JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 17, 2025 at 05:16 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA*
⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️
https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT
*✍️CHINYAKARE NOVELS✍️*
WRITTEN BY
JOHN MANDONGWE
_📞+278454121O5_
_📞+263779698O11_
_*FOLLOW CHANNEL YEDU*_
⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a
*JOIN COMMENT GROUP*
⬇️⬇️
https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR
CHITSAUKO 23
KUMUZINDA KWAMAMBO GUMBURA
Mudare vanhu vakazonzi vapararire ndokubva mutumbi wamambokadzi wanoiswa muimba huru yavo . Gwinyeura akangobuda mudare akafinyamisa chiso kubva kumashoko esvikiro ekunzi anokumbira ruregerero iye achiziva kuti haana chaatadza. Mwanakomana anonanga kugota rake zvekuinda kunokumbira ruregerero ayisatoda asi kusina Kure kwaayinge ayinda anonzwa kubatwa ruoko ndiye cheu wanei ndibaba vake. "Mwanangu ita mashoko esvikiro , izvozvo dzokera kuimba inamambo unokumbira ruregerero", vanodero baba vake.
"kwete baba handinokumbiri ruregerero sezvo handina chandavatadzira", anodero Gwinyeura achitendeuka kuti ayindirire mberi nerwendo rwake asi anorwunzi dzvii ruoko zvine Simba.
"Gwinyeura , ita zvandareva", vanodero baba vake uye Gwinyeura anotarisa chiso Chavo ndokuona zvaayinge asati amboona panababa vake kubva achivaziva. Gumbura ayinge ashatirwa chiso chakaita senyati yakaruma uswa, ziso ratsvuka kunge murazu wemoto .
Mwanakomana anodedera uku baba vachiita kubvunda nehasha . Zuva iri ndiro rakatanga Gumbura kushanyirwa nehasha kubva chibarirwe chake. "Mondikanganwirawo baba ndatadza regai ndiite sekuda kwenyu", anodero Gwinyeura achibva atanga kufamba kuinda kuimba yaiva namambo .Akasvikogogodza ndokubva musiwo wavhurwa naRangai uyo anoti achisanganidzana chiso naGwinyeura anofinyamisa chiso izvo zvakaonekwa naGwinyeura asi raakataura haana akabva atukutira nemuhapwa make ndokupinda mumba kunanga paiva namambo.
Akasvikorovera ibvi rake rimwe chete pasi meso ake tsvee pagumbo ramambo iro rainge rasungwa nemakavi uye mambo vainge vakagara pachigaro chavo. _"Baba kureva imi mambo wangu , ndakotamisa uso hwangu pamberi penyu ndichiti zvaitika mudare sandi kuda kwangu asi kwanga kuri kuyedza kununura vanamupfuri nanzira kubva mupfumo renyu . Ini mwanakomana wenyu ndinoti baba ndiregerereiwo nezvandaita . Ndinozviziva muri pakati pemarwadzo asizve baba mhosva haiyendi pamuti ndiregerereiwo baba"_ anodero Gwinyeura akaisa uso hwake pasi . Mambo zvose zvaitaurwa nemwanakomana wavo hongu vaizvinzwa asi chavakagashira hapana .
