JOHN'S NOVELS🏹🏹
June 18, 2025 at 05:07 PM
*HARANGA YAMAMBO GUMBURA*
⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️⚔️
https://chat.whatsapp.com/CsWBvCmJndOLeotxpxq3RT
*✍️CHINYAKARE NOVELS✍️*
WRITTEN BY
JOHN MANDONGWE
_📞+278454121O5_
_📞+263779698O11_
_*FOLLOW CHANNEL YEDU*_
⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029Va5tyvVKQuJMJed57k3a
*JOIN COMMENT GROUP*
⬇️⬇️
https://chat.whatsapp.com/GYS6x41P7gA5ypDRVWobMR
CHITSAUKO 24
Gwinyeura anosvika maiva naMukombachoto asi chinomuvhundusa ndechokuti masiire aaiva akamuita zuro ndizvo zvaakangowana ari. Anoswedera pedo ndokubata muviri wake ndokunyemwerera aunzwa uchipisa. Anobata hana yake kwakuinzwa kurovera kure kure.
Hazvina kumutyisa sezvo sandiko kwaiva kutanga kurapa munhu. Anovesa moto wake ndokutora mvura iyo yaanoisa pamoto kwakutora nhava yake yemishonga umo maanotanga kusarudza mushonga waaida. Akasarudza mushonga wekuwedzera simba, wekupodza marwadzo uye wekudzinga urwa paronda newekuomesa ronda ndokuusanganisa ndokubva asanganisa nemvura yaiva pamoto. Mwanakomana anoti mvura ichingoti vhai kwakutanga kukurunga chinguvana kwakubura.
Anoiporedzera kusvika yava kupisira nechekure ndokusunungura paronda paya kwakurisuka nemvura iya yepamoto sezvo raiva guru.
Achipedza anorisunga zvakare ndokuchitanga kudira mvura iya nemumhino chero hazvo yakapinda shoma. Achipedza akabva anobuda mubako umu ndokumbonovhima hake. Zuva richitungidza nhongonya dzeharahwa anobata katsvana ndokudzoka kubako rake uko kwaanoti achisvika anonzwa kukosora kwemunhu. Anofamba achiita kunyangira ndokuona zvaari Mukombachoto ari kukosora. Anonyemwerera Gwinyeura ndokunopinda vose ndokutarisana. Mukombachoto anoedza kutaura asi anokoniwa. Anoedza kumuka asi zvinoramba, anonzwa marwadzo makuru kwazvo uyewo Gwinyeura anoedza kumutaudza asi chakabuda apana kunze kwekungoona muromo wake kufamba. Gwinyeura anoona kuti munhu wake ari kurwadziwa ndokubva amumwisa mushonga uya zvakare. Akabva azotanga kuvhiya mhuka yake imwe achigocha ndokupawo Mukombachoto asi anotadza kuitsenga ndokubva amugochera chiropa ndicho chaakazodya icho chaanodya chose kusvika chapera. Gwinyeura anoisa musoro wemhuka iya mumoto kusvikira zvaaida zvaita apo paanotora urozvi nemongo wacho kwakupa Mukombachoto uyo akadya. Zvino zuva rainge ragara makomo Gwinyeura anomwisa Mukombachoto mushonga wekumunzwisa hope kwakubva asiya avhara bako ndiye kudzokera kumuzinda. Rangai akasvika ndokugara pedo nababa vake achiratidza kusuruvara. "Ukagosuruvara wani mwanangu?", anodero mambo. "Wandinoda kuti aite haranga yenyu aramba, asi handina umwe wandinoda kunze kwake baba", anodero Rangai. "Ndoo zvaungasuruvara here mwanangu, chisiira zvose kwandiri. Mangwana ndiri kuinda kumba kwaiye Gumbura ndinotaura nezvenhau iyi", anodero mambo izvo zvakafadza Rangai.
