PHIBIE ALL NOVELS
May 29, 2025 at 02:52 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 2 *NHOROONDO YEMIZINDA* "Nhambo dzatekaira ndakatarisira asi chauya hapana. Chatovepo kutenderana naiye Vhungawaringa atiudze kana ratakatsidzirana rakazoora mundangariro dzake tibve tasunga rimwe. Makore atove matatu asina kuzobudikira, saka iwe Guruuswa ndosiira iwe tuma nhume nhasi chaiko. Kunoidza mangwana ndoda mhinduro ndichimuka". Vanodaro mambo Chirangano. Jinda ravo Guruuswa achinzwa nhau iyi anobva atoringa kumachinda aivemo ndokubva ati. "Ndivanani vaviri vanozvipira kumhanya kwaVhungawaringa mundotura ramanzwa richibuda muninga yasamusha?" Panosimuka rimwe jinda Muchaedzerwa ndokubva shamwari yake Gwenhure asimukavo. Vanozvipira kuenda vari vaviri. Pasina nhambo vainge varongedzera kuenda mbongoro dzatove kukandana nenhambwe dzekufuratira muzinda kubuda nesuwo guru remabvazuva. Hakwaidanwa anonzwa munzira Muchaedzerwa ari mberi Gwenhure kumashure. Vanoti vaundukura pasi vonanavira kundobata kumuganhu wedunhu ravo apa ruzuva rworovera mushaya kuda kunanavira mhanza. "Gwenhure unoionavo sei nhau yatiri kufambira iyi?" Anodaro Muchaedzerwa achinanaidza mbongoro yake pane kamwe kamupata kavaive vachikwidza. "Wandiponda nezariro randange ndichidavo kutokuzvindikita naro. Asi ini ndinoona sekunge mambo Vhungawaringa vasisadi kuti nevanji wavo aroore mukunda wamambo vedu ini. Kutaura chokwadi chisina tsvete shamwari yanguka Rerusai haaaaa akashata zvese wena chiso nechimiro." Vanobva vamboti bvuu kuseka vose sezvo vaive vakatakura rakafanana mumatehenya avo. "Taita shindi mbiri dzasangana mumhango imwe. Neni ndozvandaifungavo asi isu chedu kundotura tonzwa mhinduro yake Vhungawaringa." Anodarovo Muchaedzerwa. Vanopedza gata vachitungana nenhau iyi ndokuzonyararidzana wonzwa miridzo iri pasi yekukuza mbongoro. Mabvute oda kuzondonanavira pakati nepakati chaipo machinda maviri aya anobva asvika pasuwo remuzinda waVhungawaringa. Varindi vanoona machinda aya kukangove kukwazisana nemufaro chete sezvo vaizivana zvavo. Mumwe wevarindi anoperekedza machinda maviri aya kupinda mumuzinda kusvika andovapereka mumaoko amambo chaimo. Sevanhu vaizivikanwa hapana zvizhinji zvaida kubvunzanwa kusiya kwekungopiwa chikafu ivo vatove kutotura ravatakudzwa. "Mambo wangu. Hatina mazhinji muchitiona tadai kutsika rino dunhu, zvanzi nasahwira wenyu mave papi sezvo nhambo dzave kutekaira?" Anodaro Muchaedzerwa akaringa mambo Vhungawaringa akarerekera musoro. "Aaaa unoti rinovhikwa here asi unoti chingapa kunyararisa chingave chii kusiya kwekuti dzinenge dzasungwa nekumuswe. Zvakazoitika mumusha uno ndeizvi: Taisunga redu kuno tisingazivi kuti Madaushe atosunga chiruvi neutare nemwana waUtahwemhare uya Mirirai saka zvamauya zvanaka. Chiendai mundomupira rekuti ngaachindipa makumi mana emombe, hwai gumi nematengu makumi maviri ezviyo. Ndapedza. Ndoda mhinduro mumazuva mana asina kupera." Vanodaro mambo Vhungawaringa ndokubva machinda maviri Muchaedzerwa nemumwe wake vafambira mumhepo kudzokera neravaive vapiwa pasina azobvunza rimwe zvaro. ____________________________ Mambo Mushayahama vaive vakawana muzinda mushure mekunge