JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 10, 2025 at 03:27 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 17 MUCHAKASARA MESANGO Mukombachoto anoti achipedza kuvhiya Shumba iya ndokutora dehwe rayo kwakunorinanika panerimwe dombo ndokutora chiropa icho chaanotanga kugocha . Achipedza kugocha mushana wainge woda kumhorovara anongotora chiropa chake chichiri kupisa ndokutanga kudya achidzika gomo. Rume rainge rafunga kunotsvaka mvura yekunwa sezvo pahuro painge paoma . Anoti achidzika gomo kudero kwakuona vanhu vaviri vaitobva pagomo iri avo vaakafananidza asi zvaimurambira kuti vari kutsvakei kuno. Anodzika achikasira ndokutanga kutevera kwavayiinda . Asati avabata anoona mberi kwavo kuchibva chikara chaakaziva izvo zvakaita asimudze makumbo ake ndokutanga kumapesanisa uku bvumo rake atovhomora . "Heeeyi !!" rinonzwikwa inzwi kubva nechokumashure pakarepo Mirirai naNyaradzai vanocheuka izvo zvakaita kuti bvumo rainge rapotserwa nezirume riya rivapotse . Rume richiona kuti rapotsa parinodakuregedzera bakatwa rinoyerekana ragarwa pachipfuva nebvumo ndokubva raregedza bakatwa raro kwakubata bvumo rainge raribaya kuti rivhomore asi nguva iyi rinonzwa rimwe bvumo kugara pahuro ndokubudira seri ndiro pasi dii iro raiva riri bvumo raro rainge rapotsera iro rainge ranongwa newekutanga kuribaya. "Baba !!" Anodero Nyaradzai asi kwete kuti ndivo vaiva baba vake asi rwaingova rukudzo. Mwanasikana anomanyira kwaibva Mukombachoto uyo anova ayinge auraya chikara chainge choda kuparadza vana Mirirai . Mirirai anomanyawo kuinda kwaibva Mukombachoto . Mukombachoto anoona kuti zvedi handina kunge ndaresva kuona. Vanasikana vanosvika kuwira mumaoko ake misodzi ndiyo mokoto. Vanoita nguva sefu vakambundirana apo Mukombachoto anozovabvisa zvishoma zvishoma . "Mirirai muri kutsvakei muchakasara chesango chino", anodero Mukombachoto asi akadavira hapana vana vainge vachiri kufemedzereka . Akavasiya kusvika paakazoona kuti buka rainge rapera . "Nyaradzai muri kutsvakei pano", anodero Mukombachoto. "Kumuzinda kwaberekera ingwe", anodero Mirirai ndokutanga kurondedzera zvose zvakaitika kumuzinda zvekuda kuindiswa kwaNyamatsimba semukadzi wake naMupwanyanzombe uye nekufa kwamambo pamwe chete naMandigona. Murume mukuru akachema zvakasiririsa paakanzwa kuti mambo wake hakuchina . Anobatwa nehasha Mukombachoto kwakusimuka kunovhomora bvumo rake pachikara chiya icho chainge chatova chando kare ndiye tendeu kudzokera kugomo uko kwaayida kunotora dehwe rake shungu dzakamugara . Anofamba achiita kudzungudza musoro wake mashoko ekuurawa kwamambo wake achiita maungira munzeve dzake . Mirirai anosimukawo kwakunotora bvumo rake raayinge awisa pasi uta ne nhava yemiseve yaiva kumusana ndokutevera kwayiinda Mukombachoto pamwe chete na Nyaradzai. Vanofamba vanyerere vachitevera mumashure . Mukombachoto ayinge afunga kunobvunza Mupwanyanzombe kwakainda mambo sezvo iye ayinge atoziva zvose zvakaitika. Vanosvikokwira gomo ndokusvika pabako uyu Mukombachoto kwakunotora