Vakazotaura zvavo dzakasiyana siyana kusvika zuva rivire. Parakavira mambo vachinge vasara voga neJinda guru vanotanga kuita nhaurwa yaGwinyeura. "Manyengeni ndine nhau huru asi idiki", vanodero mambo. "Iri munzeve mambo wangu itumburei", anodero. "Waona kuti Gwinyeura ndiye akaita kuti mukadzi wangu afe uye aida kundirwisa mudare paya. Ko deno akandibaya pafiro dai zviripi?", vanodero mambo. "Handina chokupikisa ipapo mambo wangu, ndiye akava honzeri", anodero Manyengeni. "Zvino chinzwa jinda rangu ini handiindirwi mberi semhino, kwandiri vanhu vanofanirwa kuziva kuti idziva rine ngwena.
Ndinoda utsvake mhare nhatu dzakagwinya iwe woita wechina ipapo ndinoziva kuti Gwinyeura anofarira kuinda kunovhima saka paanongobuda mumuzinda momutevera ndinoda musoro wake pano ndozoudza vanhu kuti ndini ndamuuraya", anodero mambo.
"Seshoko renyu harina anopikisa mhare dzagara dziripo nechekare Dendera, Zvinei naKasirai ndivo vandichaita navo basa iri", anodero Manyengeni izvo zvinofadza mambo wavo. Sezvo zuva rainge ravira vakabva varara zvavo. Rechimangwana Manyengeni anotsvaka machinda ake aya kuti avataurire shoko ramambo asi anonzwa kuti Zvinei naKasirai vainda kunovhima sezvo vaviri ava vaiva shamwari neshamwari uye dziri hombarume zvino Manyengeni akabva anoudza mambo zvaivapo avo vakabva vati vamirirei pavachauyira mozoita basa pamwe chete. Zuva richisikata mambo vanotorana nemachinda avo maviri Dendera naManyengeni uye Rangai kwakuinda kumba kwaGumbura kunhau yaMirirai. Mirirai zuva iro raadaidzwa namambo asi akazotaura naRangai anoti kudzoka kwaakaita achibva ikoko hasha dzainge dzakamuputira ndokunopinda munhanga yaShamiso achiita kurova musiwo zvehasha.
"Kwakanaka here Mirirai kurova musiwo zvakadero uye ko chiso chako hachina mufaro wani, hanzi kudii kwamambo kwawanga wadaidzwa?", anodero Shamiso achinge asimuka uyo aitoinda pedo naMirirai.
"Kundinyepera havo kuti ndiri kudiwa namambo, kundidanira zvisipo", anodero achitogara pasi.
Shamiso anorambirana nezvainge zvataurwa kwakuedza kubvunzisisa Mirirai asi haana chaakataura chine pundutso. Vakazoswera zvavo vangori vatatu dzamara zuva ravira.
Gwinyeura anosvika achingonanga kunhanga yevatatu ava kwakukwazisana navo. Mirirai anobvunza nezva Mukombachoto ndokufara kunzwa kuti amuka. Vakazoparadzana havo kwakunovata. Rungwanani nguva yerudzoka mazizi Gwinyeura anomuka kubika sadza iro raanoisa munhava yake apo pakazoonekwa tsinga dzezuva ainge atova munzira kuinda kubako kwaiva naMukombachoto.
Kwakazoidza zvako ndokuti nguva yerudziya mushana iya pamba paGumbura pakasvika umwe mujaya neshoko rekuti sahwira wake arumwa nenyoka pamwechete nemwanasikana wake uyo aivawo shamwari yaShamiso.
Gumbura achinzwa nezva sahwira wake anorongedza kuti ainde uye mukadzi wake akati handisari uyuwo Shamiso akati ndinoda kunoonawo shamwari yangu. Akabva ati kunaana Mirirai handei asi Mirirai naNyaradzai vakaramba ndokubva vasara zvavo pamba vari vaviri. Zuva rakazoti rasikata vachitodya havo sadza rezviyo vanonzwa kugugudzwa pasiwo mambo nemachinda avo kwakupinda. Mirirai achiona izvi hana yake inorova. "Varidzi vemusha varipi?", anodero mambo mushure mekunge agara pasi. "Hatizivi kwavainda", anodaira Nyaradzai . "Zvakanaka sezvo munhu watafambira ari muno regai titopinda munyaya", anodero mambo. Mirirai akabva aziva nyaya yacho. "Iwe Mirirai ndakanzwa zvose nemwanakomana wangu uyu asi hazvina kundifadza. Iwe ndiwe wakanzi uchava haranga yangu nesvikiro saka kuda kana kusada uri kuzoroorwa nemwanakomana wangu", anodero mambo izvo zvinoshamisa vasikana vaviri ava.
