JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 9, 2025 at 05:14 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA*
⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️
https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT
*✍️CHINYAKARE NOVELS✍️*
WRITTEN BY
JOHN MANDONGWE
_📞+278454121O5_
_📞+263779698O11_
_*FOLLOW CHANNEL YEDU*_
⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a
*JOIN COMMENT GROUP*
⬇️⬇️
https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR
CHITSAUKO 16
KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE
Nguva iyo inoonekwa tsinga dzezuva Chirashauta anomira kwakudzungudza musoro wake sezvo ndiye ayiva mberi izvo zvakavhundusa vaiva Shure kwake . Pakarepo anovhomora bvumo rake kwakuribata zvakasimba ndokuribaira pasi ndiye tendeu kutarisa kumashure chiso chichinge nyati yakaruma uswa. "Zvaita sei mukoma", anodero Mirirai . "Mwana waamai vangu ndarwadzisa ropa risina mhaka , handisi Munhu weutsinye asi kwanga kusiri kuda kwangu . Moyo wangu warwadza pandaona chikomo icho", anodero Chirashauta . "Muchirevei mukoma", anodero Mirirai. "Ndakanzwa Tumbare achitaura iye kuti ndiye achaita kuti iwewe uyinde kwaNyamatsimba zvino paya pandakadzokera kumuzinda ndakanotora Sarudzai ndikamusunga ndokumuisa munhanga yako ndiye ayindwa naye kwaNyamatsimba sezvo varikufunga kuti ndiwe . Chikomo icho ndicho chekwaNyamatsimba saka pandachiona ndarwadziwa hadzvanzi . Sarudzai haana mhosva asi baba vake ndivo vanemhosva yechokuita pauri kuti uyindiswe kwaNyamatsimba", anodero Chirashauta uso hwake hwatosuwa uyu Mirirai akaramba akatarisa panhu pamwe chete , paanoda kutaura anonzwa mukoma wake ava kutaura .
"Ndafunga kunomununura asati asvika mumuzinda waNyamatsimba asi imi muchasara uye ini ndichati ndamununura kana ndikakunda ndikasaurawa ndinodzoka toyenderera mberi nerwendo . Imimi ndinoda mufambe kusvika mabata chikomo icho monondimirira pachikomo ichocho musasimuka ndisati ndadzoka asi kana rikavira ndisati ndasvika ndinenge ndakurirwa zvimwe pada ndatevera mambo namukoma . Kufamba kwese kwamuchaita musabatana muzvanza zvenyu nekuti munoita nyama yamagora", anodero Chirashauta . "Hapana chakaipa Mukoma indai kunomununura isu tichaita semashoko enyu asi kukurirwa hamukurirwi ndini ndadero", anodero Mirirai kwakubva afamba kuinda paiva namukoma wake ndokumbundirana . Vachipedza kumbundirana Chirashauta anofamba kuinda paiva naNyaradzai kwakumumbundira apo vanoita nguva refu vakadero kwakuzobvisana zvishoma nezvishoma meso avo anoyerekana atarisana izvo zvakaita kuti Mirirai anyemwerere .
Chirashauta akazoita kuvhunduka mushure mekunge Mirirai akosora ndokubva varegedzana . "Ndava kuinda hadzvanzi dzangu muteedzere mashoko andareva", akadero Chirashauta ndokubva atotendeuka kwakutanga kufamba akananga gomo rekumuzinda kwaNyamatsimba. Mirirai naNyaradzai vanosara vakatarisa mukoma wavo achiinda . Chirashauta haana kubvira acheuka Uyo anoti apota pota zvimiti kwakutanga kumanya izvo zvaingova mumeso ana Mirirai. Mwanakomana anomanya akananga gomo haana kana kufamba bodo.
