JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 13, 2025 at 04:17 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA*
⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️
https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT
*✍️CHINYAKARE NOVELS✍️*
WRITTEN BY
JOHN MANDONGWE
_📞+278454121O5_
_📞+263779698O11_
_*FOLLOW CHANNEL YEDU*_
⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a
*JOIN COMMENT GROUP*
⬇️⬇️
https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR
CHITSAUKO 19
Jinda iro rekupunyuka kubva muruoko rwaChirashauta mushure mekunge ranunura Sarudzai rinoti kurumwa nenyoka kwarakaitwa harina kuzowana simba ndiro pasi dhi.
Munguva pfupi pfupi rainge rasviba kunge tsvubvu uye rafuta kunge nzombe yava namazuva mashanu yasiya nyemba. Hazvina kutora nguva vadzimu ndokumudana. Kubaiwa kwakaitwa Mukombachoto apo Mirirai paanorwisa izvo zvakashatirisa Batsirai kunyanya pakazobaiwa shamwari yake, anofinyamisa chiso ndiye simu bvumo rake ndokuribata muruoko kuti arwisane netsvarakadenga yaiva pedo naye. Batsirai paakada kuti apotserewo rake bvumo kwaiva naMirirai anoyerekana rabatwa naGwinyeura.
"Hatina kuti tirwise Batsirai", anodero Gwinyeura uyo akabva aribvuta kwakupotsera kujinda rake raainge abva naro iro rainge rabaya Mukombachoto. Jinda rakasvikobaiwa pachipfuva risina kufungidzira ndiro pasi rikiti, uku Nyaradzai aunge atova paiva pawira Mukombachoto uyo Mirirai wo ainge atovhomora bakatwa rake asi paakanzwa mashoko aGwinyeura haana kuzoshandisa bakatwa rake. Nzeve yaGwinyeura yainge yobuda ropa kunge nhongo yabaiwa. "Isa zvombo pasi mwanasikana hatisi pakurwisana", anodero Gwinyeura. Mirirai anotarisa kwaiva naMukombachoto uyo ainge ava mudziva reropa iro raiva paainge abaiwa. Mwanasikana anonzwa hasha dzake kuwedzera kwakusimudza bakatwa mudenga kuti aregedzere Gwinyeura asi paanoda kuriregedza anokaruka abatwa ruoko naiye Gwinyeura.
"Ndati isa zvombo pasi mwanasikana", anodero Gwinyeura asi zvose izvi Mirirai aiita seasingazvinzwi. "Mirirai!", anodana Mukombachoto achiita kudaidzira ndokubva Mirirai acheuka asi anoona Mukombachoto achiwisira musoro wake pasi ndiye zii akadero.
Nguva yaaitarira kwaainge adaidzwa anobva atorerwa bakatwa riya. "Batsirai tsvaka makavi usunge pari kubuda ropa pamurume uyo risaramba richibuda", anodero Gwinyeura ndokubva Batsirai aita zvainge zvataurwa, ndoo pakatangawo Mirirai kuona kuti kumanya sandiko kusvika. "Muri kuindepi mwanasikana?
", anodero Gwinyeura. "Kumuzinda kwedu", anodero Mirirai inzwi rake richionekwa kudzikama. "Zvino mukoma wenyu abaiwa nembwende iyi hazvichaiti kuti imi muinde moga. Zvava pano ndava kurapa mukoma wenyu kusvika apora mozoinda henyu mberi nerwendo rwenyu asi imi muchange muchigara kumuzinda kwedu uye mukoma wenyu ndichamurapira muno musango sezvo kuti tiinde naye kumuzinda anonopedziswa namambo", anodero Gwinyeura. Mirirai panguva iyi ainge asisanzwisisi zvainge zvoitika paari zvino ainge ongobvuma zvose zvainge zvataurwa. Gwinyeura paanoona kuti Mirirai abvuma zvaaida anobva afara sezvo kuita izvi kwaainge aita ainge aona zvipfeko zvaana Mirirai zvakada kufanana nezvaChirashauta saka akada kuzobvunza nezvake. "Batsirai hatichatoindi kunovhima iwewe wava kudzokera nemhandara idzi kumuzinda asi unononanga nadzo munhanga yaShamiso ndini ndichauya ndoinda navo kuna mambo kunovazivisa. Panguva ino ndava kumboinda nemurume uyu kubako kuya kune mishonga yedu ndoo kwandichanomirapira asi rinovira ndava kumuzinda. Ndapota vasikana ava vasaindiswa kuna mambo ndisati ndauya sezvo hunhu hwavo unohuziva", anodero Gwinyeura sezvo kuti ainde naana Mirirai kubako remishinga yavo zvaisaita nekuti kwaiyera yaiva nzvimbo isingasvikwi nevanhukadzi.
