JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 15, 2025 at 04:13 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 21 KUMUZINDA KWAMAMBO GUMBURA Gwinyeura anonzwa kuridzwa kwehwamanda achangoyambuka karwizi kekuti achikwira mukwidza kuti anange kusiwo diki. Anobva amanya kuti anonzwa zvainge zvaridzirwa hwamanda sezvo muririro wayainge yaita waisava nechirevo nekuti nguva zhinji auziva pachiridzwa hwamanda ine chirevo sezvakaita hwamanda yehondo, hwamanda yevarwi chete, hwamanda yevanhurume chete, hwamanda yerunyararo, hwamanda yekutongwa kwemhosva dzingava dzemutongo upi neupi. Dzaivapo ndudzi dzehwamanda dzakawanda kwazvo asi iyo yaainge anzwa ndiko kaitova kekutanga kuinzwa. Mwanakomana anomanya akananga kusiwo diki asi rakamuitira kure ndokubva apinda nepasiwo repunyutso. Anopinda mumuzinda munhu wese apera kuinda kudare asi chinomunetsa anonzwa inzwi rehadzvanzi yake kuchema izvo zvakaita kuti hana yake itange kurova. Chinhu chakapinda mumusoro make ndivana Mirirai sezvo akatsvaka chingachemedza hadzvanzi yake akachishaya. Akabva ananga kudare asi ari mukufamba kudero anoona machinda achitopinda naana Mirirai mudare izvo zvakaita kuti chiso chake chishanduke ndokubva avhomora bvumo rake sezvo ainge atoziva zvose zvainge zvava kutora nzvimbo. Anofamba nhanho nhatu kwakudzungudza ndokutanga kumanya. Ava kutosvika padare anotanga kunzwa inzwi ramambo richikwamatata. Gwinyeura anoramba achimanya bvumo riri muruoko rwerudyi ndiye pfacha padare apo paanonzwa mambo vachiti kana Gwinyeura auya mumubate. Hana yake inowedzera kurova, chaainge otyira kuparadzwa kwevasikana vaainge aunza mumuzinda. Akazvituka kuti ndini ndakonzera kuparara kwevaviri ava. Akambofunga kuti deno hake avasiya vachiinda havo kwavanga vachiinda zvino achiri mukufunga izvi ndipo paanonzwa mambo kutaura. "Handina chekubvunza varere pasi ava kwavabva kana kwavari kuinda sezvo vatyora mutemo wangu", anozvinzwa Gwinyeura akazendama rusvingo rwedare ndokubva adondorera nepasiwo ndiye dhumha dhumha naMirirai uyo ainge akarariswa pasi akatarisa kumusiwo. Vanobva vatarisana Mirirai ndokubva atanga kuyeredza misodzi iyo yakaonekwa naGwinyeura. Gwinyeura anofunga kuti oita sei kuti anunure vasikana ava asi chero nezano akarishaya. Akabva abvisa meso ake paainge akatarisa napo mushure mekunge rimwe jinda ramambo racheuka kutarisa kusiwo. Gwinyeura akabva apoterera nedare kwakunonanga padivi painge pakanangana nepaiva naMirirai sezvo pane zvaainge afunga. Akasvika paya kwakutanga kukwira rusvingo rwedare apo achinzwa nhaurwa dzaiita baba vake namambo. Akakwira bvumo rake riri muruoko. Anoti ava kusvika pamusoro soro anoshaiwa kuti oita sei sezvo kuti ainde pamusoro anoonekwa. Akambomira akadero achiita kubira bira kutarisa zvaiva mukati kusvika apo paanoona mambo vachifamba kuinda paiva naMirirai ndokuvaona vachisimudza bvumo ravo iye ndiye kata kata pamusoro pedare. Mambo pavanoti vadzise bvumo ravo rakananga Mirirai iye Gwinyeura anobva akandira rake seri kwedare kwakusvetukira