PHIBIE ALL NOVELS
June 7, 2025 at 02:21 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 8 *MAMBO CHIRANGANO NEMACHINDA AVO DHUMADHUMA NACHADHOGODHA* Haikohwi isati yarima kureva kuri kwevakuru kuti chayadzvara ndochaichacheka. Mambo Chirangano vaona chirangano choputswa. Izvi zvinovabata nekuti muripo wavainge watarirwa waisiya muzinda wavo rave dongo. Chavaiziva ndechekuti chakungirwa hata naVhungawaringa haaizorega kuchitakura sezvo vakabva vose kure. Vanoedza kuda kutsvaga pfungwa ingaita kuti vapunyuke pamusungo uyu asi mwena wepfungwa dzavo unosvika pakuguma vasati vawana pane yamuro. Imwe pfungwa inovati zvakanaka kupedza uroyi neuroyi uye utsinye neutsinye. Vanomboda kutuma nhume dzavo kune umwe muzinda wavaingonzwa kuti ndouri mberi kwedunhu ravo kuti vavake usahwira hwaizoita kuti vandopfurunyura chiruvi chaVhungawaringa. Imwevo pfungwa inoti unogona kundozvikoromorera mukuze wenyuchi sezvo usingazivi unhu hwamambo wacho. Anozobata humwe hwema hwaakafunga kuti ndihwo chete hwaigona kunhuhwirira zvinodakadza mumuzinda make. Anofunga gwara rekwaUtahwemhare anove ari mumwe mambowo waakapiwa matunhu pamwe chete naye. Anoiparura nhau iyi kumachinda ake iri yekuti afunga kumboshanyira mumwe wake Utahwemhare. Hapana akairamba nhau iyi sezvo ruzhinji rwaive rwatobata chifambirwa nyangwe aive asina kutaura donzvo. Rechimangwana vakamuka mambo Chirangano pamwe nejinda ravo guru Guruuswa pamwe nemachinda matatu Muchemwa, Baradzanwa naSvinurai. Dzinorohwa mbongoro dzehondo chaidzo pasina aitaura nemumwe rungwanani irworwo vavariro iri yekundosvika risati ranyumbwira mubako raro sezvo chaive chinhambwe. Guruuswa ndiye aiva mberi Muchemwa achitevera kozoti Baradzanwa kuchiuya mambo Chirangano akavhara suwo ari Svinurai. Vakaponda mutunhu wavo kusvika ropisa vosvika kumuganhu wavo. Guruuswa aiirovera zvekutsvaga mbiri chaiko. Hapana aive acharinga kumashure sezvo vaiziva kuti zvatove zvekudzingana chaiko kuti vandosvika kwavanoinda kuchiri kuchena. Mashura anotanga mberi Guruuswa aingorova mbongoro akaringa gomo Chembada raainge ave kuona mberi kwake. Mbongoro yake inosvetuka ichitendeuka kutarisa kwayabva izvo zvakabva zvamurovesa hana. Yamuchemwa inosvika ichida kuedza kusenerera ndokubva dzarovana mbongoro nevanhu ndokuita gumi rakadya vaviri muvhu. YaBaradzanwa inosvika ichisvetukavo dzaive muvhu mberi kwayo ndokundomira yakatarisa kwayabva. Mambo naSvinurai vainge vatoona zvaive zvakaringa mboni dzavo ndokusvikomisa dzavo vachitoshaya kuti chii chatora nzvimbo. "Zvambodiiko nhayiwe Guruuswa?" Vanobvunza mambo Chirangano. "Mambo wangu chekudavira handina ini handizivi kuti kwakatarisa mboni dzedu kungave kutsvene here nekuti zvandaoneswa nembongoro iyi nhasi hazvisakamboitika mumazuva ose ndichifamba nayo. Ndiyo yaita mupara nzvongo ipapa uye yapotsa yandipwanyisa musoro newaBaradzanwa yazosvetuka nepamusoro pedu". Anodaro Guruuswa achizvipumha huruva nemarara zvaaive azara. "Zviwanikwa jinda rangu moti tingaonei ngatienderere mberi tisvike kuchakachena." Vanodaro mambo Chirangano vave kutonanaidza mbongoro yavo uku uchingonzwa ngonono pambongoro dzose ari mafemo ekunyara. "Mambo wangu. Hamuna here n'anga yamunoziva kungabvira kuti titange tasvikako