PHIBIE ALL NOVELS
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                May 31, 2025 at 03:29 PM
                               
                            
                        
                            *HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE*
*🚦Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo  pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel*
*🚦Group link*
https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh
*STORY BY* 
*PHIBION MANDONGWE* 
Call or App
0774512473 
0714160957
CHITSAUKO 3
*CHIROMBO PAKATI PEMUGANHU*
Makunun'unu maodza moyo , vakareva  vakuru. Chisenga jinda guru ramambo Vhungawaringa anokwenya musoro akaringa mambo wake nhambo dzavakasimuka vachidya marasha. Zvinombomunetsawo kuti chingava chiiko chambonyanya  kutsamwisa mambo wake pamusoro pamambo Utahwemhare.  Asi sezvo aivawo kutsi kwehope  akangoitawo kunzwa nekuita. Akasara ari mudare nemachinda vakagara  kusanganisira nanaMubuso ,Mukono, Chikabo naMudzingwa naChamhara vanova vainge vabva 
kwaUtahwemhare asi vairatidza kuneta kwazvo. 
"Machinda angu ndovimba nzeve dzenyu hadziburirwi sadza dzanzwa matama amambo.  Saka zvino apa  rinofanirwa kuchema remurira rwepiri    matova pamusana padzo mbongoro kunanga  kwaUtahwemhare sezvo mambo vati ndirikumuda pano" anotaura Chisenga jinda guru. Nhambo idzi mudare munoita runyararo ndokubva Chamhara ati,
"Idama chairo iroro rawareva Chisenga. Asi isuwo nevamwe vangu handioni kuti isu tichakwana apa, motosarudza mamwe machinda isu tombotsivama  sezvo taneta" anotaura Chamhara. 
"Ijena iroro saka  apa ndoda machinda matatu badzi, Urautete naMusvadwi naParwanhuhwa  ndimi muchabuda kunanga kwaUtahwemhare.
Ndapedza motonorongedza. Monomuti zvanzi waramba naMirirai  saka  iwewe chiuya kuno titaurirane. Iwawa chete motouya naye" anotaura Chisenga ndokubva  machinda matatu aya atogutsurira makotsi avo kureva kubvumirana.  Dare rakazopararira nhambo dzatekaira voinda kunotsivama.  
Remurira  kepiri parakangoti kukurigori , Musvadwi naUrautete naParwanhuhwa  vakabva vatoonekana nevakadzi vavo ndokunanga kumatanga. Vakasvikotora  mbongoro mumwe nemumwe yake. Zvombo zvakanga zviri kumusana mapfumo akaita zvekuchinjikwa kumisana akauya nekuhudyu uku.   Parwanhuhwa anotungamira chikwata .Urautete achitevera. Musvadwi kumashure.   Jena guru rakanga rakavheneka nyika yose .Vanobuda siwo guru remabvazuva ndokubva vamedzwa nemasango asi hapana aitaura nemumwe. Kunze kwakazotanga kuti hwee  shiri ndipo padzainge dzotobvunzana mutupo yadzo. Paiva nekamukwidza kaivepo saka dzinofambiswa  zvishoma sezvo paiva  nekarukangararwe kaivapo. 
"Saka machinda sekuona kwenyu munoti  Utahwemhare ndipo paachatibvumira here kuuya naye. Kuita zvako mambo havaudzwe zvekuita apa paida kuti ivo mambo naChisenga nerimwe jinda voinda vomene vononzwanana sezvo varivo varikuziva zvavakaitirana voga" anotaura Parwanhuhwa. 
"Zvagara kugocha kunoda kwaamai sezvo kwemwana kuchidzima moto isu tinogona  kunopotsa mataurire" anotaura Urautete. Zuva ndiye vhu-u vainge vachiringa   Rutonhora rinova  raiva pakaganhurana  muzinda waVhungawaringa naUtahwemhare. 
"Ziso rangu rabvira kare richipfurira kuzasi  haringoiti izvi pane chikuru chatichaona kana kusangana nacho" anotaura Parwanhuhwa. 
"Kuti harisi ropa ririkufamba here Parwanhuhwa, urikuda kuti ropa risafamba zvakanaka here, isa chiuswa paziso racho asi uchenjere patichamanyisa mbongoro uchatosvorwa" anotaura Musvadwi. 
Vanomboseka zvavo asi dai vari vamwe vakatora rumwe rutivi nekuti muviri ndiyo n'anga yekutanga. 
