Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
June 18, 2025 at 05:50 PM
https://chat.whatsapp.com/BFFOi1PPmXUENbF6OAqhOs Undesirable fate 🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼 Story written by Mai Tamia 0786677765 Read📚react❤️and share🙏 Chapter 04 Taona Ndakatoona kuti zvinhu zvaive zvisina kumira zvakanaka chose. I must find those documents nekukasira.tichisvika kumba ndakabva ndati kunaMhamha ndave kuenda kubasa kwaDad. Vakanditarisa ndokuti "kunodii nhai?' Handina kuvadaira nekuti ndaiziva vanotopikisa idea yangu ndokubva ndazvibudira ndakanyarara, ndakasvika nekutora makeys kunaP.A wavo, ndokubva ndanopinda muoffice mavo ndakazvikiira nemukati ndokutanga kutsvaga asi handina kana chandakawana aingove mafiles ane mapapers ebasa chete no property document. Ndakabva ndapera simba ndichiona izvi ndakatoziva zvaireva danger izvi ko ndiani angave anawo nhai. Ndakabuda muoffice mavo ndichifamba zvishoma shoma ndokuita mahwekwe naRyan uyo akavhunduka achindiona ndokuzoti "sorry dear I was busy ndakatadza kuuya, how is your father?", "Busy zvekutadza kuuya kuzoona your boss do you know that if my father dies you and your father will be jobless ", ndakadaro ndokubva ndarumanisa mazino akati "I'm sorry for that babe kungoti I was very busy pane shortage yakaitika pabasa so was working on it , kuitira boss pavanouya zvese zvinge zvave in order, please be strong he will be okay", akadaro ndikamutarisa ndokubva ndati "I will be waiting for you at home today", ndakadaro ndokufamba ndichienda kumota, ndakafunga kuenda nekuchipatara ndichiona baba vangu pamwe vanenge vamuka vandiudze kune zvinhu zvandiri kuda. Ndakasvikopinda anaGogp handina kuvaona this time so ndakanokumbira kuti ndipinde ndokunzi ndimirire visiting hour ya5 coz so far mune anga arimo. Ndakatarisa watch yangu ndokuona kuti kwanga kwatosara maminutes mashoma ndokumirira hangu 5 dzichikwana ndakabva ndafamba kuenda kuye ndikasvika mukadzi uye zvekare akagara pachair holding my father's hand aine misodzi pamatama. Ndakafinyamisa chiso ndokuti "who are you?', ndakabvunza achibva avhunduka kureva aive asina kundinzwa kupinda kwandaive ndaita akapukuta misodzi faster ndokusimuka achitora kabag Kake ndokuda kufamba kuti abude ndichibva ndamira pamberi pake ndokuti "hamungobudeka musina kudaira, who are you? And what are you doing here?", ndakadaro achibva andipushira uko ndokufamba achibuda without saying a word. Ndakaenda paive nababa vangu asi ngoma yaingove imwechete hapana kana chaive chachinja zvachose vaitoita sekunge vasina kubvira vazunguzika zvachose. Ndakabuda muye ndiine shungu dzisingaite ndokunanga kumba uko ndakasvika Ryan ariko achikurukura naMom. Ndanga ndisiri mumood yekutaura kana nani zvake so I greeted them nekutodarikira kuenda kuroom kwangu kunovata. Mhamha vakazouya vachiti vave kudzokera kuhosptal kunorarako ndikati okay vachibuda Ryan akabva apinda. "You invited me to your house ndauya obva wandi ignore zvorevei izvi nhai Taona ndauya kuzoona amai vako here inini?", akadaro ndikati "Please am stressed about my father " ndakadaro achibva ati "It's okay babe am sorry but trust me he will be okay" akadaro ndikati "hapana arikuziva kune maDocuments avo ndiyo nyaya irikunetsa pamwe munhu akonzeresa this accident ndiye anawo" ndakayerekana ndataura achibva aseka hake Ryan ndokuti "Ooh is that why you are sad, madocuments ese anaLawyer ndiye akapihwa will", akadaro ndikatura befu mheno sei ndisina kubvira ndazvifunga pese apa. "Mazuvano madocuments aye haasi ekugara nawo mumba coz hama yako chaiyo yaugere nayo inokupandukira," akadaro