PHIBIE ALL NOVELS
June 4, 2025 at 03:08 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE*
*🚦Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel*
*🚦Group link*
https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh
*STORY BY*
*PHIBION MANDONGWE*
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 6
*MUMUZINDA MAMAMBO VHUNGAWARINGA*
Meso anoramba akaringa Nhoro iya nekukura kwayo zvinovaomesa mate mumukanwa. Nhambo iyi inonovhiiwa pajinga pedare nemachinda aya. Maparadze ainge akamira neshamwari yake iya Muteveri ainge avapowo. Mambo nemachinda avo vainge varipowo asi ziso ravo raiti gare gare roringa divi remabvazuva. Vaifunga kuti zvimwe machinda avo angangosvika avakatuma aya
kwaUtahwemhare.
"Machinda mukati vaParwanhuhwa vachadzoka here ivava? Angova mafunge mafunge senzuma kutsvaka chakadya nyanga yadzo?" Vanotaura mambo uku machinda aiva mushishi kuvhiya Nhoro.
"Kutotuma mamwe machinda ndoona kuriko kupedza nhomba yemberi mambo wangu. Nhasi zvachiri chisi kudai varume varipo vazhinji kusara kwevati vari kuda kunovhima ava chete . Saka handizivi kuti ponzwii" anotaura Chisenga jinda guru.
"Une muono wangu chaiwo saka tuma machinda maviri hameno koinda ani pano patiri asi tuma vaviri" vanotaura mambo.
"Zvagara dudziro yechinhu unogona kusaiona nekuchimbidza wosara uine kushushikana. Mifungo yoti tione chaitwa murima hachizobudi pachena semhanza. Inga wani magadziko akavanzika paari asi unoona achizvidudza ega kuti ndiripano nekusumudza nhahwamaringa. Munonetsekanawo neiko mambo ndiko kutsvukira kwaro mota kutsvaka kududza pane muromo asi urwa hwacho hameno kuti huchawira ani" anotaura Maparadze magara moyo chaiwo ari muchiduma zvinova zvakaita kuti munhu wese ashame muromo amuringa. Zvakabva zvavhura pfungwa dzamambo nekuchimbidza nhambo iriyo.
'Mwana uyu anorotswa here kana kuti ane zvaainazvo? , Ndiko kutsvukira kwemota kuti ritushuke!! Asi arikureva ini? Asi zvine chirevo kusadzoka kwemachinda angu aya? Kutushuka kwemota asi Utahwemhare aziva kuti ndini ndakauraya mambo Mushayahama ndichida umambo uhwu? Saka chii?' mambo vaitaurira mumoyo mavo vakaringa Maparadze.
"Unoreveiko iwe chana chine madzihwa pamhuno? Umbori mwana waniko iwewe unotaura zvisina zera newe? Anonzi ani mwana uyu?" vanobvunza mambo Vhungawaringa.
"Chenjedzo nedudziro zvichavepo, ndingoriwo mutauri semachinda enyu awa. Asi harivhikwe itai ringanemeso zamo rehazvanzi kana ndichiri kutsika rinomuka bva muchandibata ruoko" anotaura Maparadze.
Machinda anopedza kuvhiya ndokubva mambo Vhungawaringa vati.
"Chiropa chese ndechangu nechityu . Chikomana ichi chipei matumbu nechidya chimwe nemapapu vanonokwana. Pano padare hatidi pwere. Seiko achigara namambokadzi ivo vakasiiwa naMushayahama vasina mwana. Uyu mwana uyu akabvepi ndoda kuziva" vakataura mambo. Maparadze anomira zvake asi haana kudavira anongovaringa ndokubva apiwa nyama yake anosimudza ndokuinda naMuteveri kubikiro ramai vake nayo.
"Maparadze mwanangu" vanotaura Mai Muchabereka vakamutarisa. Nhambo idzi vanoyeuka mashoko aakavaudza nezuro madeko izvo zvakaita kuti vagutsurire pamwe nekuziva.
"Magutsikana handitika amai, ndikareva chinhu ndofanirwa kuzadzisa kuitira kuti imi musandivanzira zvizere. Nyama iyi mobika tidye" anotaura achibva atobuda ndokunogara panze padombo raiva seri kweimba naMuteveri.
Mambo nemachinda avo padare hapana akaziva kuti Maparadze akauya sei kugara namambokadzi vanova mai Muchabereka.
