JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 16, 2025 at 03:31 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA* ⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️ https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT *✍️CHINYAKARE NOVELS✍️* WRITTEN BY JOHN MANDONGWE _📞+278454121O5_ _📞+263779698O11_ _*FOLLOW CHANNEL YEDU*_ ⬇️⬇️ https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a *JOIN COMMENT GROUP* ⬇️⬇️ https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR CHITSAUKO 22 KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE Mupwanyanzombe anoona hasha dzainge dzabata mwanakomana wake panguva yaanosimuka kubuda mudare ndokubva ati rega ndimutevere ndinomupfavisa zvino paanoti abudewo mudare anobva asanganidzana naMaronga nana Nyamatsimba. "Nangai kuimba yamatare navayenzi ndiri kuuyako Maronga", anodero Mupwanyanzombe ndokubva Maronga agutsurira musoro kwakutora vana Nyamatsimba ndokuinda navo kuimba yematare .Mupwanyanzombe akabva adzoka mudare "torai harahwa iyi munoipisa kunze kwemuzinda uye vekubika doro itai basa renyu tiri shure nenguva", anodero achitobuda mudare ndokunanga kugota raChirashauta uko kwaanosvika iri nzvimbo ndokunanga kuimba yaamai vake apo paanobva amuona ava kutosvika kusiwo guru. Mupwanyanzombe anotuma rimwe Jinda kuti rinomudana adzoke . Chirashauta ayifamba kunge mhuru iri kuinda kunaamai vayo . Ayifamba mwanakomana kwainge kwafungwa kurefu chaiko . Hana yake yayiita kurova zvaayinge asati akamboita iyo inova yakatanga kurova panguva yaayinge akasungwa ari mudare paakangotaura Zita raMirirai . Zvino mwanakomana zvaayinge onzwa paari akaziva zvaaireva . Anoita kukanda nhanho akangana divi raakasiira hadzvanzi dzake , munyama dzake ayinzwa kuti vari parumana nzombe . Akasvikobuda mumuzinda ndiye nekurwizi asi asina kure kwaayinda anonzwa mutsindo shure kwake. "Mambo Wangu , hanzi nababa chimbosvikai pano vari kugota renyu", rinodero Jinda riya. "Sandiwe here umwe wevamwe vakandisunga mudare", anodero Chirashauta achivhomora bvumo rake muchiuno. Jinda riya rinodedera richidzoka shure . "Kwaiva kusada kwangu Chirashauta asi ndakangosarudzwawo Pachaunga", anodero muchinda uya. "Wakasarudzwa ndichiona asi ndine yambiro yandakakuudzai hongu handisi muurayi asi anoita zvekuti umwe afe handina ukama naye", anodero Chirashauta akafinyamisa chiso. "Ndokumbirawo ruregerero mambo wangu tarirai ndiri kuda kuroorawo mumazuva maviri arikutevera", anodero mujaya uya. "Zvose izvo ndinozviziva inga ndakakuudza wani . Chinzwa unzwe kana uchida upenyu hwako Sara wakamira pano kusvika ndadzoka kwandadanwa nababa ndine mashoko andinoda kukupa", anodero Chirashauta achibva atotendeuka kudzokera kumuzinda. Anosvikopinda mugota make kwakuwana baba vake varimo. "Ndadzoka baba", anodero Chirashauta mushure mekunge agara pasi. "Mwanangu ihasha dzainge dzandibata pane zvose zvandaita undiregererewo", anodero Mupwanyanzombe asi kwaisava kurevesa asi pane zvaayinge afunga . "Mhosva haiwiri pachitsiga baba uye handina