Chavainge vadzeya vari voga kubva zvaitika chiitiko ichi kutopfuudza Gwinyeura sezvo vakashandisa muromo wevakuru unoti mviro mviro dzemanza mapfeka . Zvino pakutaura kwayiita Gwinyeura mambo vaibata bata muchiuno mavo kutsvaka bvumo ravo kuti vabve vapedza naye nguva isati yaenda asi bvumo vanorishaya ndokuyeuka kuti ndiro rainga rakavabaya iro rainge razendamidzwa seri kwesiwo nesvikiro .Mambo pavanoda kuti vapindure zvainge zvataurwa nemwana pasiwo panogugudzwa apo panoonekwa Gumbura achipinda izvo zvakabva zvaita kuti Mambo vavanze mavara avo. "Ndazvinzwa mwanangu chero ini ndazviona kuti sandi kuda kwako asi mangwana usazozvidzokorodza mwanangu nekuti handizokuregereri zvakare . Zvanhasi ndakuregerera nekuti yafamba kamwe haitewi", anodero Mambo asi ayiva manyepo , vainge vatofunga rimwe zano rekumupfuudza naro vachishandisa machinda avo. "Ndafara nezvamaita mukoma maregerera mwana uye ndaonawo zvakanaka kuti mukoma isuwo vana baba tiyanane tarisai kubva patakangoyaruka tainge toita kunge machongwe uye naiyezvino zvichipo uye zvatowedzera kupfuura shumba mbiri dzakafutirana", anodero Gumbura.
"Uchirevei", vanodero mambo vatoisa muromo mumhino. "Ndiri kuyedza kureva kuti ngatiwiriranei mukoma sevana vanyamunhu tisiye kuvengana. Tishanyidzanewo tichidzorana pamwe chete nekupanana mazano", anodero Gumbura. "Yako yawauya nayo iyi ndichazoita kuuya kumba kwako parizvino ndiri pamarwadzo", anodero Mambo .
"Hapana chakaipa mukoma zvino mambokadzi toita sei navo", anodero Gumbura . "Pakuita sei", anodero Mambo sezvo ayinge asati anzwa kuti mukadzi hakuchina uye Rangai ayinge asina kunyatsoona kuti bvumo rainge ranobaya ani asi mhere yekuratidza kuti pane abaiwa akainzwa. "Pane zvaitika mudare paya paita bvumo ranobaya mambokadzi vakasiya nyemba", anodero Gumbura izvo zvakaita kuti Mambo vafinyamise chiso vakatarisa Gwinyeura . "Chibudai muno mose izvozvi , iwe Rangai inda unodaidza Manyengeni", anodero .
Gwinyeura nababa vake vanobva vabuda uye Manyengeni kwakupinda Shure kwake kuina Gorosvibo pamwe chete naRangai uyo akanomira pedyo nababa vake . "Chiyi chaitika kudare uye mukadzi wangu ayitwa sei", anodero Mambo achiita kupupa nehasha. "Kubaiwa kwamaitwa isu semachinda tada kutourayawo akubayai zvino atanga ndiGorosvibo kupotsera bvumo rake rakananga Gwinyeura asi abva arinzvenga ndokubva rapfuurira kunobaya mambokadzi . Ini pandazo......." Haapedzisi kutaura Manyengeni mushure mekunge mambo vapotsera bvumo iro ravakavhomora muchiuno maRangai iro rinosvikobaya Gorosvibo pachipfuva ndiye negotsi pasi zete pfaru pfaru kana mabika manhanga mosara modya mega.
"Simudza umwe wako unomupisira kunze kwemuzinda paunodzoka uuye nemukadzi wangu muno ndimuone", anodero Mambo misodzi ichiyerera pamwe chete nemwanakomana wavo. Manyengeni anosimudza chitunha kwakunochipisa seri kwemuzinda. Akabva adzoka kwakuuya nemutumbi wamambokadzi . Mambo vakarwadziwa zvakanyanya zvisinei vakatuma machinda kunochengetedza mukadzi wavo apo paivawo naRangai . Sezvo zuva rainge ravira avo vekunoviga mambokadzi vakadzoka ruzhinji rwavata. Mangwana kuseni Rangai anomukira kwaiva nababa vake kuti anoona kuti vamuka sei umo maanowana muina Manyengeni . Anovakwazisa apo baba vanochitanga kutaura . "Mwanangu tarira Mai vako vafa vasati vaonawo muroora wavo", vanodero mambo. "Muroora vakamuona baba asi ndainge ndisati ndavaudza kuti ndiye", anodero Rangai . "Kureva kuti watova nemusikana ini ndisingazivi here mwanangu ndiudzewo ndizive", anodero Mambo . "Asi musandipikisawo baba nekuti ndiye wandinoda", anodero . "Kwete mwanangu taura hako", vanodero . "Pavasikana vaviri vaya vamanga muchida kuuraya kudare paya zuro murefu wacho uya akanditora moyo wangu .
