PHIBIE ALL NOVELS
June 2, 2025 at 03:50 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 *CHITSAUKO 4* *YORONDA HWEMA HWEMUTEYI YAVE MURIVA.* Chinokanganwa idemo asi watemwa muti haukanganwi. Yaive svipawarutsa mumakomo nekuda kwemhondoro dzaMushayahama dzakange dzotuvhairavo nekuda kweushingi hwadzaive dzakasima munyana radzo hukasvika pakuti ave mambowo anoverengwa pakati pemamwe madzimambo. Zvino chaizove chadzima rutsva rwemufaro ndichochi chekushaya mhodzi yekuzosiira tsvimbo. Dzakaringa dzikatsvaga chikonzero ndokuzowana kuti handira yadzo yaive nedambudzikovo asi zvikuru zvaive kuna mambokadzi vaive vasina mbeu nekuda kweutenda hwaive hwakavadya chibereko vachiri rusvava. Muzuva remabiko mumuzinda maMushayahama dzainge dzamira nemiswe semhungu kana mhakure kuti zvanhasi hazvifaniri kuenda neparutivi. Dzakasvipira pfungwa dzekutsvaga mhodzi munjere dzemuramu wake dzamara vaita gumi rakadya vaviri mhodzi ndokudyarwa. Anozoenda ondozvionera mberi mufaro kwaari ndokupfachukira kusvika azozvara mwanakomana ndokumutumidza kuti ndiye Maparadze. Zita iri akarifunga pakuziva kuti mwana uyu achazokura achifanira kuzorwisana neumambo hwaizenge hwave kutonga dunhu rababa vake asingatoziviwo kuti ndiro raive rababa vaMushayahama. Achikura Maparadze sezvo pazvizhinji ainge akada kutodza mai vake paushava akaona pasina aizomufungira kuti angave mwana waMushaya. Anoona vakoma vake mukadzi waMushayahama vashanya ndokuchitora mwana uya kupa vakoma senzira yekuti vandowanavo wekuita nhaurwa naye pamwe nekutuma ivo vachizivana zvavo kuti ave kutondomema dunhu rababa vake sezvo aifanira kuzove mambo wamangwana. Mwaka inopindana sezvo vadzimu vaMushayahama vakaona kuti vakazoramba vakaringa divi rimwe kunotambira Maparadze ndokuzocheuka kumashure Mushayahama atocheturwa nemuchetura naVhungawaringa. Vakazongoti hazvinei regai tichiona kuchawira tsvimbo nedohwe asi totenda yavira shambakodzi yedemhe. Nekutsamwa kwevadzimu vaMushayahama vakazobata nyoka dzemarudzi ose ndokuchidziisa uturu, ropa nerudzi kuita nyoka imwechete yaive isisazikanwi kuti inganzi yave nyoka rudzii uye makuriro ayo ayakazoita hapana aizogona kuiziva. Kunge nyamafingu, kuti ishato, mhungu, rovambira here kana mhakure hapana aigona kuiziva. Inobuda muninga yoinda kuchindobata basa kumuganhu wedunhu raVhungawaringa sekugurwa kwaraive razoitwavo nemuridzi nyakuripiwa. Yainge yave neukasha hune zana zvekuti yaisadya chainoguta. Kukura kwayo yaiti payafamba yaisiya gwara uswa nemiti yatsukutira pasi. Hapana chayaisiya pachipenyu chose chinorarama. Zvekudya matafi zvayakakura ichiita zvainge zvisisina mano kwairi. Makwande emuviri wayo aisapinda pfumo kana museve zvawo. Zino rayo yaiti ikashama raipotsa kuinzana nejinda rakamira. Kutesva yainge minzwa yenungu chaiyo.Mhondoro dzerudzi rwaMushayahama dzainge dzave mago mashishira akaringa munhu ari kuuya panhundu yawo. Mumizinda mitatu iyi makachitanga kudzvarwa ruvengo nekuda kwenyoka iyi. Muvatatu vayakazominya kwaive kuratidza mavambo enhamo kuti Maparadze achizivikanwa kuti ainge avepo iye mhutsaundunya hwematunhu matatu aya. *MAPARADZE OVHUNDUTSA RUZHINJI* "Tokonya rukuni urwo Maparadze rwurikuita ruzha hazvitenderwi mwanangu". Vanotaura vakoma vamai vaMaparadze vanova ndivo vaigara naMaparadze. Mudunhu rainge rotongwa naVhungawaringa. "Aaa! Ndikasiya yakadaro asi ndinozotsva nemoto wacho kani?"anopindura achitokonya moto uchibva wanyarara. "Wagona mwanangu, tora chimutarara icho chiri kubaka unyatsondivhenekerera ndichipedzisa kumona sadza