Vakanoti vavapakati serere dzinokuzwa mbongoro  ndokubva dzasumudza miswe yadzo. Vachingonoti  pana Rutonhora pfacha,  ndiwo makarasionekwi mbongoro yaParwanhuhwa yakabva yamira ndokuchema  kwete kukuma .Yaiva yakasimudza makumbo mudenga ichimatambisa . Muridzi wayo anoramba akabata gavi kuti asadonha. Dzimwe mbongoro dzinobva dzamira uku bvudzi ravo vose rainge rachiti nyangara kumira  seuswa hwemubani hune tsine. Kumira kwavakaita vakapfichurwa nembongoro vose  ndokuwira pasi . Nhambo iyi vasati vabatanidza  zvaiitika vanoriona Zinyoka ziguru kupfuura Shato. Shato toiyera rushanu  panyoka iyi zvimwe ndiyo Nyamafingu yacho. Yainge yakareba  zvikuru kwazvo. Muviri wayo yaiva nemakwande makwande kunge hunde yemuti yakasviba kuti tsva-a. Pamusana payo  painge pakaita banga kusvika kumuswe. 
"Zvombo pachikara machinda tapera isu" anoshevedzera Parwanhuhwa asi Musvadwi ainge ari pasi sezvo  ainge arovera paainge awiswa nembongoro. Parwanhuhwa na 
Urahutete vanoregedzera miseve pazinyoka iri  asi miseve yaisvika ichivhunika . Pfumo rakasviko  fonyoka hwiriko ndokuvhunika zvakare. Rakasimudza muromo ndokumedza Musvadwi kamwe chete. Vanoduduka vana Parwanhuhwa asi vainge vatodenha mangwiro . Inovatevera pavakada kuti vatize vanorohwa nemuswe Parwanhuhwa ndokuwira pasi achibva abatwa ndokumedzwa. Urahutete anokandira miseve yake pasi ndokuda kuti atize rakabva ramuwarukira ndokubva rashama muromo waro ndokumumedza  uku mbongoro dzainge dzatiza nerwumwevo rutivi rwusiri rwekumuzinda. 
 *MAMBO VHUNGAWARINGA VANOVIRA NEUKASHA*
Shungu dzakanga dzagara mumusoro. Hazvaimbotadza kumurwadza nekuda kwekwaakabva. Nhambo iyi mambo Vhungawaringa vaifamba vachidhodhonya pasi nepfumo asi vaitaura vega pasi pasi. 
"Utahwemhare  anoda zvakanaka sei chaizvo. Ini ndakamupa dunhu iri iye naChirangano vari vaviri sevanhu vaiva shamwari dzangu.  Ndakatanga kupfuudza Mufandarambwa naGodzongi vanova vaidiwa kunzi vagare mizinda iyoyi ini ndikabva ndavapfuudza nemuchetura wenduru yegarwe . Utahwemhare akandinyengerera ini kuti ndimupe rimwe dunhu naChirangano.  Ndikabva ndazopfuudza mambo Mushayahama  kuti ini ndichiwanawo dunhu rino randiri  kutonga sezvo mambo Mushayahama vasina mwana kana hama. Nhasi uno ndipo oramba kuti  Mirirai aroorwe naMadaushe mwanakomana wangu? Hazvigoni Utahwemhare kwandiri aita nyana. Handitadzi munhu mumwe chete ini ndakambopfuudza vatatu vose namambo Mushayahama vandaitozeza kozotiwo pongwe zvake uyu, achandiona handiti anotorwa here nemachinda angu achanditaurira kuti ari kuyedza kuti chii. Pfuma nevanhu ndakamupa nhasi adzika midzi akuramba. Haaa tichaona kuchawira tsvimba nedohwe." Vaitaura vega mambo Vhungawaringa pfungwa dzavo dzainge dzavora chaiko. Vakananga kuhozi kwavo ndokunotsivama . Musi uyu havana kumbobata mai Madaushe nekuda kwekutsamwa. Chifumi chamangwana  zuva rotema nhongonya ndipo pavakatsikwa nenhume dzaChirangano idzo dzavakaudza kuti Chiendai mundopira Chirangano  rekuti ngaachindipa makumi mana emombe, hwai gumi nematengu makumi maviri ezviyo, achirega nemwanasikana wake sezvo Madaushe ainge ada Mirirai.  Nhume dziya dzichiinda mambo Vhungawaringa vakabva vati. 