"Ini handikwanisi mambo kuita zvamuri kutaura nekuti nguva yangu yokuroorwa haisati yasvika uye ndiri parwendo rwangu. Kupinda kwandakaita mumuzinda muno hazvirevi.......", haapedzisi kutaura Mirirai mushure mekunge agadzwa ganyamuto padama. "Wakagara pavhu rangu uye wakatsvika ivhu rangu zvisina mvumo kubva kwandiri. Unofanirwa kuteerera chose chandinotaura pasina izvozvo ndinokunyika bvumo. Kubva nhasi machinda ose emumuzinda ndatomaudza kuti vakuchengetedze nyangwe ukada kutiza vanokubata vose vaunoona vari muno mumuzinda vatoisa ziso ravo pauri. Hakuchina kwauchainda muno ndimo mava mumuzinda wemurume wako", vanodero mambo uko kwaidawo kuyedza kuti mwana wavo aroore sezvo ainge ava rume uyewo nekusambonzwawo kuti pane waapfimba zvino uyu waainge ada vainge vatozvipira kuti aitozomuroora chete. "Zvamuri kutaura zvose mambo ndezve mugotsi matsuro ini handiroorwi nemwana agere apa nekuti handimudi, mungandirova zvenyu asi idi ndareva", anodero Mirirai akaunyanisa chiso.
"Manyengeni uraya chisikana ichi", anodero mambo vachinongedza Nyaradzai. Manyengeni anovhomora bvumo rake ndokurisumudza mudenga asi paanoda kuridzisa Mirirai anoyerekana ava mberi kwaNyaradzai. "Kwete mambo uyu atadzei?", anodero Mirirai. "Uri kuramba zvandareva zve kuti uroorwe nemwana wangu saka ndafunga kupfuudza wawakabva naye asi deno wabvuma kuroorwa handaimuuraya bodo", anodero Mambo .
"Urayai hangu inini kwete uyu haana mhosva ", anodero Mirirai. "Uri kutotipedzera nhambo waramba zvandareva. Manyengeni ndati uraya chisikana ichi", anodero Mambo achiratidza kuti atsamwa uye achinongedza Nyaradzai. "Kwete mambo regai henyu mwana wenyu andiroore pane kuti muuraye munhu asina mhaka", anodero Mirirai misodzi ichibva yaita kunge mvura iri kubva muchitubu. Mambo vanonyemwerera pamwechete naRangai.
"Manyengeni chirega kuuraya abvuma. Zvino ndava kuda kugutsikana kuti wabvuma here rwekupedzisira. Unomuda mwanakomana wangu here kuti akuroore?", vanobvunza mambo. "Hongu ngaandiroore hake", anodero Mirirai. "Chiuya umupe tsvodi nhatu pamuromo pahuma nemumaoko ake", anodero mambo.
