Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
June 18, 2025 at 05:51 AM
: https://chat.whatsapp.com/BFFOi1PPmXUENbF6OAqhOs *Undesirable fate* 🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼 Story written by Mai Tamia.....🌼 0786677765 Read📚react❤️and share🙏 Chapter 0ne Ndakatarisa zvekare bhutsu yaaive akapfeka ndokubva ndaita kuoma mbabvu nekuseka. Ndakaseka zvekubuda misodzi chaizvo ndakazonyara mushure mekuona kuti class yese yaive yakatarisa kwandiri including Sir Peter , kana nenguva dzavaive vapinda handina kuzviona zvachose ndiri busy kuseka bhutsu yaive yakapfekwa naAlisha umwe musikana aigara pamberi pangu. "Urikusekei?", vakabvunza Sir ndichibva ndati "am sorry Sir" kwanga kwave kutya kurohwa chaiko nekuti shamhu ndiyo yandakakura ndisingazive zvachose, and again kuzivikanwa kuti ndaiseka umwe mwana nekuda kwekutambura zvairovesa kana kutodzingisa chikoro chaiko nekuti zvinonzi zvakamboitika vana vakaseka umwe mwana akapfeka skin tight yakabvaruka akazviuyara, so ndizvo zvataigara tichiparidzirwa kuti tisaite kuti vamwe vana vabatikane zvachose. Vakanditarisa ndokubva vatanga havo kuita zvebasa ravo dzamara vabuda, vachingobuda chete ndakabva ndasimuka ndokuenda paive naAlisha ndichibva ndati "nhasi tine announcement guys", ndakadaro ndichibva ndaseka ndakabata muromo kwave kuzoti "mamboona shato yapinda muno here guys", ndakadaro ndokuseka zvekare vanhu vese ndokusimuka kuuya paive naAlisha vamwe ndokutanga kuseka,vamwe vakaratidza kubatikana nazvo, aive akapfeka bhutsu ine ruvara rweshato apa yakatsemuka padivi, ndakatarisa pasi payo ndokuona kuti raitove tire remota chairo zvakandipa kuwedzera kuseka ndichigara pasi chaipo. Ndokuwedzera kuseka zvekunge ndichaita mabayo. "Nhai Taona urikusekei, chashamisa chii ipapo nhai?", akabvunza umwe musikana anonzi Mavis ndichibva ndatadza kumudaira ndichinongedzera bhutsu iye. "Iwe hazvisekananwe izvi vakataura vakati mhanza haisekwe hakuna akambo Applier kuti iuye, uye vakuru voti ushe madzoro hunoravanwa, haufe wakaziva kuti mangwana chaiwo unomuka uripapi nehupenyu nedzimwe nguva kutozonyururwa mumadhaka naiyeyi wauri kuseka uyu", akadaro Mavis ndikaita kugara pasi chaipo nekuseka, ndakabva ndaburitsa fon yangu ndokutora bhutsu iye picture vamwe ndokutanga kuseka, iye Alisha aive achingoyeredza misodzi akagara zvake ndikati "chiri kuchemedza ipapa chii kupusa ikoko ungabvume kubuda mumba wakapfeka kunge benzi kudai", ndakadaro Mavis achibva ati "ko kana kusina orega here kuenda kuchikoro nekuti haana" akadaro ndichibva ndaseka hangu ndichisimuka kwave kuburitsa 200us ndokupukutisa skirt yangu yaive yasviba nekugara pasi kwave kunoisa pamberi paAlisha mari yacho "zvitengere bhutsu neuniform zvirinani" ndakamudaro ndikaona class yese ichiratidza kushamisika neamount yandaive ndasiya patable ko imbori mari here iyoyo kana tave kutarisa mari inababa vangu ndidzo dzatinoti change kaidzodzo. Ndakabva ndatobereka bag rangu kwave kufamba ndichienda kumota kwangu ndanga ndatofunga kuenda kumba ini coz ndaive ndaneta nekuseka. "Wave kutiza malessons?" Ndakacheuka ndokuona vari Sir Peter vaive vapindawo mucar park vakananga pakahonda kavo. "I'm going for breakfast " ndakadaro vachibva varamba vakanditarisa ndakaridza tsamwa kwave kupinda mumota yangu ndokuimutsa ndakananga kumba uko ndakasvika mhamha vagere panze nemadzimai ekuchurch kwavo I guess vaiita zveruwadzano. Ndakaomesa gotsi hangu kunge ndisiri kuvaona ndokufamba ndichienda mumba ndikanzwa