JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 7, 2025 at 03:07 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 14 KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE Mitumbi yana mambo yakanoiswa muimba huru umo makabva mavharwa kwakubva vatora Mupwanyanzombe ndokuinda naye kuimba yaiye Muturikwa uko kwaakasvikotora makwande emuvenga honye kwakumapisa mumoto kusvika ayita madota . Vanotora madota acho kwakumaisa mumvura ndokutsikisa gumbo riya rinemunzwa rakanyura tsoka yose. Zvinotanga kumutekenya tekenya kunge kakuvaviwa kwakubva Maronga atumwa tutokonya mafunzi kubva munzeve dzaiye Mupwanyanzombe . Pakati papera chinguva kwakuzobudiswa gumbo riya mumvura ndokubva pamunzwa patanga kuzodzwa mafunzi . Vanomira chinguva zvakare kwakuchizomubatirana munzwa uya uyo usina kunetsa kubuda asi rume guru rakasara richibova kunge mhuru yashaya Mai vayo. Vanomusunga muromo Kuti asaita ruzha sekuru kwakutanga kurapa gumbo riya nemushonga wekupedzisira wavainge vasara nawo muimba yose . Amwe machinda ose akachizonovata kudzimba dzawo asi Maronga naTumbare vanonzi vamuke rungwanani vachidzoka . Mupwanyanzombe nekuda kwemarwadzo anokasira kurara uye sekuru kwakunorarawo muimba yavo . Uyu akarara muneyekurapirwa asi Haana kurara hope dzakainda Kure akabva amuka ndokutanga kuchifunga kuti oyita sei panyaya yaakatanga iyi . Anonyemwerera mushure mekunge afunga zano . Mupwanyanzombe anoyeuka kuti ane imwe miseve yakafanana neyaakaurayisa mukoma wake yaayinge akasiya . Anoshingirira kusimuka kwakuvhura musiwo wake ndiye tsvabi tsvabi achibuda panze . Marwadzo anomubata asi semunhu ayiva nehurongwa hwakakosha akashingirira ndokunanga kuimba yake yekurara kwakusvikotora miseve iya iyo yaiva yasara mishanu kwakudzoka nayo kuimba kwaMururikwa . Anosvika kwakutanga kutsvaka zano rekuti ndochiita sei. Anobatidza tsvatsva ndokufambisa meso muimba mose kwakusanganidzana nenhava yasekuru vake iyo yaiva pachigaro chavo chavainge vagere . Anoisa miseve iya munhava iyi kwakubva adzima tsvatsva kwakuvata hake .Zviitiko zvose zvayiitika mumuzinda Madzingaidze ayizviona chero mashoko amukoma vake ayimanzwa asi haana kuva neshungu dzokuda kubatsira Mukoma wake . Ukuwo mbuya vamarwei vainge vasingachadi kuona muzukuru wavo kumba kwavo . Vakati paakada kumbonovakwazisa ndokubva vamuudza kuti usachasvika pano wakaramba kunditeerera . Marwei haana chakamurwadza asi kuti akatofara kwakudzokera hake kuimba kwake . Musi warara Mupwanyanzombe kuimba kwaMuturikwa Marwei akanorara mugota raMadzingaidze . Usiku hunova hwaiswa mambo muimba huru yavo Mirirai anoti akavata kwakutanga kurota. _Anorota akagara muimba yababa vake yehumambo vari vatatu iye naMandigona asi Mandigona ayiva agere pamakumbo pababa vake. "Vanangu zvinonzi kura uwone zviri panyika, dayi maidzidzisana kurwa pamaibuda mose kuinda kunovhima zvimwe dayi iwe Mirirai wava kugona kuzvirwira wega nekuti tarira zviri mberi uko zvakakumirira"_ anoita kupepuka achivhunduka Mirirai nekuda kwezvaayinge ataridzwa nababa vake kuhope izvo zvaiva mberi kwake .Mwanasikana anotanga kutya husiku ihoho kwakubva anoti kwati kwati naamai vake avo vakabva vapepukawo asi semunhu ayiva kuhope akangoti zvimwe mwana kungosvedera hake