PHIBIE ALL NOVELS
June 5, 2025 at 02:58 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 7 *KUGADZWA KWAMUFANERONGA UMAMBO* Dzainge dzave honyerera nekaruma wako nzeve mumuzinda mamambo Harunawadya nekuda kwenhau yaMufaneronga. Rumwe rwainge rwoti anenge iye akapfuudza baba vake nekunonokerwa nekugara umambo ndivo vaive vazhinji vaidaro. Vamwe ndovaingoitangiravo padumbu vachiti 'Bva nhaka tinoyuwira nekutongwa nedemo, nekuti arikutozviratidza kuti haana hanya nechivanhu.' Vamwevo vaitsoropodza nhau yekusavhurika kweninga vachiti pamwe mai vake vakazotorwa namambo idzo dzazvimbira kare nyemba saka haasi wehumambo ndosaka yakaramba. Ukaona waita chinopesana nezvinofanira tsoropodzo dzacho dzimwe dzinozokusiisa chero newawaiti ndewako. Hakuna aive achaonera Mufaneronga pedyo kana mukukwazisana chaimo aive otozviona kuti ruzhinji rwaive rwamira naDzikamai samambo wavo. Izvi zvakabva zvamupa hasha kunyange ruvengo chairwo kumunin'ina wake. Nerimwe zuva hope dzakanetsa kuuya maari nekuda kwekuronga nekurongonora kusvika kuedze. Anozosunga rimwe mupfungwa dzake iro raakamuka akafunga kuchindoturira kudare. Anopinda mudare kuchakati zvarara ndokusvikoti kata pachigaro chababa vake asi maive musina kana jinda raivemo. Anomira kusvika dzotomunyanga hope arimo ndokuzoti vhazu kwatochena. Ndopaanozorangarira kuti hapana aive achauya kudare nenhau yekushaikwa anotungamirira. Zvikati nechando chaive choridza miridzo mumapani vanhu vainge voti maisvokwadzo nyemba dzatsva dzarungwa. Vainge vazororavo kundotema mazitanda ehuni dzemiuzhe nemitondo nekusenga dzichizouya kudare. Anoridza zitsamwa oga ndokusimuka oenda pakamushumha paigara hwamanda. Inonzwikwa nenzeve dzese dzemumuzinda chikave chikatyamadzo sezvo yaidana machinda oga. Rinoita bararamhanya kunanga kudare nenhambo diki harahwa nemachinda vaive vati zivhaa sengozha pahundi kuda kuteerera rasimudza utekwatekwa hwese ihwohwo. Vanobata miromo vakuru kuwana Mufaneronga akazvigarira muchigaro cheumambo sekunge akatochigadzwa asi hakuna akawana simba rekuti bufu. Dzikamai anopedzisira kusvika sezvo yakarira ari kure. Ainge amukira kumatanga achimbogadzira zvake paakaona pavhuniwa matanda nemukono wemusha uyo waiita kupwanya uchiyambukira matanga kune dzimwe dzaiteverwa. Nhambo yaainge otobuda mumuzinda kuti andosvuura rwodzi pamwe nekutema matanda ekupfigira aive ave mashoma ndopaanoinzwa ndokuchitosiya zvese omhanyira kudare. "Hoo wave kutozvikakanyadza kuita zvaunoda nekuda kwevanhu vanokunyengera handiti? Chinguva yarira waivepi iwe?" Anobvunza Mufaneronga izvo zvakanetsavo munin'ina wake kuti aive aresvei. "Mukoma! Ndange ndiri kumatanga uko ndichiona pakavhunwa mapango nemukono uya ndopandagadzira. Izvezvi ndange ndave kutobuda kundotsvaga rwodzi kuti ndisunge pamukova ne.......?" Haapedzisi kutaura agurirwa. "Chigara pasi kwete kutotaura wakaringa nhova yangu. Ndokudii ikoko?" Ainge afinyama uso sebota ratsikanywa nehuku asi Dzikamai anobva angozvipfavisa sezita rake. Anodzoka oringa kudare apo Dzikamai ainge andogara mune mamwe machinda apfumbira wake. "Ndakudanai ndini tinoda kuti nhau dzese dzichitopetwa nhasi tibve taziva mafambire. Imi vaMusendami zvekumbosendamisa ngatizvisiye asi kutoridzika bango racho tione. Zviitwe kachara kachara kuchiri kuseni nekuti kana paine mhaka dzinoda kutongwa dzionekwe kuti dzobatika sei. Saizvozvi pane imwe mhaka yamai Serudzai nababa vake Chin'ozho. Takaona angove nenhumbu kusvika izvarwe mwana ndokukura asi nhasi Maparadze kacho hatichakaoni muno hameno kuda akauraya sekahuku akazvidyira kumba kwake. Saka iwe Bumharutsva tambai nhau dzacho tione". Anodaro Mufaneronga achiita seakagarira mashikisha nekunyangadzwa. Bumharutsva neharahwa dzaivemo vanotarisana. Ko ndaimbozviziva here kuti maziso oga anotamba nhau miromo yakapfumbirwa. Vanopedzerana Bumharutsva naMusendami kuti vachitora zvese zveumambo vachitoita chiroverapo. Hwamanda