
Mai Tamia Stories
June 14, 2025 at 06:16 AM
https://chat.whatsapp.com/IvxmLVf3PTc0J1kvnZEDE7
https://whatsapp.com/channel/0029Vam3cw19RZAeSrQedT2J
Forbidden Fruit
🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎
Romantic Story
Written by
Author Nyasha
0785651210
Mai Tamia
0786677765
Read🍎like🍎and share🍎
Chapter 13
Maidei
Ndaive hangu munhu asina kudzidza asi ndaive ndakuona care pana Kudzie.Yes mazuva ekutanga aive asingandifarire zvake but mazuvano aive ondiratidza kuti ndirimunhuwo akakosha zvinove zvaindifadza chose. Akasiya ati ave kunonditsvagira matablets ndokubva abuda kuenda hake pasina nguva mumba makapinda mukadzi nemurume vachiti vaive vatumwa naKudzie vakandipa chikafu pamwe nemapills ndichibva ndadya kwave kunwa mapills aye ndichipedza ndakatanga kunzwa kadzungu kunge hope like ndichibva ndaoneka kunorara ndichivasiya hangu vakatandara vachiti vaimirira iye kudzie. Ndakangobatwa nehope dzandakatadza kuziva kwadzabva ndokurara zvekufa chaizvo kwave kuzomuka ndiri mune imwe room isiri yandinorara uku ndaive ndisina hembe. Ndakashamisika nazvo kuti ko zvafamba sei futi nekuti ndichiri kurangarira ndakangodya nekurara nehembe dzangu and muroom mangu zvekare. Ndakafungisisa dzamara ndazofunga vanhu vakatumwa naKudzie vaye kuti asi kuti iye akazouya ndarara here? Ndakafunga izvi ndikamuka ndichienda muroom muye maive musina kana munhu zvachose. Ndakabuda panze ndokuona Kupa akazembera mota handina kutaura naye nekuti ndoziva kuti akandivenga ndakati ndifambe achibva andibata ndokuti "you drugged me last night right?" Akadaro ndikatadza kana kunzwa zvaaitaura ndichibva ndazvibvisa paari ndokuti "iwe siyana neni ndozviziva kuti wakandivenga saka ndakasiyana newe so siyana neni wanzwa kunze kwekunge une zvauri kutsvaga ndikutambidze panze pano", ndakadaro achibva andisiya nekukasira nekuti aindiziva kuti dzangu dzakadambuka. Ndakapinda mumba umo ndakawana Kudzie ari pasofa. Mheno mumwe mufaro wandakangonzwa soo nekumuona ndakati ndiende pane umwe wangu asi akandiratidza humwe hunhu hwakaita simba rese ripere. Saka anonyepera kuve necare neni ndizvo kaa? Ndakasara ndichifunga izvi ko kana andivenga Kudzie ndiani achandiita zviye. Ko inga akandivimbisa wani kuti ndiye shamwari yangu ko izvi zvave zvipi. Ndichiri kuedza kubatanidza zvaitora nzvimbo akabva abuda kuenda mukomana sare ndangoti tuzu. Ndakazvishingisa ndokuita basa rangu zvakanaka kwave kudzokera kunorara hangu kana kudya zuva iri ndakatadza moyo wangu waive wakangosviba soo. Ndakaona Aunt Sophie vapinda vachibva vati "uri mwana wekumusha iwe and you will never defeat me dai uri mumwe watombobika chikafu chakati wandei wadya nekuti nhasi urikurara wabva pano", vakadaro vachiseka zvavo ndokubuda ndichibva ndaridza tsamwa vakafamba kuda kubuda ndokudzoka vachibva vati "go and raise your bustard alone" vakadaro ndokubva vabuda zvavo vachiratidza kufara maitiro avo akandivhundutsa zvisingaite nekuti vairatidza kuve serious pakutaura kwavo kuti vane zvavandirongera here? or kungondityisidzira chete? Ndakafunga zvese izvi ndichibva