ndichibva ndanyevenuka kuti kana zvakadaro kureva tiri kusafe side. "I need some money " akadaro Ryan ndikati "iwe handina 3 days ndakupa mari nhasi ndeyei futi?", "Please my love my niece is very ill so I need some money to take good care of her", akadaro ndichibva ndatora handbag yangu kwave kumupa mari yaaida. Akabva andimbundira kwave kundikissa ndakazomupusha ave kuda kudarika muganhu wake, Haa ipapo hangu handiite mistake I will never let any many get between my legs tisati taroorana. "It's okay babe so let me go" akadaro ndokubva abuda kuenda ndikasara ndichinobika hangu, ndichipedza kudya mhamha vakabva vapinda vakadonhedza chiso. Ndakavatarisa ndikanyatsoona kuti paive pasina kumira zvakanaka. Vakazvikanda pasofa ndokubata musoro wavo nemaoko maviri. Ndakaramba ndakavatarisa hangu nekuti mom ndovaziva kana nyangwe ukavabvunza chinhu vasingade kutaura havakudaire zvavo so i decided kuvasiya vakadaro ndakaona vaburitsa fon yavo ndokubaya baya kwave kuisa panzeve ndakazonzwa voti "your brother is nomore" Mashoko aya akauya sechibhagera munzeve dzangu. Yes ndaiziva kuti baba vangu vanogona kufa asi ndairambana nazvo zvekare kuti vakatongoenda just like that. Vakabvisa fon panzeve ndokunditarisa vachibva vati "Tasiiwa pachena Taona baba hakuchina uku" Ndakatadza kana kudaira kunze kwekungodonhedza musodzi. Mhamha vakauya ndokugara paside pangu vachibva vati "be strong okay rufu inzira yemunhu wese, vadiki vahombe kana vachembera, hakuna anoziva zuva raachashanyirwa asi tose tichafa, totenda mwari kuti vakusiya wave kuziva uye havana kukusiya usina pekutangira, it's time for you to change and be a better person so that ramangwana rako rinenge rakajeka, be nice to everyone nekuti hauzive achakubatsira mangwana, you need everyone in your life to be successful stop treating others like trash nekuti hupenyu hwako hausisina kukwana", vakadaro mhamha ndikati "zvichiri zverufu here izvi kana kuti muneni henyu? Ndiani wandakambotreater bad inini, musade kundidenha wrong time Mom ,I don't need anyone in my life ndakura now kana chikoro ndogona kusiya and take over my father's company ", ndakadaro ndokusimuka mhamha ndokuti "Listen to me just once Taona, ndoda kukupa malife lessons vanhu vasati vaungana pano, handidi kuti unetsane or ku disrespecter ani zvake during the funeral ", vakadaro mhamha ndikaridza tsamwa ndokufamba ndichienda kunorara chaiko. Mhamha voda kundipinza busy nekuda kwekuti mudhara vafa so she wants me to bow down to others coz ndafirwa nababa Aah kana handina basa nemunhu ini, coz I have everything I need . Ndakaenda muroom mangu ndokumboenda hangu online ndikaona mugrp rekubasa kwanaDad muchitaurwa nyaya yekufa kwavo. Ndakabva ndarivhara ndokuenda kufacebook kumbonotsvaga zvivaraidza dzamara ndawana hope hangu.............. Alisha Ndakaswera ndiri pamba ndichiita mabasa ndakamirira kudzoka kwaMhamha naStan asi ndakaona Stan achidzoka ari ega. Ndakamubvunza kuti mhamha varipi akati "vane shamwari yavo yavasara vachiona yakaita accident " vakadaro ndikati "shamwari ipi iyoyo?" Ndakamubvunza ndokubva ati "umm handizivi vane hama yemunhu wacho yavaonana nayo ndiye azobhadhara mari yekuchipatara kuti ndibviswe plaster" akadaro ndikafara chose kuti at least mumwe mutoro waive wabva zvawo, Andrew akadzoka asina kana chinhu hake uku asina kana mufaro zvachose. Stan ndiye akamubvunza achibva ati "aive abirwa akasiira mumwe mukadzi zvinhu zvake kuti apinde mutoilet azobuda pasisina kana munhu" chokwadi nhamo haibvi pane imwe chokwadi patiri kuti zvave nani tobva tadzokera pasi chaipo. Mumba Makati zii