
Mai Tamia Stories
June 14, 2025 at 06:16 AM
https://chat.whatsapp.com/IvxmLVf3PTc0J1kvnZEDE7
https://whatsapp.com/channel/0029Vam3cw19RZAeSrQedT2J
The Forbidden fruit
🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎
Romantic Story
Written by
Author Nyasha
0785651210
Mai Tamia
0786677765
Chapter 14
Aunt Sophie
Ndakamboti pamwe ndaive ndakanganisa kunzwa zvakanaka kwave kuti. "Mati mwana wangu makazomupa zita rekuti ani?" Vakaseka zvavo ndokuti "rechirungu ramakasiya pakapaper takaritadza isu ndokubva tangomuti Maidei.akura zvisingaite saka takati ambonoshandawo muguta achinje hupenyu hwake. Munoziva ndakanzwa kutsva zvekuti ndakatombotadza kana kudaira ndakasimuka ndokubuda panze ndichizvipumha puma. Ndakatarisa mudenga ndokuti mwari itai kuti zvisave izvo please zvandiri kufunga coz I will not forgive myself. Ndakadzokera mumba ndichibva ndati "taurai naMukoma muvaudze kuti ndaive ndakaita tsaona haisi mhosva yangu", ndakadaro vachibva vabuda zvavo vakadzoka pasina nguva ndokuti "zvanzi haisi mhosva yako kutiza rusvava here?" Vakandidzorera nemubvunzo wakandiomera ndaive ndatiza mwana mudiki diki asina kana chaanoziva zvake kana kuona kana kunzwa aive asati oanguva yandakamusiya. "Uyo Maidei uyo", vakadaro vachinditambidza fon yavo ndikanzwa ruoko rwangu rwuchidzedzera kuitambira . Ndakazvishingisa kutambira asi ndakaramba ndakavhara maziso ndichitya kutarisa mufananidzo uye. Kwave kuti mwari ndibatsirei. Ndakadaro paye ndichivhura maziso kwave kusangana nezvandaitya chaizvo. Maidei the same girl wandaive ndaitira hutsinye. The same girl aive azviwanira mudiwa wake ndikamuparadza. Kufunga kuti ndini ndatosiya ndamudzinga pamba kwakaita kuti muviri wangu upere simba. Zvino aripi izvezvi? Ndakafunga izvi ndichibva ndati "ane imwe hama yaanoziva here kuHarare?" Ndakabvunza ndichida kuwana clue yekunomutsvaga vachibva vati "yaanozivira kupi and ndakamukomekedza kugara pamba paari kushanda nekuti Maidei haana kuenda kuchikoro haana kana chaanogona kuverenga, asi aiwa Mai vakamutora ndakanzwa kuti vane moyo wakanaka chose", vakadaro ndichibva ndatooneka ndokuvapa fon number dzangu ndikatora dzavo ndokuti "kana adzoka please call me", vakambomba kuti rarai hee Mirai muende madya asi umm zvese izvozvo zvaisaita. I must find my daughter nekukasira. Ndakapinda mumota ndokuimutsa kunge ndaive ndasvikirwa, ko sei zvinhu zvakada kudaro nhai? Ndakangovenga mwana wangu for no reason. Chokwadi ipapa ndakabva ndadzidza kuti shoko riye remubible rinorevei. Ida umwe wako sekuda kwaunozviita nhai. Ini ndaive ndavenga munhu ndichiti mhenowo umwe munhu apo ariye mwana wangu. Ndaive ndakamusiya kumusha asi mwari vaive vamuunza kwandiri panzvimbo yekumupa rudo ndikabva ndaita kumuparadza chaiko. Ko kana aine nhumbu chokwadi nhai? Who will believe her? Achazvibvuma here kudzie kuti nhumbu ndeyake or mwana wangu ave kutofamba nemandakafamba namo. Moziva kusaita tsaona inyasha dzamwari. Nekuti nzira yese misodzi yaingobuda ndichifunga zvandaive ndazviitira. Mwari vaive vandituka kusvika kumagumo chaiko. Ndakagara ndave a bad mother and now zvabva zvazadziswa kuratidza mwana wangu huipi hwangu chaiho. Ndakadriver mota zvekupenga dzamara ndasvika Harare asi hondo yakavepo pakuti ndopinda ndichiti kudii kunaMai kudzie kuti ndivaudze chokwadi hazviite zvachose nekuti she will hurt me nekukonzeresa kurwa kwevana vavo kuti ndisataure zvekare ndinoti kudii? Ndakafunga zvese izvi ndiri kunze kwegate kwave kuzofunga kuti Maidei anga adzingwa kare kureva haasisipo pamba apa chandave kufanira kuita apa kumutsvaga nekukasira.
Maive mati zii musisina kana benzi raifamba zvaro zvekuti kana pekutangira ndakapashaya. Ndakabva ndafunga kuenda kumba kwangu kunorara sezvo panga patove pakati pehusiku ndoona zvekuita kwachena ndinomuwana chete nekuti hakuna kure kwaaenda and direction yaakaenda nayo ndirikuoziva so kwekutangira kutsvaga ndinako. ..........