Kusara kwakaita vana Mirirai vanoti vasingachaoni Chirashauta vakabva vatanga kufamba vakananga gomo rainge rataurwa naChirashauta . Vaifamba zvishoma zvishoma sezvo gomo racho rainge riri pedyo pedyo . Vakafamba nguva duku duku ndokusvika pagomo riya kwakugara pasi peumwe muti waivapo ndokutanga kudya havo chimukuyu chavo . Zuva rinoti kwire kwire vakagara ipapo Mirirai semunhu ayige ajaira kuzvishambidza ruviri kana rutatu pazuva anonzwa kuti zvandava pane chiri kushota kwakubva aziva kuti kugeza ndokubva vataurirana kuti ngatitsvake kunemvura tigeze . Nyaradzai achinzwa yekugeza anobva atosimuka.
"Ngatiinde hameno toiwana here mvura yacho", anodero Nyaradzai asi Mirirai paanoti asimuke anobva aresva kutsika kwakuwira pasi .
Nyaradzai achiona izvi anorwadziwa kwakufamba kuinda paayiva kuti amusimudze zvineiwo Mirirai anonenekedza ruoko rwake kwakubva vabatana mumaoko kwakubva asimuka asi kusimuka kwakaita Mirirai hana yake inotanga kurova asi haana zvaakafungira bodo. Vanotanga kufamba vachiinda kurudyi kwavo . Vakafamba chinhambwe ndokusvika panerumwe ruware urwo rwaiva rwakareba kwazvo ndokutanga kurwuteedza . Vakati vafamba chinhambwe vabuda muruware rwuya kwakuyambuka chimwe chikohora ndokuti vava seri kwacho kwakutora imwe nzira yaiva yemhuka asi vari mukufamba kudero vanoona mberi kwavo kwakaruka kwamira zinhu ravasina kunzwisisa iro raiva nechimiro chemunhu asi chainge chakazosiyana iro raiva neziso rimwe chete iro raiva pakati pechiso pamusoro pemhino . Chimiro charo raiva nemakwande makwande muviri wese , mazioko acho ayinge ayine mazikunwe marefu refu pamwe chete nenzwara refu ndizvo ndizvo kumakumbo zvikunwe zveko zvaiva zvirefu kwazvo kupinda zvekumaoko . Vaviri ava vanovhunduka ndokumira . Zinhu riya rinotanga kufamba kuuya kwavaiva . Mirirai hameno hushingi akahuwanepi ndokuvhomora bvumo rake kwakuisa Nyaradzai Shure kwake . Zinhu riya rinodzvova kunge nyati kwakubva rabata kumusana kwaro kwakuvhomora bvumo iro raipenya kunge runambi rwemoto . Mirirai anotanga kuderera hushingi huya kwakapera kunge doro rasvikirwa nana musiya dzasukwa, anotanga kudududza kudzoka shure uku makumbo ose anomanzwa kupera simba .
Rume riya rinovhomora bakatwa zvakare nerumwe ruoko kureva kuti maoko ose ayinge ava nezvombo . Rinoonekwa masiriri kubuda mumuromo urwo rwaiva rute uye rainge rava memazuva risati ramboisa chinhu mumuromo saka nzara yainge yakaribata. Rinotanga kufambisa rakananga pavaviri ava . Mirirai na Nyaradzai kuti vatize zvainge zvisisaite sezvo kungotendeuka bakatwa raiyerekana rava mumusoro . "Duduka utize Nyaradzai hatingafi tose zvirinane iwewe usare uzoudza mukoma", anodero Mirirai . "Kwete Mirirai zvirinani tife tose pauri handibvi", anodero Nyaradzai zvino apo ndipo pavakairasa pakutaurirana kwavainge voita. Zinhu riya rakangosimudza bvumo raro mudenga pamwechete nebakatwa rakaita kufinyamisa chiso ndokupotsera bvumo rakananga mumusoro waMirirai . Mirirai kuuya kwebvumo iri kwaiva mumeso ake asi kuti anzvenge zvakamukurira uye Nyaradzai haana kuona kuuya kwebvumo meso ake ayiva kubakatwa iro rainge richiri mudenga ..,...........................