vabika pfumo remumwevo mambo. Vakazorwira mambo iyeye muhondo yemadzimambo aive akati wandei aigara achivarozva sezvo muzinda wamambo Harunawadya waive nemagutwa uye upfumi hwese hwaikosha mombe, mbudzi, hwai nembongoro. Kuzvicherwa hapana chavaive vasina. Mhangura, dare nendarama zvaive posepose mudunhu ravo zvichizotevera nyanga dzenzou nedzezvipembere sezvo zvaive zvakawandira mudunhu ravo uye makomo nemapako aiera kwazvo. Zvino Mushayahama azopiwa rake dunhu ziendanakuenda akarigara zvakanaka asi chakazove chishaisa mufaro inhau yekushaya mwana. Izvi zvadaro pfungwa yake yakamhanyira kufunga paaive akambobvarurwa nemuseve kuubaba vari mukati mehondo yaive yakatsvuka ropa kwazvo. Akazotora makore akati wandei achirapwa kusvika azove murumevo asi zvaive zvekukama yave kurumura. Akazongoti chero ndawana anondibikira zvemwana zvichinei hazvo. Akagara ari pahumambo pfuma dzese idzi dzikamuda kwazvo. Mombe aive nedzaibwinya uye nenhambo diki dzaive dzave mavhu nemarara. Asi nekuda kwekushaya mwana kwake uye hama dzake dzose dzaive dzakaperavo nehondo idzedzo akazofunga kusiira muzinda wake kumachinda aimubatira mumuzinda wake mune zvakanaka. Akazovaka imwevo mizinda miviri newake ichibva yaita mitatu. Machinda aaida kupa mizinda iyi aive maviri aiti Mufandarambwa naGodzongi. Mumwe ive jengetamambo mumwe ari jinda guru rehondo. Mizinda yave kupera kuvakwa yose pakazove neshura rekufa kwemachinda maviri aya mumazuva ari pedyo nepedyo izvo zvakakahadzisa mambo Mushayahama. "Unozviona sei iwe Vhungawaringa pafiro dzevamwe vako ava sezvo uriwe jinda guru. Ndaive ndakafunga kukutendai mose muri vatatu ndichiti Mufandarambwa abate mumwe muzinda, Godzongi obata mumwevo iwe uchizosara neuno mukuru wacho?" Vanodaro mambo Mushayahama izvo zvakabva zvaitavo kuti Vhungawaringa abate rushaya. Vakaonesana nhau iyi kusvika vabuda nerimwe rekuti vaizofanira kuenda kun'anga vandopiwa jekeso yekufa kwevaviri ava. Mazuva achitekaira avaive vasungana kuzondotsvaga n'anga mambo Mushayahama vakabva vazongomukavo vakafa. Semunhu aive ati kurei ava hazvina kunetsa ruzhinji vakangoti vadzimu vavo vavabvuta takarivara. Vhungawaringa ndiye akazosara sejinda guru opedzisa mizinda nekutsvaga vaizofanira kuve madzimambo ematunhu iwayo. ___________________________________ "Vakoma kana muchiti hamuna kana budzi imi makarangarirwa nevadzimu kudai kuitwa mambokadzi munoreva kuti umambo hwemurume wenyu hungasara hwotorwa nevatorwa here?" Anodaro munin'ina wemukadzi waMushayahama uyo aive akafirwavo nemurume nekuda kwehondo ane mwana mumwe. "Ndizvozvo zvakatoda vadzimu zvino ndingadini? Ndave kutongozvigamuchira zvakadaro dambudziko rakatoitika pavari makore ekare iwayo rinofanira ririro rakatokonzera zvese izvi". Vanodaro mambokadzi. "Asi imi mumba umu munounzwa kuti moto wacho unopfuta chaiko uye usvusvu hunotyarika kubuda here kana hari yacho yokwata?" Anodaro munin'ina. "Inokwata huchityarika kwazvo asi vamwe vanoti inobikwa katatu zvichienda mberi pausiku humwe zvino ini kundorohwa netsvimbo imwe isina kunyatsosimba zvatove zvemangwana kana maviri matatu chaiwo pasina". Ndimambokadzi ava. "Aaaa vakoma ndoipara mhaka ini