Pandakangotanga kumuona pane zvakaitika munyama dzangu", anodero Rangai izvo zvinoita kuti mambo vanyemwerere. "Mashoko awareva mwanangu akataurwa nesvikiro zuro ini ndaitoti manyepo. Rakati pavasikana ivava ndipo pane Haranga yeuno Muzinda zvino iwewe semunhu wandaitoshaiwira hope ndichiti ucharoorawo rini zvawatowana waunoda ini handipikisi ndinoita kuda kwako. Asi mwanangu musikana uya inyeredzi , svusvura ndadya chaiyo , tsvarakadenga yomena. Zvino idamba rakaibva rawira murusoswa zvode kukasira kufunga kuti woritora sei asi ini sababa vako ndichakubatsira kuritora", vanodero mambo.
"Hamuna kupotsa mambo wangu uye potode kukasira kurinhonga meso meso asati apfuura nepo", anodero Manyengeni. "Wareva idi jinda rangu zvino iwe sejinda rangu chiinda kuimba kwaGumbura unouya nemusikana iyeye unongonoti mambo vanoda kumubvunza asi unonanga naye kugota raRangai ", anodero.
mambo ndokubva Jinda rabuda kwakuinda.
"Rangai chiinda kugota rako unosvitsa shoko achimangwanani kudayi", anodero Mambo ndokubva Rangai ayinda kwainge kwataurwa.
Kubudawo kwakaita Gwinyeura muimba yaiva namambo mushure mekunge akumbira ruregerero anonanga kugota rake uko kwaiva nana Batsirai . Akasvika vachiita nyaya sezvo Shamiso ayivamo. Gwinyeura ndipo paanotanga kubvunza vasikana ava mazita avo, avo vakabva vamuudza uyewo iye kwakuvaudza rake . Gwinyeura anovabvunza kwavaibva nekwavayienda asi Mirirai akangotaura kwaayibva chete akati kwavayienda kwaiziikanwa naMukombachoto apo paakanyepa sezvo ayisada kubvunzwa zvakawanda . Gwinyeura haana kuramba obvunzawo akabva anyarara nyaya iyi kwakutanga kutaura dzimwe.
"Shamiso uchange uchirara nevasikana ava munhanga yako uye chose chakaipa chaitika kwavari uuye uchindiudza. Mirirai sunungukai zvenyu hongu pane zvanga zvoda kuitika asi muswe wacho tatodayi taugura . Chose chamunoda Shamiso anokubatsirai nacho kana chichida munhurume Batsirai anokubatsirai zvakare sezita rake . Ini ndichange ndichionekwa nguva pfupi apo neapo sezvo ndinenge ndiri kunamukoma wenyu ndichivarapa", anodero Gwinyeura. "Mangwana toinda tose ndoda kunovaona kuti varisei", anodero Mirirai. "Kwete Mirirai imimi kuti muchibuda muno mumuzinda hazvichaita nekuda kwezvamboitika zviya saka ndinokubirawo unditeererewo ipapo .
Uchanovaona mazuva ari kutevera kwete izvozvi regai mvura yabvonyongodzwa igarane", anodero Gwinyeura uyu Mirirai haana kupikisa.
Gwinyeura ayipota achiita kubiridzira kutarisa Mirirai obva anzwa kahana kuti pangu pangu .
Akabva azochibuda navo kwakuinda kunhanga yaShamiso kwakunovasiya ikoko. Gwinyeura anoinda kunamai nababa vake kwakuvatsanangurira kubva kusangana kwaayinge ayita nevasikana ava uye nekubaiwa kwaMukombachoto .
