PHIBIE ALL NOVELS
June 13, 2025 at 04:37 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE*
*🚦Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel*
*🚦Group link*
https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh
*STORY BY*
*PHIBION MANDONGWE*
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 12
*MAPARADZE OPARAMURA HOMBE*
Zvagara chinhu chose chekutora nechisimba, kuti ugare nacho zvakanaka zvisina matyira unototsvaka mutsigisi. Ndikosaka vakuru vedu makare kare vaiinda kuzvitopota votsvaka chekutsigisa musha. Vazhinji vacho vaizopiwa rutendo rwebharesa yemubobobo. Zvinobudira apo mambo Vhungawaringa vapfuudza aiva muridzi wedunhu iri anova mambo Mushayahama . Vakati vapedza kuvapfuudza ndokugara umambo vachipedza vakabva vatogura matunhu kunanga rutivi rwemurima rwaizivikanwa naivo chete kune chitopota chen'anga yainzi Ndigumei. N'anga iyi yaiita zvose zvawaida yaikuitira asi yakazofa zvayo. Akainda ikoko achida mushonga wekuti atyiwe uye atsigise muzinda usawana mumwe anosimudza musoro achiti ndewangu. Asi chaakaita mushonga wekutsigisa musha wake uyu akaitirwa zvinhu zvidoko doko zvekuti waizvishora nemaziso asi raitova basa guru chairo . Akagadzirirwa riri doro raiva rakazara choro ndokubva raiswa zvimwe zvakaita dota dema nemidzi yaiva yakasungwa nemuswe wemombe zvaiva mudoro iri. Akamwiswa huro nhatu ndokubva achinzi, "Rasara doro inda unomwisa chimukono chemombe chidoko doro rese". Chimukono ichi kukura kwacho ndiko kwaiva kukurawo kwedunhu raiye Vhungawaringa. Uye kumwa kwaakaita doro ndiko kwaiva kuriko kusimbiswa asi akazotemerwa hake mafuta eshumba. Ndikosaka mambo Utahwemhare namambo Chirangano vaitya zvikuru mambo Vhungawaringa. Kana dunhu rese hapana aiti bufu kana kupikisa zvinotaurwa namambo Vhungawaringa. Uku vakainda vega havana kana jinda rimwe zvaro ravakaudza izvi. Vakadzoka asi hwaiva usiku , mazuva aya jena guru rakanga risiko ndokubva vanobata chimukono chavo ndokuchimwisa doro rese vapedza ndokuinda kumba zvavo. Vakagara nguva nemakore zvinhu zvavo vaiona zvichinyatso kuita chaizvo . Chimukono chiya chakatanga kukura chaisasungwa kana kudii dzamara ratova zimukono redanga zvaireva kuti apa ndipo painge paine simba ravo rese remuzinda.
===============
Vakasara vakagara padare mambo Vungawaringa nedzimwe harahwa dzemumuzinda kusanganisira Dendera jinda ramambo Utahwemhare.
"Mambo wangu ini ndava kutora rumwe rutivi ndidzokere kumuzinda kwamambo vangu handizivi kuti ndinondovasvipira ripi racho sezvo musina ramandipa rekudzoka naro" anotaura Dendera asi mambo Vhungawaringa vakabva vati,
"Aikakazve! Unogoindepi nhambo idzo iwe uchiona kuti machinda angu ainda kunotsvaka Chadhogodha chawareva chenyoka. Ndinotoda kuti unodzoka neiroro raChadhogodha iri . Wati tingafunga zvimwe here kana pamuganhu paberekera ingwe kudai. Kana machinda angu vana Chisenga vadzoka iwewe ndichakuudza rekunoturira Utahwemhare" vanotaura mambo Vhungawaringa ndokubva vatosimuka kunanga kuimba yematare asi pfungwa dzavo dzaibika manhanga asingaibve. Mudare makasara muri zii-zii miromo yakapfumbirwa.
Muzinda wese nenguva pfupi iyi wainge wazara shoko raChadhogodha chizungunutsa ura. Zvakasvikawo munzeve dzamai Muchabereka , hana yavo yakabva yatibvuka kaviri vachibva vaita kakuzarirwa zvekutoda yekumwa chaiyo nekutofemera mudenga. Chakaita kuti vadai ihope dzavainge vabva kuudzwa rungwanani naMaparadze. Vakambofunga kuti zvimwe dzaiva hope dzemugotsi matsuro. Vanodzoka kusasa kwavo asi musoro wavo waibata chino nechino uchisiya.
"Kureva here kuti Maparadze ane zviripaari? Uye zvinoreva here kuti munin'ina wangu akafa, asi kufamba akati yaita mhere kureva kuti akauraiwa? Asi Mushayahama abva atomuka semudzimu pamwana wake here? Zvino ndichainda here kwababa vangu kumusha uko kunotongwa namambo Harunawadya? Ndikainda handinowirwi nechakawira iye munin'ina wangu here?. Saka ndika-------" havapedzisi kutaura zvavaida.
