PHIBIE ALL NOVELS
June 3, 2025 at 03:21 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE*
*🚦Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel*
*🚦Group link*
https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh
*STORY BY*
*PHIBION MANDONGWE*
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 5
*KUFA KWAMAMBO
HARUNAWADYA*
Hakuna muchero usina masvisvinwa uye chinokura chinokotama. Chisingaperi chinoshura. Vakavarairwa mumuzinda waHarunawadya, vakaerekana vomuka muzinda wasunama. Kwakamuka kwakaita gwindingwi remazikore matematema awo airatidza kuti kwaanobva nekwaanoenda hakuna aiona. Mambokadzi vanoonekwa rukunguvira vachifambisa kwazvo kunanga kudare. Vanosvikowana Bumharutsva jinda guru ratovemo kare mudare.
Vanongosvikopinda ndokuuchira maoko vakanangisa Bumharutsva zvinove zvakaratidza kuti vaive nemwinimwini naye vari vaviri kunze. Anoti nyamwi naiyevo zvamukahadzisa kuti kwawei sezvo aiziva mambo vachisikasira kuve mudare ndokuona vanonoka. Anokanyika uruzvi zvakare pakuona mambokadzi vachipinda mudare zvavasina kumboita kubva. Anobva aziva kuti pane chikuru chiriko asi chaakafungira utenda pana mambo. "Kuhozi kunenge kwasunama uko". Ndiwo manzwi chete akabukurwa navahosi wotoona kuti yematambudziko yatojenga mumaziso chasara kuturuka. Vanoedza kuivanza asi zvakashaya basa inodzimara yambwera ichidzika nematama dzamara yave kurova fuko yechipfuva chavo. Vakange vatozarirwa zvekuti hapana rimwe rakazobudazve. Bumharutsva anoona kubvunza kuri kutambisa nhambo. Anomhanya ndokusvikokava sasa negumbo mumba ndiye virikiti, tsvee meso panamambo wanei chikara chatinhira zvacho kare. Anondoti abate hana wanei chando choga.
"Aaaa nhayi mambokadzi mamboti tidiiko mumusha uno chokwadi?" Anodaro Bumharutsva naiye zvatomutyisavo. Kuzodaro mambokadzi mai Muchafaneronga vanobva vachitoziva kuti chavaive vaonavo chaive chokwadi. Vanoikwetsura mhere asi nenhambo diki vanonzwa manzwi aibva kuna Bumharutsva aiti "Zvomoita izvi hazviitirwi madzimambozve nhayi mukweguru. Gomererai mukati zvirege kunzwikwa kana kuchazivikanwa nepwere hazvidiwi mungatiparira mashura mudunhu rino". Vanozvinzwa ndokukasira kudzikama asi waiona kuti muchembere adzimbiwa kudyungwa moyo nemunondo wenhivi mbiri dzinocheka. Anozomira kwechinguva achivaraidza mambokadzi kuti vasimbe pahana vagobuda vasisahwihwidzi kana kusvimha. Ainge atofukidza mambo wake nedehwe remhofu raive mumba umu. Iri ndiro ravaive vakagara vareva kuti richazove fuko yavo sezvo uriwo waive mutupo wavo.
Anobuda Bumharutsva oinda kundotora harahwa dzapwa mhepo kuti dzizoita basa radzo sezvo dziridzo chete dzaifanira kuzobata basa pasina ndumurwa dzine mukaka pamhino.