paiva namambo sezvo vaiva pedi nerusvingo. Anosvetukira ndokusvika achibata bvumo ramambo richidzika kudero achirinzvengesa painge pakavata Mirirai ukuwo mambo nekuvhunduka vakabva vawira pasi bvumo vatoregedza iro rainge rasarira muruoko rwaGwinyeura. Gwinyeura mukunzvengesa kwaakaita bvumo iri akati aribaire pasi kurudyi kwaMirirai asi hazvina kuita sekudero rakabva rasvikoti svata pachidya chamambo ndiro kubudira seri mambo ndivo mhere kwetsu. Gwinyeura haana kuwira pasi bodo akasvika achiita kumira nemakumbo kwakadero. Vanhu vose vanoshamisika nechiitiko ichi asi ruzhinji rwakazvifarira kunze kwemachinda amambo chete ekumusoro soro. Gorosvibo muteedzeri wejinda guru anofinyamisa chiso ndiye vhomo bvumo rake kwakuripotsera kwaiva naGwinyeura asi akanyangira yaona sezvo Gwinyeura akabva ari nzvenga iro rakaramba richiinda mberi zvakava kutsva musana nedumbu. Bvumo rakasvikogara pachipfuva chamambokadzi . Manyengeni ainge atovhomorawo rake iro raanopotsera zvakare rakananga kaiva naGwinyeura uyo akabva azviona kwakunzvenga achiwira pasi ndiye pamusoro paMirirai mbi. Nguva iyoyo mudare munopinda mhepo iyo yaiva yerudzi rwechamupupuri ndokutanga kunzwikwa kupisa kwazvo izvo zvakangoitika nguva duku duku pakarepo panoonekwa murume murefu refu aiva nendebvu dzainzvenzvera pachipfuva uye vhudzi rainge rakasvika kumusana. Chimiro chake aisava mukobvu aiva pakati nepakati uye kusviba kwakapinda kwetsito. Murume uyu ainge amire pedi namambo. Kupinda kwemurume uyu vashoma chaizvo avo vaiva kusiwo redare ndivo vakakuona uyo akapinda achimanya pamwechete nechamupupuri kwakusvika ndokubata bvumo raManyengeni chero hazvo Gwinyeura ainge atorinzvenga kare. Kuonekwa kwakaitwa murume uyu kupisa kwese kwakabva kwapera uye vanhu vanoshamisika akabata bvumo raManyengeni kureva kuti Gwinyeura kunzvenga kwaakaita ainge anzvenga mhepo chete.Baba vaGwinyeura vainge vakangobata muromo wavo kubva pakuita kwese kwemwana wavo. Mambo vainge vongoshanyarika vakabata gumbo ravo kana iri misodzi hatichatauri. Rangai paakadawo kuti arwire baba vake ndiyo nhambo inopinda murume uyu mudare. _"Munhu wese pasi"_, anodero murume uya neinzwi rine hukasha rakashoshoma. Munhu wese akabva agara pasi kutya ndokupinda mavari. Harahwa nechembere ndidzo dzinoonekwa kusimuka izvo zvakashamisa vanhu vose uye murume uya akaratidzawo kushamiswa asi anozonyemwerera mushure mekunge anzwa chembere dzava kurova mhururu uye harahwa dzoridza miridzo negusvu padivi.Murume uya anodzvova seshumba zvakavharisa muzinda wese, pwere ndokukwetsura mhere vamwe netsvina netsvina vakazviitira vagere. Panguva iyi mhururu nemiridzo zvakabva zvanyarara nmwe harahwa inotanga kunzikwa kutaura yakapfugama ichirova gusvu. _"Svikai zvakanaka vasekuru.....pano tine pwere dzenyu dzinotya, tinowonga matirangarira kubva paya pamakaita hwemuseve waenda neuma tikati isu varanda tatadzei. Zvino zvamadzoka kudai aiwa tinoti chinokanganwa i........."