PHIBIE ALL NOVELS
June 17, 2025 at 02:47 PM
*HUNHIDZA IPFUMO RAMAPARADZE*
*🚦Follow my channel*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*⚠️ Wese anoda book iri kubva pa Chitsauko 1 paya pazasi apo pakanzi View wobaya kumusoro pakanzo Follow uchaona book iri ririko ku Channel*
*🚦Group link*
https://chat.whatsapp.com/G7SLeWoSRbwG9uP1pIfJhh
*STORY BY*
*PHIBION MANDONGWE*
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 14
HONDO NACHADHOGODHA
"Hedzo Zhouu!" Anodaidzira machinda aive mberi. Vanosimudza misoro ndokuona kuchiuya chavasina kunzwisisa kuti inzou here kana chii. Vanoona dzainge nyanga asi ndopavanoona zinhu riya risina kwarakaperera. Miseve nemapfumo zvinonaya pazinhu riya asi vaiita kunge vanokanda paruware. Zvaionekwa kudonha zvikabva zvaita chikatyamadzo kuona rwasvika rufu pasina fungidziro. Vainge vomedzwa kamwe kamwe pasina kwekutizira. Chisenga anodaidzira "Tizai varume kwashata!" Anodaro naiye achitendeuka kubereka tsoka. Machinda ose anoti mwanda kwave kungorwira upenyu chete. Rumwe rwainge rwangove maoko chete, vamwe vachifuratira madati ari kumisana . Chinonzi mirira ndiwo mukonde wesadza chenyikadzimu unofa waedza. Vamwe vakaita rombo rakanaka kunanga kurwizi Mhupuro uko kwavaisvikotiva vachiyambuka, asi ruzhinji rwakabva rwangopwanyiwa ruchidzira mudumbu kumirira kurutswa nemuromo wepiri angove mapfupa nechaora chete. Chisenga akamhanya achisvetuka makwenzi nekupotera nemiti asi pasina nhambo anonzwa maungira ekunge kune chinokwevewa nekurohwa kwemiti muchadenga. Asati afunga kaviri anoringa mudenga ndokuona ashamirwa neganwa rakatsvuka kunge mhiripiri yaibvisa. Anozoona anhakurwa ndokutodzima meso chezivo hapachina.
Vakasara musango nekuda kwaChadhogodha nevakadzorerwa kunyika yavapenyu vaigona kunge vari pakati nepakati. Nhembe dzakarira zvombo zvichirashwa kusvika vasvika kumuzinda munhambo dzakasiyana. Rinoti rapfuura pasuwo rotosvika kudare . Chabveseri ndokupingwa nerumuti ndiye pasi rimbinyu richipidiguka asi haana kurirasha pfumo sezvo raive risina kusara musango. Rwauya anosvetuka Chabveseri sezvo vaive vakatsikana ndokuchiita wekutanga kupinda mudare.
Maziso ose emumuzinda ainge aringa kwaibva nemachinda zvimwe zvichiita kunge zvichasetsa sezvo nhembe dzainge dzasara muzvinanga ruzhinji kwangove kuribuda nedzekuzvarwa nadzo chete.
Vanoona rimwe jinda raiita kukanyaira richipinda mumuzinda richifemedzeka ranyara nekumanya. Vanoringa suwo diki kwaraibva nako ndokuona ari Chamhara. Mamwe machinda aive asvika anoshamisika sezvo vaifunga kuti amedzwa kare sezvo vaive variona Chadhogodha ramunanga ave muzasi maro. Anosvika mudare ndokusvikogara pasi achidzungudza musoro ziya richiteuka. "Chamhara". Vanotaura mambo Vhungawaringa vauya kunochonjomara mujinga make vakamubata bipito. Iye anongovaringa uso ndokunyarara ndokuzosimudza musoro pave paya ambofema ndokuzoti "Mambo wangu. Handikurukuri. Ndapona nepekutsunya chaipo. Dai ndisina kuzosvetukira pasi pezimukamba ndaona zino rakaita sebango iro riri refu kupfuureni. Ndaona zino irero richiti svata pazimukamba irero ndichicheuka wanei repasi rakaruma zvakare haaaa". Anombomira kutaura achidzungudza musoro nemisodzi inobva yati mokoto murume mukuru kunge ndumure. "Midzimu yanga yadambura mbereko mambo wangu naizvozvi handisati ndagutsikana kuti ndiri mupenyu here. Ndazosenerera neparutivi pezino ndokuchimanya ndichindotiva Mhupuro kuyambukira mhiri. Mambo wangu zvinoedzwa ndezvine hata kana iri yataona uko haina huruku.......?" Haapedzisi kutaura panobva panzwikwa chikomana chakadaidzira chatosvika padare choti "Mambo Vhungawaringa indai mundoona zvaitwa Muchapfidza naMaparadze. Aita kuiparadza chaiko sezita rake hameno mukasvika ichafema". Izvi zvinouya sepfumo rakatsvuka muchifuva chamambo Vhungawaringa sezvo vaisada nayo. Zvaitove nani kunzi mwana wavo aurayiwa nemunhu pamombe iyoyi sezvo vaiziva kuti ndoyakabata zvese zvavo kuti vave zvavari.