tivhurirwe rwendo kuti ruchena here tizowana kupfuurira?" Anodaro Guruuswa akamira asati ataswa mbongoro yake akangoibata mukaro. "Usafunge semukadzi wanzwa here Guruuswa? Ukangoona chivhiringo chidiki wotofunga kuti pane zvaipa. Kana wasimuka usingadi ndiudze udzoke ndiende nevanoda". Vanodaro mambo Chirangano asi Guruuswa anomboti zii ofunga kuda kudzoka ndokuti "Zvakanaka mambo wangu kana zvirizvo zvamafunga regai ndidzoke zvangu". "Wati kudii Guruuswa ndaikuita jinda guru ndichiti uri murume izvo une nhahwamaringa mupfungwa nhayi? Chidzokera kana wada asi kunonzi kwaChirangano handidi kuwana uriko zvachose. Ndapedza handidi kutemeswa musoro nendumure ini. Unotoziva kwauchananga izvezvi". Kwaive kwasungwa uso hweingwe yatorerwa vana nevavhimi. Guruuswa anosiya mbongoro yake ndokuenda pedyo neyamambo wake achisvikorovera ibvi pasi ndokurova bonda rainzwikwa maungira sango rese nemuzvikomo zvaive pedyo. "Ndapota changamire wangu nyoka huru haizvirumi kwaingove kudavo kuonesana. Ngaisiye matambo ndapwa zvangu ndiisei muhapwa menyu. Inga ndiri nyana renyu wani". Aidaro akazvininipisa kusvika Chirangano asunungura chiso ndokuchimutendera kutora mbongoro yake otungamira mberi kuti vapedzise rwendo. Vanorusimudzira semaronganirano avaive vakaita pakutanga yave mwii-mwii nhaka yemakonzo. Vasati vandobira rwizi Mhupuro. Guruuswa anokahadzika kuona gwara raive rakachena kwazvo, sora nemiti midiki zvaive zvakavhunwa sekunge paifamba mombe dzakasungwa pachikwevewa matanda. Kufara kwaro nyange mbongoro mbiri dzine vatasvi dzaingopesana. Anotevedza gwara irero sezvo raive rakananga kwavaienda. Achindoteuka odzika murwizi anoona nechekurutivi kuchivhunika miti yati korei zvese neuswa huchivata pasi. Anoringa nechemudenga ndokuona kunge nyanga dzenzou pachinhu chaasina kunzwisisa kuti chingave chii. Achida kudeedzera kuti "Nzouu!!!?" Anozoona kuti dzaisave nyanga asi mazino enyoka yaive yakashama muromo yakamunanga. Mbongoro inongopfichura kamwe mutasvi wayo ichibva yananga nerimwe divi yakananga kurwizi ichivambuka nemumvura imomo ichibowa ichienda. Muchemwa anozongoona atovewo mumukanwa ndokuendeswa kuchidikwadikwa chayo achitevera makumbo aGuruuswa. Zvimwechete Baradzanwa nembongoro yake vakafambira pamwe asi akandobatirwa ave chinhambo. Svinurai haana kumirira zverudzi urwu, panhambo yakanongwa Guruuswa zvaive mumboni ndokutoitendeusa haana kuzomirira kuona kuti mambo vasanganavo nei. Akangoita usahwira nemhepo akaita kuvatira pamusana wembongoro musoro wake wave panzeve dzayo chaipo. Mambo Chirangano vanoona ganwa rashamira kwavari aive pamberi pavo asvadiwa ndokubva vafunga kunzvengesavo mbongoro yavo sezvaive zvaitwa naSvinurai. Vanongoirova kamwe ndokunzwa mhepo yairatidza kuti varidzi vemasango vasvika. Chadhogodha, chatsemura inonamura mbongoro yaChirangano asi mambo vainge varembera kuda kudonha sezvo vaive vopfichurwa nembongoro yavo. Inosimudza zvese mbongoro nemunhu ndokubva .......? *HONDO YAVHUNGAWARINGA YORONDA CHADHOGODHA* "Kunaka? Kugere uku hakuna kunaka". Anotaura achicheuka-cheuka achiita kunge anoda kutiza asi akabva aramba akabatwa. Chisenga zvinomunetsa kuti kungave kupenga here kana chii. Vanombomurega kuti azorore uku maziso achingomanyamanya