PHIBIE ALL NOVELS
May 31, 2025 at 03:29 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE*
*🚦Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel*
*🚦Group link*
https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh
*STORY BY*
*PHIBION MANDONGWE*
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 3
*CHIROMBO PAKATI PEMUGANHU*
Makunun'unu maodza moyo , vakareva vakuru. Chisenga jinda guru ramambo Vhungawaringa anokwenya musoro akaringa mambo wake nhambo dzavakasimuka vachidya marasha. Zvinombomunetsawo kuti chingava chiiko chambonyanya kutsamwisa mambo wake pamusoro pamambo Utahwemhare. Asi sezvo aivawo kutsi kwehope akangoitawo kunzwa nekuita. Akasara ari mudare nemachinda vakagara kusanganisira nanaMubuso ,Mukono, Chikabo naMudzingwa naChamhara vanova vainge vabva
kwaUtahwemhare asi vairatidza kuneta kwazvo.
"Machinda angu ndovimba nzeve dzenyu hadziburirwi sadza dzanzwa matama amambo. Saka zvino apa rinofanirwa kuchema remurira rwepiri matova pamusana padzo mbongoro kunanga kwaUtahwemhare sezvo mambo vati ndirikumuda pano" anotaura Chisenga jinda guru. Nhambo idzi mudare munoita runyararo ndokubva Chamhara ati,
"Idama chairo iroro rawareva Chisenga. Asi isuwo nevamwe vangu handioni kuti isu tichakwana apa, motosarudza mamwe machinda isu tombotsivama sezvo taneta" anotaura Chamhara.
"Ijena iroro saka apa ndoda machinda matatu badzi, Urautete naMusvadwi naParwanhuhwa ndimi muchabuda kunanga kwaUtahwemhare.
Ndapedza motonorongedza. Monomuti zvanzi waramba naMirirai saka iwewe chiuya kuno titaurirane. Iwawa chete motouya naye" anotaura Chisenga ndokubva machinda matatu aya atogutsurira makotsi avo kureva kubvumirana. Dare rakazopararira nhambo dzatekaira voinda kunotsivama.
Remurira kepiri parakangoti kukurigori , Musvadwi naUrautete naParwanhuhwa vakabva vatoonekana nevakadzi vavo ndokunanga kumatanga. Vakasvikotora mbongoro mumwe nemumwe yake. Zvombo zvakanga zviri kumusana mapfumo akaita zvekuchinjikwa kumisana akauya nekuhudyu uku. Parwanhuhwa anotungamira chikwata .Urautete achitevera. Musvadwi kumashure. Jena guru rakanga rakavheneka nyika yose .Vanobuda siwo guru remabvazuva ndokubva vamedzwa nemasango asi hapana aitaura nemumwe. Kunze kwakazotanga kuti hwee shiri ndipo padzainge dzotobvunzana mutupo yadzo. Paiva nekamukwidza kaivepo saka dzinofambiswa zvishoma sezvo paiva nekarukangararwe kaivapo.
"Saka machinda sekuona kwenyu munoti Utahwemhare ndipo paachatibvumira here kuuya naye. Kuita zvako mambo havaudzwe zvekuita apa paida kuti ivo mambo naChisenga nerimwe jinda voinda vomene vononzwanana sezvo varivo varikuziva zvavakaitirana voga" anotaura Parwanhuhwa.
"Zvagara kugocha kunoda kwaamai sezvo kwemwana kuchidzima moto isu tinogona kunopotsa mataurire" anotaura Urautete. Zuva ndiye vhu-u vainge vachiringa Rutonhora rinova raiva pakaganhurana muzinda waVhungawaringa naUtahwemhare.
"Ziso rangu rabvira kare richipfurira kuzasi haringoiti izvi pane chikuru chatichaona kana kusangana nacho" anotaura Parwanhuhwa.
"Kuti harisi ropa ririkufamba here Parwanhuhwa, urikuda kuti ropa risafamba zvakanaka here, isa chiuswa paziso racho asi uchenjere patichamanyisa mbongoro uchatosvorwa" anotaura Musvadwi.
Vanomboseka zvavo asi dai vari vamwe vakatora rumwe rutivi nekuti muviri ndiyo n'anga yekutanga.
