PHIBIE ALL NOVELS
June 17, 2025 at 06:02 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Vapoqzj77qVNHhxu1o3r
Follow my channel for mama Vinny's novels link pamusoro apo
💃💃💃💃💃💃💃💃
*QUEEN BELLA*
*"INSIDE MY BODY"*
💃💃💃💃💃💃💃💃
*WRITTEN BY MAMA VINNY*
BOOK 7
NUMBER O780237156
UNEDITED
*CHAPTER 1️⃣*
*Bella*
"Nhai Bella mwanangu unoda kuzoroorwa wava ne50 years here?"
ndiMama vangu vaidaro and ndaiziva ukaona varereka musoro zvatotanga so , nhaimi imhosva here kuti handisati ndawana wandinoda .
Me... Mama , my time will come , Moda ndiitewo sei pasina Ari willing kundiroora ini ndichimudawo
Mama.... Bella Roby wepagomo apo aikuda ukaramba iwe , zvino wakutosvitsa 35years uri pano , chikoro wakafailure saka uchazovei muhupenyu iwewe
Me.... Zvekuti ndichazovei mwari ndivo vanoziva , besides l'm 30 and Roby wenyu handimude ,wangu achauya
Mama ...zvakaoma
Ndakaramba ndichibika sadza rangu and baba vakabva vasvika kwaiva kwatosviba
Me... Maswera sei baba
Baba.... Bella ini pano ndine mukadzi one zvekuti ndoita chiseko raini rese nekuda kwako ukuda kuchemberera pamba pangu here
Mama ... Chimboturaiwo naye ini ndaedza but zvaramba
Me... Baba munhu anomanikidzwa here , ko kana ndisina mukomana wacho Moda ndizviroore ndega here
Baba.... Manje zviri kupera nhasi zvese izvi
Me... Munorevei
Baba.... VaChuma Mangwana vari kuuya kuzokutora
Ndakatarisa mama in confusion kuti Baba vari kuedza kuti chii
Mama... Unonditarisirei , terera zviri kutaura nababa vako
Baba.... Ndati Mangwana unoenda kwaChuma uko it's better pane kugara pano
Me... Kubasa here , but vane vakadzi vaviri vaya vanomudii musikana webasa
Baba... Uri kunoita mukadzi wavaChuma wetatu
Me... Mhaaaa😟😟😟😟
Mama...Ndanguri ndichida kukuudza ,baba vako vane Chikwereti chakakura chaVaChuma Saka hatikwanisi kudzorera ,Bella mwanangu utiregererewo
Me...baba ichokwadi😟😟
Baba...Ndizvo Saka mangwana wogadzirira vari kuuya
Me....muri kubvira vaChuma Sekuru here vaya?
Baba...zvekuti ndisekuru hazvina basa ,ko iwewe wakutoita mbuya uri pano
Me...Mama 😢😢ndakumbirisawo musandiendese please
Mama...It's better unoenda Bella or else unovigwa negonzo iwewe
Baba...Zvandataura ndizvozvo ,Mai Bella uuye nesadza rangu kubedroom
Vakadaro vachida ndakasara namama vainge vava kupakura ini ,l thought maybe l'm dreaming
Me...mama Baba vari kuda kundityityidzira kaaa
Mama...urare warongedza mabags Ako ,nekuti vari kuuya mangwanani
Vakandisiya ndega ndichitadza kubatanidza zvinhu kuti vari kureva ini Bella here kuti ndiende Kuna vaChuma vachembera vaya ,vatori nevana vakaenzana neni
Bella Moyo is my name aged 30 and l have been single kubva zvandakazvarwa it's not like ndakashata or what no ndiri musikana akatonaka ane chimiro chinotovaraidza munharaunda medu mese vanhu vanotondichiva asi hapana anosvitsa shoko.Tinogara kuMberengwa kunonzi kudunhu rekwaMaNhanda .Ndini ndega mwana wevabereki vangu .
Ndakatadza kudya chero hope dzakatadza kubata thinking kuti pamwe Baba vachinditi ndiri kunyepa mangwana.Kwakaedza ndakasvinura and zuva richingobuda pamba pakabva patosvika ngoro ine vakadzi vaviri vavaChuma .
Baba...Mai Bella tora mabags Mumba aende kumurume wake
Vakapinda Mumba mama kwakubuda kebag rangu thus when l come back to reality
Me...Mama matoshinga kundiroodza kudhara here
Mama...wotodzidza kuda murume wako mwanangu
I couldn't say anything but misodzi ndiyo yaingotevera matama angu.Ndakapinda mungoro
Me....Mama one day you will think of me 😢😢
Takaenda and takasvika kwatosviba since raiva rimwewo dunhu kusiri kwedu uku kwainzi kudunhu rekwa Chauke .