Mirirai anoita zvainge zvarehwa. "Mumazuva maviri ari kutevera ndoo pachava nemarooro enyu", vanodero mambo ndokubva vazobuda muimba umu kwakudzokera kudare uko kwavanosvikotuma nhume kuvabiki vedoro avo vanouya kwakutanga kubika doro. Mambo vachiri mudare kudero svikiro rakabva rasvika richitotanga kutaura. "Musi ucharoorwa haranga uyo wawatopa zuva, zvipfeko izvi ndoo zvavachapfekedzana. Umwe neumwe ane zvake hongu zvakafanana asi hapana chechirume kana chechikadzi", rinodero svikiro richibudisa zvuma zviviri, uye ngundu mbiri dzaiva neminhenga mitatu chete, matehwe maviri akaisvonaka akatsetseka aneruvara rwerudzi rweshato. Richipedza kubudisa rinobva rabudisa imwe ngundu huru kwazvo kupinda mbiri idzi nedebwe guru kwazvo kupinda maviri awo nechuma chikuru kwazvo kupinda zviviri izvo. "Izvi zvandapedzisira kubudisa zvichapfekwa namambo asi ndivo vachapedzisira kupfeka mushure mekunge vana vatanga kupfekedzana", rinodero svikiro richibudisa zvimwe zvakare zvainge zvakasiyana nezvose asi paingova nedebwe nechuma. "Izvi zvichapfekwa nejinda guru rinova richapfekedza mambo naivo mambo voripfekedzawo", rinodero svikiro richipa mumaoko amambo ndokutendeuka kubuda mumuzinda. Mambo vanosara vachifara samare nezvainge zvaitwa nesvikiro ravo.
Vachiri padare kudero ndiyo nhambo inosvika vana Zvinei kubva kunovhima.Kusara kwakaita Mirirai naNyaradzai hapana akazodya sadza.
"Mirirai wazvipira kuroorwa nemunhu wausingadi here, wadii wasiya ndaurawa hangu?", anodero Nyaradzai. "Kwete Nyaradzai, ini ndinofanirwa kufa nemhosva dzangu iwe wofawo nemhosva dzako asi kana pachikwanisika kuti inini ndikununure ndinofanirwa kukununura uye panokwanisikawo kuti iwewe undinunure zvedi ndinunure ", anodero Mirirai. "Zvino washinga kuroorwa here?", anodero. "Hapana zvokuzviita Nyaradzai asi zvose siira mumaoko angu uye zvose zvaitika ngazvive zvedu tiri vaviri usawana umwe waunoudza", anodero Mirirai. "Ini hangu ndavakuda kuverera muno ndidzokere kumuzinda kwedu", anodero Nyaradzai. "Kwete Nyaradzai siyana nepfungwa iyoyo nekuti unourawa kusina kwawainda. Machinda ose sekutaura kwavo mambo maziso avo ari patiri saka iwe neni ngatigare asi zvose zvichaitika rega inini ndizvipedze. Uno ndiwo muzinda wandakanzi ndicharoorwa saka usazvinetsa hako", anodero Mirirai. Nyaradzai paainge oda kupindura pasiwo pakabva pagugudzwa uyo aiva Batsirai akabva apinda. Batsirai ainge aona mambo nemachinda avo vachibva pamba apa saka akati regai ndinonzwa kuti vanga vavingei asi Mirirai anobva amuvanzira zvineiwo Batsirai akabva adzokera. Mirirai naNyaradzai vakabva vanovata zvavo kunhanga yaShamiso.
KUMUZINDA WAMAMBO MUDZVOVAKAMWE
Chirashauta akachema kusvika musoro wake wava kurwadza apo paanozonyarara. Akabva atora mapfupa ose aiva apa kwakumaisa munhava yake iyo yaanoisa kumusana ndokutanga kufamba kudzokera kumuzinda.
Ainge afunga kunoviga hadzvanzi dzake kumuzinda panoremekedzeka. Kusimuka kwaakaita zuva rainge rapinda muna amai varo, anogura mitunhu zvino musoro wainge worwadza uye nguva iyi kwainge kwava nemhindo yaityisa. Mwanakomana anofamba musoro uchiita kurema. Akazoti zvamukurira ndokukwira mune umwe muti umo maanozvisungirira kwakuvata hake.
