PHIBIE ALL NOVELS
June 9, 2025 at 03:38 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 9 *MUFANERONGA OTONGA NEDEMO* Zvikangwa neyakavatiramo kudya wakasunga moyo, chishuvirwa ndiMazvimbisaura badzi. Ngaisiye matambo itevedze gwara ranyakugadza shambakodzi. Zvino mukuchidziri akave muvizhirira kutsva kwawo mutakura vasaziva anoshoorwa mugadzi. Mhembwe rudzi mukati inozvara ane kazhumu uye nhiyo kubuda muguyo huona ndimai asi chisvotamweya mabudise muzhara nhasi azvara nhambavave. Mudyiwanepwere nhasi warudza mavabwa zvashaisa mufaro, asi Machemedze ndiye asunga chiruvi. Chidurwa choti: muzinda wamambo ane tsiye nyoro nhasi muchiti nyana richatevedza matsimba evakaribereka wanei mutonga netsvimbo atsibwa naMugonganepfumo. Mambo Harunawadya vaenda asi muzinda watove nechimiro cheunhapwa hwavagarira nekuda kwaMufaneronga agadzwa. Nyangwe vaive nepavaiti Harunawadya aitibata setisiri vanhu nhasi vave kumuona kuti aive munhu pazvese. Mhemberero yakaitwa vanhu vakapfichuka kuridza dzamagutwa asi vazhinji vaitoona zvemberi kuti kudya zvekuba mangwana unotongerwa kuve mubivo. Mabiko tadya tafara asi akaziva kuti zvichapfuka hapana. Kufamba kweasingazari chanza kwakatevera ndokubva rimwe zuva audza jinda guru Bumharutsva kuti akokere vanhu vose vauye. Hazvina kutora nhambo nekuti nyangwe naiye Bumharutsva akaona pachiso kuti nhasi yakamwa mukonde saka hakuregi kuteuka ropa chete. Dzikamai munin'ina wake akanga aripowo. Zvinomunetsawo kuti raiva dare rei rakokoredzerwa mhomho yose. Nhambo idzi ainge akagara pedyo naMusendami seri kwake kuine dzimwe harahwa. "Nyararai uko vakadzi pfumbirai miromo yenyu" anotaura Bumharutsva achinyararidza vanhu vose. Nhambo idzi mambo Mufaneronga vainge vagere pachigaro chavo vakabata pfumo rakaiswa pamafudzi. Hapana aiziva chirikuunganidzirwa sezvo raiva zuva rechisi. "Handina akawanda ndiri pano. Uye handisi kuda kupedza nguva. Nhasi izvuva rechisi zuva rinotongwa mhosva , zvino mukaona ndakushevedzai kudai zivai kuti ndine nhau isiri kunyatsopinda mumusoro mangu zvakanaka. Iyi ndichaitonga ndomene ndichipa mutongo ndirini zvekare" anombomira kutaura achiringa ringa meso ake kumativi ose zvaireva kuti pane munhu waaida. "'Zvamboita seiko , Ndiyaniko apara mhaka wacho, mambo ava vachatishatirisa"'. Aiva mahon'erero ainge ari muvarume vachikwenyana kuda kuziva. "Mai Ruzvidzo sumukai muuye kuno mberi nekuchimbidza. Chero muri mukadzi wababa vangu izvo nhasi handicheuki" anotaura Mufaneronga. Mai Ruzvidzo ava ndivo mai vaMaparadze. Ruzvidzo ndiye mwana wavakaita nejinda riya aiva murume wavo wekutanga uya wekufira kuhondo. Vakazoroorwa namambo Harunawadya vakaita zvekare mwanasikana , pavakaita mwana uyu vakabva vamira kuita mwana kwenguva , Vakazoita pamuviri zuva remabiko pavakapiwa namambo Mushayahama murume wavakoma vavo. Ndipo pavakazozvara Maparadze uyo wavakagara naye mumuzinda mavo pasina wavaudza kuti mwana ndewani. Zvadero vakazopa vakoma vavo mwana zvisina aiziva kuti mwana akaindepi asi zita raizivikanwa. Vakafamba vachiinda mberi kwavaive vashevedzwa asi hana yavo yaikindidza sengoma. Vakamira mberi kwechita chevanhu ndokubva Mufaneronga afamba achibva paanga akamira akaringa mai Ruzvidzo. Anovatenderera achiinda mberi kwemadzimai ndokubva ati. "Machinda nhau yandichataura pano ndakambokuvhurai pfungwa asi makandiita fuza kana muchiti ndonyepa ndinoda muzotaura. Imi ndoziva kuti maiva mukadzi wababa vangu zvimwe makatovavanzira asi nhasi ndirikuda chokwadi. Munhu wese anozviziva kuti makaita mwana anonzi Maparadze asi mwana uyu akazongonyangarika mumuzinda muno sezvo aiva mukomana. Ndiri kuda kuti mundiudze kuti mwana iyeye aripi? Uye mwana uyu ndakaona chiso chake nerupawo rwedu mumaoko umu airatidza kuti haasi mwana wababa vangu. Ndiudzei kuti mwana uyu ndewani uye aripi?" Anotaura mashoko aya vanhu vachibva vatanga mahon'era. Mai Ruzvidzo vanorohwa