JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 14, 2025 at 03:15 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 20 KUMUZINDA KWAMAMBO NYAMATSIMBA Machinda akati abereka zvombo zvino tsoka ndidzo dzainge dzotaura nepasi vonanga kwaMupwanyanzombe . Vanoti vachingosvika pasiwo kuti vachibuda mumuzinda vanobva vaona machinda maviri ayiuya kumuzinda kwavo achibva nedivi rechamhembe kwakadziva kumaodzanyemba . Madzvike anomisa hondo yake ichiri nechomukati . Vanoyeva machinda aya kwakuona ndeekumuzinda kwaMupwanyanzombe . Zvinomunetsa Madzvike kuti sei vatsikwa asi anoti zvirinane kupedzera nyota pachitumbu . Hapana akapindwa nepfungwa yekuti zvimwe tauya kurwiswa bodo asi vose kuona kwavakangoita machinda aya vakada kunzwa chifambirwa chavo.Machinda aMupwanyanzombe haana kubvira aburusa zvombo zvaingova kumusana kwavo . Vanoti vava kusvika Madzvike anofamba kuti asangane navo uyo ayinge akapakatira zvombo zvake zvekuti dayi iri hondo yauya ayinge akatogadzirira kare. "Tingakubatsirai nei", anodero Madzvike atovatendekera museve. "Tine shoko ratakapakata rinoda kurutsirwa munzeve dzamambo rabva kuna Mupwanyanzombe", anodero Tumbare zvineiwo Madzvike anoonekwa kugutsurira musoro wake abva anyemwerera apo panoonekwa mavende uye mazino ayinge akasviba kunge tsvubvu. "Hapana chakaipa Jerenyenje sarai makamira pano ndidzokere nemachinda aya kunamambo", anodero Madzvike achibva atora machinda aya kwakutanga kufamba vachipinda mumuzinda. Tumbare zvaayinge awona varwi vaNyamatsimba akabva agutsikana kuti Gunamakwati anoona sezvo ayinge atoziva kuti varikuinda kumuzinda kwedu. Vakafamba vatatu kwakuwana mambo vachirimo mudare ndokubva vapinda kwakusvikogara umwe neumwe pachigaro chake. "Tichingosvika pasiwo tabva tasangana nenhume dzaMupwanyanzombe vati vane dama nemi", anodero Madzvike. "Ndavapa nzeve", vanodero mambo. "Mupwanyanzombe ati tirisvitse rakadero , areva achiti Nyamatsimba ngaauye titaurirane", anodero Tumbare. "Ndisati ndasimuka anonondipa here mombe gumi dzekundisimudza kwaayita sezvo ndiye muparanzvovo ndomufambira zvakare", anodero Nyamatsimba akapfava . "Hapana chokupikisa", anodero Tumbare. "Munoona hondo iyo yanga yatosimuka kunoparadza iyemi zvino kuti idzike inoda mbombe shanu kureva dzava gumi neshanu", anodero Nyamatsimba . "Ndinovimba vanonozvigamuchira", anodero Tumbare. "Madzvike ndakadai ndakatokwana ngatisimuke naJerenyenje uye nemachinda makumi maviri ndode mhare pakurwa", anodero Nyamatsimba ndokubva vasimuka ndokudzosa Hondo yake kwakutora machinda aayida ndokumedza nzira vonanga kwaMupwanyanzombe. KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE Mushure mekunge Mupwanyanzombe apinda muimba ya Marwei tsvatsva inobva yatungidzwa apo paanoti Mupwanyanzombe achingoti baaa kuona mukadzi wake akapfeka nguyo yekubarwa nayo haana kuzomboziva zvakaitika kunze kwekuzongopepuka atopedza chikaranga chose apo voita zvavo nhaurwa . Nguva iyi Marwei ndipo paanorangarira kuti anga ayina Madzingaidze asi zvinomunetsa kuti ayindepi Madzingaidze wacho . Zvisinei