dehwe rake ndipo paanoona mvura yaiva nana Mirirai iyo yaanopihwa kwakunwa. "Mirirai ngatidzike gomo tidzokere kumuzinda ndoda kunopedzerana nababa munini vako vandiudze kwakainda mambo Wangu", anodero Mukombachoto. "Kwete kumuzinda ini nguva yangu yekudzokera haisati yakwana , mukoma Chirashauta vane rwendo nesu asi kune kwavambodzokera", anodero Mirirai. "Mirirai teerera mashoko angu ndinoda kunoparadza munhu akauraya baba vako , ndava nemazuva mashanu ndiri munzira kuinda kumuzinda asi handisi kusvika zvino ndafara pandakuonai ndimi mava kutungamira nzira", anodero Mukombachoto . "Akauraya baba akaurawa asi nyaya huru ndeyokuda kuindiswa kwaNyamatsimba ndinoita mukadzi wake asi ini Nyamatsimba handimudi", anodero Mirirai. Akaurawa nani uye ndiyani akauraya baba vako", anodero Mukombachoto. "Muturikwa ndiye akanzi akauraya", anodero . "Chinzwa unzwe Mirirai munhu akauraya baba vako ndiMupwanyanzombe naNyamatsimba uyo Muturikwa akazorwa mafuta enguruve . Iyo yekuda kuindiswa kwaNyamatsimba mazano aMupwanyanzombe zvose izvi ndakamunzwa achitaura nedzangu nzeve . Baba vako vaisada kuti uyinde", anodero Mukombachoto . Mirirai achinzwa kuti bamunini vake ndivo vakaurara baba vake anobatwa nehasha zhinji kwazvo . "Zvichibvira ndidzidziseiwo kurwa nezvombo kwezuva rimwe chete zvaro tidzokere kumuzinda", anodero Mirirai achinge afunga kunotsiva rufu rwababa vake . "Chose chawareva ndichaita sekudero ngatidzike gomo", anodero Mukombachoto ndokubva vadzika kwakufamba vachitsvaka muti wemumvee zvineiwo vakabva vamuona . Mirirai na Nyaradzai vanotangwa kudzidziswa kurwa kubva nguva iyo zuva richangoti kwire kusvika zuva rapinda munaamai varo. Mukombachoto pakudzidzisa kwaayiita Mirirai ayiita kunge arikudzidzisa murume uye chiso chake Mirirai chainge chaita chechikara chesango . Zuva rakazovira miseve nebvumo vava kupotsera chero hazvo vainge vasati vonyatsogona. Vakabva vadzokera kubako uko kwavakasvikotanga kugocha nyama yavo kwakudya. Mirirai anotanga kunetsa kuti ngatichidzokera kumuzinda sezvo ayinge oda kunotarisana ne chiso nababamunini vake asi Mukombachoto anozviramba nekuti Mirirai ayinge asati ava kunyatsogona Kushandisa zvombo ayida kumusiya yava mhare. "Ndinoda kukudzidzisai kurwa kwemazuva mashanu tozosimuka tonanga kumuzinda ndinovimba munenge mava mhare", Haana kupikisa Mirirai uye nguva iyi ndiyo yaanofunga nezvaChirashauta uyo ayinge asati asvika . Zvinomunetsa Mirirai ndokuudza Mukombachoto nyaya yake uyo akamusimbisa kuti Chirashauta haana chinomuwana . Kwakazosviba ndokurara vose Mubako iri . Rechimangwana nguva yehweva Mukombachoto anomutsa vanhu vake kwakudzokera kumumveee wavo uko kwavanotanga kurovana nemabvumo . Musi uyu Mukombachoto anoshamiswa nezvayiitwa nevaviri ava kunge vanhu vakadzidziswa Kare kurwa izvo zvinoita kuti anyemwerere. Akavadzidzisa kubva rungwanani kusvika ripinde munaamai varo vasina kumboisa chinhu mumuromo. Mukombachoto anoona kuti vasarirwa nemazuva matatu chete kuti umhare huchinyatsogara pavanhu vake asi