"Kana musina ruzivo hazvina mhaka. Chasenga ita zvandareva tuma machinda iyezvi" vanotaura mambo Vhungawaringa.
"Mutiro naZvapera torai mbongoro iyezvi morwukaka rwekwa Utahwemhare ndapedza" anotaura Chisenga zvisina akapikisa. Vanotora zvombo zvavo ndokubva vananga kumatanga mbongoro dzainge dzichirimo mumatanga sezvo rwaiva rwuchiri rungwanani. Zvose izvi zvaiva mumeso aMaparadze uyo aiva naMuteveri.
"Muteveri unondida here kana kwete nekuti gore ramangwana haridi mbwende" anotaura Maparadze.
"Ndokurambirei ini ndinewe iyezvi pano. Asi pane chakafukidza matenga?" anotaura.
"Bodo asi dzagara ingwe dzinorwirana ndiko saka ndabvunza". Nhambo idzi Muteveri anobva ashevedzwa namai vake Maparadze ndokusara ari ega padombo iri achirodza zvimiseve zvake.
Dzinopfumbura guruva kunanga mabvazuva dzichibuda nepasiwo guru. Aiva mberi ndiMutiro , Zvapera aiva pamashure. Machinda aya ainge achida kuti rirereke vachiwira mumuzinda waUtahwemhare. Asi dai vakaziva kuti mberi kune Chadhogodha chenyoka isina akamboona. Havangadai vachikwitimisa mbongoro dzavo kudero. Regai vakuru vakati chinoda kufa chinovingira seizvi. Hapana aitaura waingonzwa mbongoro dzichibudisa mhepo dzakasimudza miswe. Nhambo dzekuvhurwa kwemombe dzichikwana ndiyo nhambo yavanoti pakati nepakati pfacha panoganhurana mizinda iyi pane gomo Rutonhora. Nhambo idzi Zvapera ndiye aiva mberi ukagoti wainge wava mudzakiswa wekunopinda murwizi Mhupuro. Nhambo iyi mbongoro inosimudza makumbo emberi ichiwaruka uku ichichema. Zvapera anoringa mberi kwake ndiye "Yowe yowe yowe yoooo" ainge apfichurwa nembongoro achiwira kwakadero ndokubva Chadhogodha nhambo iriyo richibva ramushamira ziromo ndokumedzwa nezinyoka riya. Mutiro achiona izvo anoirova mbongoro ichiwaruka makwenzi yakanaka kuna Mhupuro umo maakasvikowira mumvura ndokuwaruka mbongoro yake ichibva yabatwa nezinyoka riya .Anoyambukira rwumwe rutivi ndokutanga kumanya asi aingonzwa sekuti Chadhogodha iri kuuya. Miti neminzwa haana kuzvinzwa panhambo dzose idzodzi dzamara agura matunhu chadzimira ndokubva chamukwidibira.
*UTAHWEMHARE OTUMA TSORI*
Vakasara vachikwenya musoro vachidzungudza kunge munhu arikupumha zvinyunyu zvirikuda kupinda munzeve. Pfungwa nendangariro ndizvo zvainge zvoita chamuramba mhuru mudehenya ramambo Utahwemhare.
"Changamire wangu zvimwe ndingapotsa asi ndangoti regai ashate ari madirwa kwete doro. Itumburei tinzwe hwema hwayo, mune ripi ramakasunga namambo Vhungawaringa. Anobvunza Mhundudzeninga anova chipangamazano wake. Asi mambo Utahwemhare vanoramba vakanyarara vachitura mafemo. Zirwiraushe jinda ravo guru rainge rakanyarara.
"Musavhunduka chati kwatara ichi machinda angu. Inhau doko asi munogona kuona sehombe. Akagara ataura Vhungawaringa kuti ini ndichamupa mwanasikana wangu aroorwe newake tichavamba muzinda uno sezvo ariye ayiva mukuru wedu. Zvino ndakabvuma asi ndirikuona kuti zvaakataura mwana wangu azviramba saka ndingadiiwo. Kana ada hondo totoita ini ndiri mambo iyewo ndimambo saka hapana anofanirwa kunanzva mumwe. Shanje yake yauya nekuti muzinda wangu wakura uyu uye handina chandirikupemha kwaari. Mhinduro yake ndeye mazuva matatu, akangopfuura badzi ndochituma tsori dzangu kumuzinda kwake ndinzwe dama rake" vanotaura mambo Utahwemhare.