kugugudza kwainge kwaitwa pamusiwo Madzingaidze ayinge akasvinura zvino paakanzwa kuti ndibaba vake anobva ayinda seri kwesiwo uko kwaakazvikwidibira nedenyu saka kuzopinda kwavakaita iye ayinge atova muimba yake kare. Marwei zvinomunetsa kuti ayindepi asi akaziva kuti hakuna kwaayinda arimuno . Anofunga zano rake kuti apunyutse umwe wake . "Madzvovera handei kuimba yekubikira ndine chikafu chandakusiirai", anodero Marwei . "Usazvinetsa hako ndozodya Mangwana", anodero . "Mwana arimudumbu avanenzara saka ndoda kunodya newe", anodero Marwei izvo zvinoita kuti Mupwanyanzombe abudise nyemwerero . "Watsika mwedzi here mukadzi wangu ndifare", anodero Mupwanyanzombe. "Hongu ndanga ndichida kuzokuudzai kwayedza asi zvainda nepamwe", anodero Marwei. "Ndakakuona hangu uchipfira pfira ndikati ndava kuchinzi baba ikozvino", anodero Mupwanyanzombe achibva asimudza mukadzi wake kwakuinda naye kuimba yekubikira uko kwavakasvikopinda ndokubva mukadzi abatidza tsvatsva . Achibatidza anobva abuda panze uyu Mupwanyanzombe haana kumboziva kuti munhu ayindepi . Marwei anobuda ndokuinda kuimba kwake kwekuvata uko kwaanodhumhana naMadzingaidze achitobudawo . "Tozotaura Mangwana ndaitira kuti ubude", anodero Marwei nezevezeve kwakubva atotendeuka kudzoka kumurume . Madzingaidze akabva ayinda kugota rake . Hana yaMadzingaidze haina kubvira yarova kana kutya hake nekuda kwemushonga waayinge apihwa wepiri uya naMarwei uyo waiva wehushingi asi Marwei ayiti ndeumwe mupfuhwira izvo bodo ndewehushingi. Marwei anosvikopa murume chikafu ndokutanga kudya vose vachiita nyaya . Vachipedza vakabva vadzokera kunorara. Marwei anobva afunga zvaayinge ayita masikati ndokuti rega ndiudze murume . "Madzvovera ko mwanawako mukuru wakamuitasei haayiti saMadzingaidze nei?. Nhasi dayi wasvika ndarohwa naye", anodero Marwei achiratidza kuti atogumbuka . "Uri kurevei mukadzi wangu", anodero Mupwanyanzombe. "Mwana wako anga achida kundirova nhasi kuti ndatumirei Madzingaidze basa", anodero Marwei. "Watii anondiona kana kwayidza . Mwana uyu ava kutozviona kunge baba pano pamusha asi ndiri kuzvipedza zvose Mangwana nyarara zvako mukadzi wangu", anodero Mupwanyanzombe achinge agumbuka . Akaramba achitaura twakawanda wanda Marwei twekusungirira Chirashauta tumwe twemanyepo izvo zvakaita kuti Mupwanyanzombe awedzere ukasha. Rume guru rakasiya padiki diki kuindira Chirashauta kugota rake husiku uhu . Dayi asiri iye Marwei akazomuti momurova kwakachena pangadayi usiku uhu pakazvarwa mwana asina vhudzi. Vakazorara havo asi Mupwanyanzombe ayinge akadumbirwa . Kuchingoyedza Mupwanyanzombe anomuka ndokuti anange kugota raChirashauta apo anobva asangana naTakawira. "Mangwanani mambo wangu", anodero. "Ndamuka , ko doro rava papi ririkufamba zvakanaka here", anodero Mupwanyanzombe . "Ndiyo nhau yandatofambira kuti ndikuudzei kuti Chirashauta akatimisa kubika doro achiti mutumbi waMambo hausati waputika" anodero Takawira izvo zvinovirisa dzoro ra Mupwanyanzombe nehasha , tsinga kuti tare tare chiso chose chikange chaunyaniswa . Zvineiwo vachiri