anoona Chiso chamirirai chichiratidza kuti hachina mufaro . "Zvaita sei Mirirai", anodero Mukombachoto . "Ndiri kufunga mukoma wangu aripi pamwe akatourawa sekutaura kwaakaita kuti ndikasadzoka ndinenge ndaurawa", anodero Mirirai chiso chake choita kunge odekubudisa misodzi. "Usazvidya moyo Mirirai ini hana yangu irikuti hapana chakaipa chasangana naChirashauta zvimwe atova kumuzinda kunodzosera Sarudzai", anodero Nyaradzai izvo zvakaita kuti Mirirai agutsurire. Mashoko aNyaradzai akamboti shandei zvishoma mwanasikana kwakumbonyevenuka uyo akabva arara sezvo nguva yekurara yainge yakwana. Vakarara zvavo kwakuzoti zuva ramangwana apo vanomukira Zvakare kuinda kunodzidziswa kurwa asi nguva iyo zuva parakagara miti Mirirai akabva afunga mukoma wake izvo zvakaita kuti achiudza Mukombachoto kuti ngatichiinda kumuzinda. Mukombachoto haana kupikisa sezvo ayinge owona kuti vaviri ava kunyangwe pazvikara vavakugonawo kuzvibatsita nekuzvinunura . Vakadzokera kubako kwakunotora dehwe ravo ndokupinda munzira kudzokera kumuzinda . Vanofamba chinhambwe kubva pagomo ndokunzwa Shure kwavo kuchibva inzwi . "Zvombo pasi maoko mudenga wofamba nhanho Shanu kuinda kumberi . Kupikisa kana kurwisa wasiya nyemba" rinodero inzwi ndokubva vose vacheuka kwakuona machinda matatu asi vaviri vacho vayinge akavanongedzera nemuseve . Mukombachoto semunhu ayiziva kuti haasi mudunhu mavo uye haasi muvengi anobva ayisa zvombo pasi asi Mirirai anoramba akabereka zvake machinda matatu aya ndokufamba achiuya............ KUMUZINDA KWAMAMBO GUMBURA Muzinda wamambo Gumbura waiva pakati pemakomo uri kwakataramuka neimwe mizinda yevamwe. Nechokumashure Mambo Gumbura vanova bambo vaiva nevakadzi vavo vaviri. Pavakadzi vavo vaviri avo mukuru wavakatanga kuroora akanonoka kuvaitira mwanakomana ayingoita vanasikana chete asi vachikurira muvhu izvo zvakaita kuti vatore mukadzi wepiri. Pavakatora mukadzi wepiri vakazvivimbisa kuti akatadza zvakare kuita mwanakomana ndiri kuinda kun'anga . Vakaroora mukadzi wepiri iyo yaiva tsvarakadenga yaivharisa muzinda wese. Musi wavakatanga kurara naye vanomuwana isiri Mhandara uri mwena wakapinda nyoka. Mambo kuti vadzosere mukadzi uyu kumusha kwake zvakavaremera sezvo ayinge akanaka samare uye ivo chavaida kutsvaka pangawanikwa samusha . Vakagara nemukadzi wavo akadero uyo akabva atsikawo mwedzi ndokuvazvarira mwanakomana uyo akabva apihwa Zita rekuti Rangarirai. Mambo vanofara kuti samusha vavapo zvineiwo mukadzi mukuru anotsikawo mwedzi ndokubatsirwa mwanakomanawo zvakare uyo akapihwa Zita rekuti Gumbura iro raiva Zita rabambo Pakatumidzwa mwana wamaiguru kuti Gumbura mukadzi mudiki akapopota achiti Zita iri raifanirwa kupihwa mwana wavo sezvo riri Zita remuzinda nekuti ndiye achaita mambo sezvo ariye dangwe. Mambo vachinzwa izvi sezvo pakupihwa kwevana ava mazita vakati mukadzi umwe neumwe ngaatumidze mwana wake Zita ndiwo mashoko avakageza nawo maoko panyaya iyi asi zvakabva zvasvibisa moyo wamainini .Mazuva akazopindana kuzvika apo Rangarirai naGumbura