PHIBIE ALL NOVELS
June 16, 2025 at 01:15 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE*
*🚦Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel*
*🚦Group link*
https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh
*STORY BY*
*PHIBION MANDONGWE*
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 13
*NINGA YARAMBA NESUWO*
Chirevo chemusha chinoreva chomene. Ukave wababa vane huma inogara yakasungwa mananda unoona nepwere dzisingaiti ruzha rwerudekaro angave masikati kana jenaguru rakavheneka nyika. Ndizvovo zvave mudziko raMufaneronga nhasi. Vakuru nevadiki hana dzabatirwa mumaoko kushuva mazuva akatiza richine mwenechiro anove Harunawadya. Hapana aive achaita zvemusere kunyange machinda ose mukumukira mudare kwaingove kumutsana hope nekutotunga miromo nebumho kwave kungomirira kupindura kana wabvunziwa chete. Pakutumwa varume vakuru vaimhanya kunge pwere. Zvaive zvisisina harahwa, chembere kana aisiremekedzwa. Dzikamai anosvika pakuona zita rake riri svikiro rakamupa raona kuti zvemanyemwe muchazvirega mukadzikama. Aigara akabata rushaya achifunga maitiro emukoma wake. Dzimwe nhambo aipedzisira njere dzopuva sango ofunga kuti anenge asiri mwana wababa vake.
Dzimwe dzenhambo aipota achironga nzendo dzaaisada kuenda kunyange nani zvake. Aigona kumuka asipo abuda nembongoro ozodzoka pamwe yemurirakamwe yachema. Pamwe aigona kuita maviri kana matatu asipo asi vanhu vaizeza kuita chero chipi zvacho iye asipo. Kunyange chigaro chake chaicho chaiita kunge uchachipfugamira kubvunza hope.
Nerimwe remazuva mambo Mufaneronga vanodana jinda guru Bumharutsva ndokumupa nhau diki sezvizvi. "Handina zvizhinji newe pano chandinoda inda kuchembere vaSvanganyoka undoti vagadzire chidoro chinobikwa nemazvo. Ndinochida pamazuva matanhatu anotevera iwaya". Anodaro pasina kana hurukuro. Bumharutsva anongoita kunzwa nekuita. Anosvikotora muvambo nemumera mudura rawo ndokutoenda nawo achisvikotura sezvazviri. Mazuva mashoma akatevera doro raibva rakandosumiwa kuna mambo. Rinobva randounganidzwa muimba yematare dziri hari mbiri. Anodzora shoko zvakare kuna Bumharutsva rekuti mangwana anomuka asipo asi achidzoka zvake asi aida kuti iye amuperekedze sezvo rwaive rwendo rwetsoka. Izvi zvinokahadzisa Bumharutsva sezvo kaive kekutanga kuudzwa zverwendo pamwe namambo wake. Bumharutsva anodavira asi achibva ipapo anomhanya kutsvaga Dzikamai ndokumunonga achitobva kundoshamba nemamwe majaya. "Mambo wangu ndimbokuonaiwoka ndine randanzi ndikuturirei nemukuru wenyu" anodaro Bumharutsva.
Dzikamai haana raakapindura kunze kwekungoringa mberi neshure ndokutonanga parutivi vamwe ndokuramba vachienda zvavo. Vanomira chinhambo ndokubva atanga ariiye"Kwakanaka here jinda rababa vangu wandivavura muchaunga kudai?"
"Hapana chitema mambo wangu asi nhau yandati tingoita padiki ndiyoyi. Ndaona kunge mukoma wenyu anoda kuenda kuninga mujongwe remurirakamwe saka ini ndange ndafunga kuti munanzve rushure nhambwe dzedu mundoona zvichandobudako momene. Chikatyamadzovo nhasi ndanzi tinoinda tose asi mazuva ose hapana rwavakambotsikidzana nemunhu." Anodaro Bumharutsva. Aive akanyatsoteya Dzikamai hameno zvaaifungavo sezvo aive akangoringa panhu pamwe. Anomboti zii kwekanguva ndokuzosimudza musoro nekutura befu pamwe oti. "Zvakanaka jinda redziko redu. Changovepo ukaona womuka kuti muchipaza rwaranganwa wouya wondikwenya". Anodaro Dzikamai ndokubva varovana maoko ndokutoparadzana uyu Bumharutsva otonangavo kundoshamba kurwizi.
Richingozhamba rekutanga Dzikamai ainge atopepuka ndokunzwa mutsindo waitsika zvisina hasha ndokubva atoziva mwene wawo. Anosimuka kuvhura musuwo sezvo jenaguru raiveko ndokuita mahwekwe naBumharutsa pamusuwo. "Rwaibvaka? Isai man'a munzira ndatokubatai matsimba izvezvi." Anodaro Dzikamai. Vanozongobatana maoko ndokutopanana makotsi.