vakamira kuderi Mupwanyanzombe anomuona Chirashauta achipinda muimba yaamai vake uko kwaayinge ayinda kuti anoona Mai vake kuti vamukasei nemusoro wavo . Mupwanyanzombe anomutarisa kwakuzvibvunza kuti ndewangu here mwana uyu ndokubva adzungudza musoro wake katatu uyo anobva aruma muromo wepazasi kwakutendeuka kuinda kudare uko kwaanowana kuine amwe machinda . Ayinge afunga kuparadza mwanakomana wake ruzhinji rwuchiona . Akangobata hwamanda ndokuridza yekudana munhu wese chiso chake chakaita kunge nyati yakaruma uswa. Vanhu vanomanyirana kuuya kudare kusanganisira Chirashauta . Vakasvikogara pasi hapana ayiziva chidanirwe asi mibvunzo chete ndoyaivapo mudundundu reumwe neumwe vachiti chiyi chariuraya zizi harife rega . Mupwanyanzombe akabva asimuka bvumo rake riri muruoko . "Pamusoroi vanhu vaMudzvovakamwe . Ndini ndakudaidzai pano mwanangu Chirashauta huya kuno kumberi", anodero Mupwanyanzombe neinzwi raisaindirana nezvaiva zvakaita chiso chake icho chainge cherovambira kuita kwaayinge ayita hwaiva hweshato . Chirashauta anosimuka ndokufamba achiinda kumberi kwaiva nababa vake. Mupwanyanzombe achiona jaya rake richiuya ayinzwa kunonokerwa nekusvika kwake uye achimuona ayiita kubvunda idzo dzaiva hasha muromo wepazasi uchiita kufamba famba wega . KUMUZINDA KWAMAMBO GUMBURA Gwinyeura akasvika naMukombachoto mubako ndokumuradzika pasi uyo ayinge angoti rabada sezvo ropa rainge rabuda rakawanda. Gwinyeura anobuda mubako ndokunosvuura makavi emususu kwakudzoka . Anobva ayinda panerimwe bako apo paakanotora nhava yaiva izere nemishonga . Anodzoka kwakugara pasi ndokutora midzi mitatu yainge yakasiyana pakuyiona uye negwande rimwe chete remukamba nemashizha maviri akasiyana zvakare ndokubva azviisa mukaturi kadiki diki kwakutanga kutswa zvishoma zvishoma kusvika zvaita kunge dota. Adero anobva atora rimwe raiva dota nechekare kwakubva ayisa mukaturi kaya kwakukurunga . Adero akabva avhomora bvumo rainge rakabaya Mukombachoto ndokuisa mushonga uya achibva apasunga . Achipedza kudero anotora imwe mvura yainge irimo mubako umu iyo yaitova nemushonga wayo kare kwakuyedza kumunwisa asi akanwa ndiye akashaikwa sezvo Mukombachoto ayinge ofemera Kure Kure. Gwinyeura akamboyedza kumunwisa achibata huro asi zvakashaya basa. Akabva atanga kumudira mumhino zvineiwo Mukombachoto anotanga kukosora izvo zvakaita achidira mumukanwa . Haana kuita nguva refu achikosora ndiye ziii akadero . Gwinyeura akabva abereka zvombo zvake nguva iyi zuva rainge ragara makomo . Anosiya avhara bako iri kwakusimudza tsoka dzake akananga kumuzinda. Batsirai nana Mirirai vanofambwa navo apo hapana ayinge achitaura Rangai ndiye ayiva kumberi . Batsirai ayiva mukuru kuna Rangai asi nenhau yekuti Rangai ayiva mwanakomana wamambo ayiremekedzwa uye Batsirai haana kuda kupikisa pazvose zvaitaurwa sezvo kupikisa ayiziva kuti kuzvigokera moto muziso . Vari mukufamba kudero vanoona machinda ayibva mberi kwavo asi havana kuita basa nazvo . Vaivawo mberi avo vanofamba vachinetseka kuti kwaitei Rangai zvaatungamira mberi vakananga