pedyo neni . Mirirai hope dzakazobata kusvika Apo paanopepuswa nehwamanda yainge yaridzwa kudare. Rungwanani Maronga naTumbare vakamuka kwakuinda kuimba yaMuturikwa sekutaura KwaMupwanyanzombe .Vakasvika mumba kwakukwazisana naye uyo ayinge aguri amuka kare. Mumba makaboita runyararo . Mupwanyanzombe anobva azonzwikwa kutaura . "Machinda ababa vangu ndakarwadziwa nekufa kwamukoma wangu pamwe Chete nemwanakomana wake . Asi ndine mubvunzo wangu wandoda mundipindurewo", Anodero . "Sandimi mega mambo wangu chero isu zviri kutirwadza uye ndiri kushaiwa kuti zvakafamba sei" , anodero Maronga pakarepo Muturikwa akabva apinda."Amuka sei marwadzo muzukuru", vanodero sekuru . "Zviri nane sekuru asi dayi manditsvakirawo mashizha emuvenga honye mandiisawo rungwanani runo paronda rangu", anodero Mupwanyanzombe. "Chirega ndimanye parwizi apo ndinoutora tiuye tionesane mafambisire atichaita mutumbi wamambo", vakadero sekuru ndokubva vatora nhava yavo iya yekuiswa miseve usiku kwakubva vabuda vakananga kurwizi. Panguva inobuda sekuru vasharukwa vaye vashanu vakabva vasvikawo kwakukwazisana . Mupwanyanzombe anochiindirira nenyaya yake mberi ."Vasharukwa masvikirana nenhau iri kunditambudza zvinoreva here kuti miseve yainge yakabaya mukoma wangu takatotadza kuiziva tose tose , nemiwo here vasharukwa", anodero Mupwanyanzombe. "Ini hakusi kutanga kuyiona miseve iyi asi kuti ndichiziva kuti ndakamboiwona kupi ndirikushaya", anodero umwe musharukwa. "Ipapo ndoparikundinetsa nekuti mukoma wangu haangaindi ega . Ndiri kuzozorora kana ndabata mhandu dzakaita mabasa aya. Ndichipora gumbo rangu tichateedza mizinda yose tichiona rupawo rwemiseve yavo kusvika tabata muzinda wemiseve iyi", anodero Mupwanyanzombe . "Iroro idama muzukuru asi tinofanirwa kumbonobvunza ruzhinji kudare zvimwe pada pangawanikwa angaziva", anodero umwe musharukwa. "Ndozvandanga ndichifunga chiregai sekuru vandatuma mushonga vadzoke tiinde kudare", anodero Mupwanyanzombe . Mumba makaramba muchitaurwa nyaya yekufa kwaMambo dzamara Muturikwa adzoka . Muturikwa anobva agadzira mushonga wake kwakuinda pagumbo remuzukuru wake kwakudira mushonga uya nepasi petsoka paanoda kuti adire nepamusoro anoona pakavharidzirwa nechitombo kwakubva avhomora museve munhava yake kuti atakunye chitombo ichi chibude asi kubudisa kwaakaita museve uyu wakabva waonekwa naMaronga uyo akabva aratidza kuvhunduka . "Sekuru ndaresva kuona here hationei museve uyu", anodero Maronga vanhu vose kwakuisa meso avo ikoko kwakubata miromo pamwechete. "Sandiwo wekubaya mambo here uyu", anodero umwe musharukwa achisvedera pedyo . Mupwanyanzombe anonyemwerera nechomumoyo kwakufinyamisa chiso ."Nemhaka yei Sekuru", anodero Mupwanyanzombe achisimuka paayiva misodzi ndiyo mokoto. "Muturikwa zvinomunetsa kuti zvafamba sei anoshaiwa kana Simba rekusimuka paayinge akatonona uye akaramba akangobata museve uya . Tumbare anovhomora miseve yose yaiva munhava yaMuturikwa kwakuona muineimwe miseve mina yainge yakaita sewekuuraya mambo wechishanu ndiwo wainge uchiri wakabatwa. Muturikwa akangodonha pasi uko kwaiva kupererwa .Mupwanyanzombe anoitwa kubatirwana sezvo ayinge ozviroveresa kumadziro emba achidana Zita rasekuru vake achitsvimha misodzi . "Shuwa