kuringavo nekwaaive abva vachityira kuti kunodaro kune hondo iri kutevera. Zvombo zvaive zvapakatirwa nemachinda ose vachingozeyazeya kuringa kwabviwa nako. Pave paya anotura befu izvo zvakanzwikwa nechaunga kuti anenge ati gadzikanei zvekuti anokwanisa kutura zviri muninga. "Chiiko nhayiwe Dendera? Simbawoka uite semurume chaiye kwete kuita kunge mbwende". Anodaro Chisenga akabata Dendera papfudzi. Ainge aita kugara pasi akatandavara semunhu abudirwa nesvikiro redzinza. "Chadhogodha wenyoka kwandabva varume. Nyoka iri mumashure mangu haiiti ishuramatongo chaiyo". Anodaro Dendera achiringa kwese zvakare. "Uri kureveiko nhayi Dendera? Nyoka chaiyo here?" Anobvunza achiita kushamisika. "Handitambi varume kune vhungabikiro reziendanakuenda renyoka" . Machinda anoshamiswa nazvo Chisenga ndokuseka zvake. "Handina kumboona mbwende yakaita sewe ini kubva ndichigara newe ndaiona seuri murume izvo uri zuurwa remurume nhayi". "Usadaro Chisenga zviri mumashure zvikapinda muno hamusari chinoti n'ee. Dzukurwa asvadiwa pamwe nembongoro yake. Uyuwo Rupiza apfichurwa nembongoro yake ikamusiya atove mumukanwa menyoka iyoyo. Nyangwe nzou chaiyo potse potse inogona kuminywa". Anodaro Dendera izvo zvakaita kuti machinda ose kusanganisira Chisenga aimboseka vatange kupindwa nechando. Vese vaive vashama miromo semanyana ematahwa. Mambo Vhungawaringa vachinzwa izvi vanobva varangarira machinda avo asina kudzoka. Nhau yaive yauya naDendera haina akazobvunza mambo Vhungawaringa naChisenga vaive vatopanana rimwe rekuti chikara ichi chindotsvagwa nekukasira. Machinda anounganidzwa ndokusimuka Chisenga oparura. "Hapana rembwa tenzi vararira mutakura. Zvave pano hapana chinosara kusiya kwevarindi chete kunodoka ranhasi chete asi mangwana kunoidza tagura matunhu kutsvagana nechirombo ichecho. Kana icho chichizviita Chadhogodha chinofanira kuziva kuti varipo vanochidhogodhesa." Anodaro chisenga miridzo ichibva yaita makurwe yangove njirinjiri kufarira hondo nachesango. Inove batai batai kugadzirira rwendo rwamangwana. Hakuna aida kusara sezvo chikatyamadzo chiri chekunzi nyoka inosvada mbongoro nemutasvi wayo. VanaChamhara vachinzwa izvi havakaruki vanofunga zvemusi wavainzwa bvudzi kusimuka vasvika pamuganhu asi vasina chavakazoona. Kuchiidza vanoinzwa hwamanda kurira. Murwi wese ndokumhanyira padare ndokupangwa rekuoedzisira vachibva vafuratira muzinda kutevera gwara rakabva naDendera. Vakamuudza kuti vachipinda munzira vose avaratidze kunonangwa nako asi iye akaramba achiti zvemumboni yake hazvaifanira kudzokororwa. Vanoramba vakamuringa chiso asi hapana chakachinja. "Nyangwe mukanditonga nepfumo zvingave nani pane izvi." Anodaro Dendera achitoziva kuti uko kwaive kwaTendawadzoka. Chisenga anozongoda zvekurairwa ndokubva atora danda. Yaingove ringe mberi neshure, kumativi pamwe nemumiti kutsvaga kuti pamwe mboni ichadura painenge yaona chikara asi zvakave zviroto. Vanozoti vosvika kumuganhu wedunhu raVhungawaringa ndipo pavanonzwa ruzha rwaiita kunge kunotyorwa miti. Vachikanda mboni ikoko kunonzwikwa kudaidzira nemamwe machinda aive mberi "Hedzo Zhouu!!!" Machinda achisimudza misoro ndokuona aaa.....? KUPERA KWECHITSAUKO 8
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 168

Comments