🇿🇼 Zim Jokes , Confessions & Memes
🇿🇼 Zim Jokes , Confessions & Memes
June 18, 2025 at 07:00 AM
2008 kufamba nekadheka zvaisashamisa nekuti yanga iri nguva yacho kana mahabhurosi ayisava evadiki chete nesu magogodera tairovawo. Apa kumusha vanhu vakazofa nenzara manje vanhu vakati kune aromba ,saka hama dzakabva dzauya kumba kwangu kudare kuti tifambirire apa hwaiva husiku tiripakati pedare ndakanzwa mudumbu kurira ndikabuda kunge ndirikuenda kuchimbuzi ini kwirei mumuhabhurosi apa kwaiva nekachando ndakutorova paye zvisineiwo maiva negreen mamba yanga yarohwa nechando yakabva yafamba ndiye pfee muhomwe mangu ini kana kuzvinzwa ndipo pandakaburuka ndikadzokera kudare kuya , tava pakati pekukurukura vakuru vakubvunzakuti ndiani anechikwambo green mamba iya yakabva yangobuda muhomwe yakatarisa elder vaye ichinanzvira apa ini ndanga ndatofenda kudhara mumhanyiro akaita vanhu zvakabva zvaita kunge zvechokwadi kubva musi uyu handidye mahabhurosi😭
😂 👍 🙏 😮 😱 59

Comments