JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 8, 2025 at 04:58 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 15 Mukombachoto anoita kuvhunduka mushure mekunzwa kuti pfokocho pfokocho avo vaiva vene vebako vaitofamba vachiita kunyangira sezvo vainge vanzwa kunhuwirira kwenyama isina makushi. Anonzwa kufamba kuchiuya kwaari ndiye vhomo bvumo rake kwakuti kwati kwati nematombo mubako imomo . Shumba inofamba zvishoma zvishoma iyo yainge yatoona kusimuka kwaMukombachoto sezvo kwaiva nejena guru . Shumba ichisvika pasiwo rebako inobva yati svetu kunanga paiva naMukombachoto uyo asina kuda kutambisa nguva anobvawo asvetuka akabata bvumo rake nemaoko ose zvakasimba kwakusangana pakati ndivo vose pasi Shumba pamusoro Mukombachoto pasi ropa anoriona akavata kudero iro rinoyerera nepamusoro pake richiuya kuhuro uye Shumba yainge yatobudisa rurimi panze . Anotura befu sezvo ndiko kaiva kokutanga kuuraya Shumba kubva chibarikwe chake. Anotora nguva refu akavata kudero ndokutanga kunzwa kurira kweshiri akaziva kuti kwayidza . Anobva atanga kuchinetsana nekuzvibvisa mukutsikirirwa Kwaayinge akaitwa sezvo Shumba iyi yaiva huru kwazvo . Akazozvibvisa kwakuvesa moto wake chainge chomushungurudza inyota asi kwekuiwana mvura painge pasina . Mukombachoto anobva agara akazendama pashumba iya kusvika apo kunze kowoneka kuchena. Kuchingochena anotanga kuvhiya Shumba iya kuti atore dehwe rayo nechiropa ndizvo chete zvaayida sezvo imwe nyama ayiva nayo . KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE Chirashauta ayinge agere pasiwo regota rake akamirira kuona achafamba achiinda kuimba yaiva naMirirai asi hazvina kuita semafungiro ake . Zvakamunetsa ndokubva ambofunga kuti pamwe kuda chimujaya chiya chamunyepera . Akabva asimuka paayiva kwakubereka zvombo zvake kumusana bvumo ndiro muruoko kwakutanga kufamba akananga kudare uko kwaanoti oda kusvika anonzwa zvaitaurwa ndokubva agutsurira musoro wake . "Ndanga ndatokanganwa machinda aNyamatsimba ndichangobva kuviga mukoma wangu nhasi zvino panyaya yekuti mubude naMirirai izvozvi hazvichaiti nekuti murawo wedu unoti mambo vachinge vachangovigwa hapana anotenderwa kubuda mumuzinda Saka ndichaita kuti mubude naye usiku vanhu vose varikuutsi kwehope", anodero Mupwanyanzombe. "Ndizvozvo ndichatuma machinda achanomusunga chenyu kungozosimudza chete mobuda nemunhu wenyu", anodero Tumbare izvo zvaiva munzeve dzaChirashauta uye machinda ayiudzwa haana kupikisa sezvo vaizvizivawo nyangwe kwavo uye zvaitoyera kana ukabuda mumuzinda mambo vachinge vachangofa waigona kutonofirawo kwauri kuinda kana kunosangana nezvemusango ukadzoka wava chirema. Chirashauta paanonzwa Tumbare achirutsa mashoko ake anovira nehasha akabva afunga kuda kumugadzika parufuse . Mwanakomana akabva adududza kudzokera kugota rake kwakunosiya zvombo ndokuinda kuimba kwaiva namai vake pamwe chete naMirirai uyo ayinge achiri akarara . Haana kugaramo sezvo munhu waayida kutaura naye ayinge akarara Saka akamusiya akadero ndokubva abuda