PHIBIE ALL NOVELS
June 10, 2025 at 04:37 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE* *🚦Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel* *🚦Group link* https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh *STORY BY* *PHIBION MANDONGWE* Call or App 0774512473 0714160957 *CHITSAUKO 10* *MAPARADZE ANOROTA HOPE DZAKAMUNETSA DUDZIRO* Zvinodawo kunyumwa pane chawaona. Ukatadza kunyumwa inokutunga yaunofudza seusina meso. Ainge akapfumbira muromo wake akaita kurumanidza achiridza miseve yake. Ainge asiiwa neshamwari yake Muteveri. Pfungwa dzake dzainge dziri mushishi kufunga zvose zvaakaudzwa namai Muchabereka vanova mai vake avo vaaigara navo. Misodzi inoyerera akatsikitsira dzaiva shungu ndokumbomira kurodza miseve yake ndokupukuta misodzi. Hongu Maparadze aiva mudoko asi pfungwa dzakanga dzatovandudzwa dzaifunga chaiko. "Kureva here kuti vadzimu makabva matokotsira, hapana chidurwa here chinoitika chekuti ini mangwana ndichazobuda pachena semhanza yemukweguru vanhu vazive kuti ndini Mushayahama ndadzoka nenyama inotemwa ropa richibuda sekusisa kwemombe. Ehe ndiri nyana asi mukono unoonekwa nemavanga" Maparadze anotaura ega akaringa divi rematanga. Anosimuka asi zuva rainge ratekaira ainge ava kunotsvaka chekuisa mumukanwa sezvo nzara yainge yapfunya chisero. Pfumo nemiseve zvainge zvoita kupenya kunge runambi rwemoto. Anosvika pachikumbaridzo chebikiro ndokumira. "Maparadze mwanangu chinguri ndakutsvaka! Ko wanga wainda kupi ndabika kare .Wava kufambisa mwana iwe. Uchandiparira kufamba kwako" vanotaura mai Muchabereka. "Pwere ndiyo inotsvakwa semombe kwete ini. Ndingagara seiko ndichiona chiso chemuvengi wangu?" Anotaura Maparadze akaringa mai Muchabereka. "Zvino wakura papi nhai Maparadze? Zvaunotaura unoda kuzondipinzisa parumana nzombe handitika" vanotaura. Haana raakadavira nguva iyoyo anogara pasi ndokutora sadza rake ndokutanga kudya asi mai Muchabereka vainge vakamutarisa asi iye aiva akatsikitsira. Achipedza anogara akazembera chituro Anogara dzamara nhambo dzekukuya mumera neupfu hwemanheru dzakwana asi mai vake vaiva nazvo asi waingonzwa makuyo evamwe achichemedzwa uye vaiimba wainzwa vachiimba. "Mai, baba vangu vakaradzikwa kupi" anotaura Maparadze. "Kuninga iri mugomo Jemedza iro raunoona chamhembe kwedziko rino asi rinoyera sezvo rine Mapako akawanda unogona kutoona shumba imomo pamwe nemiti ine mazamu ikoko kana kuona matombo achitaura" vanotaura mai Muchabereka. "Riri munzeve mai vangu" anotaura asi haana chaakazotaura dzamara rinyure. Zuva iri haana kuinda kudare sezvo rungwanani inge aitwa sembwa asi auya nenhoro. "Indai henyu kuhozi kwenyu ini nhasi ndiri kudzisiya muno. Mati ndichasvika kupiko iwawa gumi nemaviri andava nawo hazvichadi ndava kuvata ndoga" anotaura Maparadze asi zvose izvi zvaingokahadzisa mai vake. Anowaridza ndokuvata ivo ndokuinda kuhozi kwavo. Anovata hope padzainge dzotanga kutapira anoona vakadzi vaviri asi vaiva nechekure nepaaiva. Anofamba achiinda kune vakadzi vaya asi pakati painge paine rwizi rwaiva nemvura ine mapopoma paisayambukika. Anoona vakadzi vaya vamira mumwe akaita wechidoko