_, harahwa haipedzi kuenderera nebasa rayo murume uya anzwikwa kutaura. _"lngava nzombe chaiyo chero pakava nemhou yairi kuteverera yoita makore iri musango hazvirevi kuti haizivi kudanga kwayo. Hongu baba naamai vakatadza mutongo unopuwa kubva kurudzi rwekutanga kusvika kune rwechina asi kwamuri vadzimu vanzwa tsitsi nekuti muno mumuzinda mapinda vakuru kupinda ini avo vatumwa kuzadzisa basa ravo. Muri kubvunzana henyu kuti varipi asi kana nguva yakwana muchavaona. Handina mazhinji asi ndine soko randanzi ndipinze munzeve dzamambo. Mambo verino dunhu nditeverei kuimba yamatare"_, anodero murume uya ndokubva atotendeuka kunanga kuimba yamatare. Vanhu vose vechikuru vainge vaziva murume uy kuti ndiani asi vechidiki havana kunge vaziva vakaita saana Gwinyeura vaiva kuutsi kwehope. Vana Manyengeni pavakamuonawo vakafara kuti svikiro redu radzoka kubva kwavaisaziva chero hazvo vaingonzwa mafun'a fun'a zvainge ezvakaitika kumashure kuti svikiro ravo rizonyangarika. "Manyengeni ndisimudzei ndiinde kusvikiro rangu, musandibvisa bvumo iri richandobvisirwa mberi", anodero mambo neinzwi rine misodzi. Mambo vakabva vasimudzwa kwakuindwa navo kwainge kwainda svikiro. Gwinyeura akabva avhomora bakatwa rake kwakucheka makashu ainge akasungiswa vana Mirirai. Hapana akamudzivisa sezvo vana Manyengeni naana Gorosvibo vainge vainda namambo. Mamwe machinda akatya kumudziisa sezvo aiva mwana wehumambo. "Ngatibudei muno", anotaura nezeve zeve Gwinyeura zvakangonzwikwa naivo chete. Vanobuda vangori vana chete kwakubva Gwinyeura atora bvumo rake seri kwedare. "Batsirai inda nevasikana ava kugota rangu ini ndava kudzokera mudare. Batsirai haana kupikisa ndokubva atanga kufamba nevasikana ava asi Mirirai anofamba nhanho shanu kwakucheuka ndokuona Gwinyeura akamira akatarisa kwavaiva "Waita hako basa iwe mukomana waita kuti ndive ndiri mupenyu kutaura kuno", anodero Mirirai achibva atotendeuka kuinda kwaiyinda vana Batsirai. Gwinyeura haana raakataura akabva adzokera mudare umo nunhu wese ainge akati mwiro kana zvekubaiwa kwanambokadzi hapana ainge achazviziva nekuda kwekutya kwavainge vapindwa nako kubva pakapinda ravo. Achipinda Gwinyeura ndiyo nhambo inopinda vana Manyengeni mudare. Mambo vakapinzwa maiva nesvikiro iro rainge rakagara pasi rakapfunya chibondokoto. "Vamwe mose chibudai mudzokere kudare, musanowana chamunonotaura ikoko kusvikira ndauya", rinodero svikiro ndokubva vabuda vana Manyengeni. _"Handina mazhinji zuva ranhasi asi chokutanga ndinoti bvumo haritongi muzinda asi hunhu ndihwo hunotonga. Usaita mutongi wevanhu asi ita muyananisi wevanhu. Zvombo zvinobudiswa pahondo kwete padare remusha. Usadzinga vayeni kana kushungurudza nekuti zvimwe pada vadzimu vanenge vakushanyira. Pavanasikana vawanga uchida kuuraya ndipo pane haranga yerino dunhu. Zviri kwauri kupikisana nezvandareva asi ndiro shoko revanondituma ravati ndisvitse juna mambo. Kubvira zvatsika HARANGA YAMAMBO GUMBURA mudunhu mayo zvitadzo zvose zvarasirwa kure uye muzinda uno wacheneswa chero hazvo uchiri kucheneswa. Kubvira nhasi auraya munhu nepfumo naiye