kudare kwamambo . Zvineiwo vanosangana wanei ndiBatsirai nemhandara mbiri idzo dzavasina kuziva. "Maswera sei baba", anodero Rangai . "Ndaswera mwanangu ko mhandara idzi mabvepi nadzo", anodero Gumbura baba vaGwinyeura "Dzauya naBatsirai ndiye angatoziva kuti abvepi nadzo ndamubvunza asi aramba kundipindura", anodero Rangai. "Kwamatungamidzana mava kuindepi nadzo", anodero Gumbura. "Kudare kunababa", anodero Rangai. "Batsirai wabvepi nemhandara idzi ndiri kuona zviso zvavo kusuwa", anodero Gumbura . "Baba ndinganyepa asi anoziva zvose ndiGwinyeura ndiye andipa vasikana ava kuti ndipinde navo muno mumuzinda asi kutaura kwake ati ndiye achazouya oyinda navo kunamambo zvino kupinda kwataita muno ndiyo mhinduro yandapa mukoma Rangai", anodero Batsirai. "Dayi zviso zvavo zvisina kusuruvara ndakusiyai muchiinda zvino kana ari Gwinyeura ati vapinde mumuzinda uye akati achauya oyinda navo kunamambo oga sei mava kuinda navo imimi kunamambo . Makanganwa here mutemo wamambo venyu , zvino vakanoparadzwa mberi kwamuri kuinda Gwinyeura munouya moreva muchiti chiyi kwaari", anodero Gumbura sezvo pane zvaayinge awona zvisina kunge zvazivikanwa nevose vaiva apa saka kutaura kwainge kwaitwa kuti Gwinyeura ndiye auya nevasikana ava uye kuzopinda kwavainge vaita mumuzinda vasati vaudza mambo yaitova mhosva saka baba vakaona zvakakodzera kuti vasikana ava vamirire Gwinyeura auye apedza yaatanga nekuti kwayaizoperera vaikuziva. "Batsirai ita zvarehwa nesahwira vako nekuti kwabva vasinaka ava , kupinda kwavaita muno uye nemutemo wemuno hazvisi kupindirana saka zvinoda mwenechiro . Iye Gwinyeura anga ati kudii", anodero Gumbura achitonzwira vasikana ava tsitsi nezvainge zvaitika hongu kwaari Gumbura kubva pakataurwa mutemo wekuuraya wese apinda mumuzinda mambo vasina kuziviswa ayinge asina kutenderana nawo asi chokuita painge pasina nekuti sandiye mambo. "Ati ndinange kunhanga yaShamiso navo vogara imomo kusvikira auya", anodero Batsirai. "Ita zvaareva. Uye iwe Rangai zvawaona siya pawazvionera", anodero Gumbura ndiko kuinda kwakazoita vana Mirirai kunhanga yaShamiso uko kwavakasvika arimo akatorara hake. "Shamiso hanzi naGwinyeura ndikupe vasikana ava iye arikuuya", anodero Batsirai ndokubva vana Mirirai vapinda. Shamiso ayiva munhu akasununguka panguva pfupi vainge vototaura nyaya . Vanobvunzana mazita ndokubva avabvunza kwavainge vabva avo vanomutaurira asi havana kumutaura zvizhinji chero chifambirwa chavo. Rangai akayenderera mberi kwakunononga mugota rake umo maanotanga kuzvibvunza kuti ndoita sei . Hongu mwanakomana ayinge achida kusungirira Gwinyeura pagumbo reshumba asi nekuda kwekutorwa moyo kwaayinge ayitwa naMirirai akaona zvisisaite nekuti kungoudza baba vake nyaya iyi ayiziva kuti Gwinyeura, Batsirai nevasikana vaviri avo vaitongerwa rufu zvino akabva afunga kuinyarara . Asi dayi kusiri kuti ayinge asangana naGumbura ayinge atozvipira pokutanga kuisvitsa kunababa vake. Rangai rudo rwainge rwatogara kumunhu waayinge awona zuva rimwe chete uye nguva dukuduku. Ari mugota kudero anofunga kuinda