ndazoti but Haa havana chavanondiita ava. Coz madam vari kuside kwangu. Ndakadaro vachibva vaenda zvavo ini ndokurara ndakazomutswa naMadam vaiita kudeedzera zita rangu kunge hameno hameno, zvekuti neniwo ndakatonetseka kuti ko kwauyei nhai? ndakabuda panze vachibva vandibata ruoko zvenharo chaizvo kwave kuenda neni kusitting room ndokuti "watch this" vakataura vachinongedzera kutv uko ndakaona Kudzie naKupa vachirwa papublic ndakavhunduka ndokuti "ko vaitana sei nhai?" Ndakadaro vachibva vandipa mbama yakaita ndione kuti hazvina kumira mushe "they are fighting because of you vana vangu varikurwira iwe pajekerere pakadai and Kudzie ndiye CEO pacompany yababa vake asi hona zvaitika une chokwadi Maidei ndakakutambira ndiine chinangwa chekukubatsira iwe oparadza mhuri yangu zvakadai? Vana vangu havana kana zuva rimwe zvaro ravakambobvira varwa kubva vachikura asi nhasi vorwira musikana asingagone kuvhara makumbo ake, wave nemazuva mangani uripano iwewe watouraya mhuri yangu kare? Wakatumwa nani pano iwewe?", vakadaro ndokutura befu ini ndaitotadza kuzvibatanidza ini Kupa akandivenga zvekusada kana kuona mumvuri wangu zvachose kudzie ndiye wandinotamba naye ko izvo ndezvipi nhai? "Madam mheno zvavanetsana pachavo ava handisi kuzviziva ini ende handina mukomana ini" ndakadaro ndichizama kuzvinunura "Handisi kuda kutaura mashoko akawanda izvezvi rongedza zvako ubve pano", vakadaro Mai Kudzie ndichibva ndamboda kuvakumbira asi vakati "handidi kupara mhosva ibva zvakanaka and usafe wakadzoka pano zvekare handidi hangu kuona kana mumvuri wako zvachose", vakadaro vachiratidza kuti vaive vashatirwa ndakabuda muye ndokuenda kunogara kucottage ndakati handina kwandiri kuenda ini kusvika vaziva chokwadi chaicho. Ndakazoona Aunt Sophie vauya she packed my things ndokubuda nebag vachibva vadzoka ndokuita kundizvuzvurudza chaiko kundiisa kunze kwegate kwaive nebag rangu. "Usafe wakaratidza chiface chako pano zvachose nekuti unofa nekurohwa vakadaro vachibva vatora fon yavo kwave kundiratidza mapicture angu ndina Kupa pabed tisina kupfeka ndokundiratidza rimwe ndina Kudzie. Ndokubva vati "ndiyo nyaya yawadzingirwa pano iyoyo and ziva kuti vakomana avo varwa varikukuvinga kuzokuuraya chaiko ukasatiza nekukasira", vakadaro ndikanyatsoona kuti nyaya yacho yaitove hombe zvekuti ndakangotora chibag changu ndokumhanya ndakananga kwandaisaziva ini. Ndakamhanya dzamara ndave kunzwa mabayo chaiwo ndokuzozorora ndave chinhambwe hangu ndichibva ndagara kuseri kwevamwe madzimai aive pamusika wavo apa nzara yaive yandibata zvino asi takakura tichirambidzwa kukumbira naGogo saka ndakazvishingisa ndokuramba ndakagara paye ndisingazive kana kwekunanga. kunze kwakadoka ndiri paye anamai vaye vachibva one one. Vamwe vacho ndivo vakandivhunza kuti "mune wamakamirira here ndikangoti ehe vachibva vaenda ini ndokusara ndichinhonga maApple nemaorange zvaive zvaraswa ndikadya", ndakatarisa pandaive ndiri kwave kuenda paive nemuti muhombe soo ndokuona kuti ndogona kutorara ndakazembera muti uye ndozoona zvekuita kwachena kuti ndingaite sei?....
