PHIBIE ALL NOVELS
June 12, 2025 at 03:41 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE*
*🚦Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel*
*🚦Group link*
https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh
*STORY BY*
*PHIBION MANDONGWE*
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 11
*KUPUNYUKA KWAMAMBO CHIRANGANO*
Kuve netarisiro hunge chitarisirwa chichitarisika. Dzainge dzakangwa njere chamupidigori, shandukuminya musoro pasi makumbo mudenga, muhwasvato hwembongoro pfee kupotsa yatsika mutasvi namambo wayo. Ichinakurwa mbongoro kupinda muganwa raChadhogodha mambo Chirangano ndopavanodonha pasi . Chadhogodha akangoona seasimudza zvese ndokusvada. Inotarisa rumwe rutivi ndokuda kumhanyira imwe mbongoro yayaive yaona asi inoona kuti chainge chave chinhambwe uye haina kuzoona zvakanaka kuti yatiza sei ndokubva yacheuka kudzokera kugomo kuzibako rayaigara kunyange zvazvo dumbu rayo raive risina kuzara.
Rinosvika pakurereka Chirangano asingazivi kuti aripi sezvo ainge amboenda nyikadzimu. Pave paya rumhepo rwati fee ndopaanosvinura ndokumboita kanguva akadaro. Anoedza kudzokanisa njere ndokubva dzazowana gwara hana ndokuchitanga kukindidza sengoma yembarure. Anoteerera munyama ndokunzwa gotsi, musana nekumagadziko zvichidzika kumakumbo kuchiita kunge kwadirwa mvura inopisa akasvuuka. Anobata gotsi ndokunzwa harina vhudzi zvese neganda. Hana inorova ndokumbofenda zvakare kutadza kuziva zvaaiita zvachose hana yorova zvine simba. Anozodzoka kunyika yavapenyu pave pakati peusiku chando chave kumubvunza daunha. Anobatanidza njere ndokurangarira zvese zvainge zvaitika hana ndokutangazve kurova. Zvainge zvati mai votsva musana mwana wotsvavo dumbu kuti pachiberekanwa maronda onamirana. Pakatendeuka Chadhogodha yainge yave kutofamba nepamusoro paChirangano zvino nekuda kwemakwati nemvere zvese zvakabva zvasvuura ganda zvekuti dai yakafamba yose nepamusoro pake aidai akasiya nyemba nyama dzake dzaita munyepfu.
Anoedza kusimuka ndokunzwa zvisimba zvirimo zvishoma asi zhara neropa raisina maari ndoraive rave kumutadzisa. 'Vadzimu vangu ndopararira muno muchakasara muchiona here? Inga makanga mandisimudzavo wani kundiita mambo nyange paine tsoro dzakaita ndisvikepovo zvagara kurarama itsoro. Zvino mashooreizve kana huri usvusvu ndinokukurungirai zvangu ndiyambusei ndatambura ini. Izvezvi vakadzi vangu vaviri vanosara nani? Mukuru arinane zvake ko iri gombo, bunha randichangobva kugobora ndingasvika kwamuri here moyo une ronda nyoro rakadaro? Bva kana mainge mandirasha dai machingorega zvapererana nechikara chisina mukare akamboona chiya. Asi zvino ndichaziva kuti chandisvuura kumashure kwese uku chingava chii, apa nenhembe kwadzasara handichazivi. Zvino nyange ndikawana gwara chairo kudzokera ndondosvika sei kune vanhu? Iwo nemutunhu uripo handichapedziswi nezvimwe zvikara here kana iyo kudzoka?" Yaingove mibvunzo isina mhinduro sezvo dare vaviri. Anoedza kusimuka ndokunzwa zvaita sezvabvuma naiko kwatochena. Nhereka-nhereka nerutanda rwakangonongwavo kuita tsvimbo. Ainge oita seabatwa nechadzimira hoyo kurwizi Mhupuro asi paanoruona ndopaanozoziva kuti yarasa hwema. Nechemumoyo anotozotivo dzawira mumutswanda ndokutombowana yekunyanga pahuro. Kugeza ndiko kwaisaita uye kukotama chaiko kwaitove kuwedzera kuzvimwaura mavanga. Anotendeuka ndokuchidzoka achiita kuzvuva tsoka zvekuti paitosarazve muhwezva kunge pafamba kazukurumabvi kaChadhogodha. Muswere wese wezuva yakaita nhambo isingadi nyangwe mwana anodzidza kukambaira. Mhuka aisangana nadzo dzine chinyautsa mukanwa nedzisina asi chekuita paive pasisina. Muhwezva waingosara wazara ropa. Richizovira kudaro ndopakanzi ndozorora ndiye kwadada nedumbu sezvo musana wainge waubvurwa. Anoti ndotivo tsivamei nedzungu rainge ronzwikwa yainge yave chero zvazvaita kuwana yamuro nekudyiwa nezvikara. Imwe pfungwa yoti dai ndine gavi kana mutimwi ndazvipedzisa zvangu ndizorore. Akabva angoziya ari kuhope nenzara neropazve rainge rave shoma ndiye zii akadaro.