here sekuru kuuya kutibata kumeso kuti masangana nezvitunha imi murimi nyakuuraya , makadiyi kuuraya hangu inini mukasiya mukoma wangu kana makasiya henyu rusvava urwo ", ayidero Mupwanyanzombe zvinova zvakapa tsitsi kunewese ayiva muimba umu . Pakazoti papera chinguva achinyararidzwa nemashoko enyaradzo nevasharukwa anonzwikwa kutaura . "Maronga newe Tumbare handidi kuona chiso chembwende iyi isungei muinde nayo kudare munoridza hwamanda ndiri kuuya . Anofanirwa kunoudza ruzhinji chaakauraira mukoma wangu ndinoda aurayewo neni pamwe chete nevana vangu", anodero Mupwanyanzombe apo ayinge asisachemi asi misodzi ichiyerera hayo nematama . Muturikwa anosungwa makumbo nemaoko kwakuindwa naye kudare .Vasharukwa vakasara vachitevera naMupwanyadzombe . Hwamanda yakaridzwa yekudana munhu wese iyo yakamutsa Mirirai kwakubva amanyirawo padare . Chirashauta achinzwa hwamanda iyi akatora zvombo zvake kwakuinda padare . Ruzhinji rwunoshamisika ruchisvika Muturikwa akasungwa akagariswa pachigaro . Vanhu vose zvavainge vauya kusanganisira Mambokadzi , uyu Maronga anobva asimuka . "Mangwanani vakuru nevadiki, madaidzwa kuti munzwe mashoko aMuturikwa azvitaurire oga pachita . Muturikwa taura nyaya yako vanhu vazive", anodero Maronga. Muturikwa ayinge akatsikitsira ndokusimudza musoro wake . "Handina mashoko andiinawo uye chandasungirwa pano handichizive", anodero Muturikwa ndokuyerekana arigadzwa ganyamuto naMupwanyadzombe . Chirashauta achiona izvi anoda kusimuka asi anonzwa kubatwa Shure kwake zvakasimba ndokucheuka wanei ndiMirirai uyo ayinge anogara kuvarume uye Chirashauta akabva adzokera kugara pasi. "Hatidi kupedzerwa nguva Maronga taura zvakaitika atevere vaakatungamidza", anodero Mupwanyanzombe zvisina kunzwisisikwa neruzhinji. "Maronga anotanga kutsanangura kuuya kwakaita Muturikwa nebvumo raMambo achiti Awana vakafa ndokubva vainda kwavainge vaonekwa kwakunoona zvedi mambo vakafa .Ndokurondedzera kutadza kuziva kwavakaita museve wainge wavauraya asi kwakuzouwana irimiseve yaMururikwa. Vanhu pavanonzwa kuti mambo vakafa vanorwadziwa uye Mambokadzi vakabva vangoomera pavainge vakagara avo vainge vakazendama parusvingo rwedare izvo zvisina akaona kuti Mambokadzi vatotevera murume wavo . Ukuwo Mirirai anoiridza mhere arikuvarume kudero asi akabva abatwa naChirashauta uyo akabva asimuka . "Baba , baba", anodero Chirashauta munhu wese ndokunyarara . "Handina kunzwisisa muri kuti afa ndiyani nani? ", anodero Chirashauta neinzwi riri pasi pasi. "Mambo naMandigona pamwechete na Mutangemhanza hakuchina mwanangu", anodero Mupwanyanzombe. "Vangu baba havana kufa newangu mukoma haana kufa iripi mitumbi yavo", anodero Chirashauta uku akaisa Mirirai pakati pemaomo ake. "Tumbare inda unomuratidza", anodero Mupwanyanzombe ndokubva Tumbare afamba kubuda mudare uye Chirashauta naMirirai kwakutevera kusanganisirawo Madzingaidze anoteverawo . Tumbare akangovhura musiwo iye haana kupinda vana Chirashauta ndivo vakapinda . Mirirai akangopinda achidaidza baba vake zvineiwo vanowana zvedi mitumbi irimo . Uyu Madzingaidze paakangoti baa anonzwa Hana yake kurova ndokubuda achimanya kwakunozviwisira pamakumbo ababa vake . Mirirai anochema arimo asi Chirashauta haana kubvira awisa