Batsirai hapana chaakaramba akabva atorana naMirirai kwakudzokera navo kumuzinda kwavo uyu Gwinyeura ndokutakura Mukombachoto kwakunangawo naye kubako ravo. Batsirai anofamba naana Mirirai kwakugura matunhu vakananga kumuzinda uko kwavanoti vachipinda mumuzinda ndiye dhumha dhumha naRangai uyo aibva kudivi rekusiwo repunyutso uko kwaanga achambotenderera nemuzinda achiona kuti wakakura sei. Rangai achiri kure anoramba akatarisa vasikana vaiva naBatsirai ndokubva atadza kuvaziva uye chero nezvipfeko zvacho haana kuzviziva zvakare.
Anofamba ndokuchisangana navo apo paanoona Mirirai ndokutosvorwa nerunako kwake izvo zvakaita kuti anyemwerere.
Zvineiwo Mirirai wacho akabva azviona asi Batsirai naNyaradzai vaiva kuutsi. Rangai kubva chibarirwe chake ainge asati amboona tsvarakadenga yakaita seyaibva mberi kwake.
Ropa rake rakamhanya mhanya kuzoti apo paakasanganidzana meso neake anoita kunge ofambwa nemasvosve. "Batsirai mhoro. Ndiwe watiigira svusvura ndadya idzi wabvepi navo?", anodero Rangai uyu Batsirai kwakumira.
"Ndinganyepa nekuti Gwinyeura ndiye andipa vanhu ava", anodero Batsirai achifunga kuti anganzi chiindai henyu asi ndipo paakaigochera pautsi. "Warevei? kureva here kuti Gwinyeura ndiye akutendedza kuti upinde nevasikana ava muno, baba vangu vanozviziva here?", anodero Rangai sezvo paakangonzwa nezvaGwinyeura akanzwa hasha nekuda kweruvengo rwavo.
"Ndiro shoko raati achauya otaura", anodero Batsirai asi ainge atoona kuti zvinhu zvaresva mamiriro. "Ngatifambe tiinde kudare kuna baba kana Gwinyeura achizouya anowana mavako kudare", anodero Rangai uye ndiwo mutemo waivamo mumuzinda kuti hakuna anopinda mumuzinda kana ivo mambo vasati vaudzwa zvino apo vana Batsirai vainge vatopinda mambo wacho asati audzwa kureva izvo kuti ndiyo mhosva yekutanga yainge yatosunga Batsirai nevamwe vake. Batsirai kuti arambe kuinda kudare zvaisaita sezvo mambo vake aivaziva chimiro chavo uye mhosva yaainge atoita iyi akatoziva kuti rufu rwatarisana naye kwainge kwangova kutsva musana nedumbu.
Vanotanga kufamba vakananga kudare Mirirai haana kana rimwechete raakataura pfungwa dzake dzaiva kune mukoma wake Chirashauta ............
KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE
Chirashauta chadzimira chainge chamubata pakufamba kwaainge oita. Anoerekana ava parusvingo rwemuzinda wavo izvo zvakamunetsa kuti ambofamba sei sezvo iye mupfungwa dzake aiti aiti ari kutsvaka vana Mirirai izvo bodo. Mwanakomana akabva apinda mumuzinda zvineiwo siwo raakapinda naro nzira yacho yainanga nepaimba yamainini vake. Anoti ava kusvika ndokuona vachiindawo kuimba yamainini uko kwaakati rega ndipfuurewo nako asi ari mukufamba kudero anonzwa nhaurwa dzavo dzose ndokubva angoti verere ndiye tumbi padivi paamai vake panguva iyo Marwei yaanopedzawo kutaura.
"Maswera sei vana amai", anodero Chirashauta izvo zvakavhundusa amai vake. "Taswera mwanangu waswera sei wo?", ndaswera hangu Madzingaidze nditevere", anodero Chirashauta achibva atotendeuka kunanga kugota rake.
