JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 11, 2025 at 05:25 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 18 KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE Rungwanani ngwanani inonzwikwa mhere pamuzinda iyo yaiva yemukadzi waMukombachoto uyo ainge auya kuzoudza mambo kuti murume wake ava nemazuva asati auya. Mhere iyi yakavhundusa Mupwanyanzombe naana Maronga avo vainge vachangopinda mudare. Varume vanosimuka kwakumanya ndokutarira kwainge kwabva mhere wanei muridzi wemhere atowira pasi. Vanomanya kuya zvombo zvatopakatirwa sezvo vakafunga kuti muvengi. Vanosvika paya wanei zvariri shura. Vanoona ropa rakazara pamusiwo waMirirai uye mitumbi miviri iri pamusiwo zvakare nechomukati. Mupwanyanzombe anofinyamisa chiso mushure mekunge aona ari machinda ake. Zvakauya mumusoro make pokutanga akafunga kuti machinda aNyamatsimba ndiwo asiya arwisa asi zvakamurambira ndokubva afungira Mirirai apo paanogutsurira musoro wake hasha ndokuderera. Mukadzi uya wekuwira pasi akazodirwa mvura ndokumuka asi haana kuzokwanisa kutaura chifambirwe chake. Zvitunha zvakatorwa kwakunopiswa kunze kwemuzinda. Pakazoti nguva iyo zuva rorova nhongonya dzeharahwa mambo vagere nemachinda avo vanobva vafunga zvekuchigadzwa humambo hwavo. "Tumbare zvanga zvakadii kuti mumuzinda muchiva namambo sezvo mukagara makadai midzimu haifari", anodero Mupwanyanzombe. "Iroro idama mambo wangu. Zvino doro racho riripo here kana kuti ritobikwa?", anodero Tumbare. "Kwete Maronga chitoridza hwamanda yekudana munhu wese utaure zvekugadzwa kwangu uye kubikwa kwedoro", anodero Mupwanyanzombe. Hwamanda yakaridzwa vanhu ndokumanyirana kuuya padare. Anobva asimuka Maronga. "Pamusoroi vakuru navadoko, iri ishoko rabva kuvakuru sezvo mambo vedu vakatisiya kudai hazvichaiti kuti paite nguva pasati pagadzwa umwe zvino panodikwa doro saka vabiki vedoro hero basa umwe neumwe anoziva basa rake. Mushure memazuva mashanu rinofanirwa kunge raibva mambo vedu vagadzwe", anodero Maronga. "Mungachiinda henyu umwe neumwe pabasa rake, Takawira ndiwe uchaona kuti doro riri kubikwa sei", anodero Mupwanyanzombe achireva kumunun'una waTumbare. Vanhu vachinzwa izvi Havana kupikisa asi vakashushikana nechiitiko ichi nekuti mazuva ekuchemwa kwamambo ainge asati akwana. Zvisinei vanopararira havo ndiyo nguva inopindawo Sarudzai mumuzinda. Sarudzai anonanga kuimba kwaamai vake uko kwaakasvika achizviwisira pamakumbo avo misodzi ndiyo mokoto. Amai vakavhunduka nazvo uye pavanotarira mwanasikana wavo vanoona akazara ropa muviri wake iro raiva rekupfachurirwa kubva kumachinda aNyamatsimba. Amai vakaedza kubvunzisisa mwanasikana wavo asi haana raakataura kusvika vazotuma umwe mwana wavo kunodaidza murume wavo. Tumbare anouya ndokupinda kwakugara pachigaro chake uyo achionawo mwanasikana wake anonzwa hana yake kurova. "Zvaita sei Sarudzai?", anodaro Tumbare kwakubva Sarudzai arondedzera zvose zvakaitika kutorwa kwake nemachinda aainge asina kuziva kusvika pakuzonunurwa naChirashauta. Tumbare achinzwa izvi anobata muromo wake sezvo ainge ashamisika nazvo. "Aripi Chirashaura wacho?", anodero Tumbare. "Ati ndichambonotarira misungo yangu uye anditi inda unoudza baba vako kuti ndiri kuuya", anodero Sarudzai. Tumbare achinzwa izvi anodzungudza musoro wake ndokubuda muimba umu kwakunanga nacho kudare izvo zvakanetsa mukadzi wake nemwana avo vakasara vakangoti tuzu. Tumbare anosvika mudare kwakugara panamambo wake. "Mambo