Vakanoti vavapakati serere dzinokuzwa mbongoro ndokubva dzasumudza miswe yadzo. Vachingonoti pana Rutonhora pfacha, ndiwo makarasionekwi mbongoro yaParwanhuhwa yakabva yamira ndokuchema kwete kukuma .Yaiva yakasimudza makumbo mudenga ichimatambisa . Muridzi wayo anoramba akabata gavi kuti asadonha. Dzimwe mbongoro dzinobva dzamira uku bvudzi ravo vose rainge rachiti nyangara kumira seuswa hwemubani hune tsine. Kumira kwavakaita vakapfichurwa nembongoro vose ndokuwira pasi . Nhambo iyi vasati vabatanidza zvaiitika vanoriona Zinyoka ziguru kupfuura Shato. Shato toiyera rushanu panyoka iyi zvimwe ndiyo Nyamafingu yacho. Yainge yakareba zvikuru kwazvo. Muviri wayo yaiva nemakwande makwande kunge hunde yemuti yakasviba kuti tsva-a. Pamusana payo painge pakaita banga kusvika kumuswe.
"Zvombo pachikara machinda tapera isu" anoshevedzera Parwanhuhwa asi Musvadwi ainge ari pasi sezvo ainge arovera paainge awiswa nembongoro. Parwanhuhwa na
Urahutete vanoregedzera miseve pazinyoka iri asi miseve yaisvika ichivhunika . Pfumo rakasviko fonyoka hwiriko ndokuvhunika zvakare. Rakasimudza muromo ndokumedza Musvadwi kamwe chete. Vanoduduka vana Parwanhuhwa asi vainge vatodenha mangwiro . Inovatevera pavakada kuti vatize vanorohwa nemuswe Parwanhuhwa ndokuwira pasi achibva abatwa ndokumedzwa. Urahutete anokandira miseve yake pasi ndokuda kuti atize rakabva ramuwarukira ndokubva rashama muromo waro ndokumumedza uku mbongoro dzainge dzatiza nerwumwevo rutivi rwusiri rwekumuzinda.
*MAMBO VHUNGAWARINGA VANOVIRA NEUKASHA*
Shungu dzakanga dzagara mumusoro. Hazvaimbotadza kumurwadza nekuda kwekwaakabva. Nhambo iyi mambo Vhungawaringa vaifamba vachidhodhonya pasi nepfumo asi vaitaura vega pasi pasi.
"Utahwemhare anoda zvakanaka sei chaizvo. Ini ndakamupa dunhu iri iye naChirangano vari vaviri sevanhu vaiva shamwari dzangu. Ndakatanga kupfuudza Mufandarambwa naGodzongi vanova vaidiwa kunzi vagare mizinda iyoyi ini ndikabva ndavapfuudza nemuchetura wenduru yegarwe . Utahwemhare akandinyengerera ini kuti ndimupe rimwe dunhu naChirangano. Ndikabva ndazopfuudza mambo Mushayahama kuti ini ndichiwanawo dunhu rino randiri kutonga sezvo mambo Mushayahama vasina mwana kana hama. Nhasi uno ndipo oramba kuti Mirirai aroorwe naMadaushe mwanakomana wangu? Hazvigoni Utahwemhare kwandiri aita nyana. Handitadzi munhu mumwe chete ini ndakambopfuudza vatatu vose namambo Mushayahama vandaitozeza kozotiwo pongwe zvake uyu, achandiona handiti anotorwa here nemachinda angu achanditaurira kuti ari kuyedza kuti chii. Pfuma nevanhu ndakamupa nhasi adzika midzi akuramba. Haaa tichaona kuchawira tsvimba nedohwe." Vaitaura vega mambo Vhungawaringa pfungwa dzavo dzainge dzavora chaiko. Vakananga kuhozi kwavo ndokunotsivama . Musi uyu havana kumbobata mai Madaushe nekuda kwekutsamwa. Chifumi chamangwana zuva rotema nhongonya ndipo pavakatsikwa nenhume dzaChirangano idzo dzavakaudza kuti Chiendai mundopira Chirangano rekuti ngaachindipa makumi mana emombe, hwai gumi nematengu makumi maviri ezviyo, achirega nemwanasikana wake sezvo Madaushe ainge ada Mirirai. Nhume dziya dzichiinda mambo Vhungawaringa vakabva vati.