mhamha voti "iwe Taona hausi kuona vanhu here?" Ndakacheuka ndokuti "ndiri kumhanyira kudzokera kuchikoro ndakanganwa something, ndakataura ndichitopinda mumba umo ndakasvikochinja hangu hembe ndokuzvikanda pabed kurara. Chii nhai chandingazvinetsere kuswera kuchikoro daily sezvinonzi ndine chandinoshaya kuchikoro ipart time kwandiri. "Taona unoziva here kuti mukana wauri kutambisa uyu uchauchema mangwana, chikoro chakakosha isu tese vauri kuona nhasi tiripanp takatopfuura neko kuchikoro" vakadaro mhamha vachipinda padoor pangu ndikatoziva kuti vaive vatanga zvekare. Instead yekuvadaira ndakabva ndatopfeka mapush ndokunhonga macar keys angu nekubuda ndakananga kuoffice kwaDad chinhu one chinondibhowa panamhamha munhu anoda kuparidza paridza zvakanyanya soo vanozviita sekunge vanoziva zvese maererano nehupenyu yet havana kana chavanoziva zvavo. Buy the way zita ndinoitwa Taona Meda ndakaberekwa ndingori one mumba mamai nababa vangu, and hatina chatinoshaiwa my father is a well known business man nekuti vane mabusiness akasiyana siyana the whole world zvekuti ndega ndinoona ndisina kana ndichizoshota chii zvacho muhupenyu.Kuchikoro ndinoendawo kunodzidza kuverenga nekunyora zvinove zvandave kugona now ndave form 3 hangu. Back to my story Ndakasvika pabasa paDad mota yavo iripo ndakafara chose nekuti ndakaziva ndinovaona varipo ndakabva ndangomhanya kupinda muElevator ndakananga kuoffice kwavo on my way there ndakabva ndaita mahwekwe naManager waMudhara wangu vanove baba vemukomana wandinodanana naye Ryan. Mongozivawo zvinoitika kuti ukasangana nevabereki vemukomana unongonzwa kakunyara nyara soo, worse uchiziva kuti vari kuziva zviri kuitika pakati penyu. Ndakazvishingisa ndokuvamhoresa vachibva vati "Ryan aenda kumba nhasi haana kushanda anga asiri kunzwa zvakanaka" ndakangoseka Seka ndokuti "ndauya kuzoona Dad ini" vakati Ooh ndokuzoti vaive muOffice yavo. Ndakafamba kunopinda muye ndikaona muine umwe mukadzi aive akagara pachair achiratidza kutsamwa zvisingaite, achinditarisa akabva afinyamisa chiso achindipima nemaziso kwave kusimuka ndokuita zvekunge arikubvuta handbag rake raaive aisa patable yaDad ndokuti "My god will surely fight for me one day Isaac Meda mark my words" akadaro ndokuridza gogo achifambisa kubuda ndikasara ndichingotarisa, ndakadzosa maziso ndokutarisa baba vangu ndichibva ndati "Who is she?" I asked him vachibva vati "never mind her she is nobody" vakadaro trying to cover up ndichibva ndati "kwete kaa, she called you by your name and not just calling you but she Cursed you father. Tell me the truth?", ndakadaro vachibva vati "that woman worked here for so many years before you where born infact I started this company with her but something happened and she left I never saw her for so many years till today she came up claiming to have 50% share of the company yet am the owner and zvese zviri pano ndakazvishanda asipo, kukura kwakazoita this Firm aive asisipo zvachose, so ndaramba kuita zvaataura that's why she Cursed me, trust me my daughter haana basa uyo", vakadaro mudhara asi ndichivatarisa ndakanyatsoona kuti vaive vasisina kugadzikana zvachose uku vaidikitira, vakasunungura tie ndokuibvisa kwave kuisa zvekare bhatye uko. Ndakaenda pafridge ndokutora mvura kwave kuisa muglass ndokuvapa. "You said you started this together?", ndakabvunza vachibva vati "she was my personal assistant ari zvekare secretary zvese naManager but mari yaive yangu", vakadaro ndikati "nxcaaa saka anopenga zvee