wangu pagadzirwa hondo muno mumuzinda", anodero Tumbare. "Uchirevei?", anodero Maronga. "Mwanasikana wangu ari kupinda mumuzinda izvozvi achiti ndiye ainge atorwa nemachinda aNyamatsimba uye azonunurwa naChirashauta uyo auraya machinda ose aNyamatsimba", anodero Tumbare. "Kureva kuti Mirirai haasiye akatorwa here manheru paya?", anodero Maronga. Mupwanyanzombe anonzwa gonye kuti takanya takanya pahuma yake uku chiso chafinyamiswa ndiye simu vhomo bvumo rake. "Mwana uyu handifungi kuti ndewangu , handina mhodzi yakadai. Maronga inda unodaidza. ai vacho vandiudze kuti Chirashauta mwana waani", anodero Mupwanyanzombe achitenderera nedare uku bvumo richibairwa bairwa pasi. Vakanodanwa mai Chirashauta avo vakashamisika kuti kwaitei kovodanwa nemunhu asingachadi kupinda navo muimba huru. Vakabva vauya kudare kwakuona zvainge zvakaita chiso chemurume wavo izvo zvakavavhundusa. "Ndinoda undiudze kuti Chirashauta ambori mwana waani chaizvo. Mwana wangu here!!?", anodero Mupwanyanzombe. "Zvamboita sei nhai vaMadzvovera zvomobvunza mubvunzo wakadai?", anodero mukadzi. "Ndinokukanganwa Davidzo davira zvandabvunza", anodero Mupwanyanzombe achidana mukadzi wake nezita rake rekuberekwa uku chiso chake chisingachatarisiki uye bvumo ramunongedza huma. "Mwana wenyu", anodero mukadzi atoona kuti akada kubvunzurudza angasiya nyemba. "Handina mwana akadai, wakandiigira mubvakure iwe", anodero Mupwanyanzombe. "Ndokuigirai mubvakure sei hamuna kuwana ndiri mhandara here?", vanodero Mai Chirashauta. "Umuudze adzoka kuti ndiri kumuda pano atevere kwakainda vamwe. Handigari nemubvakure mudunhu rangu. Simuka ubve muno", anodero Mupwanyanzombe amai kwakusimuka avo vakananga kuimba yavo yekuvata ndokuzvikandira pasi misodzi ndiyo mokoto nematama. "Maronga newe Tumbare kugara pasi hazvichadi tagadzirirwa hondo yamuri kuona iyi. Zvadudza kuti Mirirai atiziswa naiye Chirashauta paya paaitaura zvekuninga ayivao manyepo chete, uye ndiye nyakuuraya machinda aviri aya", anodero Mupwanyanzombe. "Zvino toita sei mambo wangu?", anodero Tumbare. "Hazvichadi kugara pasi nekuti chero nguva Nyamatsimba ari kusvika pano nehondo yake saka berekai zvombo tinange kwaGunamakwati anotipandira gwara", anodero Mupwanyanzombe.Machinda matatu anobereka zvombo kwakubuda mumuzinda akananga kwaGunamakwati. Machinda aiita kukanda nhanho vanopfuura nepakaurairwa mambo hezvo muchakasara chesango. Hapana aitaura nyaya neumwe sezvo mukandirwo waiitwa nhanho waisava wekutamba bodo. Panhu paifambwa zuva rose kuti usvike vakapafamba kubva masikati ndokusvika zuva richipinda muna amai varo. Vanoita rombo rakanaka kuwana Gunamakwati aripo uyo ainge akatovata pasi pemuti wemushavhi uyo waiva pedo nebako rake. "Sekuru takutsikai", anodero Mupwanyanzombe vachiri nechekure vakarovera mabvi pasi. Gunamakwati anosimudza musoro ndokumuka kugara. "Isai zvombo pasi mobvisa zvipfeko zvose mosara nemhapa chete mouya henyu", inodero n'anga ndokubva machinda aita sekudero kwakuuya paiva naSekuru. "Ndakuonai muchiri kumuzinda ndikakumirirai mungadai mawana ndainda. Zvisinei nditeverei", inodero n'anga iyo inosimuka kwakubva vananga mubako. Vakasvika ndokupinda mubako rainge rakasviba umo mavaisaonana zvachose. Maronga nekutya rima raivamo haana kupinda anosara panze uye siwo rebako anorinzwa kuvharika. "Muzukuru tava kupinda mumatare ndiri kuona manyamamirenerongo mumuzinda unodanwa uchinzi _Muzinda wamambo Mudzvovakamwe_ uye waNyamatsimba