Akabva akumbira kuchengeterwa vasikana ava kusvika Mukombachoto apora vozoinda havo mberi nerwendo rwavo. Baba naamai havana kuramba vakabvuma ndokubva Gwinyeura afara uyo akachinovatora kwakuuya navo muimba yekubikira . Haana kugarisamo akabva abuda naBatsirai uyo ayinge oda kuinda kumba kwake.
"Batsirai iwewe ndinoda kukupa basa rekuchengetedza vasikana ava kusvika mukoma wavo apora . Uye chimwe chinhu chandoda kukuudza ndatorwa moyo naMirirai ndamuda mwana uyu kubva zvandatanga kumuona musango paya", Anodero Gwinyeura.
"Ndakuona zvangu kuti wanyura murudo kare kare iniwo ndototora zvangu Nyaradzai", anodero achiseka . "Hunge tadiwa Shamwari uye vanhu variparwendo rwavo zvakare panonetsa", anodero Gwinyeura. "Zverwendo hazvinabasa tinongotevera kumuzinda kwavo asi pangatonetsa pahadzvanzi yacho kuti inozvitenda here pamwe chete nevabereki vavo", anodero Batsirai. "Ini zvizhinji ndozviona mberi chokutanga ndikangodiwa nemusikana zvimwe zvose hazvinetsi", anodero Gwinyeura. "Ipapo wareva asi ikozvino nyaya dzakaita seidzi ngatimbodzisiya sezvo kungomuudza kuti ndinokuda izvozvi kunoyedza vatiza Muzinda saka ngatimbovavaraidza seshato wozosvitsa hako shoko rako . Kana iwewe wadiwa ini ndozosvitsawo rangu kuneumwe wacho", anodero Batsirai achiseks. "Ipapo ndandichipaziva hangu uye hazviitiwo kuti izvozvi ndotomuudza shoko rakadero zvozoita sekuti handimudi . Ndichazomuudza hangu kana ambonoonana nemukoma wake", anodero Gwinyeura . "Ndakudzoka kumba Shamwari saka ini mangwana ndichamukira kunorapa Mukombachoto iwe wongosarawo uchiona vana ava", anodero zvakare Gwinyeura ndokubva vaparadzana. Gwinyeura akadzokera kumba ndokuwana vava kutodya sadza apo paanopihwawo rakendokudya. Vachipedza kudya vakabva vainda kunorara . Shamiso akanorara nanaMirirai sekutaura kwaGwinyeura.
Chifumi chamangwana Gwinyeura anomuka kwakuinda kunhanga kwehadzvanzi yake uko anowana vatatu vagere pamushana ndokuvakwazisa . Zuva iri Gwinyeura anonyatsoona runako rwese rwaMirirai .
Mwanakomana akashaiwa kuti oyita sei akamboda kurovera moyo padombo kuti amuudze kuti ndokuda asi akazoona kuti kumanya sandiko kusvika . Akabva awonekana nevatatu ava kwakubuda mumuzinda akananga kubako raiva naMukombachoto. Kubva kwakangoita Gwinyeura paiva nana Mirirai ndiyo nhambo yakasvikawo Manyengeni neshoko raMambo. "Mwanasikana iwe murefu mambo varikukuda vane nhaurwa newe", anodero Manyengeni. Mirirai akatarisa Shamiso ndokubva amupa chiratidzo chekuti enda.
Mirirai akabva adungamudzana nejinda iri .
Vakasvika ndokupinda mugota raRangai uyo ayitovamowo . "Gara zvako muno ndichadzoka", anodero Manyengeni asi kwaitova kuinda.