Madzingaidze anotarisa Marwei uyo akabva atsikitsira pasi ndokubvawo mai Chirashauta vaindawo kuimba kwavo. Madzingaidze anomanya kunotora chimukuyu chainge chataurwa kwakupa amainini vake ndokuvaudza kuti ari kudzoka avo vasina kupikisa. Mukomana anonanga kuna mukoma wake. "Ndauya mukoma", anodero Madzingaidze. "Mwana waamai vangu chii chakakosha mai vako namainini?", anodero Chirashauta. "Ndiamai", anodero. "Zvino chaita usateerera zvavainge vataura chii, wavapa here mushonga wa varikuda?", anodero Chirashauta.
"Kwete handina regai ndinovapa", anodero Madzingaidze. "Kubva nhasi handidi kukuona muimba yamainini ingava yekubikira kana yekuvata asi handisi kuti havasi nai vedu bodo.
Ngatichengete mai vedu munun'una chose chavanoda kubatsirwa ngativabatsire. Kubva zvakaroora baba ndine zvakawanda zvandaona zvekuti rimwe zuva mainini zvichaita kuti ndinetsane navo", anodero Chirashauta asi Madzingaidze haana kupindura. "Chitevera nemushonga waamai", anodero Chirashauta achitobuda mugota ndiye kuimba yaamai vake.
Akasvika vatovata sezvo musoro wainge wonyanya kurwadza. Kupinda kwaakaita Madzingaidze akabva apindawo ndokugadzirira amai vake mushonga uyo waabovapa ndokubva vanwa. Madzingaidze anobuda numba umu ndokuinda kugota rake uko kwaanosvika kuzvikandira pasi shungu nehasha dzichiita kuvira paari kubva mumashoko amukoma wake.
Chirashauta anosara achigadzirira zvakare mai vake umwe mushonga ndokubva avapa apo paanotanga kuvabvunza. "Watanga nguvai musoro amai?", anodero Chirashauta.
"Rungwanani mwanangu. Ko wavaisa kumuzinda kupi vana Mirirai?", vanodero amai ndokubva Chirashauta avanyepera sezvo akaona zvisingaiti kuudza murwere kuti ndavashaiwa. "Mwanangu dai zvichiita wanogara hako kumuzinda wawaindisa Mirirai nekuti baba vako vakasvika uripano vangakuuraya", vanodero amai. "Muchirevei amai?", anobvunza Chirashauta ndokubva mai vatsanangura zvose zvainge zvaitika kubva pakunzi haasi mwana wangu kusvika pakuda kuzourawa. "Amai musazvidya mwoyo kana vachiti handisi mwana wavo hazvina mhosva, chiregai vauye vazondiuraya sekutaura kwavo.
Chinhu chatondirwadza ndechokukushunguradzai kwavari kuita, zvino chinzwai amai. Yafamba kamwe haiteiwi ndamirira vaite chavanoita pamuri chokukushungurudzai. Bdinopika namukoma wangu Mandigona, baba tinovaisa kuninga kana kuita zvokuvapisa. Ndakazviona kare zvangu asi kumanya sandiko kusvika", anodero Chirashauta ndokubva hasha dzamukurura ndiye simu kwakunanga kugota rake. Marwei akasara achidya chimukuyu chake achifunga kuti oita sei kuti Madzingaidze anyatsomuteerera zvaaida chaizvo chaizvo, ari mukufunga ndipo paakarangarira mbuya vake kuti vamupe umwe mushonga ndokubva asimuka kwakuinda kumba kwaambuya vake asi anosvika vasipo. Marwei akabva apinda muimba yavo yaigara mishonga ndokubva aona mushonga wakaita sewaakambobikira Mupwanyanzombe musi wemarooro ndokuutora kwakudzoka kumba kwake.
Anotora chimukuyu kwakuisa mushonga uya ndokuinda zvake kuimba yake yekurara asi asati asvika anoona Madzingaidze achibuda mugota rake ndokubva amudaidza iye kwakudzokera muimba yekubikira.
Madzingaidze anopinda ndokugara pachigaro.
"Ndakudaidzira kuti ndikupewo chimukuyu chiya chawandiigira ndikati handingapedzi ndoga", anodero Marwei achitomugashidza Madzingaidze anongopuwa nekukanda mumuromo. "Kubva nhasi ngatichisangana usiku hwega hwega Madzingaidze uye ndini ndinouya kugota rako asi kana baba vako vasipo ndokutora torara kuimba kwangu nekuti kuti tionane masikati tarira zvanga zvoda kuitika paya", anodero Marwei. "Wareva ipapo ndoo zvandandichida kutokuudzawo", anodero Madzingaidze. "Chiinda hako tozoonana manheru", anodero Marwei ndokubva Madzingaidze abuda.