Pamba pacho paiva nemarounds zvimahut zvakawanda zvekuti you could tell kuti panogara vanhu vakawanda.Ndakapinzwa Mumba
"Mainini muno ndimo muchava Mumba menyu"
Says one of the wives aiva akaita mudiki wacho
Me...."sisi hamukwanisewo kundibatsira here , shuwa l'm not interested in you old man at all "
Her...you can call me Mai Tanya and l'm sorry there is nothing l can do and it's better you don't try to escape unless you wanna die
She scared me with those threats
"Mukuzevezerana kuti chii muno,iwe Mai Tanya enda unomuisira mvura yekugeza baba vati vanouya nhasi kwaari"
Vakabuda Mai Tanya ndakasara nevakaita vahombe vacho and she seems bossy
Her ...Idya chikafu ichi ,baba nhasi vanorara kuno
Ndakatadza kupindura nekutya ,chandakangoita kutambira chikafu ndikaisa paside .Vakabuda ndikazodeedzerwa kugeza ndakageza ndikapiwa hembe dzekupfeka.
Mai Tanya...Bella you are like a daughter to me , ndakakutarisa ndinoona mwana wangu Nomsa anyway VaChuma vari kuuya Rega ndibude.
Ndakasara ndichinzwa kuda kuchema chaiko but wekuchemera paiva pasina ,30years keeping my virginity kuti ndizorarwa neSekuru here Jeso😢😢.
"Wapedza here , VaChuma vakuda kuuya?"
Vakabvunza maiguru vacho
Me...yeah
Her...usanzwise tsitsi nhema ,we know kuti unozvida izvi ,sure sure nezera rako kichiva vaChuma puuuh unosemesa iwe
Me.. l'm not interested in him he......
Her....nyarara uko ,manje Toda kuzviona pano ,uzvizive kuti ndini ndotonga pano ndinonzi Mai Vimbai ini nxaaa
Vakabva vabuda ndakabva ndatoona kuvava kwehupenyu hwangu ndisati ndatanga ,pfungwa yekutiza yakauya but ndisati ndatofunga door rakabva ravhurwa ,pachipinda vaChuma vacho apa vaitofamba nemudonzvo
Him....wauya mukadzi
Ndakaswedera kumashure kuri kutya
Him...There is no need yekutya , l'm not going to do anything to you kana usiri kuda l won't force you
Vakadaro vachigara paChair
VaChuma....Saka unonzani
Me...B. ...Bella
VaChuma....Mwari vakuwanire nyasha ,ndoshuvira dai mwari vakatuma someone anokwanisa kuona kukosha kwako
Ndakatadza kunzwisisa zvavaireva
VaChuma...Ndichange ndinewe
Vakaramba vakagara pachair paya zvekuti ini hope dzaitadza kubata ndichitua kubhinywa.Ndakazongobatirwa nehope ndigere pasi Ivo vari paChair.
Ndakamutswa nekukukuridza kwejongwe apa nyama dzangu dzaiita kurwadza nekurara pasi.Ndakatarisa vaChuma ndikaona vakangorara paChair Pavo .Padoor pakabva paita knock maiguru vakuru Mai Vimbai vachibva vapinda
Me...mamuka sei
Mai Vimbai....Nxaaa ,VaChuma ndaisa mvura yekuti mugeze kumeso kuchimbuzi
Vakaramba vakanyarara l'm sure he was in deep sleep
Mai Vimbai....vaChuma ndaisa mvura
Havana kupindura futi zvekuti Mai Vimbai vakasimuka vachibva vaenda paiva navaChuma kwakubata ruoko rwavo
Hana yangu yakarova ndichiona pasina movement
Mai Vimbai....Baba Vimbai ,baba Vimbai mukai kani maihweeee Jeso wangu taunza muroyi Mumba andidyira murume wangu😭😭😭
Ndakatadza kunzwisisa kuti ko vaita sei zvavanga vakangorara paChair ipapo
Me....Vaita sei😟😟😟
Mai Vimbai.....Waitei nhaiwe muroyi ,VaChuma changova chando kani hiiii hiiii vanhu huyai muone hiiii hiiii
Me...Handina zvandaita ini 😟😟
End of chapter 1
Mama Vinny Novels
Comment, Like and Share
❤️
😢
😂
👍
9