Mambo vanoomeswa kwemazuva dziriko harahwa kuchikomo Makunakuna zvisina aiziva kusvika Bumharutsva pamwe naMuchafaneronga nevanji vazosvitswa rekuti basa rapera chasara kuti vachiendeswa kuninga yavo mugomo rainzi Guma. Manheru ezuva raitevera vanotemurira rwendo vakanangako nemutumbi wavo pabanda. Vachisvika Muchafaneronga ndiye aive dangwe nevanji wamambo Harunawadya. Anoendeswa pamberi kuti adetembe ninga igovhurika vawane kuzadzisa basa ravaive vafambira. Muchafaneronga aive atovewo nemhuri yatokuravo. Dangwe rake aive mukomana Kanyemwe tevere musikana Chinyemu wainge otopfuriravo chipfuva nevamwe vatatu kumashure. Anosvikodetemba sezvaaive akaudzwa neharahwa dzinoziva chivanhu asi chikatyamadzo ndechekuti ninga yakaramba kuvhura. Kunosvika pakuedza pasina chifambirwa kudzimara vakanda mapfumo pasi ndokuchifunga kumboedza zvimwe. Vanotumana kudzokera kumuzinda kundotora munin'ina wake ainzi Dzikamai. Nhume inoita chamupupuri kunanga kumuzinda pasina nhambo yaive yatodzoka yakaita kutungamidza Dzikamai mberi kunge yaimutinha. Achisvika kurairwa zvaaifanira kuita achangoponda maoko akachonjomara achirutsa aainge asvipirwa mumukanwa vanoona mukaha uchivepo wekufamba kwematombo achipatsanurana kusvika nechaedza chatovemo mukati. Vakuru vaiziva dudziro yazvo vakabva vatoziva kuti mberi kuchave nemakata chaiwo. Vakabva vatoona kuti kuchatevera unhidza pamwe nepfumo ramaparadze kuvaviri ava. Pakupinda muninga Mufaneronga ainge oda kutungamira semukuru asi nekuda kwechiratidzo chezvavainge vamboona vakuru vakabva vamurambidza vachiti dai achingorega munin'ina wake Dzikamai achingopedza basa. Hunhidza hwakada kumbomubata asi achida kukanda nhambwe imwe anonzwa kuzhinya kunenge kwenyuchi ndokubva atoona kuti zvimwe hazvichadi kuramba wopikisa.
"Bva ngaachiita apedze Dzikamai wacho. Ndazorangarira kuti ndakauya kuno manheru ndichangobuda munhahwamaringa nekushamba ndisina ndoona ndosaka zvazodai". Anodaro Mufaneronga ndokubva harahwa pamwe nejinda guru Bumharutsva vagutsurira vangofungira kuti zvinogonavo kudaro. Dzikamai anoita sekurairwa kwaainge aitwa ndokubatsirwa neharahwa kuisa baba vake muninga ndokundosuma kune mimwe mitumbi miviri yaivemo madzibaba ababa vake ndokuzotsveta vake pachigaro chaitevera. Anotsveta papfudzi pfumo ravo sezvo kuriko kuraira kwavaigaroita vachatsika rinomuka. Ngundu inodzikwa mumusoro uku hana yaipangura chinamira kudedera achiita kugwagwadza seakaradzwa mudziva nguva yechando. Anoringa ndokuona muine zvimwe zviviri zvaive zvasara zvisina vanhu. Vanobuda ndokuchitarisa kumashure odetembazve kuti ninga ichivhara ndokubva yavharavo. Vanodzika gomo vonanga kumuzinda. Mazuva matatu anopera ndipo apo harahwa dzemumuzinda pamwe nejinda guru Bumharutsva vanozogara dare voronga zvekuti vangafambesei sezvo musha waita marereka ekuwa kwebvute rawo kudaro. Vanoungana harahwa nemachinda makuru pamwe nevanakomana vaviri vamambo vanove Mufaneronga naDzikamai aive achiri jaya. Bumharutsa ndiye anotanga kuparura. "Pamusoroi vanaMhukahuru, Samanyanga imi vana nevanji vamambo Harunawadya nemhangamazano harahwa dzose dzerino dziko. Chandinokumbira kutanga hatidi kukanga maputi anoputika sezvo richiri repasi pevhu. Tati tionesane nhau dzingati wandei asi yekutanga ndeyekuti mhomho yoziva rini chimiro chavepo kuti muti wavaivanda kwakaita mhepo ukawa. Dzimwe tichatumbura kana tambopedza iyoyi. Pindurai tinzwe." Anodaro Bumharutsva achigara pasi imwe harahwa ndokusimukavo yoti"Zvadii kuti timbopedza mwedzi umwe zvawo richingofamba rekuti mambo vakambofamba tozounganidza vanhu toridura." Vamwe vanobva vawirirana nedama remukweguru uyu asi Mufaneronga anobva asimukavo ndokuti. "Chekumirira apa handichioni munoti nyange makaita verere yekubudisa mambo mumuzinda moti vanhu havazivi here izvozvi? Mambo vanganzi vakafamba, kutanga rini mambo kubuda mumuzinda voga vasina wavanofamba naye? Mungaite vanhu mafuza kudaro moti.......?" Haapedzisi kutaura anogurirwa naDzikamai sezvo ainge asimudza inzwi. "Mukoma manzwa jindaguru richiti ngatisaita maputi sezvo richiri repasi pevhu. Uye uyu murao hazvina kunzi runyerekupe neruonera runenge rusirimo muvanhu. Vese vatorikwana izvezvi asi chivanhu chinongofambiswa nenzira yacho." Anodaro Dzikamai zvinove zvakagutsurirwa neruzhinji. Hakuna akazowana mukana wekupikisana naDzikamai naiye Mufaneronga akapeta muswe asi akazongoti amirire raitevera.