kunhanga kwaShamiso kuti anotandara nevasikana ava achivabvunza mazita nekwavanobva uye obva asvitsa neshoko rerudo asi akaona zvisingaiti nekuda kwekusaindako kwaayinge agara achiita sezvo kubva ayinge asati ambosvika pamusha pana Gwinyeura nekuda kwekusawirirana. Akashaiwa kuti oyita sei mwanakomana . Anotsunzunya meso ake kwenguva refu asi chaakafunga hapaña . Zvineiwo akabva angobatwa nehope semunhu ayinge atenderera Muzinda wababa vake wese achitsva nezuva saka kuzongopinda mubvute kwaakaita zvakabva zvawirirana nehope. _Akati achangovata kudero zvineiwo kwakutanga kurota. Anorota pamuzinda pavo pachiratidza kuva nemabiko asi chakazomunetsa anoona Gwinyeura achibva kudivi rekuchamhembe akabatana ruoko naMirirai vakapfeka zvaiyevedza uye zvakafanana , shure kwavo kuina Batsirai akabatana ruoko zvakare na Nyaradzai vakapfekawo zvaiyevedza uye zvakafanana asi zvainge zvakasiyana nezvana Gwinyeura. Anoramba akavatarisa kusvika vauya kugara painge pakaungana vamwe . Ngoma inotanga kurohwa ndokubva atanga kuina Gwinyeura naMirirai vachitamba vachirezvana netsvodi netsvodi pazere vanhu ndizvo ndizvo Kuna Batsirai na Nyaradzai . Zvinomushatirisa kuhope ikoko ndokuvhomora bvumo rake iro raanopotsera rakananga Gwinyeura asi parinoda kusvika paiva na Gwinyeura anobva apepuka_ Anomuka achiita kuvhunduka Rangai uku bvumo ratova muruoko kana naiye akashaya kuti ayinge arivhomora nenguvai muchiuno make. _"Ini handisiroti manyepo bodo . Vasikana vaya umwe ndewa Batsirai umwe waGwinyeura zvino ndoda kuvaratidza kuti ndinonzi Rangai . Vanofanirwa kids vose vari vana. Handichatokadi kasikana aka ndazviona kuti kanzenza"_ anodero Rangai akafinyamisa chiso achiratidza kurevesa. "Ndakutonoudza baba vangu", anodero achitaura ega Rangai ndokubva asimuka kwakunanga kuDare uko kwaiva naBaba vake. Akasvika ndokukwazisa baba vake avo vaiva nemachinda avo matatu awo ayiti Manyengeni anova jinda guru, Gorosvibo anova muteedzeri koita jengeta mambo iro rainzi Dendera iro raiva remadunhurirwa nekuda kwekuva neziso rimwe chete rimwe racho rainge rakafira muhondo yaNyamatsimba yainge yakaitika makore ayinge akapfuura."Baba ndati ndichibva mukumema kwandanga ndichiita Muzinda wedu ndasangana naBatsirai nemhandara mbiri dzisiri dzemuzinda uno hameno kuti ndedzekumuzinda kupi asi kumubvinza kwandaita kuti wabvepi nevasikana ava iye ati ndavapihwa naGwinyeura" , anodero Rangai. "Vaiswepi vasikana vacho", anodero mambo . "Kunhanga yaShamiso" anodero Rangai. "Manyengeni mutemo wedunhu unoti chiyi ?", Vanobvunza mambo. "Apinda muno shoko risina kutanga rasvika munzeve dzedu anotongerwa rufu", anodero Manyengeni. "Ndaizviziva kuti Gumbura kutora kwaakaita zita randaifanirwa kupihwa ndine pandichamubatira heye mwana wake apara mhosva , ridza hwamanda yekudana munhu wese nhasi ndimbosuka bvumo rangu rava nenyota . Vose vari vana haaaa rinochena", anodero Mambo achiseka hake idzo dzaiva hasha. "Vamwe vaviri ndini ndinosukisawo rangu", anodero Manyengeni achitosimuka ndokubva aridza hwamanda munhu wese ndokumanya achiuya