Kupa
Ndakatadza kuziva kuti zvakafamba sei chaizvo kuti ndizomuka ndiri pasame Bed naMaidei tisina kupfeka. Ndakatora hembe dzangu dzaive pasi ndokupfeka nekukasira I tried to wake her up asi haana kumuka zvachose zvinove zvakandipa mubvunzo. Ko ndaive ndauya sei kucottage nhai coz ndichirangarira ndakaguma kudya ndiri mumba mangu ndimo mandaive ndarara. Ndiani angade kutamba neni zvakadaro. Ndakambofunga kuti ndiye Maidei asi umm nekudzungaira kwake handifunge kana aine ruzivo nezvemadrugs and again marariro aanga akaita ndeemunhu aisirwawo drug zvekare. Zvakandinetsa zvisingaite apa Kudzie akandipna ndichibudamo akabva aita kunge asvikirwa ndikazvishaya. Akabuda kudzie ini ndichibva ndazofunga kubudawo kuenda kubasa sezvo ndaive nepaper work yaida kuitwa. Ndakageza ndokubuda asi ndainzwa kuti muviri wangu uri weak zvisingaite. Ndakabva ndapfuura nemutown ndichitenga lemonade kwave kuzodya something ndikanzwa zviri nani ndokuenda kubasa uko ndakasvika Kudzie ave kutobuda. Ndakamumhoresa akaramba akati zii uku chiso chake chichiratidza kutsamwa zvinove zvakandinetsa ndichibva ndati "ichiri nyaya yekurara nebenzi riye here yamakatsamwira mukoma or pane zvimwe?" Ndakabvunza ndichiseka hangu achibva andibata collar zvine simba ndokuti "you slept with her and you still have the guts to call her a mad woman?" Akadaro ndichibva ndati "handina kurara naro benzi riye Bro trust me", ndakadaro nguva iyoyo fon yake yakabva yapinda message akandisiya ndokutarisa fon yake ndikaona achishama muromo akasimudza fon yake kwave kundiratidza pic randaive ndatorwa ndiri pamusoro paMaidei uku tisina kupfeka. Moziva hana yangu yakarova zvisingaite coz sekuziva kwangu handina kurara naMaidei ini. Asikuti zvaitika ndakadhakwa here? Ndakazvibvunza ndega ndave kushaya zvekutaura nekuti evidence yandaive ndaratidzwa yaive yakaoma kuiramba nekuti she was holding me. "Uchiri kuzviramba here?" Akabvunza kudzi ndichibva ndati "I think she drugged me " ndakadaro ndichibva ndapihwa imwe mbama yakaita ndinzwe kadzungu zvishoma pamwe nekutsamwa zvekare kwave kuti "iwe nyangwe kana ndakarara naye ane basa reiko mukadzi wemunhu here uyu" ndisati ndapedza kutaura ndaive ndapihwa imwe bhutsu ndichiwira pasi ndipo pandakaona kuti paive pashata apa ndichibva ndatanga kumudzosera munongoziva hupenyu hwemudhorobha munguva diki paive pazara vanhu. Vamwe ndivo vakazobata asi ndainzwa hasha dzisingaite. "Ko Kudzie atsamwa chii zvekusvika pakundirova papublic kudaro", ndakadaro kufamba kubva paye asi mapurisa akabva asvika ndokubva tatorwa tese kuenda kupolice uko ndakasvikonzwa mashura Kudzie achiti ndaive ndavata nemusikana wake. Munoziva dzimwe nguva unombofunga kuti uri kutadza kunzwa here or zvimwe zvinhu ndakatomboseka chaiko Kudzie achitaura kudaro asi nekuzoona ari serious ndakaona achiratidza kurevesa chaiko. As brothers takabvisiswa mari shoma ndokubva tasiiwa ini ndakabuda muye ndakananga kumba nekuti ndine zvandaida kunzwisisa from Maidei and she was already gone.
Uku mhamha vaiita kupopota kwete zvekutamba kuti chokwadi two brothers kuchinjana musikana one pedzezvo morwira hure. Mashoko iwayo akandibata zvisingaite nekuti handina kubvira ndakada Maidei kana kufunga kurara naye even one day zvaro.
Munhu akaita izvozvo anofanira kuripa mhosva dzake kana akave iye Maidei anondiona handimusiye zvachose. Ndakabva ndafunga kuti pamba pedu pane cctv camera inoona zvese. Handina kuda kutambisa nguva ndakabva ndamhanya mustudy room munove ndimo maive nelaptop yacho iri connected to our cameras........ book redu rave kuwanikwa neatenga chete.
Ecocash $1us or 80zig
Innbucks $1us
Scratchcard $1us buddie
S.A inbox for payment plan
0786677765
L Mtandwa
Kana waita payment inbox me neproof of payment ndokuisa kuSub group redu reThe forbidden Fruit
❤️
👍
🙏
😢
😮
12