uyo asimudza bvumo rake. Ndingakupa nguva ino kuti utaure chasimudza gumbo rako", vanodero sekuru. "Sekuru chokutanga ndiNyamatsimba andishungurudza oda kutora humambo hwababa vangu", anodero Mupwanyanzombe. "Mvura inoverera nepane rwizi muzukuru. Chawadzvara ndicho chaunokohwa", inodero. "Marevei sekuru?", anobvunza Mupwanyanzombe. Chifambirwe chako ndachinzwa wati toita sei muzukuru?", anodero Gunamakwati. "Ndinoda kuti Nyamatsimba asandirwisa sekuru uye mwanakomana wangu mukuru ava kundishaisa zororo ndafunga kumupfuudza, zvimwe pada ari kuda kuti ndiparadzwe naNyamatsimba nekuda kwezviito zvake. Uye ndinoda kuti ndikwanise kugara pachigaro chababa vangu pasawana anondikanganisa. Imwe nyaya ndeyokuti pamuzinda pamuka paine mitumbi ndashaya aiuraya uye ndinoda kuzivawo kune mwanasikana wamukoma wangu", anodero Mupwanyanzombe. "Usawanza mbambo pachitebwe cheshindi muzukuru. Unokwanisa here kundipa muripo wezvose zvawareva?", anodero Gunamakwati. "Chose chamareva ndinokupai sekuru. "Ndinoda mombe makumi maviri nemhandara imwechete kureva mwanasikana wako. Chose chawareva chinoita, kana watamba neni wakurira vavengi vako", inodero n'anga uye Mupwanyanzombe achinzwa muripo uyu anorangarira hope dzaainge akamborota apo Marwei achizvara mwanasikana ndokubva agutsurira. "Hapana chakaipa sekuru ndinokupai muripo wenyu asi ikozvino handina mwanasikana pamwe mudzimai wangu wepiri anogona kumuita", anodero Mupwanyanzombe. "Ndinokugadzirira zvose muzukuru chero mhandara iyo ukazondipa pauchaiitira hapana chakaipa. Asi panguva ino ndinoda kumisa hondo yasimuka kubva kwaNyamatsimba iyo. Uchatuma machinda ako aya muchibva pano motoparadzana zuva rinofanira kuzovabudira vatova mumuzinda wake. Iwewe wonanga kumuzinda kwako muzuva retatu ndinoda muripo wangu. Pauchauya nemuripo tozogadzira zvimwe zvose zvawareva uye mitumbi yawareva iyo kuti wamuka iri mumuzinda ibvumo rako rakaita izvozvo uye mwanasikana wawareva uyo kutaura kuno ari pakati pesango kwekuinda haasi kuziva. Zvizhinji totaura wauya nemuripo muzukuru", anodero Gunamakwati. "Ko vamati nditume kwaNyamatsimba vanonomuti kudii?", anodero Mupwanyanzombe. "Ndiwe unovaudza zvaunoda. Ndichamwisa mumwechete wako uyo waugere naye ipapo mushonga wekuti anoteererwa zvaachataura uye imwe ndichakumwisawo zvoita zvimwe chete", anodero Gunamakwati zvineiwo vana Mupwanyanzombe vanonzwa pamiromo pavo kuva nemukombe ndokushama kwakumwa mvura iyo yaivava samare. "Ndapedza nemi vazukuru pane vandimirira chiindai zvizhinji totaura wauya nemuripo wangu", anodero Gunamakwati. Vana Mupwanyanzombe vanoona musiwo wavhurwa ndokubuda uye havana kumboona kuti Maronga anga asimo mukati. Vakafamba kubva pabako apa kwakunomirira vava chinhambwe. "Totoparadzana pano machinda imi moinda kwaNyamatsimba monomuudza kuti ngaauye titaurirane", anodero MupwanyanzombeMachinda ake haana kupikisa vanobva vaparadzana iye onanga kumuzinda uye machinda kwakunanga kwaNyamatsimba.Mai Chirashauta vakachema dzamara vanyarara, zvino musoro wavo wainge woita kunge uri kutemwa temwa nebakatwa. Vanomuka pavainge vazviwisira ndokugara vakabata musoro wavo. Vagere kudero vanoona chimwe chikomana chichipinda mumba icho chavakaziva nekungwarisa chinova Chemedzai. "Maswera sei amai?", kanodero Chemedzai. "Ndaswera mwanangu waswerawo sei?", vanodero amai. "Ko mukoma Chirashauta varipi ndinoda vandidzidzise zvavakataura", kanodero. "Havapo mukoma vako asi vanodzoka