misodzi pasi kwete kuti ayisarwadziwa bodo asi ayiva pakutsvaka kuti zvakafamba sei asi akashaiwa . Akazoti papera chinguva ndokuchidonhedza misodzi yake iyo yaiwira pamusoro waMandigona uyu Mirirai ayiva pana baba vake . Chirashauta anonzwa kupindwa nesimba guru kwazvo pamwe chete nehushingi kwakubva apukuta misodzi yake ndokuinda pana Mirirai. "Chinyarara Mirirai baba vafambe zvakanaka", anodero Chirashauta kwakutora bvumo raMambo kwakupa Mirirai muruoko rwerudyi ndokutora nhava yaMandigona yemiseve kwakupazvakare Mirirai . "Zvakatarisana newe hadzvanzi zvikukutu zvino kubva nhasi zvombo izvi usasiya pose pauri . Ndichakudzidzisa kurwa semvumba tozotsiva rufu rwamambo .Hongu uyo arikunzi akauraya mambo asi kuzodzwa mafuta enguruve yaasina kudya", anodero Chirashauta asi apo raingova inzwi rake chete raitaura sandiye mbune. Chirashauta skabva abata Mirirai ruoko kwakubuda mumba umu kwakuvhara musiwo nekunze ndokubva vatanga kufamba kuinda kudare asi Chirashauta achifamba kudero anonzwa kunge anga akabereka nhava yairema pakarepo anotura befu kwakutsikitsira akabata mabvi ake ndokubva azotanga kufamba achiinda kudare .Chirashauta achinopinda mudare musoro wake unotanga kutema zvaasina kunzwisisa ndokutanga kunzwa dzungu ndiye pasi . Anowira pamakumbo eumwe musharukwa . Vanhu vachiona izvi vakafunga kuti nyaya yekufa kwamambo ndiyo yakonzera asi bodo . Mirirai kuchema haana kukurega dzamara atorwa nevamwe vakadzi uwe wavo Ari Nyaradzai. _Chirashauta zvaakawira pasi anotanga kuona Mutangemhanza Ari mberi Mandigona achitevera mambo vari shure .Anoramba akatarisa kwakuona bvumo raakafananidza richibaya Mutangemhanza mumusoro kwakubudira sei ndokunobaya zvakare Mandigona ndokubudira seri parinoti rinobaya mambo Chirashauta akabva asvinura mushure mekudirwa mvura. Akangopepuka kwakuramba akatarisa panhu pamwe chete achinetsekana kuziva kuti bvumo raayinge awona akarifananidza ayinge arifananidza nerani asi akatadza kuziva anoyeuka zvakare kuti sandikutanga kudzirora_. Zvainge zvoitika paari anotadza kunzwisisa asi anozoita kubengenuka neinzwi rababa vake . "Vanangu nemi machinda ose muurayi nepfumo anourawawo nepfumbo muurayi nemuseve anourawawo nemuseve. Ndanga ndakamirira kudzoka kwako Chirashauta . Sandi kuda kwangu sekuru kukuurayai asi zvamakaita mukoma wangu ndozvandichakuitai", anodero Mupwanyanzombe achibva avhomora bvumo rake kwakurisimudza mudenga asi anonzwa Muturikwa kutaura . "Muzukuru uchafa rufu runorwadza kana ukandiuraya nekuti ini handina mhaka . Kuneavo vachasara Mirirai haranga Yamambo Gumbura ichaparadza mharapatsetsets..........", Havapedzisi kutaura sekuru mushure mekunge pfumo ravagara mumusoro panhongonya ndivo sarai . Ropa rakaita kutsatikira muvanhu . Chirashauta akangobata kumeso kwake haana kuona sekuru vachiuraiwa . Kutsanangurwa kwainge kwaita kubva pakunzi Muturikwa ndiye nyakuuraya mambo nejinda guru ravo na Mandigona hapana aakazvipikisa sezvo ndivo vainge vaonekwa vaine miseve yakafanana neyaakaurayiswa mambo . Hapana kana munhu umwe chete akafungidzira kuti Mupwanyanzombe ndiye nyakupwanyanzombe bodo."Tichinge tapedza kuchengetedza mambo wedu hapana anotenderwa kubuda mumuzinda kusvika mazuva gumi nemasere akwana . Machinda