Marwei akambosara ndokugara chinguva kwakuzobuda hake apo paanoona vahosi vake vakagara pasiwo reimba yavo apo pavakabva vatarisana. Mai Chirashauta pavakangoina mukadzinun'una wavo vanobva vatanga kufunga zvavainge vaona zvekuinda kweshashiko padivi. Pfungwa dzavo dzakafunga zvakawanda asi zvino mukuramba vakatarisana kudero mainini vakafunga kuti zvimwe Madzingaidze aonekwa zvakare achibuda muimba mavo zvino tuhasha twakavabata ndokubva vafamba vachiindako.
"Kwakanaka here komondotarisa", anodero Marwei. "Mufunge ndirikutarisa chamupupuri icho kunze kwemuzinda", vanodero amai vachirashauta asi mbama inoyerekana yavagara izvo zvakavanetsa kuti ndatadzei.
"Kana waisaziva kuti Marwei zvinorevei ndiwe wandichadzidzisa. Chokutanga murume haachazi wako kubva nhasi, chechipiri kana ndikatuma Madzingaidze usapindira nekuti nyaya yacho haungaipedzi", anodero Marwei achibva atanga kufamba kudzokera kwaayinge abva. "Nhai mainini chandatadza apa ndechipi chazoita mundirove kudai?", vanodero amai ndokubva Marwei atendeuka kudzoka.
"Handisisiri mainini, kana uchida kundidaidza ita kuti vahosi", anodero Marwei zvineiwo Mai Chirashauta misodzi yainge ingori pedo inotanga kudonha uye nguva iyi Chemedzai kainge kaona mai Chirashauta vachirohwa ndokumanya kunoudza Chirashauta sezvo kainge kamuona. Chirashauta achinzwa kuti mai vake varohwa anobva asimuka kwakubuda panze ndokuona Marwei akamira pamberi paamai vake achitaura achivabaya mumusoro.
Mwanakomana anovira nehasha kwakuuya achifambisa uye ari mukufamba kudero anoona kuimba kunobikirwa doro kuchiratidza kuti kune doro riri kubikwa izvo zvakamunetsa sezvo mazuva okushanda ainge asati akwana mushure mekunge mambo vachengetedzwa.
Paainge osvika ndipo panotendeuka Marwei kuti achiinda kumba kwake. "Mainini dzokai", anodero Chirashauta akafinyamisa chiso.
Marwei akabva aona kuti zvaaitsvaka ndizvo chaizvo kwakudzoka ndokugara pedo namai Chirashauta. "Musagara henyu pasi ngatipindei mumba", anodero Chirashauta akanyorovera.
Marwei akabva apinda uye Chirashauta kwakuti mai vake vapindewo iye kwakuzotevera.
"Mainini ndinodawo kunzwa chaita kuti ruoko rwenyu rwusvike kuna vahosi venyu", anodero Chirashauta. "Ndoo zvaungandidzosera here izvozvo, bvunza rwumai rwako runokuudza. Iwe hausi murume wangu angandibvunza izvozvo", anodero Marwei achibva asimuka asi haana kure kwaakainda akabva abatwa ruoko naChirashauta uyo akabva ati amugadze ganyamuto kumeso ndokunzwa ruoko rwake kubatwa ndiye cheu wanei ndiamai vake.
"Chirashauta mwanangu amai havarohwi", vanodero amai. Chirashauta kungobatwa kwaakaitwa akaona vari amai vake akabva atoregedza Marwei uya. Marwei achingoregedzwa anobva atobuda numba umu akafuta kunge rovambira. "Amai muno.......", haapedzisi kutaura mushure mekunge amai vake votaura. "kwete mwanangu handidi hangu unouya ukandiurayisa pano nababa vako. Siya aite zvaanoita zvichapera. Paandirova pacho patopora saka iwewe siya akadero uye amai havarohwi", vanodero amai. "Asi chii chaizvo amai chiri pamuri. Muvengi wenyu munomunzwira tsitsi zvino acharamba achikujairirai uye rimwe zuva achakukuvadzai.