Anozomuka rechimangwana zuva rabuda uye musoro wapora wanei ari pajinga perusvingo rwavo. Akabva adzika mumuti kwakutora nhava yake ndokunanga kugomo reninga ndokusvika pabako raivigirwa ruzhinji. Paakada kuti apinde achengetedze hadzvanzi dzake anobva afunga kuti hazviiti kuvaviga asati audza amai nababa kuti Mirirai hakuchina. Chirashauta akabva asiya nhava iya akaiviga pakati pehunde yemuti kwakuinda kumuzinda kuti anoudza amai vake nababa. Marwei sekutaura kwainge kwaitwa naMupwanyanzombe akati chifumi chemusi wainda murume kuhondo ndokubva atora hadyana yake kwakugadza musoro wembudzi iya. Akambotanga achishukudzira arimo mumba ndokubva azoti paakaona kuti waibva ndokubuda hake kwakuinda muimba yake yokuvata. Zviripi kubuda kwaakaita akaresva kuvhara musiwo ndokubva wavhurika achinge afuratira. Zvineiwo nyama yainhuwirira zvainzwikwa nyangwe namasvosve izvo zvakapindawo munhino membwa mbiri dzaitopfuurawo hadzo idzo dzakabva dzapinda mumba muya. Imbwa dzakadya nyama kusvika yapera pasina azviona asi hadzina kubuda mumba dzakaramba dzichinanzva hadyana iya sezvo muto waiva uchimo. Mai Chirashauta vachibvawo kuimba kwavo vachiti regai ndimbonoona muimba yaMirirai kuti makarongedzwa here nditsvaire tsvaire vanobva vasanganidzana nembwa dziya muimba yaMarwei ndokubva vati regai ndipinde ndidzinge. Vanopinda kwakudzinga imbwa dziya kwakubuda havo ndokubva vavhara musiwo ndokutendeuka kudzokera kuimba kwavo zvekwa Mirirai vainge vatokanganwa. Vari mukubuda kudero vanobva vaonekwa naMarwei. Marwei zvinomushatirisa kuona Mai ava vachibuda muimba make chero hazvo ainge aona kuti vanga vachidzinga imbwa asi nekuda kwehunhu hwake akabva ati nhasi mai iyi inondiona.Marwei akasvika ndokupinda muimba make wanei chikari chakatokwidibika nyama yose hamuchina. Haana kumira bodo akangobuda ndiye kunanga kuimba kwaamai Chirashauta uko kwaanovasvikira vachishukudzira huni. Akangopinda achivarova negumbo chembere huru ndokuti mumoto nemusoro mhere ichibva yanzwikwa. "Kurumidza kunyarara hako undiudze kuti wadya nyama yemurume wangu wakamira sani", anodero Marwei achivakava zvakare uku vachitsa nemoto. Mai Chirashauta vainge vava mushishi kuzvibudisa mumoto uku tsoka, zvibhakera zvichivanaya pakarepo Chirashauta ndokuti pindikiti mumba wanei mai vari kupuwa zvakavaringana. "Marwei!! Uri kuitei?", anodero Chirashauta achiinda pakati pavo asi Marwei akaita seagarwa haana kurega kurova mai Chirashauta. Chirashauta anobudisa amai vake mumoto ndokuzotendeukira kwaiva naMarwei uyo waanoita kukatanura pana amai vake. Marwei akabva aita kusundirwa kwakadero achibva anorovera pamadziro asi haana kudonha. Chii chamurikuita vana amai zvaita sei mava kurwa? "Handisi kurwa ini ndingarwa nechembere iyi kuti ndashaya vekurwa navo here, ndiri kuvarangira humbavha hwavo", anodero Marwei apo Chirashauta ainge akotama achibvisa moto waiva pana amai vake asi anonzwa mbama kurira iyo yainge yarohwa mai vake naMarwei. Chirashauta anounyanisa chiso kwakubata Marwei muhuro. "Usada kuti ndikukuvadze Marwei ndakakutarisa ndinokunzwira tsitsi. Ini ndiri kubvunza zvaitika iwe watova kupamha zvakare", anodero Chirashauta achimuregedza huro iya. "Chibuda muno nekuti ndingakukanganwa izvozvi", anodero Chirashauta achinge afuratira oinda pana amai vake vaingohwihwidza. Chirashauta asati asvika kure anonzwa kumusana "Dhiiii!!"
nerino tsiga remoto kwakunowira pamusoro paamai vake. Pakarepo Marwei anovhomora bvumo raChirashauta. "Baba vako zvavakakutadza kukuuraya ukati munhu wese anokutadza, nhasi pako pakuperera mose naamai vako", anodero Marwei achidududza akabata bvumo zvekutoda kurwa. Chirashauta anosimuka zvishoma zvishoma ndiye tumbi.