*SVINURAI ANODURA CHIKATYAMADZO KUMACHINDA AKASARA MUMUZINDA*
"Iti ga ga ga tinzwe kwaiteiko iwe?" Anodaro nehasha Muchaedzerwa.
"Mukuru wangu kwaita chikara chezvikara pakukura nzou chaiyo yamunoziva mwana inogona kumedzwa nenyoka yatao......?" Haapedzisi kutaura agurirwa naMuchaedzerwa nehasha. "Svinurai usada kusvinurira kudende remhiripiri yakakuyiwa wanzwaka? Unoreva kuti inyoka inengei ingaminya nzou? Tiudze zvakanaka kana wasakura mamwe machinda namambo uchida kutora humambo uriwe taura? Ungatamba nenjere dzedu uchiviga zviri pachena semhanza? Iti wauraya mambo manje utsinye hunopedzwa neutsinye taura zvakanaka usati wasiya mutakura wenyemba izvezvi". Ainge oshura manenji nekupopota Muchaedzerwa odavirirwavo nemamwe machinda ainge aonavo kuti Svinurai aruka nhema dzisina fuza ringatambira matakanana akadaro.
"Varume zvandaona zviri mumboni dzangu chete. Guruuswa anenge angosvadiwa neyake mbongoro zvose. Muchemwa asvadiwa asi mbongoro inenge yaparura matunhu nerimwe divi. Pana mambo Chirangano handina kuzoona zvese asi ivo vainge varezuka pambongoro iyo nyoka yoda kutosimudza zve.....?"
"Unoreva idi here iwe kana dzandeya?" Anodaro Muchaedzerwa.
"Ndopika nemwanasikana wangu Maseva ndikanyepa tora zvako pasina roora". Anodaro Svinurai achisimudza mitendeka yemaoko maviri achiikorekera pamwe.Muchaedzerwa nemachinda aive pedyo vachinzwa izvi hana dzinotinhira sengoma.
"Heyii imbogarai pasi uko paita nhau huru ukoo". Anodaro achideedzera kuti ruzhinji rutsvete mapatya ekumashure pasi nekumupa nzeve. Hazvina kutora nhambo painge pagariwa muvhu nepazvigaro vamirira kunzwa. "Tine kusuwa mumuzinda muno. Inga tose tinoziva kuti mambo Chirangano vambobuda vachienda kundoona sahwira wavo Utahwemhare. Zvino zvazvauya zvakadai tinofanira kumuka rungwanani tiite makumi mashanu achandosvika pavasiirwa ipapo. Kungoti parizvino radoka chikara hachitsvagiki murima munopera nechakapedza mbudzi .Saka chavepo hakuna anondovata kumba kwake tose tinodziwanira pano padare." Anodaro Muchaedzerwa chiso chichizadzisavo pashoko irero. Nhambo hadzimiri kufamba rinobikwa nekudyirwa mudare machinda huri uwararira. Zvoto zvinoti wandei sezvo vainge vasingakwani kukomba chimwe nyangwe raiita bviravira sei. Hakuna akada kupoya sezvo vaiziva murawo kuti ukatambira munhahwamaringa uchienda kuhondo hauwanzodzoka. Yemurirakamwe ichikukuridza Muchaedzerwa nemamwe machinda makuru vanomutsa nekusarudza makumi mashanu emachinda ndokutorukaka vakananga murima rine rumhepo rwaifuridza nzeve dzichisara dzaoma. Vanopatsika uchingonzwa huchwaka-chwaka hwetsoka vachinanga kwazvakarehwa uyu Svinurai ari nechekumberi asi hana akangoita kuisunga negavi remukwakwa sezvo aiziva kuti haiponi rutsva kaviri. Panotsikwa kusvika koti hwee vosvika kumuganhu.
"Varume mugango tavemo chasara kuchiringa kutsvagana nechatafambira. Asi nechepamberi apo pakaita pabani tisati tayambuka Mhupuro ndopakatambirwa mabasa ese. Saka kwave kufamba wakaudyura ziso asi chatinodakurwisa varume itenda wayambuka". Vachitofamba vaita wararira kudaro ndopavanoona gwara rakakura kwazvo rakatsukutwa bundo netumiti tudiki ndokusiya huruva yambumuka kunge paikwevewa matanda.