Bumharutsva anoita kachara kachara sezvo ainge oziva kuti vaita bumbirapamwe ndokuchinanga kumba kuhozi yamambo Mufaneronga. Anosvikogogodza asi aive atoona tsvatsva yapfuta.
"Ndave kuuya asi gugudza semunhu ane njere haikona kuita kunge panogogodza Duzvura". Anodaro Mufaneronga zvatove zvehasha sezvo nhambo iyi aitove achambodya usvusvu. Bumharutsva anonyarara ndokutogara pachigaro chaive panze aona kuti amirira nhambo yati rebei makumbo otorwadza. Anozobuda pave paya ndokuona Bumharutsva akagara zvake.
"Manenji rudzii aunondionesa pano? Iwe kugara chigaro changu wakamira sani? Hee? Ndinokukanganwa izvezvi. Waita rombo rakanaka kuti kwandinoda kuenda hakudi ruzha ndaidai ndakupa mbiri pachigaramatoto ukaita kwazvo. Chienda undotora pfuko kuimba yematare uko". Urwu ruzha rwakabva rwatopeputsa vaipfoza ngonono asi vachinzwa kuti ndisamusha hapana akabuda kunze kwekutowedzera kuita chikonye nekufuka mudhugudhugu. Bumharutsva achisimuka kukanda nhambwe mumaziso maMufa akatoona seanonokerwa . Anobva amubinha netsvimbo yeumambo pachigaramatoto. Iye achingodonha naiyo tsvimbo ichibva yachipfuka nepakati mambo ndokusara nerutanda muruoko.
"Mambo wangu mandikuvadzaaa!" Anodaro Bumharutsva achiedza kumuka kuti agare pasi asi anoipiwa nhaura kumagadziko zvakare achibva andowira kwakadaro. Mufaneronga nechinya atoona kuti nezvaaita Bumharutsva zvotoreva kuti nhambwe dzaita madaranganwa. Anofambisa kuenda kuimba yematare ndokusvikovhura votora pfuko yavo vamene havo nenzira yekumatanga vakachitsiga mumusoro. Vanobuda nepasuwo pasina aona sezvo varindi dzaingove ngonono. Vanotoonavo zvakanaka saka ava havana akavapengera nhambo iriyo. Pfumo raive rakabatwa kuruboshwe pachifambiwa zvekuita kunge kumhanya. Kwaingove kupwanya tumiti nemashizha chete. Chaitotyiwa kugumburwa nekuputsa zvaive zvakakungirwa hata yegungira.
Rinotsikwa gata orira kepiri. Nenhambo isipi painge pasvikwa paninga. Nechando chose chaiveko hapana akachinzwa ziya rongoteuka seatuhwina. Haanavo kurasika asi akasvika ndokumbogara achitura befu .
Anopfugama akaisa hari yake pamberi. Sekurairwa kwaakaitwa
"Ndazvirereka Nunguwee
Regereraivo nyana renyu.
Ndakapotsa ndinozviziva.
Kufuririka kweupwere.
Asi inga makareva ndimi wani.
Kuti nyoka huru haizvirumi.
Chindiregereraivo.
Ndini chokwadi ndakangosundidziravo hunde yedziko rino.
Zvino.......?"
Kunonzwikwa kushinyira kwaaisanzwisisa. Nenhambo diki anonzwa kunzi zate kumusana. Asati afunga kaviri ndokunzwa dzatosvipa mborera mbiri kumeso. Kuti adzinge ndokunzwa hwave unyirinyiri hwenyuchi ozatikwa nadzo kwete zvekutamba. Nhambwe ndokukandwa achisiya pfuko yakagara hata yayo. Nyuchi dzinobva dzati aya manyepo tiri tose. Dzimwe dzaive dzichipinda nemushashiko pedzisiro
oshaya kuti opumha dzipi. Anoita kuporomoka chaiko zviri zvese dzichiruma chete. Dzinozondomusiya apedza gomo.
Anotanga kunzwa kurema kwekumeso ndokubva atoziva kuti akaita zvekutamba sango raizomutetena asingachaoni oshaya nzira kumeso kwafushirika. Anoita chamurambamhuru asi hakuna kure akazosvika kumeso kwainge kwatovhara. Nemushashiko chaimo ainge asenga matende nekuzvimba. Anomboedza kuchifamba akavhura ziso rimwe nemaoko pfumo ramanirwa muhapwa asi nenguva isipi zvainge zvakurira zvakare. Anopedzisira oita kumhumhudzira kutsvaga gwara netsoka chete ofambira muchirimarima. Nenhambo diki ainge atogara pasi ndokutsikitsira. Pfungwa dzaive dzovira semukumbi dzongobata pose pose iro dzoro razvimba.
KUPERA KWECHITSAUKO 13
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
201