"Ko mukataurira pasi kana mumoyo nhai amai? Zvino kana mofamba muchitaura mega ndiko kukura kwacho here? Hongu ndataura zvadudzira chiroto zuva ririro . Asi Vhungawaringa haapepuki ndaida kukupai chidurwa chacho chese asi ndaona hana yenyu inhete sezvo mozofamba muchitaura mega. Hongu mai vangu vakatofa asi hamba ichasongana neane demo. Zviri muninga menyu pfigiraimo zvisabuda nekuti mangwana muchasara mava parumana nzombe ndizvo zviri kutaura nyama dzangu nehana. Asi ndoda kuti mushinge saMambokadzi. Dai musina kuita ramakaronga iri ndingadai ndisipo" anotaura izvi Maparadze zvinova zvakarovesa mai Muchabereka nehana kuti izvi zvabvepi uye akaudzwa nani.
"Unorevei mwanangu kana uchidero?" Vanotaura.
"Hande Maparadze tarisa rarereka" anotaura Muteveri akapakatira zvombo zvake.
"Ndinodzoka amai tichamboinda kurwizi kunozvidira dira asi rinovira ndadzoka".
Anotaura achitora zvombo zvake ndokutora kanhava kake vanobuda mumuzinda nesuwo guru . Vachibuda pasuwo vanotora divi rechamhembe kunova ndiko kwaiva nerwizi rwaimwa mombe pamwe nekugezerwa .
"Maparadze mambo havana kana mufaro , ukati kwainda machinda avo uko ukati mufaro wavo haudzoki wopfuta moto here" anotaura achidzimura runyararo.
"Aaa! Hahaha kwete kuti vouya vachipinda mudaunha here ichicheka nyika" anopindura.
"Chisenga naMadamburo jinda rehondo unovaziva zvakanaka here Maparadze?" anotaura.
"Nhasi chaiye varikudzoka ndinoda kuti uzvionere pamhino sefodya. Vaitaura vachidzika kurwizi aiva mberi ndiMaparadze. Vakati vava kunosvika Maparadze anobva amira zvakaitawo kuti Muteveri amire.
"Inzwa ruzha kuvafudzi pane chikuru chiriko ndirikuzvinzwa munyama dzangu" anotaura Maparadze.
"Sei wadero?" Anobvunza Muteveri.
"Unotenda waona handitika handei". Waiva mudzakiswa saka vanomanya vachidzika dzamara vasvika kurwizi. Vachisvika vanoona guruva rainge rakati tsvete richiita kupwititika mudenga . Miridzo yaitsva ruzha rwekukuza chete vachisvetuka vachiita kunge vachabata denga. Dzaiva mombe dzairwa .Waiva mukono uya
waVhungawaringa uyo wainzi Muchapfidza ndozita remombe iyi. Yairwa nemumwe mukono wainzi Mutodo. Hapana mukono waiti pwee kuna Muchapfidza. Iri zita rakatumidzwa namambo Vungawaringa . Nhambo idzi Mutodo rainge ratova pasi rava kuboorera asi Muchapfidza rainge ratsamwa raingo tunga richiita kuwaruka. Maparadze anotambidza Mutevere nhava nemiseve . Anomanya achiinda kuya zvose izvi zvaiva mumeso evafudzi .Anosviko waruka ndokutsika Mutodo pamusana ndokuwarukira pamusana paMuchapfidza ndiye nyanga dzvi-i zvakasimba achibva atsika pasi. Muchapfidza inoyedza kuwaruka asi inotadza. Inovhizhura asi Maparadze ainge akangobata nyanga chete . Vanhu vainge vachinyarara kuti zii. Zvinotsukutana nhambo iyoyo zvakasimba. Maparadze anovhombora tsvimbo muhudyu ndokutanga kuirova muromo akabata nyanga neruoko rumwe chete. Anoiregedzera paziso richibva ratsatika .Inowaruka mudenga ichiboorera asi haana kuregedza nyanga. Anoirova zvakare ndokubva nyanga yati bhodo ,pwaa kuvhunika nepainotangira ropa dzatu ndokubva yawira pasi ndokubva zvatarisana naMaparadze. Meso ake ainge atsvuka. Anoiregedza asi inomutarisa yakavata kudero. Zvose izvi zvaiva mumeso eruzhinji. Zvino vaona kuti akuvadza mombe yamambo iyo yavaidisisa , rimwe jinda rainzi Ruredzo rakabva rati rutsoka ndibereke kunoreva kuna mambo Vhungawaringa.
KUPERA KWECHITSAUKO 12
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
208