"Kana zvirizvo zvawafunga tanga kuuraya inini wozopedzisira amai vangu", anodero Chirashauta akatarisa Marwei neziso iro rainge ratsvuka kunge runambi rwemoto. "Amai sudurukai munun'una wenyu andiuraye seshoko rake", anodero Chirashauta Mai vake havana kubva pavaiva bodo. "Handisi kuuraya iwewe wega asi mose", anodero Marwei achibva afinyamisa chiso ndokupotsera bvumo rake kwaiva naChirashauta asi haana kuziva kuti inyana rezizi pakati penzombe. Chirashauta akabva anzvenga bvumo riya iro rakasviko nyura utesvero hwaro kumadziro kwemba pakarepo Chirashauta ndiye vhomo bakatwa rake kushata kwazvo Marwei aiva mberi kwemba uyu Chirashauta kudivi remukova.
"Shiri yabvuta rekeni", anodero Chirashauta achibva atendeuka kwakuvhomora bvumo riya.
"Ndinoda kukuuraya nechawanga uchida kundiuraya nacho. Tungamira ndichatevera", anodero Chirashauta achibva asimudza bvumo mudenga kwakuridzisa ndokudzungudza musoro . "Handisi muurai mainini chibudai muno", anodero Chirashauta. Marwei akabva atanga kufamba kuti abude asi paakasvika paiva naChirashauta akabva abata bvumo raiva muruoko rwaChirashauta kuda kuita zvekuribvuta kuti arwise asi ndipo paakairasa sezvo Chirashauta akanzvengesa ruoko rwake ndokudzoka achimubaya mudumbu Marwei ndiye kurutsa ropa. Chirashauta anobva avhomora bvumo riya kwakurigadzika pachipfuva zvakare richibudira seri Marwei ndiye pasi, ropa rikati yava nguva yedu , pasina nguva Marwei chainge chava chando..................
MUCHAKASARA CHESANGO
Nyamatsimba nemachinda ake vaifamba nhereka nhereka sezvo paiva nedzimwe mombe dzaiva nemazamo uye dzimwe dzaitoberekera munzira idzi dzainge dzabva nemazamo akura.
Zuva parakavira ndipo pavakatomboti fambei asi pakwakazonge kwava nemhindo vakabva vazorora. Vakazorora kudero vakauraya mombe kwakutanga kugocha vachidya. Nyamatsimba usiku uhu akabva ati regai ndidye zvandapuwa kureva pana Sarudzai. Sarudzai akamboda kuramba asi akatyisidzirwa nebvumo ndokubva aitwa mukadzi namambo avo vanomuwana isiri mhandara zvinova zvakashatirisa Nyamatsimba uyo asina kure kwaakainda kwakusimuka ndokudana Madzvike. "Musikana watapuwa haisi mhandara ka iyi, kana uchidawo kumuita mukadzi ita wodana vamwe ini pangu ndatopedza uye handimudi kumuzinda kwangu", anodero Nyamatsimba achiinda kwaiva nevaigocha nyama. Madzvike haana kutambisa nguva akabva avata naSarudzai. Musi uyu Sarudzai akambotanga achachema dzamara misodzi haichabudu uye simba rekuchema racho anga asisina. Usiku hwese akarara achichinjaniswa nevarume vose vari makumi mashanu hapana akasara. Pakazobuda hweva ndiyo nhambo yaakazoregedzwa sezvo vana Nyamatsimba vainge voda kuinda avo vanotinha mombe dzavo kwakuinda iye kwakusiiwa akangoti rabada nemadhede musango imomo. Anoyedza kumuka asi anotadza nekuda kwemarwadzo. Pakati papera chinguva kunze kwakabva kwachena akangosvinura anobva aona Shumba yaibva kurudyi kwake yakananga painge paurairwa mombe. Mwanasikana anoyedza kusimuka zvakare asi zvinoramba anoona imwe zvakare yabva nekudivi raaiva zvino misodzi ndiyo yainge yotaura zvayo kuti asimuke zvairamba marwadzo ainge akamugara. ..........