ko kana aida kudya pano akazosiirei basa racho, munhi akadai akadhakwa uyo Garai matoita order kuti asasvike pano zvachose or kumutorera peace order" Ndakadaro ndatoona kuti vainetseka nezvinhu zvisina kana zvachose havo. "Ko sei usiri kuchikoro?", vakadaro vachitarisa watch yavo. Ndichibva ndaseka hangu "ndanga ndakusuwai" Vakanyemwerera zvavo ndokubva vati "be serious nechikoro asikana coz your life depends on it", vakadaro ndikaseka hangu ndokuti "ndave kugona kusolver simultaneous equation 😂😂😂😂 ndakadaro ndokubva vaseka zvavo ndokuti "ndidzo maths dzakapusa manje dziye chinongodiwa kubata formula chete" Vakaseka zvavo ndikaziva kuti he was trying to mock me. Vakazonyarara zvavo ndokuti "ndine meeting irikutanga just after 20minutes so ndokuona kumba", vakadaro ndichibva ndavambundira kwave kubuda, ndisati ndapinda mulift ndakabva ndafunga kuti ndaive ndisina kukumbira mari, chinhu one chavaisaita mudhara kundisira mari muAccount kwete ndaipihwa yandiri kuda kushandisa ipapo, so apa ndanga ndisisina pocket money. Ndakabva ndafamba kudzoka kuoffice kwave ndikaona vaita kubvisa mabutton ese ehembe vachizvifaner. "Are you okay?" Ndakabvunza vachibva vaita kuvhunduka vanga vasina kutomboona kuti ndaive ndadzoka. "I'm fine don't worry" vakadaro ndichibva ndati "you are sweating", ndakadaro ndokubva vati "yaa ndiri kutsva" Ndakabva ndafamba kuenda kunoita on fan ndokuvatarisa ndichibva ndati "instead yekubvisa hembe matadza kuita on fan" Vakabva vaseka zvavo ndokuti "Aah zvakawanda zviri mupfungwa zvandiri kufanira kuita nezvebasa so hazvina kana kutombouya mupfungwa dzangu, do you want some money?", vakadaro ndichibva ndadaira nemusoro, ivo vega vanga vatoziva zvandaive ndadzokera. Vakabva vavhura safe yavo kwave kundipa mari, ndakavatenda ndokubva ndabuda hangu ndiine mufaro. Ndabuda ndakatanga kufunga kuti ndoenda kupi ndipo pandakabva ndafunga kuti Ryan aive ambondikumbira mari yekugadzirisa mota yake achiti anodzosa month end atambira. Ndakabva ndatodriver ndakananga kumba kwavo uko ndakasvika gate rakatokiiwa chaiko. Ndakamufonera ndichibvunza kuti aripi achibva ati "arikumba, ndakabva ndamuudza kuti ndaive pagate ndokubva aseka hake achiti "sorry I lied to you ndabuda kumbonotsvaga mari yandanga ndichida. Ndakabva ndamuudza kuti ndaive ndauya nayo achibva ati "kune cousin yangu iriko kumba ikoko rega ndimufonere umusiire ini ndabuda namhamha" akadaro ndikati okay ita fast. Ndakadaro ndokuverenga 2000us pamari yandaive ndapihwa iye pasina nguva pamwe kamusikana kaive Kari half naked kakabva kavhura gate uku kaitsenga bubble gum. Ndakakatambidza mari kachibva katotendeuka kudzokera mukati kasina kana kutaura neni zvako ndakaridza tsamwa ndokubva ndafonera iye Ryan wacho ndichiti "watadza kuudza hama yako kuti ndini ani here?" Akaseka ndokuti "hanzii nhai?" "She didn't greet me" ndakadaro achibva ati "Ooh sorry about that, did you greet her?", akadaro achibvunza inini ndikati "Ooh I see ,so am the one who should greet her right?", ndakadaro achibva ati "noo just wanted to know ndati pamwe wamumhoresa akaramba akanyarara. "Handina kumumhoresa ini,let me go", ndakadaro achibva ati "Are you not supposed to be in school right now?", akadaro ndichibva ndatokata fon ave munhi wechi3 manje kundiudza zvekuti ndaifanira kunge ndiri kuchikoro . Ivo kufunga kwavo vanofunga kuti handizvizive here kuti kune chikoro nhai nxcaa....... Malikes, malikes ngaauye guys ndiko machapters awande. End of chapte
👍 ❤️ 🙏 6

Comments