kuinda pabvute remumvee waiva pakati pechivanze apo paanosvikorara nemusana makumbo ari mudenga . Chirashauta ayinge angoti regai ndimbozorora asi anobva atobatwa nehope pakarepo ndokutotanga kurota. _Anorota achifamba ndokuona mberi kwake kuina Mirirai neimwe harahwa iyo yaasina kuziva . Anomanya kuti avabate asi asati asvika pavaiva anonzwa harahwa iya ichitaura yakabata Mirirai ruoko, "Muzukuru uchava murwi mukuru kwazvo achazivikanwa matunhu ose asi uchange uchidanwa nezita reumwe mambo uyo akamirira kusvika kwako mudunhu rake kuti umupe humambo hwababa vake uhwo hwakatorwa nemutorwa anova mubvakure zvisina ani nani vanoziva sezvo vanoti ndiye mambo . Saka kusvika kwako ndiko kuchaita kuti Vadzimu vedunhu iri vapepuke. Asi zvose izvi zvinoitika kana iwewe wapunyuka pasaka reshumba pauri apo . Tarira nguva yakwana chisimuka wakananga kumaodzanyemba unotsvaka muzinda uyo uri kutongwa nedemo upe vene vawo. Asi kufamba kwauchaita usatendera kubatwa mukati mechanza chako kana iwewe kubata mukati mechanza chemunhu nekuti zvikaitika izvi ndawona maita nyama yamagora. Asi nyakutanga kudya mitumbi yenyu achava munhu . Tevedzera mashoko andareva unokunda asi ukamatanyanga unowirapasi. Ukazonge uri mupenyu achava murume wako unomuona nechuma ichi......... "_ anoti pepu Chirashauta asati awona chuma chaitaurwa . Mushure mekumutswa naKurai uyo anova Mwanakomana waMutangemhanza ayinge achangogashira shoko rekufa kwababa vake sezvo ayinge arimusango achivhima Saka nguva iyi ndiyo yaitova yekusvika kwake . Kurai anobvunzurudza nezvokufa kwababa vake izvo zvainge zvamurwadza asi zvaakaudzwa naChirashauta ndizvo ndizvo zvaayinge audzwawo naamai vake kuti Muturikwa ndiye anzi akauraya . Kurai zvinomurambira kuti Muturikwa angauraya baba vake sei ivo vaiwirirana. Anochema akagara pasi izvo zvakarwadza Chirashauta anova akazomu Nyaradza. Chirashauta akaudzawo Kurai nezvanyaya yaMirirai iyo inova yakamurwadza ndokuvimbisana kumira vose. Vaviri ava Vakazoparadzana Kurai ndokudzokera kumba kwavo. Chirashauta anosara achifunga nezve hope dzaayinge arota idzi dzaanoona kuti nezvayiitika mumuzinda zvakanaka kuti Mirirai atobuda mumuzinda musi uyu akaonawo iri imwe nzira yekuti hadzvanzi yake izove neupenyu husingaperi nekuti pachake ayiziva hake kuti rume rimwe harikombi churu ndiye nyakuyambirawo vamwe panguva iyo Mandigona achipo ndiwo waiva mutauriro wake. Asi nehushingi hwaayiva nahwo akafunga kusada kuti Mirirai abude mumuzinda asi anoyeuka mashoko amambo vachivapenyu vaigarotaura kuti ukarota hope uchitaura nemusharukwa teedzerai mashoko avo nekuti vadzimu vanenge vashanya. Paakangofunga mashoko aya anobva asimuka kuinda kumba kwaamai vake ndokusvikogara Pachigaro chaiva pedyo naMirirai uyo ayinge amuka asi ayinge akasuruvara. "Maswera sei amai" akadero sezvo nguva dzainge dzanguvaira . "Ndaswera hangu mwanangu waswerawo sei . Ko Madzingaidze wandisingachambooniwo ayindepi", vanodero Amai . "Ndaswera hangu amai . Uyo anenge ari kushamwari dzake", anodero . "Nhai mwanangu machinda apinda muno mumuzinda abvepi haasiwo here evamwe vaya vekumbotora Mirirai", vanodero amai. Ndiyo nhau yandatopindira muno ndanzwa vachiti vanoda kumutora usiku zvino pane zano randafunga. Mirirai anofanirwa kumbobuda mumuzinda muno ozodzoka kana ndapedzerana newese arikuita kuti anoita Mukadzi waNyamatsimba . Zvikaramba zvichinetsa ndichanogadza Nyamatsimba bvumo kuti ipere sezvo ndiye hunde yenyaya iyi", anodero Chirashauta . "Obuda muno achiindepi nhai mwanangu", vanodero amai. "Izvo hazvinetsi ndichabuda naye ndonomusiya kune umwe muzinda ndosiya ndataura namambo veko hameno anoda here Mirirai wacho", anodero Chirashauta. "Ini mukoma ndinoita chose chamareva nekuti ndimi masara mava baba vangu", anodero Mirirai . "Panoinda Mirirai ini ndendiripowo handisari", anodero Nyaradzai . "Hakusi kuti ndagumirwa kukudzivirira hadzvanzi yangu asi chimwe nechimwe Chine nguva yacho uye ndichange ndinewe ungava urikure neni kana pedyo. Munoinda mose henyu Nyaradzai Saka kana wabvuma chirega ndigadzire zvekuti tizofamba zvakanaka uye tiri kubuda kunze kwangoti hunderere", anodero Chirashauta hapana akapikisa . Chirashauta akabva ainda kudare kwaiva nababa vake . "Baba mangwana rungwanani kuchiri kwakasviba kunodiwa munhu kuninga pane murume wandakasangana naye muninga akadero", anodero achinyepa hameno kuti ayinge azvifunga nguvai. "Wanatsa wataura mwanangu asizve tarira gumbo rangu richiri kurwadza Saka wotomukira iwewe", anodero Mupwanyanzombe izvo zvisina kupikiswa naChirashauta sezvo ndizvo zvaayida kuitira kuti awane kuperekedza hadzvanzi yake. Akabva azosimuka kwakunanga kugota rake ndokutsvaka mushonga waayiva nawo wekudzinga zvikara zvesango asi anoita rombo rakaipa kuushaiwa izvo zvakamunetsa asi akazosiyana nazvo . Anobva atora chimukuyu kwakuisa munhava , anowedzera imwe miseve munhava yake . Zuva richingovira kwati Hunderere Chirashauta anowoneka amai vake kwakutorana naMirirai uyo ayinge ayine bvumo rababa vake nemiseve yacho uye bakatwa . Uyu Nyaradzai ndiye akabata nhava yechimukuyu nedeteni raiva nemvura . Chirashauta anotora bvumo raishandiswa naMandigona kwakuripfekera muhudyu ndokutora zvakare riye raakapihwa nababa vake kwakuribata muruoko . Anotora nhava izere nemiseve nebakatwa rimwe chete ndokubuda Mumuzinda nekusiwo repunyutso. Vakafamba ndokuyambuka rwizi kwakubva Chirashauta amira pane zvaayinge afunga . "Mirirai ndoda mumire pano pane chandakanganwa", anodero Chirashauta achibva atotendeuka kudzokera kumuzinda . Mupwanyanzombe akaswera zuva iri ayine machinda aya vakamirira kuvira kwezuva zvineiwo rakavira kwakubva Tumbare asarudza machinda matatu ayizonosunga Mirirai oyigira machinda aNyamatsimba . Machinda okusarudzwa akaratidza hushingi hwavo nekusaramba . Uko Chirashauta paakadzoka mumuzinda anonanga mugota rake ndokutora makashu ake kwakunanga kunhanga yemwanasikana waTumbare uyo ayinzi Sarudzai uko kwaakangosvika achivhura musiwo zvineiwo mwanasikana panovhurwa musiwo anofunga kuti mukomana wake