Hakusi kutanga ndichizviona", anodero Chirashauta. "Kana uri mwana wangu Chirashauta nditeererewo. Ini ndiri kuti musiye akadero ayite zvaanoda", vakadero amai.
"Nerimwe zuva muchakuvadzwa amai itai henyu asi ini.......", Haapedzisi kutaura mushure mekunge mai vake votaura zvakare. "Wava kuita kuti musoro wangu uwedzere Chirashauta chimbobuda ndimbovata", vakadero amai vachibva vatoisa nhivi pasi. Chirashauta anoramba akatarisa amai vake kusvika apo paakanzwa vava kuridza ngonono kwakubva azobuda mumba umu kwakunanga kuimba yamainini vake. Akasvika kuimba yekubikira umo maakasvika achiita musiwo wekurova negumbo ndokuwana musina munhu ndokuinda kune yekurara kwakurova zvakare negumbo ndokuwana Marwei akatogara achimwa maheu. "Mainini handisi munhu wehondo asi yamada kutanga iyi ichakusvitsai kwamupfiganebwe . Indai kure naamai vangu ndinokumbirawo. Handisati ndava kuda kudeura ropa remunhu kadzi", anodero Chirashauta ndokubva atotendeuka kunanga kune vanhu vaibika doro. Marwei akasara achitoseka hake kwakuindirira mberi nemaheu ake.
Chirashauta akasvika ndokuona iri besanwa umwe neumwe achiita zvake kuti doro rikasire kuita . Anobva ambomira achiona zvavaiita kwakubva atendeuka kuinda kuvasharukwa vaya vaakainda navo kunoviga mambo ndokuvabvunza nezvedoro raibikwa avo vakamuudza zvose zvainge zvarongwa asi vose vanomuudza kuti pamurawo zvaisatenderwa zvekushanda mazuva okuchengetedzwa kwamambo asati akwana. Vasharukwa ava vanotsigira donzvo raChirashauta rekumisa vabiki vedoro uyo akabva azobvako. Anoinda kwaibikwa doro kwakuvaunganidza vaibika doro chete. "Pamusoroi vakuru, baba vanozviziva here kuti muri kushanda mazuva ekuchengetedzwa kwemukoma wavo asati akwana?", anodero Chirashauta. "Hongu ndivo vatipa basa iri", anodero Takawira iro jinda rainge ranzi ritungamire pakubikwa kwedoro.
"Varipi?", anodero . "Vambobuda naana Maronga", anodero. "Chinzwai, pachivanhu cheedu hazvinzwarwo saka mose umwe neumwe ngaadzokere kuimba kwake mozodzoka nobika doro mushure memazuva akataurwa nababa kuti ndoo pachatangwa kushandwa, ndinovimba pasara mazuva manomwe chete", anodero Chirashauta. Vanhu vakamboda kuramba asi Chirashauta ainge azotsamwa izvo zvavakaona vose ndokubva vapararira iye kwakusara achisunga imba iyi.
Vabiki vedoro vakarega havo kubika doro asi vakaziva kuti naMupwanyanzombe paanouya paifa munhu, zvino chokuita painge pasina.
Takawira akangoti kuvanhu vake mhosva ina Chirashauta kwete isu. Zuva rakazovira zvaro vanhu kwakuvata. Marwei zvaakaswera asungaoni murume akati pakwakasviba nguva yekurara yakwana ndokuona murume asingauyi ndokunomutarisa kudare kwakumushaiwa izvo zvakamupa kuziva ane rwendo rwaainda.
Akabva atorana naMadzingaidze kwakunogara muimba yaiye Marwei. Panguva yakarira jongwe retatu ndiyo inosvika Mupwanyanzombe uyo anosvikogugudza pasiwo raiva naana Marwei.
Zvineiwo Marwei anonzwa kukugudzwa kuya kwakunzwa inzwi raMupwanyanzombe kutaura pamukova.Pfungwa dzaMarwei hadzina kumbozviziva kuti ndina Madzingaidze muno akabva angosimuka kwakusunungura mukova uyo wakambomunetsa ndokubva wazosununguka uyu Mupwanyanzombe akabva apinda kwakubva atovhara musiwo. Tsvatsva inobva yabatidzwa apo panoti Mupwanyanzombe achingoti baaaa ndokuona .................
KUPERA KWECHITSAUKO 19
❤️
👍
🙏
😂
25