matatu simudzai mbwende iyi munoipisira kunze kwemuzinda, vasharukwa vekunochengetedza mambo tosangana kuimba huru yamambo newe Chirashauta. Vamwe vose simukai henyu", anodero Mupwanyanzombe . Vanhu pavakati vachipararira inonzwikwa imwe mhere kuvakadzi avo vainge vaona kufa kwaMambokadzi. Vazhinji vakashamisika nechiitiko ichi asi vakuru vakaziva kuti varohwa nehana nekuda kwemashoko ekufa kwemurume wavo pamwe Chete nemwana . Mirirai paanonzwa kufa kwaamai vake mwanasikana akaita kunge achatsemuka muromo nekuchema . Kana ari saChirashauta namai vake vakaratidza kurwadziwa kukuru kwazvo . Munhu wese akarwadziwa nekufa kweimba yemambo . Chokuita painge pasina zvisinei Mupwanyanzombe anozogara pasi nevasharukwa kuti vachinoviga mambo sezvo ayinge achiri mangwanani . Vasharukwa vakati mambo anovigwa usiku asi Mupwanyanzombe akazviramba kwakuti ngaanovigwa izvozvi mangwanani iwaya uye akabva ati Chirashauta ndiye achainda sezvo iye ayiti gumbo rangu harisviki kuninga rinorwadza. Vasharukwa vakatorana vari vatatu wechina ari Chirashauta kwakunanga kuninga vaine mutumbi waMambo newa Mandigona. uye vamwe vasharukwa vatatu vanotorawo mutumbi wamambokadzi newa Mutangemhanza kwakunindawo kuninga yeruzhinji . Mupwanyanzombe anosara otanga kufunga nezvokuindisa Mirirai kwaNyamatsimba. Chirashauta achiinda kuninga ayinge akangonyarara vasharukwa ndivo vaitaura iye haana chimwe chaakaisa mumusoro make pane zvose zvavaitaura . Vakasvika paninga ndokubva Chirashauta audzwa zvokuita kuti ivhurike sezvo ayinge asati ambokuuya . Mwanakomana anopfugama ndokutanga kuombera achidetemba mutupo wake musiwo weninga kwakuzaruka . Anoisirwa mambo mumaoko ake ndokupinda uye umwe musharukwa kwakupinda akabata Mandigona .Vachingopinda musiwo unobva wavharika asi vamwe vasharukwa vakasara panze. Muninga munoita chaedza kwakuona zvigaro zvaivapo kwakugadzika mitumbi yavo iyo yakatenda kufonyoka yega kugara kunge Munhu mupenyu .Vachipedza kuita izvi ninga inovhurika kwakubva musharukwa abata Chirashauta ruoko kuti vabude muninga asi vanoti vasvika pasiwo Chirashauta anomira kwakucheuka paayinge asiya mitumbi musiwo unobva wabvarika mushure mekunge musharukwa abuda masara Chirashauta chete. Chirashauta anoona harahwa yayiuya kwaari ndokuramba akaitarisa asi inobva yamira kwakutanga kutaura. _"Uchava muparadzi wevavengi , aripo wauchatadza kuuraya umupe chuma chiri muruoko mako . Aripo uyo achava mugashidzi wemuridzi wehumambo sei ndadero. Tarira kurudyi kwako , vaviri vaunoona avo vakamirira haranga Yamambo Gumbura kuti vazive kuti Ndiyani mambo asi iwewe chishinga tarira waita mutete pane yako mitoro asi chishinga"_ Chirashauta anotarira kuvaviri vairehwa asi anotadza kuvaziva . Paanodzosa meso ake kuharahwa iya anoiwona yatova chinhambwe kubva paayiva . _"Inda unoshinga muzukuru mutoro wawaremedzea mukukutu unorema"_, inodero harahwa iya zvakare siwo kwakuvhurika ngokubva abuda . Vanodzokera kumuzinda uyu Chirashauta ayingova anyerere. Akasvika ndokugara pasiwo regota rake akabata shaya achidzeya mashoko ekuninga , agere kudero anoona kajaya kechidiki kaiva nechokurudyi kwake kuri kumucheto kwechivanze ako kaizvidzidzisa kutepfenyura miseve kwakubva Chirashauta asimuka kwakuinda