CHIRANGANO ONUNURWA NEMACHINDA AKE
Mweya unenge waive wambodanwa nyikadzimu sezvo chezivo paive pasisina. Rutivi rwese rwaive rwachiti piriviri senyama yegudo. Masvosve ainge ati mumabiko hatisariri. Mamwe akange onon'ona mutsindanhoko kutsvaga kundotangira mumunyepfu wemukati.
Machinda aMuchaedzerwa nechikwata chake vakazeya vazeyazve asi chimuko ndochakashaikwa. Hamenoo kuti zvezuva iri muridzi wematunhu matatu Chadhogodha aive aendepivo asina kunyumwa kuti zvauya zvinyama zvisina makushe. Vanokanda mapfumo pasi ndokubva shoko rekupedzisira rasungwa riri rekuti mambo Chirangano vakatoteverana nejinda guru ravo Guruuswa nanaMuchemwa. Vanoona kuringa gotsi raive roga rasara sezvo vhenekanyika aive onanavira mubako rake. Pavanotsika nhambwe dzinenge gumi gumi vachingoshamiswa nemuhwezva waChadhogodha ndipo rimwe jinda rinoona mawanga maviri anoti suna nechekure zvishoma.
"Aaaa varume kuti ndinganzi mboni dzangu dzaresva kuona here. Ndaona semawanga adzika apoo. Tadii taswedera tikaona kuti chii zvichida ndiye Chadhogodha akatozofawo kana imwevo mhuka zvayo." Hapana akarambirana naRisai sezvo aive muvhimi aizivikanwa. Vose vanonzvenga kusiya gwara ndokunanga paaive adzika. Vachisvika Muchaedzerwa zvaanoona zvinomukanga mazino mumukanwa kupedzisira adyiwazve nemavende acho. Mawanga aive arinda mutumbi waive neropa rutivi izvi zvakavanetsa kuti kutodyiwa kwemunhu here. Muchaedzerwa anosvikobata hana ndonhambo yakasimuka magora aya aive mumiti nemamwe aive atodzika pasi. Anonzwa hana ichirovera kure-kure. Chinovanetsa ndechekuti ko rutivi rwemusana rwese urwu mambo wavo akaitwasei. Anotora choro chake muchiuno ndokushamisa muromo odira mvura Chirangano ndokuratidza kukachidzwa zvishoma mvura ichimedzwa. Anobata paura ndokunzwa kuti angove masusu asisina chirimo asi chikuru akazoziva kuti rutivi rwasvuuka urwu ndirwo rwaita mambo vakundikane sezvo nepavaive vakavata rainge rave dziva reropa kureva kuti ropa raive rapera nyangwe zvazvo upenyu huchiripo.
"Heyi Svinurai nevamwe tsvagai dindivadzi nerwodzi rwemuswati pamwe nemuvengahonye. Itai nekukasira". Anodaro Muchaedzerwa chikave chipatapata kusvika zvese zvaungana.
"Kacha-kacha zvakasangana kudaro zvite chinhu chimwe. Ndiani mumwe anonzwa kuda kuita mvura yake aiitire muchoro auye nayo sezvo pachida mvura ine munyu inodziya?" Muchaedzerwa anodaro machinda ndokutarisana pasina ari kudavira sezvo zvakavakatyamadza.