Panguva yainge yasangana vana Mirirai nechikara chesango ichi ndiyo nguva inosvika Chirashauta pachikomo chekumuzinda waNyamatsimba . Chirashauta anofamba kusvika panzira yaibva kumuzinda kwavo apo paanoona tsoka dzaibva kumuzinda kwaNyamatsimba idzo dzaanorava kwakuona dziri shanu izvo zvakamupa kuziva Kuti machinda ekuuya kumuzinda kwavo haasati adarika . Anotanga kumanya achiteedza nzira iyi achidzokera kumuzinda kwavo . Machinda ayiva naSarudzai akangoti kubuda kwaakaita mumuzinda anofamba kwakusvika pachikomo chekutanga ndokubva atsvaka pokuvata sezvo vakaona kuti vafambe usiku zvaisaita sezvo nechokumberi voda kusvika kumuzinda kwavo pane sango rairura zvikara zvesango saka vakatya kuitwa nyama yamagora. Akavata muchikomo ichi kwakuzoti nguva yakabuda hweva ndokurusimudzira .
Chirashauta anomanya achidzoka ndokusvika munerimwe sango iro raityikwa riya kuti rine zvikara zvinorura kunyanya usiku ndipo paanoona mberi kwake kuchibva vanhu ndokubva akwira mumuti wemushavhi uyo wainge wakapfumvutira kwazvo . Akaramba akavatarira kwakuona zvedi ndivo vanhu vaarikuda. Anoti vava kusvika pedyo anoona rume ratatonona mushure mekunge rabaiwa iro rakabva rasara shure kwevose ndokubva Chirashauta anyemwerera akaritarisa idzo dzaiva hasha . Mwanakomana anopfekera museve pauta ndokuritepfenyurira museve uyo wakasviko gara mumusoro richibva rati nyondo nemuromo ndiro zii rakadero izvo zvisina akawona . Anobva atepfenyura umwe zvakare uyo wakananga rimwe jinda raiva nechokurudyi uyo wakasvikobaya pachipfuva ndiro pasi dii .
Vamwe vachiona kudonha kweumwe wavo vanovhunduka ndokuisa meso avo paari wanei abaiwa nemuseve uyo ayinge ava kutopfanhura pfanhura. Vachiri mukunetseka kudero rimwe jinda pahutatu hwavo rinoyerekana zvakare raridza mhere mushure mekunge rautepfenyururwa museve ndiro pasi . Vaviri vainge vasara vanomira kwakutanga kutarisa tarisa mativi ose kungava kunemuvengi asi Chirashauta anobvawo amira kutepfenyura yake miseve . Machinda maviri zvaakaona kusina chichauya vanobuda munzira nedivi raiva naChirashauta ndokutanga kumanya umwe akadzvara Sarudzai . Chirashauta anovasiya vachisvika pedyo avo vanozvikomira muzasi mezimushavhi rainge rakakwirwa naChirashauta uyo anotanga kudzika zvishoma nezvishoma asi hapana Kure kwaakasvika anobva atepfenyura umwe museve zvakare wakananga nhongonya yejinda raiva risinakutakura ndokubva rawomera ipapo . Uya kwekutakura achiona izvi anowisira Sarudzai pasi ndokumanya akananga nekwaraisaziva .Chirashauta anosvetukira pasi kwakutanga kumudzingirira asi hwakava hwekamba kudzingirira tsuro . Chirashauta akangomanya nhanho dzinosvika gumi asi haana kuzoona waayidzingitira kuti ayinda nepi ñdokubva adzokera kwaiva naSarudzai .Jinda riya rekutiza rinoti ragura matunhu richimanya rakananga kwaraisaziva rinoti richingoyamuka chimwe chirwizi ramira kwakucheuka Shure richifemedzereka wanei arikuuya hapana , rinobva rafamba nhanho mbiri kwakunozendama pamuti waiva pamberi paro apo rinoirasa rinosvikotsika nyoka yerudzi rwechiva iyo yarainge risina kuona inova yarakazoona mushure mekunge ranzwa kurumwa ..................