pakaiva. "Chikomana" , Anodero achitonona pakaiva . "Maswera mukasei mukoma Chirashauta", kanodero kajaya kaya. "Ndamuka zvakanaka ini wandiziva ini ndisingakuzivi unonzani", Anodero . "Ndinonzi Chemedzai", kanodero kajaya kaya , Chirashauta akabva angocheukawo kurudyi kwake mushure mekunzwa kutaura anoona machinda mashanu awo aanocherechedza asi anotadza kumaziva. Anoramba akamatarisa kwakuona zvipfeko zvawo zvakafanana nezvainge zvakapfekwa nemachinda aakarwisa awo ayinge ayina Mirirai. Machinda aya anonanga mudare. Chirashauta akabva aziva zvainge zvotora nzvimbo kwakubata kajaya kaya ndokupinda mugota make pane zvaayinge afunga . "Chemedzai ndinoda kukudzidzisa kurwa unoda here", Anodero . "hongu mukoma ndinoda", Anodero achifara. "Kana uchida ndinoda kukutuma mudare sara muno Ndiri kudzoka", akadero Chirashauta kwakusimuka ndokunanga kuimba kwaamai vake uko kwaanowana Mirirai akavata akaisa Musoro wake pemakumbo amai Chirashauta uye Nyaradzai akagarawo kurudyi . Chirashauta anotora mvura yaidziya yaiva pamoto kwakudzoka kugota rake . Anotarisa tarisa muimba make kwakuona dekwe reshumba raivamo kwakuritora ndokucheka chimuswe chaivapo kwakupa kajaya kaya . "Ndinoda unobvunza baba vangu gumbo ravo rinorwadza uvati unoda kuvapisa pisa asi ndinoda uteerere zvose zvichataurwa imomo uzouya uchindiudza", anodero Chirashauta . Kajaya kaya nonotora mvura iya ndokuinda kudare uko kwaanosvika Mupwanyanzombe achiri kukwazisana nemachinda aya . "Mambo wangu mune gumbo rinorwadza ndauya kukupisai pisai", kanodero Chemedzai . Mupwanyanzombe achinzwa mashoko aya anotarisa kamunhu kacho wanei karusvava ndokutarisa zvakainge kakabata asi zvinovarambira . Chakangouya mumusoro mavo ndechokuti vadzimu ndivo vavaringa ndokubva vanyemwerera kwakutambarara gumbo ravo kajaya kaya kwakutanga kupisa pisa. Mupwanyanzombe kuona kwaakaitawo machinda aNyamatsimba achipinda mudare anovhunduka sezvo nyaya yacho ayinge atoiziva . Zvisinei rimwe rejinda rinonzwikwa kutaura panguva iyo inotangwa kupiswa piswa kwake. "Shoko raNyamatsimba ratakapakata rinoti Mupwanyanzombe ndouya here nehondo yangu", rinodero jinda .Mupwanyanzombe anonzwikwa kutaura befu kwakuzoti. "Kwete zvehondo asi manatsa mauya regai ndiite mutoinda naye musikana wacho aripano hake kungoti Vaya vakatanga kuuya vakasvika asipo ayinge ambofamba", anodero Mupwanyanzombe uye kajaya kaya mvura yainge yapora saka kakabva kawoneka uye Mupwanyanzombe ndokukatenda . Kanonanga kugota raChirashauta uko kwaanomuwana akagara pamusiwo pakare . Kajaya kaya kakataura zvose zvainge zvataurwa izvo zvinoita kuti Chirashauta ashatirwe uyo akabva ati kajaya kaya kachiinda kunotamba . Chirashauta anosara achivira nehasha ndokusimuka kupinda mugota rake kwakutora zvombo zvake ndokubereka anotora bvumo ndokuribaita muchiuno pamwe chete nebakatwa . Anobva adzisa uta hwake kwakuhubata muruoko kwakudzokera kugara pamusiwo pake. Anovhomora miseve mishanu kwakuitsveta pasi kuruboshwe kwake uye uta ndokuhutsveta kurudyi kwake pari pasi . Mwanakomana ayinge afunga kuzadzisa zvaayinge akareva pazuva razuro . Chaayida ayida kuona ayizonobata Mirirai obva amutambidza zvezera rake ............... KUPERA KWECHITSAUKO 14.
❤️ 👍 🙏 😂 20

Comments