zvekunge musina kana arimo zvachose mhamha vakapinda ave manheru chaiwo vasina kana mufaro zvachose zvekuti nesuwo takatoona kuti kwabviwa kwaive kusina chakanaka. Takavamhoresa asi havana kudaira vakangoti "mukasire kumuka mangwana tiri kuenda kurufu" I wanted to ask kuti rufu rwani asi vakabva vafambisa ndokuzvivharira muimba yekurara tikasara takatarisana. "Ndiani afa nhai?" Takabvunzana tese Stan ndokuti "ndofunga shamwari yavo yavanga vanoona iye. Aah zvino manje zvinei nesu isu mangwana tiri kuda kutoona kuti tingaite sei kuti tibatanidze zvinhu tiwane kubhadhara rent", akadaro Andrew ndikaona iri good idea neniwo ndakati handiende takabva tawirirana tese kudaro kuti mhamha vanoenda zvavo vega ikoko. Ndakaenda kunorara ndokumutswa kuseni seni kuti tiende kurufu kuye, and mhamha vakabva vati tipfeke zvihembe zvedu zvakabvaruka faninge ini vakabva vandipa rimwe ziskirt ravo raitoda kusungwa padivi pamwe neyekumusoro kwacho vakomana ndokupfekawo the same ini ndichibva ndapfekedzwa bhutsu yangu yembada yaive yaita ndisiya chikoro iye. "Asi mhamha chii, sei murikuda kuti tinonakidza vanhu kurufu munoda kutadzisa vanhu kuchema nekuseka handiti?", ndakabvunza vachibva vati "we are going to your father's funeral hama dzavo kana naiye mufi anofanira kuona hupenyu chaiho hwamuri kurarama not fake one, and tiriko kusvika vavigwa takapfeka like this", vakadaro mhamha Andrew ndokuti "our father?", akabvunza mhamha ndokuti "yes yesterday pandakaenda kuchipatara naStan I bumped into his brother ndiye akarapisa Stan ndiye akandiudza nezvetsaona ndakavaona vari pacomma ndaida kuzokuudza kuti munovaonawo asi ndisati ndasvika kuno shoko raive ratotevera kuti he is nomore, so let's go munosangana nehama dzenyu" vakadaro mhamha ini misodzi ikayerekana yave kuyerera ndaishuwa chose kuzoonawo baba vangu asi zvaive zvaramba kwave kuonana nekuonekana. Ko kusekwa chaiko taive tajairakaa takangobuda hedu tichiti zvimwe tiri kunokwira macombi izvo kwani taitogara tose musoutherton imomo tisingazive kuti baba vedu vanogara pedyo nesu, takashama tichisvika paive pakanaka zvinotyisa Chiona mota dzaive dzakaita line kunze kwegate dzisingaoneke kwadzakagumira ndipo patainzi tiende. "This is your father's house" vakadaro mhamha Stan akaita kugara pasi nekuseka chaiko. "Mhamha are you okay?", akadaro achiri kuseka Mom ndokuyeredza misodzi vachiti ngatipindei tibate maoko. Vakadaro vachifamba kunopinda gate raive rakavhurwa kare isu ndokutevera, veduweka kune Misha yakanaka pasi pezuva pamba patakasvika waifunga kuti zvimwe pahotel or pamba paPresident chaipo nekuda kwekunaka. Mhamha vakatungamira kuenda kutent kwaive nevanhu kunobata maoko, ini ndakazonzwa umwe mukadzi achiti "ndiye mukadzi waTrust mukuru uyu nevana vaTrust" vaizevezerana soo umwe wacho ndokuti "umm anga asina moyo Trust rega afe nenzira inorwadza kudai vana vane nhamo yakadai iye achifamba nemota dzemaMillions umm" Umwe wacho akabva ati "ndezvekuromba izvo hauzive dzimwe mari dzekuromba hadzidyiwe nemhurikaa, handiti wakaona paakasimuka ndipo paakabva aramba mukadzi achitora mvana iye, tarisa machengetero aanoita mwana wemukadzi wake", ndakasuduruka pedyo nevanhu vaitaura vaye nekuti mashoko avo aive andibata zvisingaite, mhamha vakabva vati "handei mumba mune vehukama" we followed her Andrew achibva avamisa ndokuti "mhamha are you serious?" "Yes vanangu pano ndipo pamba pababa vanyu pano, " vakadaro ini hangu ndaive ndakuwirirana nazvo nekuti ndaive ndanzwa vakadzi vaye vachitaura nezvazvo. Malikes akuita mashoma guys itai kuti zvinakidze kunyora End of chapter
❤️ 👍 2

Comments