Tondo akamanya kumuzinda ndokudzoka nehondo iyo yaiva nevarwi mazana maviri.
Vakauya vachiita kumanya ndokusvika padombo rainge rataurwa riya kwakutanga kutevera mwezva wedanda. Vana Mupwanyanzombe vakasvika panzira yainge yataurwa iya kwakuona hapana matsoka ainge adarika izvo zvakanetsa varume ava. "Varume hatina kunyangira yaona here?", anodero Tumbare . "Handifungi ini ngatikwidze nenzira pamwe vari shure", anodero Maronga. "Kwete varume zviri nane tinomira pakati nepakati patinoona nzira mbiri idzi ndiko kuti tikwanise kuona vanhu ava", anodero umwe murume.
"Kwete varume ngatinokwira gomo iri tinovaona", anodero umwe murume izvo zvakatenderwana nemunhu wese. Pakabva patumwa machinda matatu awo akamanya kuinda kugomo.Machinda ekuinda kugomo anoona mombe dzava kuda kutosvika kwavaiva vasiya vamwe vavo kwakudzaka mugomo kuti vachiinda asi vakabva vayerekana vakombwa nehondo yaTondo. "Zvombo pasi maoko mudenga wofamba nhanho nhatu kuinda mberi kuyedza kurwisa wasiya nyemba!", anodero machinda aTondo. Machinda aMupwanyanzombe akacheuka cheuka wanei vakombwa kare. Vakabva vaisa zvombo pasi ndokubva vabatwa semakwai ndokusungwa maoko nemakumbo. "Mabvepi uye muchiindepi?", rinodero rimwe jinda. "Haisi nguva yekubvunzana ino tinoparara. Ngapasare machinda gumi akachengetedza machinda iwayo achazobvunzwa namambo. Vamwe vose handei kuhondo", anodero Tondo . Pakabva pasiiwa machinda gumi aya vamwe kwakuinda kwainge kwainda mwezva wedanda.Vana Mupwanyanzombe vanomira vachiti vanhu vavatuma vachauya asi hazvina kuita sekudero vakambomira kwenguva refu kwakuzofunga kuti pamwe pane chavawira. Pavanoda kuti vatange kutaura vanoona mombe kuuya kubva divi rekumuzinda kwavo uye kunzwa manzwi airatidza mufaro. Machinda akabva arongana kukomba vana Nyamatsimba asi vainge vatononoka kare sezvo vainge vatokombwa nehondo yaTondo. VanaTondo vakanga vatoona vana mambo wavo apo pavakatuma machinda maviri ayo akanochenjedza vanaMambo. Nyamatsimba paanonzwa kuti mberi kune hondo machinda ake akabva atopakatira zvombo. Pasina nguva inoonekwa kunaya miseve. Vana Tumbare vanoshamisika kuona varwi vazhinji kwazvo vavakuvarwisa izvo zvakaita kuti vamanyire muzvipfuyo umo mavanotanga kurwisa varimo. Madzingaidze paakaona kuti hondo yatsvuka anoti verere ndokuitawo rombo rakanaka haana akamuona kwakubuda kunze kwechaunga ndokunokwira kumuti waiva kure nekwairwirwa uyo waiva wakapfumvutira. Mupwanyanzombe zvedi zita rake vakamupa vainge vaona zviri muchanza chake. Aiita kutepfenyura miseve yaisapotsa ari mukati mezvipfuyo. Hongu Madzvike aiva mhare asi wekutepfenyurira aimushaya sezvo muvengi aivanda nemombe. Mhere yaingonzwikwa kuvanhu vaNyamatsimba chete nevaTondo. Maronga aiita kutepfenyura miseve samukoma wake Mutangemhanza. Kana ari saTumbare hatichahwereketi nezvake.