Chirashauta anosvikosunungura Sarudzai uyo ayinge anguri ayeredza misodzi kubudisa inzwi asingagoni nekuda kwekusungwa muromo kwaayinge akaitwa. "Ndatadzei mukoma Chirashauta , ndinokutendayi hangu nekundinunura kwamaita", and Sarudzai achichema. Chirashauta paanonzwa izvi anowedzera kurwadziwa asi haana kuzviratidza . "Hunhu hwabata baba vako ndihwo hwandituma zvisinei hande kumuzinda", anodero Chirashauta asi Sarudzai haana kuzvinzwisisa kuti anga achidakurevei .Vanofamba Vose vava kudzokera kumuzinda uyu Sarudzai akada kunzwisisa zvainge zvataurwa naChirashauta. "Marevei mukoma pamataura", anodero . "Chikuru wararama Sarudzai", anodero Chirashauta . Vakafamba kudzokera kumuzinda asi pavainge voda kusvika Chirashauta anobva amira.
"Ndichambonotarisa misungo yangu unoudza baba vako kuti hanzi naChirashauta ndirikuuya", anodero Chirashauta achibva atotendeuka kudzokera kwaayinge asiya vana Mirirai .Sarudzaiwo akabva asara akayeva mwanakoma achiinda kwakuzoti asisamuoni ndokuchiinda kumuzinda . Anofamba achitadza kunzwisisa kuti chiyi chaicho chakamboitika paari . Kubva pamunhu akamutora usiku haana kumuziva kusvikira pavanhu vainge vava naye apo paakazonunurwa naChirashauta haana kuvaziva zvakare.Chirashauta akatanga kumanya sezvo nguva iyi zuva rainge arereka kuda kunopinda munaamai varo. Anogura mutunhu musefu ndokunosvika paayinge asiira vana Mirirai paya ndokufamba kusvika pagomo chaipo chaipo ndokutenderera rose asi anotadza kuona hadzvanzi dzake . Anoti arimukutarisa kudero ndokuona tsoka dzavo dzichibva pagomo iri kwakudziteedza ndokusvika paruware urwo rwaiva zienda nakuenda apo panova pakazomurasa kuti tsoka dzaindanepi . Chirashauta anopfuurira nekwainge kwakatarisa tsoka pakubva kwaayita kugomo apo panova paakabva anzvengana nedivi raiva rainda nana Mirirai . Zvinomunetsa Chirashauta uyo akabva atendeuka ndokutanga kufamba akananga nedivi ravayinge vabva vachiti ndiro ravarikuinda naro sezvo akafunga kuti vapfuurira. Anofamba Chirashauta ndokunobata chimwe chikomo chaiva mberi kwake asi tsoka haana kuzombobvira adziona .Anochiinda nedivi rakadziva kumaodzanyemba apo ayinge ava chinhambwe nekugomo raayinge ashaiwira hadzvanzi dzake .
Arimukumba kudero ayinge achingonetseka kuti hadzvanzi dzangu dzaindepi uku hana ichirova . "Zvombo pasi maoko mudenga wofamba nhanho shanu uchiinda mberi kana uchida upenyu hwako uye usacheuka kana kuyedza kurwisa wasiya nyemba", anorinzwa inzwi Shure kwake iro raiva nemashasharadzwa kunge anemasese pahuro riine maungira ."Chirashauta akangomira kwakutura befu kamwe chete uyo anobva atendeuka chiriporipocho atopfekera museve pauta ndokunongedza kwainge kwabva neinzwi apo paanoona rino rume rainge rakatomutendekerawo museve iro rinoshamisika kuti mujaya uyu ayinge atendeuka nguvai. Vaviri ava vanotarisana zviso zvakaita kunge zvikara zvesango .Vanocherechedzana asi hapana akaziva umwe ."Isazvombo pasi mujaya kana uchada kuramba uchitsika rinomuka", anodero murume uya . "Isai zvombo pasi mukuru wangu kana muchada kutsika rinomuka", anodzoserawo Chirashauta akaita kufinyamisa chiso . Rume riya rinorasa uta nemuseve kwakadero ndokuvhomora bvumo raro ndizvo ndizvo naChirashauta anorasawo uta nemuseve kwakuvhomora bvumo rake . Rume iya rinouya rakaruma muromo wezasi uyu Chirashauta kwakuswederawo. Zvedi panorwa mikono hapameri sora vakareva vakuru . Zvaida kuzviionera pamhino sefodya . Mapfumo anotanga kurovana pachawo umwe achitava umwe achiyedza kubaya asi kwakava kugeda geda kwemeno . Hongu ayiva rusvava Chirashauta pamhitsa yaiva pamberi pake asi zvaikunda ngoma kurira zvaiva mumeso emhitsa iyi. Ziya rinoonekwa kuti teu teu kuvaviri ava uye vainge vofemera pamusoro sendere pakati pavo hapana kana neumwe çhete akakwanisa kusvitsa bvumo rake panyama yeumwe. Chirashauta anofinyamisa chiso ndiye svetu achibva arova bvumo rejinda riya iro rakabva ratava asi rakakurirwa Simba izvo zvakaita kuti riregedze bvumo raro mushure mekurwadziwa mumaoko asi Chirashauta rake rainge richiri mumaoko. Rume riya rinotanga kudududza sezvo rainge risisina bvumo ndokubva Chirashauta apotserawo bvumo rake pasi kwakufunda zvibhakera .