"Chisenga garazviya wati watuma ani nani kwaUtahwemhare sezvo nhambo dzatekaira idzi" vakabvunza.
"Mambo wangu, ndatuma Musvadwi, Urahutete naParwanhuhwa ndovimba kwavava vavakudzoka sezvo remurira kepiri rachema vatobuda . Asi dai vakabuda nhambo dzamakareva madeko dziya zvimwe dai vasvikiranawo pano nenhume dzaChirangano" anotaura Chisenga jinda guru.
"Zvakanaka, jinda rangu ndozviziva kuti hauna zvizhinji zvauri kuziva asi uchazviziva hako. Unoona mizinda miviri iyi ndini ndakavapa asi vane zvirangano zvatakaita Mushayahama achipo zvavanofanirwa kundiitira zvino vose vakataura rimwe chete remwana , ini ndini mukuru wavo saka vanondigwadama. Vakasadero badzi rinodeuka ropa hezvino ndiripano ndopika naMadaushe jaya rangu rimwe chete". Chisenga aizviziva kuti mambo wake vane ukasha kubva pavaimbova jinda guru raMushayahama hapana aipikisa chaataura.
KUDZOKERA KWENHUME
DZACHIRANGANO
Vakasara vasina mate mumukanwa Gwenhure naMuchaedzerwa. Muripo wainge wataurwa wacho wakavaudza kuti pane chikuru chiripasi pakati pevaviri ava. Sezvo chavo kwaingova kusengedzwa manzwi badzi hazvina kuzonyanya kuvaremera. Dzakarohwa dzakananga Maodzanyemba kunova kwavainge vabva. Zuva ndiro zvaro rainge rapepereka kumanyira kwarinogaronanga mazuva ose. Kwaisava zvako kure sezvo riri dunhu rakapatsanurwa kubva mudunhu iri.
"Gwenhure unozviona sei izvi" vanotaura.
"Inini ndine akawanda andaona apa. Zvimwe ndingaita sendafungira zvangu asi handiwanzi kupotsa. Ukatarisa muripo uyu kudzura upfumi hwese mumuzinda" anotaura Muchaedzerwa.
"Haa chirega ndinonzwa mhindurowo yaiye Chirangano nyakutituma" anotaura Gwenhure ndokubva vagura matunhu. Zuva rakasvika pakunyura vasati vasvika. Nhambo dzeruvhunza vayeni ndidzo dzavakati pfacha mumuzinda mavo. Vanosvikowana mambo nemachinda ose vari mudare vachigota moto. Vanoridza maoko kuombera vachipinda musuwo wedare.
"Pindai machinda amambo tsori dzinoteerera, pindai mugare nechepana mambo apo muture ramakasenga masvika mambo vamira nerimwe" anotaura Guruuswa jinda guru ramambo Chirangano.
"Tadzoka zvedu changamire sekumwa kwatakaitwa" anotaura Muchaedzerwa achigara pasi .
"Eee! Tipirei tinzwe manomuona here, zvino ati Rerusai wacho auye mangwana here kana kuti manzi indai munouya naye iyezvi neusiku?" Vanotaura mambo Chirangano.
"Zviripiko mambo wangu, masamba asiyana sejira rerwaivhi. Zvanzi naVhungawaringa hazvichagoni nekuti Madaushe avakunotora Mirirai mwana waUtahwemhare. Saka imi manzi ndipei makumi mana emombe, hwai gumi nematengu makumi maviri ezviyo, mochirega henyu nemwanasikana wenyu", anotaura Muchaedzerwa achibva apfumbira wake.
"Aaah ndiVhungawaringa here ataura izvi kana kuti ndiChisenga jinda rake guru?" Vanobvunza.
"Ndimambo Vhungawaringa chaivo vadero". Anotaura Gwenhure.
"Hazvisisvo zvatakawirirana izvi, zvaava kutaura zvose izvi kwava kuda kutondiparadza uku. Zvino anyanga yaona hazviite kana wake mwana aramba wangu zvatopera hapachina mumwe muripo. Angatotora oita chipare kwete izvi" anotaura Chirangano shungu dziri muhuro sematoto emhashu.
KUPERA KWECHITSAUKO 3
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
152