mumuzinda chainge changovamisa ndevamwe vavo vainge vambopinda mumasango . Zuva rakazovira vanhu kwakuvata . Jongwe retatu richirira machinda mashanu aya anobereka zvombo umwe neumwe zvake ndokupinda munzira vakananga kwaMudzvovakamwe. ..............
KUPERA KWECHITSAUKO 13
❤️
🙏
👍
😂
😮
16