Rume riya richiona izvi rinofundawo zvaro apo ndipo pakazotaridzanwa unyanzi uye kusimba kwavo . Vakarovana Chirashauta ndokunzi chamatsenga nzungu ndiye tatàri tatari kwakunomira kwakadero . Anobvawo asvedera ndokuti rume riya chamatsenganzungu iro rakabva rawira pasi pakarepo Chirashauta anovhomora bakatwa rake ndiye pamusoro dzviiii muhuro merume riya. Chirashauta anosimudza bakatwa rake asi paanoda kuriregedzera mumusoro mejinda iri anobva awona chuma chaiva muhuro maro uyo akabva adzisa bakatwa rake zvakasimba kwakuribaira pasi pedyo nemusoro wejinda iri iro rakasvikonyura uye jinda iri harina kuda kunzvenga dayi rakanzvenga raisiya nyemba .
Chirashauta anoramba akatarisa chuma chiya ndokutarisa chake kwakuona zvakafanana asi zvainge zvakangosiyana rupawo chete .
Anoonekwa mumuromo make kuzara mweya uchipera idzo dzaiva hasha uye ndiko kuserera kwadzainge dzoita kunaiye Chirashauta. "Ndiwe Ani", anodero Chirashauta uku asati abvisa ruoko muhuro . "Iwe ndiwe Ani", rinodero rume riya izvo zvakashatirisa Chirashauta . "Davira zvandabvunza kwete kundibvunza mubvunzo", anodero achiratidza kuti hasha dzirikumukurira.
"Ndinonzi Gwinyeura", anodero murume uya .
"Uri kutsvakei musango rino uye unobva kumuzinda kwani", anodero Chirashauta.
"Ndinobva kumuzinda kwaMambo Gumbura", anodero Gwinyeura . Chirashauta akabva asunungura chuma chake chaiva muruoko kwakupa jinda riya iye ndokusimuka kwakunotora bvumo rake neuta kwake ndiye tendeu akananga kwaanga achiinda . Gwinyeura anosara achinetseka nezvaitwa nejaya iri kwakubva atora chuma chiya ndokuvhomora bakatwa rainge rasiwa naChirashauta kwakumanya achimutevera . Chirashauta paanonzwa mutsindo anocheuka ndokuona ari Gwinyeura . Gwinyeura anosvika kurovera ibvi pasi , "changamire wangu bakatwa renyu ramasiya iri , koimi munoitwa ani zita renyu", anodero Gwinyeura asi Chirashauta anobva atendeuka kwakurova nhanho mbiri Asi anobva amira kwakucheuka ndokuona Gwinyeura achiri akarovera ibvi pasi kwakutendeuka ndokubva afamba kudzoka kwakutora bakatwa rake .
"Chengeta zvandakupa , nguva yekubvunzana yapera uchandiziva", anodero Chirashauta kwakupfekera bakatwa rake muchiuno ndokutendeuka kwakutanga kufamba.