chandinokuregererai nekuti hamuna kunditadzira asizve mazouraya munhu asina mhaka", anodero Chirashauta. "Sezvawareva mwanangu kuti mhosva haiwiri pachitsiga", anodero Mupwanyanzombe. "Manatsa mandidzosa baba ndanga ndiine nyaya inova yamambotaura yamainini iya hongu zuro ndaida kuvarova asi handina kuzoita sekudero sezvo ndakaziva kuti ndimai asi kuita kwavarikuitaka... baba nerimwe zuva muchasvika chava chando", akadero Chirashauta asi haana kuziva kuti apfanyidzira paronda rababa. Mupwanyanzombe anounyanisa chiso ndokukasira kuzvidzora sezvo akaona kuti zvaayida zvaizotadza kuita kwakubva anyepera kubvunza asi ayinge atoshatirwa kare nezvainge zvataurwa. "Varikuita sei amainini vako mwanangu", anodero Mupwanyanzombe asi achiita kukonewa nehasha. "Baba ini ndinganyepa asi mukanovabvunza vanokuudzai idi chairo sezvo ndivo vanaro asi baba ini handisi muurayi asi ndichava muurayi kana vakaramba vachiita mabasa avo ndangoti ndigare ndaudza imi sababa vangu uye semurume wemukwadzi", anodero Chirashauta . "Ndarinzwa shoko rako mwanangu ndichaita sekudero . Ndine basa randinoda kukupa mwanangu Saka kwauri kuinda unodzoka nguvai", anodero Mupwanyanzombe. "Ndinogona kuita mazuva baba nekuti afamba apota", anodero Chirashauta. "Zvino zvakadii kuti nhasi umbomira wozoinda hako mangwana sezvo pane basa randoda kukupa nhasi zuva rava kunovira", anodero Mupwanyanzombe ayinge afunga kuti panozodzokera Nyamatsimba azomutevera shure kwake nemachinda amurwise Saka akaona zvakakodzera kuti Chirashauta ave aripowo pahondo iyi uye nekuzotaura kwainge kwaita Chirashauta kuti anozogona kuuraya Marwei zvakabva zvaita kuti Mupwanyanzombe azowanira zvakare pekuurayira Chirashauta vari kuhondo iyi yaNyamatsimba. "Hapana chakaipa baba ndiri pano ndanga ndichida kungonotarisa misungo yangu rinozosikata zvaro ndadzoka", anodero Chirashauta izvo zvakafadza baba vake. Baba nemwana vakazoparadzana ndokubva Mupwanyanzombe ayinda kuimba yaiva nana Nyamatsimba uyu Chirashauta anoti achingobuda panze anodaidzwa naamai vake . "Wafungepi mwanangu wabereka zvombo", anodero amai. Chirashauta akabva agara pasi "Amai ndichambogura mitunhu asi mushure memazuva maviri ndinodzoka", anodero Chirashauta. "Wafungepi mwanangu ", vanodero zvakare amai . "Ndoda kumbonoona Mirirai kuti arisei", anodero Chirashauta asi misodzi yake inonjenga mumaziso sezvo ayinge anyepera amai vake zvaayisaita mazuva ose . Akaona kuti avaudze zvokuti arikunotsvaka Mirirai angauraisa Mai vake nepfungwa. Chirashauta zvaakaona kuti ava kunjenga misodzi akabva atowoneka amai vake . Anodzika nekusiwo guru uko kwaakati achingobuda ndokuona machinda matatu ayinge achivesa moto kuti apise musharukwa uya izvo zvakarwadza Chirashauta kwakubva ayinda pavaiva. "Machinda ababa", anodero Chirashauta ndokubva machinda aya acheuka . "Musharukwa uyu aurawa asina mhaka zvino ndinokumbirawo mundipe mutumbi wacho ndinouviga kwakakodzera", anodero Chirashauta . "Wakanganwa zvawanga uchida kuitwa padare here ", anodero umwe murume ndokubva