izvozvi", vanodero neinzwi riri kure kure. "Mwanangu ndidanirewo Madzingaidze", vanodero amai. Kakomana kaya kanobuda kakananga kugota raMadzingaidze uko kwakanosvika iri nzvimbo ndokubva kamanya kudare kwakuona zvakare haako. Anobva atanga kufamba achidzokera kuimba yamai Chirashauta. Ari mukufamba kudero anopfuura nepasiwo reimba yaMarwei yekurara ndiye dhumha dumha naMadzingaidze achitopinda maiva nawake akaba moyo wake. "Mukoma muri kudiwa naamai venyu", anodero Chemedzai. "Mainini ndiri kudzoka ndichamboinda kwandadaidzwa", anodero Madzingaidze achitotendeuka uye kakomana kaya kakabva katomanya nekumatanga. "Madzingaidze dzoka pano", anodero Marwei mushure mekunge Madzingaidze afamba nhanho nhatu kubva pasiwo paanga ava. Anorinzwa inzwi rakanyorovera mwanakomana ndiye tendeu kudzoka. "Akosha ndiyani ini naamai vako? Kana waenda kuna amai vako ziva kuti zvangu newe zvapera", anodero Marwei uyo ainge amira pamukova achibva atopinda mumba. Madzingaidze achinzwa izvi anobva ateverawo muimba umu. Achingopinda anobva asanganidzana nayo tsvodi yakamunyungudusa. Nechinguva chisipi vakabva vatoita mutambo wevakuru. "Ndinokuda Marwei", anodero Madzingaidze mushure mekunge vapedza zvavaiita avo vainge vachivata vakatarisana. "Ndikakuudza kuti ndatsika mwedzi unofara here?", anodero Marwei. "Ndingakuitira chikuru Marwei", anodero Madzingaidze. "Ndatsika mwedzi murume wangu saka handichadi kukushaya pameso pangu", anodero Marwei. Zvirokwazvo ainge atsika mwedzi mwana wevanhu asi ainge asingazivi kuti nhumbu yacho ndeyani pakati pababa nemwana. "Madzingaidze achinzwa izvi anoita kuwurukira umwe wake ndokumupa tsvodi imwe chete padama. "Inda unonditorerawo chimukuyu murume wangu timbotsenga tichitaura", anodero Marwei , Madzingaidze anobva asimuka asi paanoti abude ndiye dhumha dumha naamai vake pamukova. Ukuwo mai Chirashauta vainge vakangotarisa nzira kuti mwana achauya sezvo vaida kuti mwanakomana wavo avapewo mushonga wemusoro. Amai zvavanoona mwanakomana wavo asingauyi vanosimuka ndokumira pamukova ndokuona kaChemedzai kachibva nekumatanga ndokukadana neruoko ako kakabva kauya. "Ndakutuma wani mwanangu wamuudza here?", vanodero amai. "Ndamuudza haasati auya here?", kanodero. "Haasati mwanangu wamuonepi?", vanobvunza amai. "Kuimba yaamainini Marwei", kanodero Chemedzai ndokubva amai vakatenda avo vanotanga kufamba vakananga ikoko. Vakati vachisvika pasiwo uyu Madzingaidze achibva abudawo ndiye dhumha dumha naamai vake. "Ndakudana kare mwanangu musoro wangu warwadza ndanga ndichida undipewo mushonga pamwe ungateramira", vanodero amai. "Ndiri kuuya nawo amai regai ndimboinda kwandatumwa", anodero Madzingaidze achida kutofamba asi amai vake vakabva vamubata. "Usati wainda hako kwawatumwa kubva nhasi muimba huru yababa haipindwi semandaona uchibvamo umu, ngazvigume nhasi", vanodero amai izvo zvakaita kuti Marwei asimuke paainge akavata ndokuuya kumira pamukova. Zvineiwo anouya shashiko yake iri padivi izvo zvinoonekwa namai Chirashauta ndokubva vangobata muromo wavo. "Kunzi vahosi hazvirevi kuti mava kuudza mwana zvekuita. Kupinda kwaita Madzingaidze muimba yangu ndanga ndichimuti andibetsere kusimudza duri rangu zvino kana momuti asapinda muri kuda kurevei, hamudi kuti nditume vana venyu here ndizive?", anodero Marwei achigadzirisa shashiko yake panguva iyi Chirashauta anoyerekana amira pedo naamai vake .......... .......... KUPERA KWECHITSAUKO 18
❤️ 👍 🙏 😂 20

Comments