"Chisenga garazviya wati watuma ani nani kwaUtahwemhare sezvo nhambo dzatekaira idzi" vakabvunza. 
"Mambo wangu, ndatuma Musvadwi, Urahutete naParwanhuhwa  ndovimba kwavava vavakudzoka sezvo  remurira kepiri rachema vatobuda . Asi dai vakabuda nhambo dzamakareva madeko dziya zvimwe dai vasvikiranawo pano nenhume dzaChirangano" anotaura Chisenga jinda guru. 
"Zvakanaka, jinda rangu ndozviziva kuti hauna zvizhinji zvauri kuziva asi uchazviziva hako. Unoona mizinda miviri iyi ndini ndakavapa asi vane  zvirangano zvatakaita Mushayahama achipo zvavanofanirwa kundiitira zvino vose vakataura rimwe chete remwana , ini ndini mukuru wavo saka vanondigwadama. Vakasadero badzi rinodeuka ropa hezvino ndiripano ndopika naMadaushe jaya rangu rimwe chete". Chisenga aizviziva kuti mambo wake vane ukasha kubva pavaimbova jinda guru raMushayahama hapana aipikisa   chaataura. 
KUDZOKERA KWENHUME 
DZACHIRANGANO
Vakasara vasina mate mumukanwa Gwenhure naMuchaedzerwa.  Muripo wainge wataurwa wacho wakavaudza  kuti pane chikuru chiripasi pakati pevaviri ava. Sezvo chavo kwaingova kusengedzwa manzwi badzi  hazvina kuzonyanya kuvaremera.  Dzakarohwa dzakananga Maodzanyemba  kunova kwavainge vabva. Zuva ndiro zvaro rainge rapepereka kumanyira kwarinogaronanga mazuva ose. Kwaisava zvako kure sezvo riri dunhu rakapatsanurwa kubva mudunhu iri. 
"Gwenhure unozviona sei izvi" vanotaura. 
"Inini ndine akawanda andaona apa. Zvimwe ndingaita sendafungira zvangu asi handiwanzi kupotsa. Ukatarisa muripo uyu kudzura upfumi hwese mumuzinda" anotaura Muchaedzerwa. 
"Haa chirega ndinonzwa mhindurowo yaiye Chirangano nyakutituma" anotaura Gwenhure ndokubva vagura matunhu. Zuva rakasvika pakunyura vasati vasvika. Nhambo dzeruvhunza vayeni ndidzo dzavakati  pfacha mumuzinda mavo. Vanosvikowana mambo nemachinda ose vari mudare vachigota moto.  Vanoridza maoko kuombera vachipinda musuwo wedare.  
"Pindai  machinda amambo tsori dzinoteerera, pindai mugare nechepana mambo apo muture ramakasenga masvika mambo vamira nerimwe" anotaura Guruuswa jinda guru ramambo Chirangano. 
"Tadzoka zvedu changamire sekumwa kwatakaitwa" anotaura Muchaedzerwa achigara pasi . 
"Eee! Tipirei tinzwe manomuona here, zvino ati Rerusai wacho auye mangwana here kana kuti manzi indai munouya naye iyezvi neusiku?" Vanotaura mambo Chirangano. 
"Zviripiko mambo wangu, masamba asiyana sejira rerwaivhi. Zvanzi naVhungawaringa hazvichagoni nekuti Madaushe avakunotora Mirirai mwana waUtahwemhare. Saka imi manzi ndipei makumi mana emombe, hwai gumi nematengu makumi maviri ezviyo, mochirega henyu nemwanasikana wenyu", anotaura Muchaedzerwa achibva apfumbira wake. 
"Aaah ndiVhungawaringa here ataura izvi kana kuti ndiChisenga jinda rake guru?" Vanobvunza. 
"Ndimambo Vhungawaringa chaivo vadero". Anotaura Gwenhure. 
"Hazvisisvo zvatakawirirana izvi, zvaava kutaura zvose izvi kwava kuda kutondiparadza uku. Zvino anyanga yaona hazviite kana wake mwana aramba wangu zvatopera hapachina mumwe muripo. Angatotora oita chipare kwete izvi" anotaura Chirangano shungu dziri muhuro sematoto emhashu. 
KUPERA  KWECHITSAUKO  3
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                        
                                            😮
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                    
                                        152