"Mukandiitira jee mumwe nyange mambo vachizofa iye anenge avatangira. Munoreva kuti hapana anonzwa mvura yake kuturuka here apa?" Svinurai ndiye akabva padombo rakati taraukei paaikacha mushonga uya ndokuuya oita mvura shoma imwe ichiwedzerwavo naMuchaedzerwa ndokumwisa mambo ichadziya uku vachinamwa mushonga paive pabuda ropa. Vanoonekwa kushanyarika zvishoma zvairatidza kuti nawo mushonga uyu wairwadza kunyanya muvengahonye. Nenhambo isipi banda rainge ratogadzirwa ndokutsvetwapo mambo kwakuenda navo kumuzinda.
Vanosvika pakubatwa nerima vachiri kutsika ivhu, sora neminzwa vakananga kudziko dzamara vazoti pfacha mumuzinda mave nerunyararo kusara kwengonono dzoga.
Kungosvika vakananga kwaVaMacharapa inove chembere yaiziva miti yekurapa kunove kwaiponera ruzhinji asi vari mbuya vaMuchaedzerwa. Vachingomutswa nekuona chimiro ichi nezvaive zvaiswa pamaronda amambo vakabva vangoziva kuti basa rezuva iri rasara shoma sezvo vaigara vachiudza muzukuru wavo nezvemiti yekurapa mizhinji ariye Muchaedzerwa aindoitsvaga sezvo ivo yainge yave hari yofanzirofa. Vanozongokurunga bota rezviyo detedete rakaiswa miti yekurapa ndokubatsirwa nemuzukuru wavo Muchaedzerwa kuvamwisa pamwe nekuvaisa mimwe mishonga yedota. Vanozoudza machinda ose kuti achindotsivama zvawo vouya voona murwere wavo kwaidza.
Kunozosara kuedza mambo Chirangano vave kutoziva kuti vari mumba maVaMacharapa kunyange vainge vasati vaziva kuti vauyamo sei sezvo vakapepuka vakanzwa chembere ichiridza ngonono zvayo.
Mambo Chirangano vanodzokera kuvata sezvo vaive vachakadhakwa nemiti yavaive vadyira mubota.
Kuchiti hwee VaMacharapa vanonzwa ngonono dzekuratidza kuti kwave kuvata chete kwamambo asi marwadzo asi vadzoka kudunhu ravapenyu chaiko. Vanovarega vakadaro asi pasina nhambo Muchaedzerwa naSvinurai vaive vatogogodza ndokunzi vapinde. Vachimutsa mbuya vavo hope zvinobva zvanzwikwa namambo vari kuhope vachibva vati pepu ndokusvinura vachibva vasangana zviso sezvo vainge vakavata nerutivi vakatarisa kwavari.
*UTAHWEMHARE ANOROTA HOPE*
Kunyange mhinduro ikauya ichisuwisa asi zvinoda yauya ndozvinopa gadzikano yehana. Mambo Utahwemhare zvese zveumhare zvainge zvadzikama vapfava kuita mangoi chaiye. Vaiti usiku hadziuyi kungovata zvechirango kazhinji vachingorota vachidzingirirwa nenyoka hombe kwazvo voda kumedzwa ndopavaizopepuka vachiibararadza mhere. Chinetso chaingove chimwe chete kufunga kuti vana Dendera zvavakaita museve kuinda zvachose kumirira kuteverwa vodii. Pfungwa dzoti zvino ndikaendesazve mamwe machinda ndisina kuziva chakadya vamwe pamwe kunongove kukangira pakatsvira dzimwe chaiko. Vanozofunga kuunganidza muzinda wese rungwanani ndokupa nhau yekuendesa kwavakaita vanaDendera nekusadzoka kwavo. Chavanga votsvaga kupiwavo mazano asi chakazonyanya kuvarovesa hana ndechekuti pane imwe mbongoro yakadzoka iri museve panhatu dzakainda nemachinda avo. Vafudzi vachiparura izvi vakataura kuti mbongoro iyi yakaonekwa ruzuva rwodoka asi isina mutasvi. Mambo vanozozvinyaradza nerekuti vanenge vakadyiwa nezvikara zvesango asi moyo unoramba uchinetseka pamusoro penyoka isina makuriro yavaigarorota.
Vakazofunga rekundoona chimwe chitopota chainzi Mazuwanye chavaingonzwavo nembiri. Vakabva vachingozoti tikapedza maviri pamaviri avepo tobva tabuda nejinda guru nemamwe machinda kuitira kuchengetedzwa sezvo vaisaziva chakadya vamwe.
KUPERA KWECHITSAUKO 14
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
151