vakura ava majaya ndokubva Mai Va Rangarirai vatangidza nyaya yavo yekuti Gumbura ngariite Zita remwana wavo kwakubva vatsanamgurirawo mwana wavo apo Rangarirai anoona Mai vake vachitaura zvinhu zvakanaka sezvo riri Zita remuzinda . Paitaurika nyaya iyi Mambo Gumbura vakabva vatanga kurwara Saka haina kuzonyatsotaurika asi zvakabva zvasiya ruvengo pakati paGumbura nemukoma wake Rangarirai . Mambo havana kuita mazuva akawanda ndokusiya nyemba kwakubva Rangarirai agadzwa humambo . Mai vake naiye vaifunga kuti pamwe Zita raGumbura iri ndiye ayifanirwa kuzopihwa chigaro asi hazvina kuita sekudero humambo hwakauya muimba yavo asi ruvengo harwuna kupera . Rangarirai ndiye ayinge ava mambo pamazuva Aya uyo akazoitawo mhuri yake kwakuita mwanakomana wake uyo ayinzi Rangai Ukuwo Gumbura akazoitawo mhuri yake kwakuzvara mwanakomana ayinzi Gwinyeura nemwanasikana ayinzi Shamiso . Gwinyeura naRangai vakangokura vachiziva ruvengo rwanababa vavo izvo zvakaita kuti pachavo vasawiriranawo . Rangai naGwinyeura ayinge ava marume asi hapana ayinge aroora uye hapana ayinge akamboonekwa akamira nemhandara kana kuridzira hako Mhandara murudzo bodo. Gwinyeura ayiva munhu anehukasha uye iri mhare pamurwa . Mumuzinda wese hapana ayipotsera miseve kana bvumo kupinda iye nyangwe Jinda guru chairo ramambo raipeta muswe. Nguva zhinji dzake ayiswera musango sezvayiita baba vake vachiri jaya uye ayiva neshamwari yake yainzi Batsirai . Rimwe zuva apo ava nemazuva matatu asangana neJinda raakarwa naro musango anotorana neshamwari yake ndokupinda mumasango kuti vambonovhima. Vaviri ava vanoti vachingobuda mumuzinda rimwe Jinda rakabva ravatevera iro raidawo kuinda kunovhima navo kwakutanga kufambidzana . Vakafamba machinda vakananga kumabvazuva . Vakati vava muchakasara chesango ndokuona vanhu vatatu vaifambisa asi chinovanetsa vanoona Paine vasikana nemurume umwe chete. Vana Gwinyeura vanofambisa kuti vanoona kuti ndivanani . "Zvombo Pasi maoko mudenga mofamba nhanho nhatu kuinda kumberi . Kuyedza kurwisa masiya nyemba", rinodero Jinda riya rekutevera vana Gwinyeura zvineiwo Mukombachoto anoisa zvombo pasi kwakucheuka ndokuona machinda matatu . "Ndiwe ani?, uri kuindepi uye wabvepi nemhandara idzi", rinodero zvakare asi Mukombachoto anoramba akamutarisa neziso raitaura zvakawanda ndokuzopindura . "Ndonzi Mukombachoto asi ndine rwendo rwangu ndatononoka handisi zvangu muvengi musazvidya moyo", anodero Mukombachoto izvo zvakabhowa nyakubvunza uyo anoshatirwa kwakupotsera bvumo kwaiva naMukombachoto uyo anoyedza kurinzvenga asi divi raayida kunzengera ndiro raiva raNyaradzai Saka anoyedza kunzengera rimwe divi asi ayinge atononoka bvumo rinomubaya nechepachipfuva kudivi rerudyi Mukombachoto ndiye pasi dii. Mirirai achiona izvi anofinyamisa chiso kwakupotsera rakewo bvumo akananga kwaiva naGwinyeura nechemumusoro asi ayinge anyangira yaona Gwinyeura anonzvenga bvumo kwakuzosara richiveza nzeve iyo inoita mapandi maviri.............. KUPERA KWECHITSAUKO 17
❤️ 👍 🙏 😢 😂 23

Comments