Mirirai anogara akatarisana naRangai uyo anonzwikwa kutaura. "Takamirira kuuya kwamambo ini ndinonzi Rangai mwanakomana mukuru wamambo koiwewe unonzani", anodero Rangai. "Ndinonzi Mirirai", anodero. "Ndanga ndichitaura nababa kuti vasachakushungurudzai sezvo muri vanhuwo pane vanhu", anodero Rangai. "Ndinotenda nerudo rwako", anodero Mirirai. "Pawataura kuti rudo apo ndanzwa nyama dzangu kumanya manya uye chero zuro pandakatanga kukuona paya handikwanisi kutsanangura", anodero Rangai apo panobva paita kuti Mirirai anyatsekugara. "Warevei handina kunzwisisa", anodero . "Ndirikuti ndinokuda Mirirai ndibvumirewi tisvukise chiruvi", anodero Rangai .
"Ndozvandadaidzirwa muno here", anodero akapfava. "Hongu ndati ndigare ndakuudza kuti ndinokuda Mirirai", anodero . "Waita munyama kuti handisati ndasvika zera rekuita mukomana uye handisati ndava kuita zvevakomana", anodero Mirirai. "Hazvina kuipa chindidawo hako ndozokuroora wakura sekureva kwako", anodero Rangai. "Sandizvo zvandareva pamwe ndingapoterera zvangu ini handikudi wosara zvakanaka", anodero achida kuti asimuke abude asi akabva abatwa ruoko. "Unoinda usati wandipindurawo here zvinofadza", anodero Rangai. "Kundibata kwawava kuita wava kuda kumutsva zvirere mwanakomana wamambo ini haundizivi zvandiri saka ndisiye ndiyende zvangu", anodero Mirirai achinge akwidza inzwi.
"Kwaunoinda hakuna hako", anodero Rangai.
Mirirai anotarisa muchiuno make ndokushaiwa bvumo rake apo paanoyeuka kuti rasara munhanga yaShamiso. "Zvaunotarisa panogara bvumo zvaita sei asi wanga wotofunga kundirwisa Kani", anodero Rangai. "Handirwisi munhu akaita iwe ini kuti ndashaya vekurwisana navo here chindiregedza hako", anodero Mirirai asi akamuregedza hapana .
"Vanhu vakaita sewe ndivo vandinoda kuroora chaivo", anodero Rangai asi zvaitowedzera hasha dzaMirirai . "Ukasandiregedza ziva kuti ......" Haapedzisi kutaura Mirirai sezvo ayinge aregedzwa uyo akabva abuda muimba umu achifambisa ndokunanga kunhanga yaShamiso.
Mirirai ayinge ashatirwa mwanasikana wevanhu akasvika kunhanga ndokuita kuvhura musiwo zvehasha umo maanowana vana Nyaradzai varimo. "Kwakanaka here Mirirai kurova musiwo zvakadero uye koinga chiso chako hachina mufaro wani . Zvanzi kudii kwamambo kwawabva?", Anodero Shamiso achinge asimuka uyo ayiinda pedyo naye...................
Rangai anoshatirwa nekurambwa kwaayinge ayitwa anoti kubuda kwakaita Mirirai muimba yaayiva anovhomora bvumo rake ndokuripotsera kumadziro zvakasimba iro rakasvikonyura utesvero hwese anodzungudza musoro wake ndokubva asiya bvumo rakadero ndokuinda kuimba yababa vake kuti anovaudza zvainge zvaitikazvokurambwa kwake . Akasvika nekungopinda asina kugugudza umo maanowana mambo varimo nejinda guru ravo baba vanoona kuti chiso chemwana wavo hachina mufaro ndokubva vada kuziva zvainge zvaitika . .................
KUMUZINDA KWAMAMBO MUDZVOVAKAMWE
Chirashauta anofamba nhanho shanu kudzokera kumuzinda ndokubva amira kwakudzungudza musoro wake . "Ava mazuva matatu ndisati ndaziva kune hadzvanzi yangu kwete", anobva atendeuka kwakuyenderera mberi nekunotsvaka vana Mirirai. Akafamba mwanakomana zuva kusvika pakugara makomo Ari mukufamba . Anonanga paakavasiira paya apo paanosvika kazuva katsvuka . Anombomira kwenguva refu kwakuzosimudzira . Anonanga pachiruware paakaona kuchiinda netsoka dzevaviri ava .