*CHADHOGODHA YOSHURA MARE MUBANI*
Hana dzaikindidza sengoma yembarure. Zvakaoma kupinza ruoko mumwena wausingazive kuti mukati macho munei. Munhu anoshinga kana aziva chiri mumwena. Ndikosaka muburi weuchi anosunga tsinga dzose achirumwa ruoko asi chinenge chatanga kuziva kuti munei mumwena. Ndizvo zvainge zvoita kumachinda amambo Vhungawaringa muchakasara chesango. Vaivhima Chadhogodha iyo yavakanga vasina kumboona asi kungoita manzwira nzwira badzi. Zvombo zvainge zvakakwambatirwa meso akavhurwa kunge nyimo yabva mudeko. Hana nemeso zvainge zvava chinhu chimwe airinga kwese kwese uku ichikundidza. Necherimwe divi kunonzwikwa kuvhunwa miti kuti pwa pwa pwa . Chisenga jinda guru anomira akasimudza pfumo mudenga kumisa hondo. Anosimudza ruoko achipa chiratidzo chekuti museve paUta. Vose vanoringa kuya vakamira pazvimbo imwe chete. Mhofu inowaruka machinda ose achibva adududza vachiridza mheterwa asi vamwe vakawira pasi nekutya. Inonaya miseve kuMhofu iya waiva mutumba asi hapana akaibaya sezvo yakawaruka gwenzi ndokubva yati pote. Chikabo naMudzingwa vanoidzingirira vachiita ruzha asi Mhofu iya inomanya yakananga kugomo Rutonhora. Machinda anosekana aiva adonha aya achigumha guruva ndokubva Chisenga ati.
"Machinda tasvika pamuganhu une chikara Chadhogodha saka munhu wochenjera uye kugara wakagadzirira. Tichati farara takaita gapa sekunge tirikusakura. Aiona anoridza "huhwi" tomanya ikoko. Nhasi inofanirwa kufa toda kusiya taidambura musoro wayo. Saka ngatiite zvandataura tinzwe" anotaura Chisenga achironga machinda ake.
Mago agara anoruma mutokonyi. Asi ukasvikawo atokonywa nemumwe munhu aine shungu anopedzera shungu pauri. Ndizvo zvakanga zvaitwa nemachinda amambo Vhungawaringa. Ruzha rwavakaita havana kuziva kuti vatobvongodza mvura yemuguvi ,
haichamwike.
Chadhogodha yakanga iri mujinga megomo Rurotonhora iri mumuti wemuUzhe. Yakaringa kwaibva neruzha ndokubva yaona gurusvusvu revanhu. Inobudisa rurimi ichidzosa mukati rwainge rwogadzirira kuminya nyama yainge yauya yoga. Inodzika ichivhuna matavi ndokufamba ichiinda kunosongana nana Chisenga mubani umo maiva nemaziuswa aivasvikira muchiuno mamwe vaitoinzana nawo. Vachisvika pakati pebani vanonzwa maungira anenge kutinhira kwemvura uku mauswa achiradzikwa. Vanomira vakatendeka miseve ikoko. Nhambo idzodzo Chadhogodha inosimudza musoro musenga kunge mhungu kumira nemuswe chete. Inowaruka ichibva yavhunga machinda matatu achirohwa nemuswe achibva awira pasi uku uswa hwichidzurika ndokubva yamedza vaviri vose izvi zviri mumboni dzevose.
"Museve kuchikara tinoparara machinda angu" anoshevedzera Chisenga miseve inoregedzwa asi kwaibva kupfura dombo chairo. Miseve yose yaivhunika nepakati imwe ichitorira . Chisenga anoudzvura meso sezvo ndiye aiva mumwe wevatatu vaya yakarohwa nemuswe vamwe vakazomedzwa. Anoumburuka achiinda seri kwedombo Chadhogodha yakabva yaruma dombo ndizvo zvakaponesa Chisenga jinda guru. Mvura yakanga yoyerera ichidzika nemakumbo ake. Chadhogodha rainge roshura mare mubani. Inosvada vamwe vaiva vawira pasi varohwa nehana. Zvaida kuzvionera pamhino sefodya chemusi uyu. Mapfumo anopotserwa asi airira mapfumo kuti kwererere. Inomedza vamwe vaviri zvekare ichibva yazvongonyoka kunge garwe riri mumvura rabata mwana weNyati. Miseve yakasvika pakupera nekuvhunika yose nemapfumo. Rimwe jinda raiva mukuru wehondo rainzi Madamburo rakayedza neparinogona napo asi vose vakazongoita aziva kwake aziva kwake doto reChapungu.
KUPERA KWECHITSAUKO 11
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
190