
🇿🇼 Zim Jokes , Confessions & Memes
June 14, 2025 at 10:39 AM
#zvinotyisa #zvinoyera #zvinoda kufumurwa...
FOLLOW HOUSE OF ENTERTAINMENT FOR MORE FAMILY S£CR£TS AND CONFESSIONS
Hie king poster nyaya yangu mu channel mako why mwari vandidaro
https://whatsapp.com/channel/0029VaDvimWHwXbB7GnHFF32
Ndaiti ndazorora ndawanawo mbabvu yangu,ndaizivei kuti kwakava kuzvibata kumeso kwegudo kusada kutarisana nerufu. Pazvose ndaiti pachedu kuwirirana sezvo ndaisava nedzimwe pfungwa zvangu pamusoro paIdah. Idah aive musikana wandakadanana naye ndokubva ndapinda murudo zvese nemwoyo. Idah aitovewo nemwoyo wake ega haana kana zuva raakandikumbira kana cent pese pandaida kumupa mari aiiti chengeta ugonorora.
Ndakafara kuti ndaive ndawana musikana akabva kuvanhu uye aisava neruchiva nemari yangu. Takagara takadaro kusvikira tazowirirana kuti tichiroorana. Ndakamuudza mari yandaive ndaunganidza ndokuti aiwa hapana chakaipa takaenda zvedu kunoroora. Semunhu akanga akandiudza kuti inherera hazvina kundishamisa tichisvika pamusha paine zera diki uye vaive tezvara kana ini ndaive vakuru kwavari. Zvirango zvakaitwa zvikapera semukwasha ndikanzi ndiuraye mbudzi,hazvina kana kunditorera nguva mbudzi yaive yafa. Ndakapihwa bhodho zvikanzi ndiibike ndipe vanhu vese kuratidza kuti ndave mukwasha. Hana yakamboda kuramba asi zvisinei ndakati,handingatongi zvemumusha mevanhu sezvo tsika nemagriro takasiyana. Nenguva pfupi sadza rakanga raibva pamwe nenyama ndakapakura ndokusheya munhu wese sekuudzwa kwandaive ndaita.
Takapedza mabasa ese ekuroora npamwe nezvirango ndokudzokera zvedu kumba kwedu. Semunhu aive abvisa pfuma ndaitarisira kurara nemumwe wangu usiku hwese tichipemberera wanano yedu asi hazvina kuita sekudaro Idah akati aive akaneta Saka ndakamunzwisisa. Hazvina kutora mazuva ndakatanga kurota hope dzityisa ndaiti chete kuudza mumwe wangu aisava nebasa nazvo aingoti asi wakuda kuita n'anga here why the fussy nehope. Chinhu kana uri murudo hautangi wazviona pamwe nekufungira kuti pakati penyu pangave negonye.
Pasina mwedzi Idah akanga ava nepamuviri zvakandifadzawo kuti ndava kuzoitawo baba. Idah akadzokera kumusha kwaakanoita mazuva ari handina kuita basa nazvo sezvo ndaingoti imimba inofarira kumba kwayo. Ndakatanga kunzwa nhengo yangu kurwadza pamwe nekubuda ropa ndakaenda kuchipatara but hazvina kupera.
Kugara ndakanga ndisisagoni kana kubasa ndakanga ndarega ndakafonera mudzimai ndichimuudza asi akati achauya cz paive nezvaanoita. Ndakafonera vabereki nokuti chekunyara pakanga pasisina. Amai vakauya ndokubva vambofamba neni asi chakabuda hapana ndakatowedzera kubuda ropa. Ndakanga ndatoneta nekurarama chandaive ndakuda kufa ndizorore. Hupenyu hwakanga hwave hwemapamper nemapads. Idah akazouya after a week ndokuwana Mai varipo asi haana kufara nazvo instead akapopota kuti vaidei. Idah akanditi taizobva pamba pataigara toenda kuri nani kwaakasiirwa nevabereki. Takaenda kumba kwaaive ati akasiirwa nevabereki vake nyangwe zvazvo ndaisada handina kugona kuramba sezvo ndaida muriritiri paurwerwe hwandaive nahwo.
Regai nditure mafemo ndisati ndataura zvaive zvakandimirira mberi. Takanga tavanemazuva anechitsama takugara patezvara saka ndakamuka rimwe zuva usiku ndokuwana Idah achiyamwa nhengo yangu yaibuda ropa ndakatya kana kuridza mhere. Ndakadzokera mukuvata asi ndisina kubatwa nehope ndichiterera pamwe nekuona zvaiitika. Baba vandaive ndakanzi ndivo baba vandakapa roora vaivewo mumba asi semunhu aitya kuvhurisa maziso handina kumuona zvaive zvichiitika zvese asi ndakaona Idah ashanduka mazino pamwe nemaziso ake muromo wakazara ropa. Ndakada kuridza mhere ndikazvidzora kutya kuti ndaizoonekwa. Pasina nguva ndakakwirwa pamusoro pangu nemhuka inenge imbwa ndokutanga kuiita mukadzi. Ndakayuwira nemarwadzo pamwe nekurwadziwa mwoyo kuti chokwadi ndizvo here zvaive Ishe atendera pandiri. Ko nhumbu yaive naIdah aive aiwanepi nokuti zvakanga zvava pachena kuti handina kubvira ndakarara naye. Kunze kwakayedza ndisisade asi kuti ndiudze mumwe wangu zvaisagona saka ndakaturira amai zvaive zvaiitika husiku hwapfuura. Takaronha kuti mai vaizoenda neni kumusha Idah asingazive sezvo aive iye honzeri. Sezvineiwo Idah haana kumbobvira andisiya chero chinguva chidiki kudhorobha aituma munhu uku hurwere hwakaramba hwokura. Mai vakazovindisa ndokuti kunaIdah vaida kuenda neni kumusha sezvo hurwere hworamba hwakasunga. Idah akabvuma kuti ndiende sezvo naiyewo aizoenda neni. Chokwadi mudzimu kana yakupa chironda yati nhunzi dzidye. Mai...part2 ndaisa na 09:13 nhasi👏❤️
Don't forget to follow our channel for more ######

😢
😭
🙏
❤️
👍
😮
👏
❌
🇺🇸
🇿🇼
80