Chirashauta amutarisa kwakuona kuti ndeumwe wevamwe vaya vekumusunga uye vaitova vari vaviri wetatu ayiva Kurai mwanakomana waMutangemhanza. "Hongu handina kukanganzwa asizve imi ndine chivimbiso chenyu , Kurai wondiregererawo nekuti mutumbi uyu hazviiti kuti upiswe", anodero Chirashauta apo Kurai haana kunyatsonzwisisa kuti murume ayiva pedyo naye abaiwa sei nebvumo naChirashauta pakarepo Kurai anoona umwe murume uyo ayiva kurudyi oda kuvhomora bvumo rake kuti arwise ndokubva Kurai apotsera rakewo bvumo kumurume uya uyo akasvikoti negotsi pasi uye uya wekupotsererwa bvumo naChirashauta chainge chavachando kare. Kurai naChirashauta vanosara vakamira mapakatwa ava mumaoko asi Kurai rake anorikandira pasi iro rakanobaya mumusoro mechitunha chokubaiwa naChirashauta. Chirashauta akabva apfekera rake muchiuno ndokufamba kunovhomora bvumo rake . "Ndinotenda nezvawaita Kurai". anodero Chirashauta. "Anga oda kurwisa ndosekera ndadero", anodero kurai . "Ndava kukusiira rimwe basa ini ndava kuinda kunoradzika mukuru uyu kwakakodzera iwe wosara uchipisa zvitunha izvi", anodero Chirashauta . Kurai haana kupikisa vakabva vatora zvitunha zviya kwakuzvikandira mumoto uyu Chirashauta kwakutakura harahwa iya ndokunoiviga mubako rayo yega muchikomo chaiva pedyo nemuzinda. Uyu kurai anosarawo achishukudzira moto kusvika asara madota kwakuzodzokera mumuzinda. Chirashauta achipedza kuchengetedza musharukwa anobva adzika ndokunanga kwaayinge asiya Jinda riya rekutumwa naMupwanyanzombe kuti rimudzose . Anosvika kwakuona jinda rakatogara zvaro pasi pabvute . Chirashauta anonzwa tsitsi . "Chidzokera zvako kumuzinda asi mangwana usatumwa zvinhu zvakaita seizvi", anodero Chirashauta. "Ndinokutendai mambo Wangu narini wose handikukanganwiyi", anodero Muchinda uya akaisa ibvi rimwe chete pasi. "Usazvinetsa hako nekunditenda asi ini ndini ndingatotenda simukai henyu mukoma wangu", anodero Chirashauta ndokubva atotendeuka kunanga kurwizi. Chirashauta anotanga kufamba zvose zvainge zvaitika ayinge azvisiya kwazvaitikira . Chainge chava mumusoro wake ihadzvanzi yake Mirirai. Mwanakomana ari mukufamba kudero anobva amira kwakutanga kufunga mashoko ababa vake. _"Zvakadii kuti nhasi umbomira wozoinda hako mangwana sezvo pane basa randoda kukupa nhasi zuva rava kunovira"_ anomanzwa mashoko ayo kurira munzeve dzake . Mwanakomana ayisada kurwadzisa baba vake hongu pane zviviri zvitatu zvavainge vakamuitira zvairwadza uye zvavayimuitira asi pashoko rekuzongoti baba ayiribatisisa akaramba akatarisa panhu pamwe chete ndiye tendeu kuti anoita basa rababa vake. Mupwanyanzombe zvaakapinda maiva nana Nyamatsimba vanokwazisana . Vachipedza Mumba makamboita runyararo. "Ndini ndakatuma nhume mambo Wangu", anodero Mupwanyanzombe. "Hongu nhume ndakadziona asi kusimuka kusvika pano kwandaita ndinoda mombe gumi neshanu", anodero Madzvike. "Hapana chakaipa ndinoita sekudero. Donzvo rangu guru nderekuti titaurirane panhau yaMirirai wamaida uya handichasi kuziva kwaari kubva zvaarwisa machinda amakatuma haana