auya sezvo ndiwo ayiva magariro avo dzimwe dzenguva vaitorara vose semurume nemukadzi izvo zvaisaziikanwa nevabereki. "Chirashauta akangopinda sezvo maiva netsvatsva yaibaka haana kuzvitsaka anonanga paiva naSarudzai kwakungosvikomubata muromo izvo zvinomushamisa pamwe chete nekumuvhundusa anoda kuyedza kudaidzira asi ayinge atononoka sezvo Chirashauta ayinge otosunga muromo. Sarudzai anosungwa muromo maoko nemakumbo nenguva pfupi pfupi kwakubva asimudzwa kwakunoiswa munhanga yaMirirai . Chirashauta paanoti abude munhanga iyi anonzwa kufamba panze awo ayiva machinda okutumwa naTumbare sezvo ayinge ambouya akawana musina munhu Saka pavakazoona achipinda vakati ndiMirirai kwakubva vatanga kufamba vachiuya. Chirashauta anodzokera mukati kwakuvhomora bakatwa rake uye musiwo anousiya wakashama . Jinda raiva mberi rakapinda iro rakabva rasanganidzana nezvarainge risina kufungira . Rakangoyerekana bakatwa ravapahuro uku muromo wakabatwa ndokubva rachekwa gurokuro kwakuwisirwa pasi . Jinda raitevera parinonzwa kuwiswa kwemutumbi weumwe waro rakafunga kuti pamwe Mirirai ava kurwisa kwakubva rapinda richimanya . Kupinda kwarakaita richimanya rinosanganidzana zvakare nechaputsa umwe waro asi iri rakaitwa zvekugutwa musoro hauna kusara pamutumbi bodo. Retatu rainge rakati sarei chinhambwe Saka zvose izvi zvayiitika harina kuzviona sezvo rakanonokawo kusimuka pakasimuka vamwe. Chirashauta akabva abuda mugota riya akabata Sarudzai muruoko . Jinda riya raiuya parinoona munhu achibva mberi kwaro rakangoti ndevamwe varo kwakubva ramira uyu kwakusvika . "Chiindawo naye unovapa", anodero Chirashauta achinge achinja inzwi uye Jinda riya rakabva ragashira kwakutendeuka kunopa machinda aya ekwaNyamatsimba awo ayinge amire mudare . "Ndauya naye", rinodero Jinda riya richipinda mudare asi harina kuzoramba ropinda sezvo vose vaiva mudare vainge vouya kumusiwo. Mupwanyanzombe , Tumbare naMaronga Vaivapowo asi havana kuona kuti sandiye Mirirai. Machinda aNyamatsimba anotora Musikana uyu kwakubuda mumuzinda avo vakaratidzwa kwekubuda nako kunova kusiwo repunyutso izvo zvaiva mumeso aChirashauta.Chirashauta anobudisa mitumbi iya panze pamusiwo waMirirai ndokuisiya iripo iye kwakuchibuda mumuzinda ndokudzokera kwaayinge asiya vana Mirirai uko kwaakasvika varipo. Anotorana nehadzvanzi dzake kwakutanga kufamba vakananga divi remaodzanyemba sekurota kwaayinge ayita . Vakafamba vatatu ava husiku hwese nguva iyi kunze kwainge kusina kana chinoti tsvori kwakanyarara kuti ziii. Vanopota makomo matatu ndokuzoti pavanoyambuka rumwe rwizi ndiyo nhambo inobuda hweva . Havana kuzorora bodo vakaramba vachifamba dzamara vasvika panguva iyo k tsinga dzezuva dzotanga kuonekwa Chirashauta anomira kwakudzungudza musoro sezvo ndiye ayiva mberi izvo zvakavhundusa vaiva Shure pakarepo anovhomora bvumo rake kwakuribaira pasi ndiye tendeu kutarisa kumashure chiso chichinge nyati yakaruma uswa. ........... KUPERA KWECHITSAUKO 15
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 34

Comments