ainge akabereka mwana. Anodzisa mwana uya ndokubva atambidza uya akaita mukuru waaiva naye. Uya anotambira ndokubva abereka. Uya wekupa mwana anotendeuka kudzokera uya ndokusara achisvusvudzira mwana sezvo aichema. Nguva iyi pakabva paita zambuko ndokubva mukadzi uya ayambuka achingopedza zambuko rakabva raramba riripo mukadzi uya apiwa mwana ndokuramba achiinda. Nhambo idzi anonzwa mhere yakaridzwa nemukadzi uya wekudzokera . Anomanya kuinda kuya asi achisvika kuya anongosvikoona ropa nemwezva chete asi munhu haana kumuona sezvo aida kumununura. Anozongodzoka kwaanga abva asi ainetsekana. Zvaiita kunge ari musango raityisa kwazvo .Anoti ava chinambwe anobva amira ndokuona Zinyoka raiva mberi kwake rainge rakakura kwazvo hana yake inotsemuka achiduduka. 'Usatiza murume haatizi ukafamba inokuona ikakumedza. Iti kwadada ipapo' raiva inzwi raiva rakakora kwazvo .Anocheuka achiti pasi kwadada asi haana munhu waakaona. Anoinzwa nyoka iya ichiuya kwaaiva .Nguva iyoyo anoona bakatwa rakangoyerekana rapotserwa parutivi rwake rainge richipenya muviri wacho uchinge goridhe kupenya. Raiva jeka kwese mubakato waro waiva nedehwe raipenyawo kunge reshato. Anogwesha achiinda kwaraiva uku ainzwa kushinyira kwayo ichiuya. Anowaruka ndokubva ati mba-a bakatwa riya uku zinyoka riya rainge ratoshama muromo akabva ati pepu achiwarukira kwakadero. Anovhunduka achiona mai Muchabereka vakamira uye kunze kwainge kwatochena. "Chii mwanangu, muviri wese wanyorova wanga uchivhiringana nei" vanotaura. Asi Maparadze anobva agara pasi mai vachiwarura daunha rake. "Mai ndine zvandarota asi hope idzi dzaita mbiri. Ndarota vakadzi vaviri asi mumwe wacho anga ari imimi asi mumwe wacho" anorondedzera zvose dzamara apedza dzevakadzi ava. Asi asati apedza kutaura mai Muchabereka vakabva vatanga kusvimha musodzi. "Ukati mwana wamai vangu achiri mupenyu here ikoko kwaHarunawadya? Ndivoka mai vako ivavo ndivo vakandipa iwewe kuti ndikuchengete mudziko rababa vako rino yoweee hana yangu yatsemuka" vanotaura mai Muchabereka. Asi Maparadze anoramba akanyarara akaringa mai Muchabereka. Vainge vasina kumuudza kuna mai vake sezvo vakamupiwa aine makore mashanu pese apa Maparadze aitoti ava ndivo mai vake. "Mati ndimai vangu?" Anobvunza achibva asimuka ndokufamba kusvika pamusiwo ndokumira pachikumbaridzo anoona kudare kuina mambo nemachinda avo ndokubva adzoka. "Hazvinei zvichadudza zvoga. Ndazofamba nesango nerumwe rutivi ndati ndava chinhambo" anotaura zvese zvezinyoka iri zvinova zvakavhundutsa mai Muchabereka. "Ndabva ndapepuka" anotaura asi anoramba akatsikitsira. Zuva richitanga kuteuka ndiro zuva raanoona jinda rakapinda nembongoro mumuzinda rikafenda. Iri raiva jinda ramambo Utahwemhare anova Dendera. Nhambo idzi Maparadze ainge aina Muteveri pabvute vachimwa maheu zvose izvi zvaiva mumboni. Kumuka kwakaita Dendera , Maparadze akanga atotiwo kwati nedare ndipo paanonzwa Dendera achitaura zvaChadhogodha nyoka inotsemura hana. Maparadze anoyeuka hope dzake ndokubva atodzungudza achidzoka shure asi anobva abatwa naMuteveri. "Ko chii Maparadze" anobvunzwa asi anoramba akanyarara akaringa Muteveri. Mambo