*Auntie Sophie*
Ave makore ndirimo muguta handiitiswe nepwere ini ndakaronga zvinhu zvangu zvakanaka kwave kuisira Kupa drug rekuti arare.Ndiye wandakaona ari munhu ari right kushandisa kuti kudzi anyatsosvotwa chaizvo. I followed kudzie achienda kuroom yaMaidei ndikanzwa achiti ave kunomutengera mushonga ndakabva ndatoona uriwo mukana wekuita zvinhu zvangu kwave kupinda team rangu ndokubva vatora Kupa kumuisa imomo pamwe naMaidei kwave kuvabvisa hembe vese ndokuvatora mapictures vasina kupfeka kwave kuudza vanhu vangu zvekuita vachibva vakiya door. Ndakati handisi kuzorara ndoda kuona panodzoka kudzie ndakamira kusvika adzoka ndichibva ndavaudza kuti vapinde muaction and iyewo nenharo akabva anzwa noise yakaita aone sekuti ichokwadi Maidei aive ahura. Ndakanorara hangu ndichiziva kuti basa rapera kwave kuita kuti team rangu ribude risati raonekwa ndakati fight yaKudzie naKupa ndiyo ichaita basa yega. Sekuziva kwangu Mai kudzie havadi nevana vavo vanoda kuti vabatane vagare vachifara so ndakashandisa mukana iwoyo to destroy her achibva adzingwa. Ndakanzwa kufara chose kuti at least ndaive ndamugona muroyi wemwana uyu ndakabva ndatoona zvangu zvakanaka kuti ndichienda kumusha kunotsvaga mwana wangu. Ndakabva ndati kunaMai kudzie regai ndinotora mwana wangu mumbogara naye kusvika ndakwanisawo kuwana mari inoita ndigone kumuchengeta", ndakadaro ndatofunga zano rekuti mwana wangu awane one anomuroora pavana vavo kuti tigone kumuka sezvo ndaive ndakasiiwa ndiri pazero nematsotsi", vakabvumirana neni ndichibva ndatobuda nemota yangu ndakananga kumusha ndaisatoda kana kunorara ndaida kusvika ndichidzoka same day iroro and ndakafara chose kusvika pamba pachiratidza kuti paive pachiri nevanhu. Ndakaburuka ndokubva ivo vabuda panze aive manheru zvawo asi nemwedzi waiveko vakakwanisa kunyatsondiona yangu hanzvadzi kungonditi baa yakabva yatofamba kuenda kuimba yekurara ndikasara ndakati tuzu. "Mazofunga kubudikira after 17 good years?" Vakadaro maiguru vangu ndikanzwa kunyara zvisingaite asi sandizvo zvandaive ndavinga ndakabva ndati "am sorry asi kukuudzai kuti ndakaita tsaona pandakabva kuno paye ndokuita memory lose ndairwara for the past years last month ndipo pandakatanga kuziva zvakaitika so please forgive me", ndakadaro ndichibva ndanyepera kuchema and she believed me nekuti vakabva vandimbundira tight kwave kuti "am so sorry Tete handina kunge ndaziva kuti ndizvo zvamakasangana nazvo mufunge ndaiti zvimwe maramwa mwana zvachose", vakadaro ndikati "am sorry please call her for me I want to see my daughter's face" ndakadaro vachibva vati "Aah Maidei akaenda kubasa musiuno uyu kuHarare", pavakataura zita rekuti maidei hana yangu yakarova zvekunge ichabuda panze.
Vanoda promotion yave kuenda kumagumo Garai mabata nzvimbo book risati rakwira
Ecocash $1us or 80zig
Innbucks $1us
Scratchcard $1us buddie
S.A inbox
0786677765
L Mtandwa
Kana waita payment inbox me neproof of payment ndokuisa kuSub group redu reThe forbidden Fruit.
❤️
🙏
4