Chirashauta anosvika paruware rwuya kwakumira ndokutarisa mativi ose . Ari mukutarisa kudero anoona makunguwo ayizeya mudenga amwe achidzika pasi amwe achikwira mudenga . Hana yake inotanga kurova ndokutsinzinya . "Vadzimu vangu ngazvisava izvo zvandiri kufungira", apedza kudero anosvinura kwakutanga kufamba akananga kumakunguwo Aya. Achiri kure anogashirwa nehwema hwechinhu kakaora . Anoramba achifamba uku hwema huchi wedzera .
Anoshinga ndokusvika asi paakangoti baa dehenya nezvioko zvechikara chiya chekuurawa naMukombachoto mwanakomana akaita kurovera mabvi ake pasi misodzi ndiyo mokoto.
"Ndiwe here Mirirai , ini mukoma wako kukusiya musango kuti udyiwe nezvikara zvesango ndizvo here. Ndozvamaronga here baba kupedzisa rusvava rwenyu rwainge rwasara .
Mandigona wadii kurwirawo mwana waamai vako", anodero misodzi ichiyerera uso huri pasi .
Akabva asimudza musoro wake ndokusanganidzana nemamwe makunguwo ayidzika pasi bekukwira mudenda panzvimbo iya yekufira uya Muchinda akapunyuka pamachinda okutora Sarudzai.
Chirashauta akabva aziva kuti zvedi uyo mutumbi wepiri akabva asimuka kwakumanya achiindako uko kwaakanosanganidzana nedehenya zvakare nezvimaoko nemakumbo awo ayinge angova makodo kate izvo zvakamupa kugutsikana kuti hadzvanzi dzake hakuchina . Mwanakomana ayinge asisanzwi kunhuhwa kwayiitika akabva atora matehenya maviri aya kwakugara pasi ipapo painhuhwa kudero, ndokuafungatira akarovera ibvi rimwe chete pasi misodzi ndiyo mokoto . "Baba , baba baba ndiko kutonga kwenyu here asi haisi mhosva yenyu mhosva ndeyangu ndakatadza kuchengetedza hadzvanzi yangu . Zvino chinditoraiwo sezvamaita wenyu weropa neuyo mutorwa". Anodero Chirashauta akangogumbarita matehenya ake..........
Mupwanyanzombe kubuda kwakaita Nyamatsimba nezvipfuyo iye anounganidza varwi vake mudare. "Varume hongu ndanga ndisati ndakuudzai zviripo asi chiteererai.
Maona mombe dzemuzinda wedu dzichiinda asi kwete kuti dzatoinda zvachose bodo.
Ndinoda nyanzvi dzevarwi titevere hupfumi hwedu nemwanasikana waTumbare. Asi tichasimuka pano zuva ravira sezvo toda kunovauraira pedyo nemuzinda wavo", anodero Mupwanyanzombe uye ayiva mazano ekumirira Chirashauta uye hapana akapikisa .
Ndaverenga varwi vake vaanga ayinavo vakaita makumi maviri nevashanu naiyewacho Saka isu tofanirwa kusimuka tiri makumi mashanu .
Zvombo ndichanokutorarei zvatakagadzira makore apfuura zvisina kana rupawo rwemuzinda uye nezvipfeko zvacho zvisina muzinda unazvo", anodero Mupwanyanzombe ndokubva Maronga naTumbare vasarudza nyanzvi dzekurwa makumi mashanu .
Mupwanyanzombe anotora amwe machinda kwakuinda kuninga yechikafu uko kwaakasvikotora zvombo zvaayinge ataura uye nezvipfeko zvacho zvaingokwana vanhu vayiinda kuhondo chete . Vakadzoka kumuzinda ndokupa umwe neumwe zvombo nezvipfeko avo vakabva vatopfeka havo . Vainge vapfeka waizombovaona kuti ndevemumuzinda ma Mudzvovakamwe here bodo. Varwi vakaswera vakamira negumbo rimwe maoko achiita kuvaviwa nekunonokerwa kukanda miseve.