kuzombodzoka muno mumuzinda", anodero Mupwanyanzombe. "Tisati tainda kwese ikoko pane machinda andakatuma mazuva matatu adarika wakamati kudii uye aripi", anodero Madzvike uyu Nyamatsimba ayinge akapfumbira wake muromo. Mupwanyanzombe sekunzwa kwaakaita naSarudzai kuti varwi vose vaNyamatsimba vakaurawa naChirashauta akabva anyepa. "Handina kunge ndavaona ivavo . Vandakaona vatatu chete vanova vakarwiswa nemusikana uyu", anodero Mupwanyanzombe zvedi vekwa Nyamatsimba havana kupikisa sezvo pavaida paisava ipo. "Chitaura nhaurwa yako yawatidanira. anodero Nyamatsimba. "Sezvo Mhandara iya isina kuzodzoka mumuzinda ndanga ndafunga kukupai mombe dzamunoda imi munoreva moga", anodero Mupwanyanzombe. "Hapana chakaipa asi pamhandara unotonditsakira imwe mhandara chero isiri yeropa rako. Uye pamombe unodimbura napakati pane dzose dzaunadzo", anodero Nyamatsimba. Mupwanyanzombe achinzwa izvi akabva ambotarira panhu pamwe chete kwenguva refu. "Riri munzeve . Tumbare huya timboisa musoro pamwe chete uye Maronga hatingasiyi vayeni voga wochisara navo", anodero Mupwanyanzombe . Tumbare naMupwanyanzombe vanobuda ndokuinda muneimwe imba. "Tumbare wainzwa nyaya asi ndine zano rekuita", anodero Mupwanyanzombe. "Mafungei mambo" anodero. "Tarira ndini ndavakudakugadzwa humambo Saka iwe zvauri mudiki kuna Maronga ukandipawo mwanasikana wako Sarudzai ndiwe uchava Jinda rangu guru Maronga oyita mudiki kwauri chero pamakore Ari mukuru. Uye kuinda kwemwanasikana wako hazvirevi kuti tinoda kuti ayinde bodo asi tichati pavachasimuka pano vava kudzokera kumuzinda kwavo isuwo tovatevera mushure mavo nehondo yedu tovarwisa munzira imomo totora zvipfuyo zvedu nemwanasikana wako", anodero Mupwanyanzombe. "Tumbare achinzwa izvi rume guru rinofara sezvo raitoziva kuti Maronga ndiye achaita Jinda guru ramambo sezvo ariye murwi mukuru ayinge asara zvino parakanzwa kuti ndiye achaita Jinda guru akabva abvuma nemwanasikana wake zvinova zvakafadza Mupwanyanzombe. "Uye rimwe basa patichange torwisana naNyamatsimba ini kana iwe umwe museve wedu ngautumbure Chirashauta nekuti zvaarikuita hazvisi kundifadza Saka anofanirwawo kufa pahondo iyi", anodero Mupwanyanzombe. Hapana chakaipa mambo Wangu ndinoita sekudero Chirashauta haandinetsi hangu", anodero Tumbare. Varume ava vakazodzoka maiva nanaNyamatsimba. "Zvamareva tapedza , Mhandara yavapo chasara kukupai mombe dzamareva", anodero Mupwanyanzombe. Panguva iyi zuva rainge rorova nhongonya . "Nyamatsimba akanobandirwa danga napakati machinda ake kwakutanga kutinha vachibuda mumuzinda uye Tumbare anobva atuma rimwe Jinda rake kunodaidza Sarudzai uyo akauya achimanya. Tumbare anoudza mwanasikana wake zvaivapo asi Sarudzai akamboramba kusvika anyatsotsanangurirwa kuti pane Hondo iri kutevera mushure kuzorwisa ndipo pakazoita kuti Sarudzai abvume . Nyamatsimba nevarwi vake nezvipfuyo vanobuda mumuzinda rakacheka nyika . Ruzhinji rwese rwaiwona izvi rwaingobata muromo asi chokutaura painge pasina .......... KUPERA KWECHITSAUKO 22
❤️ 👍 😂 🙏 😮 27

Comments