ari kufawo nepfumo. Auraya nemuseve ari kufawo nemuseve". Haranga yerino dunhu ichange ichigara munhanga yayakatanga kusvikira ichibva kumuzinda kwayo kusvikira musi waichazoroorwa kuti ichigara muno muimba yehumambo wasvika. Zuva ramangwana utange kubika doro remarooro uye pfuma ichabviswa ichatorwa nemuridzi wenhanga yandareva iya yakasvikira vasikana ivava_, rinodero svikiro ndokubva ravhomora bvumo rainge rakabaya mambo ndokurapa gumbo racho kwakurisunga nemakavi. _"Usawana umwe mushonga wauchaisa apa kusvikira gumbo rako rapora"_, rinodero svikiro ndokubva rabuda muimba umu kwakuinda kudare. _"Mwanakomana arwisa baba vake inda unokumbira ruregerero"_, rakadero svikiro ndokubva ratotendeuka kubuda mumuzinda. KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE Chirashauta achiri mukufamba kuinda kwaiva nababa vake anosanganidzana meso naMarwei uyo anobva asimudza ruoko rwake kwakurwufambisa pahuro yake izvo zvakaziikanwa naChirashauta kuti zvinorevei asi hazvina kumutadzisa kuinda kwaaiinda. Akasvika ndokumira mberi kwababa vake. "Iwe newe newe musungei", anodero Mupwanyanzombe zvakanetsa vanhu kuti atadzei uye Chirashauta hazvina kumuvhundusa asi kuti arwise zvaisaita nekuti aiva asina zvombo uye aida kunzwa mhosva yake chero hazvo aizviziva kuti ane zvaakaita asi aida kuona kuti chii chinonyatsoitika. "Ndinogosungwa ndaita sei nhai baba?", anodero Chirashauta neinzwi rakapfava. "Mhosva yako uchainzwa wasungwa", anodero Mupwanyanzombe akatarisa mwana wake neziso rinenge murazu wemoto. Chirashauta anotarisa machinda ainge anzi amusunge awo aiuya atori nemakashu. "Nhai baba ko zvomondiita muranda munyika yababa vangu wani? Ndatadzei zvasvika pakuti mudaidze dunhu rese kudai?", anodero Chirashauta chiso chake chisinganzwisisiki kuti akatsamwa here kana kuti ari kufara. "Fambisai vana Takawira muite zvandareva", anodero Mupwanyanzombe zvineiwo vana Takawira vanosvika painge pamire Chirashauta. "Machinda ababa vangu ini handikurambidzii kuita zvamatumwa nababa vangu asi poshi, huyai muchiziva zvinouraisa nezvinopa raramo. Piri, itai chose chamunoita matanga mafunga nekuti mangwana muchafira mafufu segonzo. Tatu, ndakakutarisai ndinoona muine mhuri dzinoda kuchengetwa uye umwe wenyu ari muurongwa hwekuda kuroora mumazuva mashoma ari kutevera. Ina, kana mazvipira kuonekana nemhuri dzenyu chitangai maraira nhaka mozondisunga. Angu maoko aya", anodero Chirashauta achitendekera maoko ake kune machinda matatu aiva pamberi pake. Machinda akati kuhukura kweyoda kutandadza ndokubva vasunga Chirashauta maoko pamwechete nemakumbo kwakubva arariswa pasi. Mai Chirashauta misodzi yainge yoyerera pamatama chokuita painge pasina. Kana ari saMadzingaidze sandi kufara ikoko sezvo ainge asisadi kuona mukoma wake. "Handisati ndambodeura ropa rerudzi rwangu asi nhasi rasvika zuva racho. Mwanakomana wangu uyu kubva zvafa mukoma wangu ava kutozviita sekuti baba kwandiri. Ndinovimba mose maiona zvaiitika. Chokutanga akaita kuti Mirirai asainda kwaNyamatsimba chechipiri