"Shoko repiri kana rino rapera herino, panoda mukuru anombove akabata musha kusvika zvese zvaitwa pachizove neachagadzwa usamusha hwemusha uno". Anodarozve Bumharutsva ndokupfumbira wake muromo achibva agara pasi. Harahwa dzinotarisana ndokubva meso mazhinji aenda pana Musendami uyo aivewo wedzinza ramambo Harunawadya. Hero shoko mhukahuru munoti pangave nani angatakura nzou murimi magara musingaremerwi nenyanga dzenyu". Anodaro Bumharutsva izvo zvakabva zvatoshatirisa Mufaneronga. "Imi harahwa dzeuno muzinda. Musada kuita sekuti humambo uhwu ndehwedzinzaka zvomoti wese angonzi ndimuyera Nzou motomuti agare humambo. Magara musingadi kunzwa angu matama ndazviona zvangu. Izvezvi pane vakandoita ushereketwa kuninga kuti irege kuvhura mune vavariro yekuzozvipa dzvene ramusina. Hakuna zvakadaro nhasi vanhu ngavaziviswe uye nekutogadza mambo chaiye achabata dunhu rino. Zvenyu zvekuita chivanhu chenyu chekuda kuba pfuma yababa vangu pamwe nemuzinda wavo kwete. Ndave kutoridza hwamanda izvezvi yekusheedza munhu wese kuti timupandire zviri........?" Anodimurwa
"Mukoma musaite semakagarwa neshavi renhahwamaringa manzwa here? Takunyarai nhambo yati rebei. Munomboda kuita nyana repiko risingazivi chivanhu? Ndivava vanotsigira kuti imi semwana mukuru mupiwe tsvimbo yababa asi zvichifambiswa negwara kwaro. Pachada kutombofambiwa tinzwe chakadya mutana uyu". Uku kungosanobata vachimirira kundonzwa kuti varidzi vedunhu vadonon'odze zvavachada kuti dunhu ravo riitwe sezvo wavaive vakaudza atevera kwavari uyu".
"Iwe ndumurwa iwe usaite seunofunga nekumagadziko wazvinzwa here? Ungati munhu ainge azvikurira ndiye womoti handei kundotsvaga chakamudya here? Endai kana mazviwana ndezvenyu ikoko. Mungadaro kuti makawana ane mbonje yekubaiwa kana kupazwa netsvimbo here. Chisarai mutonge dare renyu ndazviona magara mune zvamaironga. Handichakupembedzeyi pamwe nen'anga ruzhinji ruchangotumhaira kuenda kwakafambiwa. Zvino neni kunozvarwa mwana asina vhudzi mukaita zvemahumbwe enyu iwayo". Anodaro Mufaneronga achigudura bipito remunin'ina wake Dzikamai achitobuda kuenda kubikiro remukadzi wake. Vose vanosara vakabata miromo chikuru chiri chekuti , 'Ko zvaari iye anofanira kugara umambo zvino angaite munhu wevanhu here sezvaiita baba vake iye achidai'. Sezvinei vanoona zvakakodzera kuti dare ripandakwe vozoriita rimwe zuva dzagadzikana.
KUPERA KWECHITSAUKO 5
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
130