tidye" vanotaura mai Muchabereka ndiro raiva zita ravo iri ravainge vasiya vatumidzwa namambo Mushayahama raiva rekunyaradzana asi ndiro rakatozopfumbira rikavagara. Nguva idzi Maparadze ainge aine makore gumi nemaviri . Chaiva chikomana chakangwara kwazvo zvekuti zvikomana zvose zvemumuzinda zvaisati pwe-e naye panhau dzezvibhakera kurwa , kumanya , kana kungwara chaiko. Nguva zhinji aigara achitamba ega, yaaitoti shamwari yake chaiva chimwe chikomana chainzi Muteveri . Zita iri chakaripiwa kuva remadunhurirwa nekuti aingoteverera chero munhu wese paaiva okambaira, ndiro rakatozomugara rikava rake iroro. NaMaparadze vaisaswera vose nguva zhinhi asi ndiye oga waaitaura naye kana achida zvekutamba nevamwe. "Zvekukuvhenekerai izvi amai nhasi ndanga ndisingadi. Moyo wangu wanga uri kudare chaiko kune varume ndichinzwavo mabatirwo emhuka sezvo ndinendichida kuzokubatiraiwo mhuka tidyewo nenyama sekudzimba dzevamwe" anotaura Maparadze kunge munhu mukuru. "Hahaha wandisetsa mwana wemunin'ina wangu, inga ndabika nehowa hwema tindindi hune dovi reruninga zvagosiyanei nenyama yauri kuda"vanotaura mai Muchabereka. "Hazvienzani nekutemura zvazvo, asi mangwana ndichakubatirai nyama handiregi vanhu vachandiziva kuti ndonzi Maparadze ini" anotaura achiratidza kurevesa. "Kudare kunoindwa nevabva zera uko vakomana vakuru kwete iwewe unonopedzera vamwe nzvimbo ikoko hakudiwe vana" vanotaura. "Rimwe zuva vachaona kuti handisi mwana. Zviya mangwana chisi handitika?" Anobvunza. "Hongu chisi mwanangu wanga watii, chitora ndiro tibure" vanotaura ndokubva Maparadze atora ndiro dziya. Rakaburwa sadza asina chaataura. Vavapakati pekudya akabva ati. "Kana chiri chisi zvakanaka , asi mai ndine mubvunzo , ndaida kubvunza kare asi ndichizokanganwa" anotaura. "Nhasi kutsvene here Maparadze? Kana kuti wagarwa nevekwako" vanotaura. "Ndivo vandirikuda kutozivawo vekwangu vacho kuti varipi. Baba vangu varipi kubva ndichizvarwa handina kumbo vaona" anotaura ndokuramba akanyarara Maparadze ndokubva atsveta ndiro yake pasi ainge agura misuva miviri badzi ndokubva aringa mai Muchabereka kondivoka vainge vatova mai vake. Anovatarisa achikwizira maoko ake pazvimuseve zvake zvaanga akabata. "Ndinotorevesa baba vangu varipi amai asi kana zvisinga goni kutaura ndava kunobvunza mambo Vhungawaringa zvimwe vanoziva"anotaura achibva atosimuka paanga akagara. "Iwe Maparadze uchandiparira mudunhu rino. Gara pasi chiiko mwanangu wapindwa nei". vanotaura vakamubata ruoko. "Mwana wenyoka ndiye anorarama ega asina vabereki. Asi ini munhu kurarama ndisina vabereki ibotso" anotaura . Mai Muchabereka vanopererwa chaizvo vanoramba vakanyarara asi vakaziva kuti hazvisi zvoga izvi pana Maparadze. "Swedera pedyo neni mwanangu. Asi tanga waringa panze uone kuti hapana ari kuuya here" vanotaura Mai Muchabereka asi zvairatidza kuti mvura yekutambudzika yaiyerera asi vaiivanza kuna Maparadze kuti asazviona. "Hakuna munhu uku , kwakachena sedenga" anotaura . "Chigara apa , mashoko andichakuudza pano ngaaperere muninga yako iyi inova hana. ukangoti bufu badzi ini newe taparara" vanotaura vachidhonzera Maparadze pedyo. "Musatya durai zvose dzakateya" anotaura "Baba vako mwanangu vakafa asi chakavauraya hapana anoziva. Asi runyerekupe zvinonzi ndimambo ivava. Baba vako vanonzi Mushayahama ndivo vaiva mambo wedunhu rino. Hapana anoziva kuti uri mwana wamambo Mushayahama , sezvo vakanga vachizi havana mwana. Anoziva zvose izvi kuti iwewe uri mwana wavo ndini na mai vako ndikosaka ndakagara newe mumuzinda kuno. Mashoko