Madzvike anoona kuti vanhu vake vari kupera ndokubva afunga zano. Anotora machinda gumi ndokukwira mumiti yaivapo apo pakabva pachitanga kupera varwi vaMupwanyanzombe sezvo vainge voonekwa pavainge vakavanda.Nyamatsimba ainge akachengetedzwa nemachinda gumi awo ainge akamupoteredza iye aripakati. Mupwanyanzombe paanoona kuti zvashata anoti verere nemumombe imomo kwakunobudira uko kwaivawo nevarwi vaTondo. Akarwa sevhumba Mupwanyanzombe ndokuparadza vose vaiva mberi kwake kwakubuda muhondo. "Tumbare anoona mambo wake ava kutiza ndokuti regai nditizewo asi hakuna kwaanosvika anogarwa mumusoro nemuseve ndiye pasi dhii, sarai.
Maronga akambosara achirwa asi paakazoona kusisina vairidza mhere akabva arega kurwa.
Anonzwa inzwi raMadzvike kutaura. "Aparara muvengi hapachina", anorinzwa kwakutarisa kwainge kwabva inzwi ndokumuona achidzika mumuti. Maronga achiri mumombe kudero anoona amwe machinda ekwake matatu aitohwandawo. "Varume tinenge tasara toga vamwe vaparara saka kucharwisa hapachina, tinopera. Ndaona sekuti panze apo paita dzimwe hondo mbiri", anodero Maronga. "Wareva iwe vanhu ava vayerekana vawanda", rinodero rimwe jinda. Machinda matatu aya anoti verere nemumombe ndokuitawo rombo rakanaka havana kuonekwa ndivo tande kudzokera kumuzinda. Vari mukufamba kudero Madzingaidze anosvikawo pavari achimanya.
Vanomboti manye manye kwakuti vava chinhambwe kwakumira kuti vambozorora.
Panguva yavanozorora Mupwanyanzombe anobva asvikawo achibva kumashure kunova kwaiva kwaitikira hondo. Machinda ainge apunyuka mashanu chete amwe ose ainge asara muhondo. Madzvike anodzaka mumuti ndokubva amanyira kunotarisa rupawo rwemiseve yaana Mupwanyanzombe asi akatadza kuziva rupawo rwayo. Anoinda paiva namambo wake asi mambo vakatadzawo kuziva rupawo urwu. "Muvengi uyu anogona kuva wekure anga achingozvifambirawo, zvino toziva sei kuti ndewepi isu tauraya vose nekuti atirwisa mutemo wedu tinotonopindawo mumuzinda wake", anodero Madzvike. "Pane vatabata uko mambo wangu vatatu ", anodero Tondo izvo zvakafadza Madzvike. "Ivavo ndivo vachafanirwa kutiudza kwavadza magona ipapo uye vose vapunyuka pahondo iyi muri kunopuwa muripo wenyu namambo", anodero Madzvike. "Muripo ndiri kunovapa kunyangwe vafa ivava", anodero Nyamatsimba. "Mamwe machinda tinhai mombe tiinde kumuzinda uye vamwe mosara muchinonga zvitunha zvedu chete mopisa zvembwende izvo siyai zvakadero iyite nyama yamagora", anodero Madzvike .Madzvike namambo neamwe machinda uye zvipfuyo vakabva vainda kumuzinda asi vari mukufamba kudero ndipo pavanosangana nemachinda aMupwanyanzombe aya matatu okubatwa aine machinda aiye Nyamatsimba. "Mambo wangu avo ndivo vatabata pamuvengi atirwisa" , anodero Tondo. "Teverai navo kumuzinda vachanotiudza kwavabva", anodero Madzvike ndokubva vatanga kufambwa navo kuinda kumuzinda ...................
KUPERA KWECHITSAUKO 24
❤️
👍
🙏
4