zvangu. Regai ndimbozamavo. Ndoda kuendako kuhozi ini nhasi". "Ungazvinetsa zvako ndakatovadaro kare kuti roora umwe kana kuti ndondotora wamai vangu vakarambisa saka hapana rembwa apa. Vakati zvakatoitwa nehondo izvezvo kuronga kwevadzimu saka ndogamuchira zvakadaro". "Regai timboedza tione" anodaro munin'ina wamambomadzi. Nekudaro aive mabiko zvawo aive ekungofaravo mukuchengetwa nevadzimu pasina hondo dzaivarwisa. Mambo Mushayahama vainge vakadana mambo Harunawadya kumabiko aya ndopaive pakauyavo vanatezvara pamwe nemuramu wavo. Pakadyiwa pakafariwa. Vanohudzisa vachihushapira. Vatambi vevaridzi vengoma vachiita zvidavado. Munguva dzemanheru munin'ina wamambokadzi anoenda kuhozi ndokusvikozviwirikidza mudaunha ane dzekuzvarwa nadzo. Mambo pavanozouya havana kuziva kuti aive muramu sezvo vaive vamboti korwei nahwo. Vapinda mumagudza vakashamisika kutangwa varivo zvaisamboitika hameno zvezuva iri kuti zvaive zvakarongedzwa sei. vanonzwa hasha nekumonerwa nekupuruzirwa kusvika varova makadzi netsvimbo mbiri dzakasimba zvavasati vakamboita asi zvese zviri mukudhakwa. Muramu zvakamunetsa obatanidza mashoko avakoma vake sezvo aive asangana nemadzikiswa semakurwe. Anozvinzwa munyama kuti pane zvaitika sezvo aive agarisavo. Anozoita seaida kundorasa mvura ndiyo nhambo yaanondokwenya vakoma vake kuti vachienda kuhozi kwavo. Muzuva remangwana mabiko achizopera vanobva vadzokera kwavo.Mwaka yapindana inenge miviri kana mitatu ndopanosvika shoko rekutsakatika kwamambo Mushayahama mumuzinda wamambo Harunawadya ndokubva vazivisavo vana tezvara vake nemuramu ainge ave nemwanakomana aive atorumuka ndokunanga kundochema hama yavo kumuzinda kwayo. Semurawo wemadzimambo ndiwo wakabva washandiswa namambo Harunawadya kuviga raimbove jinda ravo kuninga yaro. Pfumo netsvimbo zvese zveumambo hwaMushayahama zvakabva zvanzi zvive naye muninga hapana anozvisiirwa. Chinhu chikuru chakavarwadza ndechekuti ainge asina kusiya nyana zvaro panyika. Akazongosiya apa jinda guru kureva iye Vhungawaringa kuti achibata muzinda uyu iye achizobva adzokera kwake. Kudyanana kwemwaka kwakatevera ndipo vaimbove mambokadzi kureva mukadzi waMushayahama aenda kundoshanya kumusha kwaakaberekwa sezvo yainge yave chirikadzi uye yoswedera kuve hari yofanzirofa. Apa ndipo paakasvikopiwa kamwana kekundomuvaraidza kari kemunin'ina wake kainzi Maparadze. Kakange kosheedzera makore mashanu asi kairatidza kuchenjera zvaionekwa nyangwe nevakuru chaivo. Vhungawaringa achisara nehumambo anobva anyatsoona tsoro dzake dzese dzemberi dzichibudirira kwazvo. Aizogadza vaanoda pahumambo hwemizinda miviri yakasiya yasimwa namambo Mushayahama. Ndiwovo mukana wakashandiswa naUtahwemhare pamwe naChirangano kuve muhapwa dzeune nyembe kuti vawane kudziturikwavo. Sezvineivo kudya chemuzvere hubata mwana, zvakabva zvanangavo nepavaida ndokupiwa matunhu, pfuma pamwe nevanhu vekundovambavo madziko avo. Mune asingazadzi chanza makore ndipo panozosvika nhume pamwe nekutuma nhume kuti zvitsidzo zvivakwe kana kuputswa sezvo rinonyenga richihwarara rozosimudza musoro wemhakure rawana. KUPERA KWECHITSAUKO 2
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 156

Comments