aya mabatisise ndiko saka wakazonzi Maparadze zvine chirevo" vanotaura asi Maparadze akatora nguva yakakura akanyarara asina kudavira ndokuzoti. "Zita racho kuti mugutsikane richazadziswa mangwana. Ndatenda hangu nezvamataura bvaregai vakadaro mochimirira pfumo raMaparadze sezvo ririro rinopedza zvose" unotaura asi meso ndiwo ainge akatsvuka. Mai Muchabereka zvinovanetsa sezvo ndiko kaiva kekutanga kubvunzwa izvi. Zvagara mwanakomana wese akangova nemakore gumi anenge otonetsera rake dzinza. "Chaita ndibvunze izvi ndakarota mumwe munhu akati ndibvunze imi izvi saka anogara achiuya kuhope achiti wakazobvunza here zvino nhasi ndabvunza. Chindiwaridzirai ndivate amai" anotaura Maparadze. Vanowaridza muimba imomo ndokubva atovata asi hapana akataura nemumwe ainge ava kutovhumuka zvake zvaanga aswera achiita. Chifumi chamangwana acho, Machinda akamukira padare sezvo ririro zuva raitongwa mhosva dzevanhu. Mambo Vhungawaringa musi uyu vakachimbidza kumuka. Vakapesana naMaparadze ari ega akabata zvimuseve nekapfumo kezera rake asi havana kukwazisana. Iye Maparadze ainge atosvova mai Muchabereka haana kuvaudza ndokunanga nekusuwo guru. Mambo vakasvika mudare ndokutaga varinga machinda aivamo ose asi zviso zvavaida havana kuzviona vanosunga chiso ndokunyemwerera. Vanomutswa nemachinda avo asi, pakapera chinguva chakati kuti mambo vakabva vati, "Nhai Chisenga, kuti ndiri kuresva kuona here kana kuti ndini ndamanya. Ko machinda awakatuma nanhasi haasati adzoka here kana kuti vari kumadzimai avo ndipire" vanotaura mambo Vhungawaringa. "Zvatonetsawo pfungwa dzedu mambo wangu, Machinda aya anonoka sezvo atova mazuva maviri chaiwo. Vana Chamhara vakangoita rimwe chete zuva ndanga ndatoti ndimirire imi tiite senga rimwe sesvinga" anotaura Chisenga jinda guru. "Kuti Utahwenhare akaparadza machinda angu here? zvino kana akapfuudza machinda angu atokonya nhundu yemago nemboni" vanotaura vakasunga chiso. "Chiregai timirire ranhasi mambo wangu rikavira toronga kutangira ipapo" anotaura Chisenga. Mambo vasati vapindura Jaya ravo Madaushe uyo ainge ava nemakore gumi nemasere anopinda nemachinda matatu vakabata zvombo akabva anochonjomara pana baba vake uku zvipfeko zvake zvainge zvakasiyana nezvevamwe sezvo ari mwana wamambo. "Baba ndafunga kumbonotsvaka mate matsva nevamwe vari kunovhima vamira nerimwe" anotaura Madaushe akaringa baba vake. Zvakanaka mwanangu asi wongwarira masango ane zvakawanda zvinorura saka wovhima wakachenjera uri kuinda nevava here" vanotaura. "Hongu changamire" anodavira machinda aya. Nhambo idzodzo kusiwo guru vanoona Maparadze achiuya achimanya kwazvo achiridza muridzo uya wekumbudzi dzamara asvika padare. "Hamunzwi muridzo wangu here machinda imi, bvakana muvengi akapinda muno munopera mese kubaiwa. Mambo ndauraya Nhoro seri kwemuzinda uko ndange ndanovhima zvino inoda vanoivhiya . Imi mambo motora nyama zvinoda kuchimbidza" anotaura Maparadze machinda ose ndokubva vaseka kana mambo vaiva vakatsamwa vakatosekawo asi Maparadze anoramba akanyarara akaringa mambo. "Mambo ndipei varume gumi tinoitora musashora kasisi hakasi kanyana" anotaura ndokubva mambo vati. "Tumuseve twako itwotwo tunobaya nhoro utwu, Chesenga mupe machinda aareve handidi nyana rine manyepo muno mudunhu anozviona kutodza Utahwemhare, mwana waniko iyeyu" vanotaura mambo asi nguva iyi Maparadze nemachinda gumi vainge vatobuda havana kupedza nhambo vanodzoka vakatakura Nhoro yaiva huru kwazvo. KUPERA KWECHITSAUKO 4
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 166

Comments