nehana mupfungwa dzavo vaitofunga kuti asi ndakaonekwa ndichibuda muhozi kani? . "Musandipedzera nguva uye kuda kundizvidza izvo ndaramba . Maparadze mwana wani uye aripi?" Anotaura achibva abaira pfumo pasi. Chokwadi vakadzi vanopererwa. "Maparadze akabuda mumuzinda muno kare chaiko aine makore mashanu. Zvaisaita kutu ndigare naye muno nekuda kwezvikonzero. Kana muchayeuka pakaita mabiko kwamambo Mushayahama takamwa doro tikararadza tichitamba , pakabva paita rimwe jinda rakatanga kundibata bata ipapo mambo vaive vakotsira ndaiva mune mbombera pakaita rimwe jinda rakatanga kutamba richindibata aiva manheru zvino ndakazongonakirwa zvikuru kunzwa kuda murume handina kukwanisa kuzvidzora ndipo pandakapihwa mimba . Saka pandakazvara Maparadze jinda riya rakauya pano rikati ndipe mwana wangu ndichengete ndega. Handina marambiro andaiita ndokubva ndamupa mwana wake. Baba vako vakamboda kubvunza mazuva acho asi ndakangoti ainda kwana mbuya vake. Izvozvi makore apindana ndisi------------". Haapedzisi kutaura mashoko ose. Mambo Mufaneronga vanorovera pfumo ravo pasi zvine ukasha ndokubva vati. "Kutoita basa rekuitira baba vangu unzenza . Iyi yazvikanga yega nemafuta ayo. Izvo zvawakaita izvi rufu hapasi kudududza. Hapana anondipikisa pane zvakadai. Ose aya waifurirwa nababa vako Mudzingwa. Saka ini zvandava kuita baba vachabaya mwana wavo takaringa tose. Kanyaira Mudzingwa uuye mberi kuno nepfumo rako ndiro richaparadza" vanotaura mambo. VaMudzingwa vainge vakura asi zvimhadhara zvaitsenga midzi yendudzi dzemiti yakawanda. "Mambo wangu urayai zvenyu inini kwete pakupfuudza mwana wangu. Hongu akatadza tazvinzwa" vanotaura vaMudzingwa izvo zvakashatirisa mambo. "Unondiudzira zvekuita ndiwe waunganidza vanhu pano here Mudzingwa. Zvino kana uchiramba ndava kudai" nhambo idzi vaMudzingwa vainge vatosvika uku mai Maparadze vaingosvimha musodzi. Mambo vanosimudza pfumo ravo ndokuripotsera kuna mai Maparadze ndivo mai Ruzvidzo zvekare. Zvaiva mumboni dzavaMudzingwa avo vakawarukira mberi kwamai Maparadze kuvhikirira mwana wavo. Pfumo sezvo risina maziso rakasvikoti muchipfuva pitipiti chavaMudzingwa ndokubudira seri ndiye pasi dhii vakaudzvura meso. "Madaro neizve mambo wangu kutadza kuriko" anodero Bumharutsva achiuchira asi izvi hazvina kumisa Mufaneronga. "Mukoma zvaita seiko, ndiwo matongero acho here? Bva kana mada kuti muchigadzwa modeura ropa zvakwana madeura tazviona. Chiregai mai Maparadze neku--------". Haapadzisi kutaura Dzikamai. "Baba pavaitonga waiva gurisira panzira kutonga kwavo here iwe. Unoda kundiindira mberi uri chii ndopfuudza iwewe. Asi mwana wacho ndewako? Ukabva wamutizisa nekuti wakaita makunakuna mainini mukadzi wababa ndizvo?. Ndizvo ? Ndizvo? Ndidavire rega ndigadzirise dunhu rangu ndomene umambo ndehwangu" anotaura achipupuma furo ndokuvhomora pfumo rake. Anoriregedzera mai Maparadze avo vakabva vati. "Mwanangu nerimwe zuva zvichakuwanawo asi batisisa mashoko angu" vachipedza kutaura mweya nenyama zvakabva zvaparadzana. "Ndapedza kutonga torai zvitunha izvi munokandira makarwe awane chokudya. Itai nekuchimbidza. Musati mainda ndoda kukuudzai kuti. Munhu akapara mhaka huru ini rufu, inenge iri doko imombe shanu sekushanda nechisi. Ndapedza chiitai zvandareva" anotaura achipukutira ropa raiva papfumo mumusoro mamai Maparadze. Achipedza akabva atofamba achinanga kuimba yematare uko kwaakasviko gara pachigaro chake pfumo riri pamapendekete netsvimbo. Dzikamai anosimuka achidzungudza ndokubata Bumharutsa ruoko. "Ndiwe jinda guru Bumharutsa tosvikepi nezvakadai? Ini ndafunga kuti timbofamba tione chakauraya mambo. Ini moyo wangu uri kufunga kuti mukoma ava ndivo vakauraya baba. Uku hakusi kutonga kwekuti munhu ane moyo, izvi zvinoratidza kuti akabvuta chigaro ichi mukoma" anotaura Dzikamai KUPERA KWECHITSAUKO 9
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 252

Comments