"Saka kana pasina iyi yakazvikanga yoga ndihwo hundyire hwacho hwatova kutanga. Anoda kuchenjerera uyu nekuti mukavata nezamu mumukanwa munopepuka dzamira nemhuru" vanotaura vatatu ava muimba yematare kwenguva refu. Rakazotiwo ratsvuka ndokubva vabuda zvavo.
Zuva ramangwana rakasvika hapana nhume yakadzoka. Repiri hapana akauya zvekare kusvika pane retatu. Mambo Utahwemhare vakavata vachidzeya .
'Hongu dunhu akandipa asi nhasi ndaramba nemwana wangu. Apa ndakangira pakatsvira dzimwe , Vhungawaringa ndomuziva anouraya uye haana chinozezesa kwaari. Handimuchenesi kumachinda ose ekufa kusvika pana mambo Mushayahama. Saka apa ndinofanirwa kutuma tsori kuchiyedza kwaVhungawaringa ndinzwe donzvo rake pariri, ndikada kuramba ndakati zivha zvimwe Vhungawaringa ari kutoronga hondo".Vaitaura voga vakavata nemusana gotsi rakabaya pasi. Zuva richingoti vhuu vanomuka ndokunopira Zirwiraushe jinda ravo guru nhau iyi. Machinda akanga arimo mudare ndokubva Zirwiraushe ati, "Ndipei nzeve dzenyu mese machinda. Ndiri kuda machinda matatu anoinda kwamambo Vhungawaringa nhasi iyezvi rinofanirwa kuzogurwa remanheru madzoka pano" anotaura Zirwiraushe jinda guru.
"Ndakashinga ini, Neniwo, neni" anotaura machinda matatu anoti
Dzukurwa , Rupiza naDendera.
"Yaa indai kuna mambo Vhungawaringa monoti kwanzi namambo ramakareva rakasvika zvino chinjai mutongo, ndokudai pano". Anotaura Zirwiraushe ndokubva machinda aya atotora zvombo zvawo ndokunanga kumatanga ndokunotora mumwe nemumwe yake mbongoro ndokudzirova vonanga mavirira kwamambo Vhungawaringa.
Hapana aitaura nemumwe nhambo idzodzo kunze kwekunzwa makumbo adzo mbongoro kutsika pasi. Kufamba kwevanhu vasina chavari kuziva ndizvo zvavaiita. Nhambo dzekuvhurwa kwemombe padzakangoti pfacha vaiwirawo muna Mhupuro rwizi rwaiva pakati pemuganhu yavo. Vachingoyambuka rwizi ndiye mahwekwe naChadhogodha chitsemurana chakamira mberi kwavo. Machinda achiona zinyoka iri mumwe chete wavo Dzukurwa akamedzwa agere pambongoro yake. Rupiza anopfichurwa awaruka asi asati awira pasi ainge atovamo mumuromo maChadhogodha akutomedzwa. Dendera anorova mbongoro ichibva yawaruka mutataunga pamwe nedombo .Inochema ichimanya kwazvo uku Dendera akaita kunge chikwekwe kunamira kumusana kwayo mbongoro. Akapona nepasaka reshumba sezvo nyoka payakamedza Rupiza yakabva yaramba yakamira zvayo yakaringa Dendera uyo aimanyisa mbongoro yakananga kwamambo Vhungawaringa. Nenguva pfupi anosvika pamuzinda waVhungawaringa .
Anosvikopinda haana kumira pasuwo. Machinda akafungidzira kuti ijinda remo mumuzinda izvo kwete. Achisvika padare anoimisa mbongoro achibva atofenda uku ziya rainge roteuka rakawanda.
"Zvaita sei torai mvura mudirei. Ijinda
raUtahwemhare kairi" vanotaura mambo Vhungawaringa.
"Hongu ndiDendera" anotaura Chisenga jinda ravo guru ndokubva mvura yauya nekuchimbidza Dendera anodirwa magate matatu achibva amuka.
"Chii Dendera kwakanaka here?".
"Kunaka? Kugere uku hakuna hakuna" anotaura achicheuka cheuka achiita kunge anoda kutiza asi akabva aramba akabatwa.
*KUPERA KWECHITSAUKO 6*
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
201