inondotururwa naBumharutsa ndokuifuridza zvekuchikoka vese vasara. Anodzoka mudare ndokusvikochonjomara pana Mufaneronga achiombera. "Mambo wangu tange tati iri richiitirwa panze pamimvuri yedare sezvo muno mhomho yose haingakwani honai magara mazara nechekare". Mumashoko iwaya Mufaneronga anonzwa zenze nekuremeredzwa uko ainge aitwa. Panhambo idzi Musendami ainge atonzunzutira kunanga kuimba yematare kundotora zvese zveumambo. Machinda anobuda panze ose ndokusvikogara munzvimbo dzawo nevakadzi vachibva vazaravo. Mufaneronga ainge angoruramazve pachigaro chaive chakazendama mukamba chiri icho chaive chamambo Harunawadya. Tsvimbo, ngundu pamwe nezvuma zvaive mumaoko aMusendami achimirira kuparurwa kwezvimwe kuti vachipinda mukugadza mambo vatsva. Nhambo idzi Musendami anotsveta zvose izvi pamberi paMufaneronga uyo aiva pachigaro chababa vake meso achiringa ringa mativi ose serwaivi. "Changamire zvino paida paine zvidoro zvekuti tisume vekwenyu kuti tavakugadzika nyana renyu todii" anotaura Bumharutsva akachonjomara. "Udzai Dzikamai anotora maheu anoita, kana maheu pasina kurungai usvusvu sehwesadza modira mvura yakawanda vadzimu vanotambira tingaswerero vhiya nyama yemusoro wetsuro" anotaura Mufaneronga uku diti rakati dzidi kunge renzembe. "Chiregai titsvake vakabika maheu acho mambo tibve taita chimbichimbi kutsetsera kwegudo risati rapazha" anotaura Bumharutsva. Anosimuka ndokunanga kune imwe chembere vaMajajade uko kwavakanosviko piwa kachikari chose asi ainge asina kuvira. Anouyiwa nawo pakati pechivanze paiva naMufanyore. "Chipedzisa basa Musendami" anotaura Bumharutsva asi zvose izvi zvaiva mumboni dzaDzikamai. Aiva munhu akanyarara zvake asi mashoko aibuda paari aiva amambo chaivo. "Tava kugadza mambo werino dunhu sezvo muchiziva kuti bvute redunhu rino mambo Harunawadya vakainda nyikadzimu. Saka tava kuisa dangwe ravo Mufaneronga" anotaura vanhu vanotanga kuita mahon'era sezvo runyerekupe rwainge rwafamba rwekuti ninga yakaramba kuvhurika. Zvakavhiringa vakawanda kuti zvimwe haasi mwana wamambo asi nyamba kwete Mufaneronga aiva mwana wamambo chaizvo. Musendami anotora nguo dzeumambo dzaiva nezvimwe zvishongo ndokupfekedza Mufaneronga. Achipedza anomupfekedza zvuma zveumambo muhuro nemumaoko zvaipenya sendarama. Achipedza izvi anotora Ngundu ndokubva aigadzika mumusoro pedzezvo ndokuchimutambidza tsvimbo yeushe yaiva yababa vake yaiva yakasvibira muviri wese hapana aiziva kuti ndeyemuti rudzii. "Tagadza mambo mhururu nemuridzo uko" anotaura Bumharutsva uku Mufaneronga richiita kunyemwerera. Vanhu vanoridza mhururu nemiridzo asi mukati muine mahon'era. Dzikamai anoridza mheterwa achiuchira. 'Zvandanga ndichida zvaita ndiko kuti tsoro yangu yakabuda bhobho. Munhu anga asingadi kufa iye achembera kuda kuti isu titange tafa. Ndozvandakaramba manje izvozvo ndikosaka ndakavapfuudza nenduru yegarwe. Ndicho chakatadzisa ninga kuti ivhure zuva riya ndaizviziva kuti vadzimu vakatsamwa zvino ndavapo panyanga chero vakagumbuka tochiona kunowira tsvimbo nedohwe' Aitaura nechemumoyo make achifara Mufaneronga. Nguva iyi Bumharutsva anochonjomara pachikari chiya chemahewu ndokutanga kuuchira achidetemba ndokudira bute ikoko achipedza anobva atambidza Mufaneronga uyo akatambira ndokumedza huro shanu dzemaheu ndokuisa pasi. Anosimuka Mufaneronga pachigaro akabata tsvimbo ndokutenderera asina waaitaura naye. "Ndinotenda nebasa iri ndini ndava mambo wenyu . Saka iyezvino ndiri kuda kuti mubaye mombe shanu rivire vanhu vachifarira mambo. Mutemo werino dunhu ndichachinja mimwe asi kufamba kwemazuva. Ndatenda machinda angu". Anotaura Mufaneronga ndokubva agara pasi, Bumharutsva anosarudza machinda gumi nevaviri kunouraya mombe vakadzi ndokuinda nezvirongo zvemvura kuno suka matumbu. Zuva rakatozosvika pakunyura ava machikichori ekudya nyama. KUPERA KWECHITSAUKO 7
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 154

Comments