ndakati vanhu vabike doro muzinda ugadzwe mambo sezvo zvisingatenderwi kuti ugare usina mambo asi iye akadzivisa vaibika doro avo vandaiva ndapa basa iri. Chetatu ari kugaroshungurudza mukadzi mudiki wangu zuro chaiye akarova mukadzi wangu zvino ini ndatambura naye. Zvimwe pada achawarukirawo kwandiri. Asi mhosva huru yanhasi yaita kuti ndide kumupfuudza ini nyakumubereka inhau yekumisa vabiki vedoro kuita basa ravo", anodero Mupwanyanzombe ndokubva afamba kuinda paiva naChirashauta. "Baba ndimi here mashinga kudeura ropa renyu? Zvisinei ane chake ndihombarume itai henyu chose chamunoda pandiri. Kudai manga musiri baba vangu ari mutorwa zvake andifungira zvakadai nababa vangu vandakaisa muninga mazuva apfuura ndaiedza napose pandaigona napo haaindikwanisa kundiuraya. Pakuti inini ndife ndiye autanga ndozotevera hangu. Zvisinei hazvo baba musati mandiuraya ndinokumbirawo kusiira munun'una wangu shoko rimwechete richanzwikwa naiye chete mozondiuraya henyu. Imi maita baba handikwanisi kukuurayai", anodero Chirashauta akarara pasi. Madzingaidze akadaidzwa kwakuuya paiva nemukoma wake. "Munun'una usavimbe nemunhu nyangwe ani zvake nekuti ndiye achakuuraya. Shoko rangu randinoda kukusiira ndinoda kuti uzotevera hadzvanzi yedu kudivi remaodzanyemba unoiwudza kuti ini ndatungamira chiinda hako unogara pasi upe baba mukana wavo", anodero Chirashauta apo Madzingaidze akasiya padiki diki kupfira mukoma wake kumeso pamashoko aainge ataura. Zvisinei akabva anogara pasi. Mupwanyanzombe anobva aswedera kwaiva naChirashauta asi anonzwa inzwi kutaura kurudyu kwake. "Mambo wangu, mambo Wangu ", anocheuka Mupwanyanzombe kwakuona musharukwa uyo aiva tsika nditsikewo naMudzvovakamwe uye ariye aiva chipangamazano zvakare, ndiyo imwe yeharahwa dzakainda kunochengetedza mambo kuninga uye ndiye nyakupinda muninga naChirashauta. Kucheuka kwakaita Mupwanyanzombe harahwa iyi yakabva yatanga kutaura. "Mwana wako haana mhaka nuzukuru. Ndini nyakumutuma kuti adzivise vabiki vedoro. Ndini nyakumuudzira kuti Mirirai asainda kwaNyamatsimba. Ndini nyakumuudzira kuti aaaaaa........", haipedzisi kutaura harahwa iyi mushure mekunge yagarwa nebvumo mumusoro iro rainge rapotserwa naMupwanyanzombe. "Mharadzi yeharahwa, unoda kundiparadzanisa nevana vangu iwe. Chirashauta mwanangu nemi vanhu vose ndiregerereiwo pakuda kuuraya munhu asina mhaka. Machinda sunungurai mwanakomana wangu", anodero Mupwanyanzombe azere nehasha. Harahwa iya yakabva yasiya nyemba. "Baba mauraya munhu asina mhaka", anadero Chirashauta misodzi ichibva yatanga kuyerera sezvo harahwa iyi hapana chaainge yakambotaura naChirashauta pane zvose zvayainge yataura. Kutaura kwakaita Chirashauta baba vake havana kuzvinzwa zvineiwo Chirashauta akasunungurwa uyo akangosimuka ndokunanga kugota rake uko kwaakasvikotora zvombo zvake chiso chakaunyaniswa. Kubuda kwakaita Chirashauta mudare mambo Nyamatsimba vakabva vasvikawo nemachinda avo pamwechete naana Maronga.............. KUPERA KWECHITSAUKO 21
❤️ 👍 😂 😢 🙏 20

Comments