padare asi Mirirai naShamiso pamwe chete naNyaradzai havana kunge vauya kudare. "Pamusoroi vakuru nevadiki Gwinyeura na Batsirai simukai uuye kuno", vanodero mambo mushure mekunge vasimuka . Batsirai zvinomuvhundusa kuti mambo kutanga rini kundidaidza akabva aziva kuti pano chatotsvuka akamboramba akagara achifunga kuti aresva kunzwa. "Gwinyeura naBatsirai ndati kudii", vanodero mambo vachinge vashatirwa. Batsirai akabva asimuka kwakuinda mberi asi Gwinyeura haana kusimuka sezvo ayinge asipo. "Vasikana vaviri vapinda nemukomana uyu simukai muuye kunoberi", anodero mambo asi akasimuka hapana. "Ndoda vasikana vawapinda nazvo muno uye Gwinyeura aripi", vanodero mambo vachisvedera paiva naBatsirai. "Handina kumbop.....", Haapedzisi kutaura mushure mekunge agarwa neganyamuto padama. "Machinda mashamu indai kunhanga yaShamiso munouya nevasikana variko", anodero mambo ndokubva machinda amanyirana akananga kunhanga yaShamiso. Nyaradzai naShamiso vainge vakatozvambarara zvavo vasingazivi kuti kunze kunei vachitoita nyaya kunge vanhu vavanemakore vachigara vose . Mirirai ayinge ari kuutsi kwehope idzo dzainge dzichangomubata. Vari pakati pokutaura havo vanonzwa musiwo kurohwa zvinesimba ndokubatirwana . Shamiso akaita kuvhunduka ndiye mhere kwetsu. Mirirai haana kunzwisisa zvainge zvaitika akangopepuka ava kutosungwa . Vakatorwa kuindwa back kudare vakasungwa maoko nemakumbo ndokusvikoiswa pakati pechaunga. Shamiso anonyararidzwa neinzwi rineukasha naMambo ndiye kusona muromo asi misodzi ichiyerera. Batsirai anosungwawo kwakuiswa pamwe chete nana Mirirai. Gwinyeura akatsvakwa asi haana kuwanikwa kusvika vaudzwa nevarundi vemasiwo kuti haasati apinda mumuzinda kubva rungwanani rwaayunge abuda. "Kana Gwinyeura asvika mumubate ndimupe mutongo wake sewandava kupavamwe uyu", vanodero mambo. Vanhu vainge vakati mwiro apo pakanzwikwa mambo kutaura zvakare. "Handina chekubvunza varere pasi ava kwavabva kana kwavarikuinda sezvo vatyora mutemo wangu. Mutemo wedunhu rino hapana asingauzivi handina mazhinji ekutaura panguva ino ndinozotaura kana ndasuka bvumo rangu", anodero Mambo achivhomora bvumo rake akananga paiva naMirirai sezvo ndiye ayiva kudivi raiva naMambo kunova kwekutanga pamuradzikirwo wavainge vakaitiswa. "Mambo wangu", anodero Gumbura achinge asimuka akasimudza maoko ake mudenga awo ayisava nezvombo. "Handidi kunzwa uchirutsa zvinonhuwa nekuti unouya ukararawo apa bvumo rangu rigopfura nepo", vanodero mambo. "Handisi kukurambidzai mutemo wenyu mambo wangu asi regai ndifire hangu mhosva yevana ava sezvo nyakuvapinza muno ndiGwinyeura anova mwana wangu saka urayai henyu inini vana ava vararame sezvo havana mhaka", anodero Gumbura neinzwi nyoro nyoro. "Ndakuudza kuti usandirutsira mashoko anonhuwa iwe. Kana uchida kufa para yako mhosva igotongwa nehutongo hwayo", anodero Mambo achitosimudza bvumo rake mudenga ndiye kuridzisa rakananga kumusana kwaMirirai pakanangana nepamoyo richibva rasvikotisvata ndiro kubudikidza seri mhere ichibva yanzwi kwetsu KUPERA KWECHITSAUKO 20
❤️ 👍 🙏 😢 😂 28

Comments