Zuva parinogara makumbo Chirashauta ayinge asati asvika Mupwanyanzombe anoona Marwei achiuya mudare maayiva . "Maswera sei Madzvovera", anodero. "Ndaswera zvangu waswerawo sei", anodero Mupwanyanzombe.
"Ndaswera zvakanaka hangu ndinokumbirawo usavi hwangu hwapera", anodero ndokubva Mupwanyanzombe anyemwerera .
Mupwanyanzombe akabva atsaka machinda maviri awo akanouraira Marwei mbudzi iyo yakauya kupihwa Marwei yose. "Ndiri kuda kumbobuda asi mangwana ndinodzoka Saka ndoda kuwana wandibikirawo musoro wanyatsoukwatisa zvakasimba togouya todya tose", anodero Mupwanyanzombe achiudza Marwei uyo anobva agutsurira musoro wake kwakubva Mupwanyanzombe ayinda kwaiva nemachinda ake. Panguva iyi zuva rainge ravira zvino machinda ayinge oti tichisimuka asi Mupwanyanzombe anoti ngatimiritei Chirashauta tizosimuka asvika . Hapana akapikisa asi sadza rakasvika pakudyiwa Chirashauta asati asvika . Machinda ayinge achiri mudare apo Tumbare anoinda paiva namambo wake. "Mambo Wangu tikadzingirana neshuro mbiri tinoseva nemuto", anodero Tumbare zvedi Mupwanyanzombe anoonekwa kugutsurira muso . Hondo yakabva yasimuka panguva iyo munhu wese avakuridza ngonono.
Madzingaidze akati handisari ayida kumbonorwawo Hondo izvo zvaayinge asati akamboita . Vakafamba usiku hwese machinda hweva inobuda vagura mitunhu . Kwakati konyatsoonekera ndivo pfacha pachikomo chemudunhu raNyamatsimba asi chinovanetsa havana dzimba remombe ravanoona .
Vakayedza kutarisa asi zvakava zviroto .
Mupwanyanzombe akapererwa ndokunogara padombo raiva pamberi pake . Nguva yaakagara padombo iri vanoonekwa nemachinda matatu aNyamatsimba awo ayinge abva kumuzinda kwawo achinotarisa misungo yavo . Machinda aNyamatsimba akacherechedza vanhu ava asi vakatadza kuvaziva . Zvakapinda mupfungwa dzemachunda aya akati muvengi arikuuya kumuzinda awo akabva atanga kutaurirana.
"Varume uyu muvengi uyu zvino anyangira yaona iwe Tondo manya kumuzinda unouya nehondo tivaparadze vasati vasvika kumuzinda nekuti kuti vasvike kumuzinda tinoparadzirwa vakadzi", anodero umwe murume. "Wataura idi shamwari Saka Tondo mhanya unotora Hondo udzoke izvozvi pano . Kana ukawana pano pasina munhu unotevera mwezva wedanda randichange ndichikweva kubva padombo iri .
Anodero umwe murume . Tondo anomanya kudzokera kumuzinda sekureva kwevamwe vake. "Varume chiyi chaitika vainda nepi vanhu ava" , anodero Mupwanyanzombe . "Pane imwe nzira iri seri kwerwizi rwuri paseri pegomo iri pamwe ndoyavatora iya yatakadzoka nayo Maronga ", anodero Tumbare . "Ooooo ndaiziva nzira iyoyo hapachadi kudya nguva machinda handei kunzira yataurwa", anodero Mupwanyanzombe ndokubva vasimuka kwakutanga kufamba vakananga kudivi rainge rataurwa..............
KUPERA KWECHITSAUKO 23
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
29