Gwinyeura akaramba akatarisa Chirashauta ndokubva asimuka ndokudzokera pavainge varwira ndokudzungudza musoro akatarisa kwakucheuka kutarira Chirashauta asi anoona yava nzvimbo anoyedza kutarisisa asi ahaana kuzomuona.Gwinyeura anotarisa Chuma chaayinge apihwa kwakuona chakanaka kwazvo ndokubva achisunga muruoko rwake .
Achipedza anononga zvombo zvake haana kuzovhima kwaayinge avinga anobva atendeuka kudzoka kumuzunda kwavo.
Gwinyeura raiva rino rume dema refu uye ayiva hombarume huru kwazvo nguva yake zhinji ayiswera musango achivhima uye pakurwa ayiva vhumba mumuzinda mavo hapana ayisazviziva kuti varidzi vemapfumo nemiseve variyo kunyangwe jinda guru raMambo raipfungama pasi pahuso hwake . Gwinyeura mumuzinda mavo ndiye ayiva mukuru wehondo uye ari mwanakomana wamambo asi baba vake vari Mununu'una wamambo kureva kuti vaiva mambo ndibaba mukuru vake . Zvaayiva ari mukuru wehondo ayitungamira varwi vose akazoramba basa iri mushure mekusawirirana kwababa vake nemukoma wavo . Gwinyeura anofamba ndokudzokera kumuzinda uko kwaanosvika zuva richipinda munaamai varo kwakunanga kugota rake umo maanosvika nekuzvikandira paruvato .Chirashauta paakabva paiva naGwinyeura anofamba akananga kuchambembe asi iye ayifunga kuti akananga kumaodzanyemba nyambisirwe bodo amedza divi rekumuzinda kwavo .
Anofamba mwanakomana haana kuziva kuti atora divi risiro uye zuva rainge ragara makomo kana dziri chiri dzainge dzava mumatendere.
KUMUZINDA KWAMAMBO NYAMATSIMBA
Nyamatsimba ayinge akaringa nzira achiti machinda ake ekuinda kunovhima awo ayinge amisa rwendo achadzoka asi hazvina kuita sekudero zuva rakasvika pakuvira vasati vadzoka. Hazvina kumunetsa sezvo akatoona zano riri rekumirira kudzoka kwemachinda ayinge ayinda kwaMupwanyanzombe awo aayiziva kuti kunoyedza vadzoka . Zuva rakavira vakavata kukayidza . Rungwanani anomuka kwakuinda kudare asi anonzwa kuti machinda haasati auya .
Vari pakutaura nhau iyi ndipo panosvika vana Jerenyenje kubva kunovhima kwakuvapira nhau yaivapo avo vakavimbisana kumira kusvika vanzwa dama richauya kubva kwaMupwanyanzombe asi zuva rakasvika pakuvira zvakare kureva kuti ayinge ava Mazuva maviri machinda ekuinda kwaMupwanyanzombe asati adzoka panhu paifambwa zuva rimwe chete kana nechidimbu.
Zvinova zvinhu zvakagumbusa Nyamatsimba kwakubva awonesana nemachinda ake vana Madzvike kuti voita sei apo Madzvike anoti hondo ngaisimuke tinoparadza Muzinda wake .
Sezvo zuva rainge ravira Madzvike anoridza hwamanda ndokuudza vanhu kuti vavate vakagadzirira mangwana zuva richibuda tiri kusimuka kuinda kuhondo . Haana kuda kusimuka husiku sezvo vaiti zvimwe kuda nhume dzavo dzinogona kusvika . Varwi vakavata vakagadzirira zveneiwo kunoyedza asi nhume vainge vauya hapana . Madzvike anoridza hwamanda yekudana varwi chete avo vanomanyirana zvombo zviri kumusana . "Yasvika nguva yekuparadza Muzinda waMupwanyanzombe uyite wangu murwi wese ndinovimba wakasimba Jerenyenje toda kunoratidza zvatakagumbatira . Ngatisimukei hedu tipinde munzira", anodero Madzvike ndokubva miridzo yanzwikwa varwi vachisimuka avo vanonanga nekusiwo guru vonanga kwaMupwanyanzombe .......
KUPERA KWECHITSAUKO 16
❤️
👍
😮
🙏
19