Vhungawaringa vanoronga hondo inonotsvaka Chirombo ichi zvose zvaiva mumboni dzaMaparadze. Anodzungudza ndokubata Muteveri ruoko ndivo verere ndokunogara seri kuya kune dombo riya. "Vhungawaringa ari kutamba nematope pasina mvura. Hameno zvimwe Chisenga ane imwe tsoro yaanoziva asi akubaira zanhi ndewako, Dendera wamunzwa achiramba kuinda haasi kutaura zvemugotsi matsuro bata mashoko angu ini" anotaura Maparadze. "Unotaura uchidero asi wakamboiona here nyoka yacho Chadhogodha kana kuti iwe wava kutoitawo gwara , tichakuisa kuvarume vanovhiya mbudzi iwe padare hatikudi" anotaura Muteveri . "Apa ndingatonovhiya zvangu imi varume moita sevarume" vanotaura ndiyo nhambo yakabuda hondo yamambo Vhungawaringa yakapakata zvombo kunanga kumuganhu wenyika kunotsvaka Chadhogodha *SVINURAI ANOWIRA MUMUZINDA WACHIRANGANO* Vakati chawawana batisisa mudzimu haupi kaviri, uye tsuro haiponi rutsva kaviri. Kungoti tendeu nekutarisa nzira yekwabviwa hazvitori nhambo sezvo chinonzi mirira udye mukonde wesadza kwete chipwanyanemabonzo. Anowedzera kuudyura kusvinurisa sezita rake sezvinonzi ainge asisaoni zvakanaka. Naiyovo haina kuudzirwa mbongoro sezvo pamuka chisvetamweya mumwe nemumwe anotiza nerwake. Svinurai aive achingosimba pakubata gavi remukaro mupfungwa ongoti dai rachirega kudambuka akapfichurwa akasara. Zvinanga zvaimupara asi aingoti chikuru kutiza neraramo zvemavanga masvosva aya. Anoramba aknaamira sechikwekwe shamhu chaiyo asisisina asi mbongoro yaingofambira mumhepo. Masango anomasvetuka kusvika mbongoro nemunhu vose dikita roita sezvanyururwa mudziva. Inodzimara indoti mumuzinda pfacha nesuwo diki nairo raive ratsvukavo roda kuoneka nyika zvemusi uyu. Varindi vepasuwo vanongokaruka vasvikirwa nemuseve wembongoro nemutasvi wayo vakarivara. Kuzoda kutsvagana nezvombo nekuringa kuti muvengi here iyo yainge yatombumura huruva kare. Vanotoona kuti ndiSvinurai iye atovapa gotsi. Muzinda wese unozomira-miravo mukuringa chiri kuuya iyo mbongoro yatsika chivanze chedare. Anoedza kuda kuimisa pamumvuri wedare asi iyo yakabva yati ayo manyepo. Inoramba yakatuta yakananga kumatanga zvekupotsa yatsika pwere dzaizvitambira zvadzo. Inongosvikoti ngori mudanga heyo yodzanhadzanha iri mudanga. Iye anomboita nhambo yakati kurei ari pamusana wembongoro ndokuzotura befu odzika ndokunanaira semunhu ane makangazha achisangana nemachinda aive omutevera kumatanga kwaaive apfuurira. Vanodzoka vose pamumvuri wedare zviso zvakasvava moyo yave kudokwairira kuda kunzwa chatora nzvimbo. "Tiudzeka nhayi Svinurai. Kwawuyeiko zvowouya une ushamwari nemhepo apa mavende acho anyanya kudai zvambodii? Mambo varipi?" Anodaro Muchaedzerwa akaringa mboni dzaSvinurai asi iye anomboramba akati zii achieredza mvura yematambudziko. "Kuzvikurukura angaite semanyepo hamawee. Kwandabva kwawisa muzinda uno. Mukaona remanheru ano radyiwa mambo vasina kutsika muno moziva kuti bvute remusha hakuchina." Anodaro Svinurai akaita kugara muvhu chaimo. "Iti ga ga ga tinzwe kwaiteiko iwe?" Anobvunza nehasha Muchaedzerwa. KUPERA KWECHITSAUKO 10
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 163

Comments