
Mai Tamia Stories
June 18, 2025 at 05:51 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDInUp8qIzn7UI3Ro2H
*Undesirable fate*
🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼
Story written by
Mai Tamia
0786677765
Read📚react❤️and share🙏
Chapter 05
Taona
Ndakamutswa nenoise yevanhu viridian mhere. Zvakambotora time kuti ndirangarire zvaive zvaitika ndokuzofunga kuti hoo zviye baba vangu vaive vafa. Ndainzwa maziso kurema nehope zvakabva zvandiudza zvega kuti kwaive kusati kwachena, ndakatarisa time ndikaona dziri past 11pm. Nxcaa ndakaridza tsamwa ndokufamba ndichienda pabalcony kwave kuoba kuti pamba paive patozara mota nevanhu, ko vanga vasvika nguva nhai pave neonly 5 hours mudhara vashaya vanhu vatoungana kare kufarira rufu here or kuda kuuya kuzodya or kuda kuwana kupamba zvinhu zvababa vangu. Ndakati zvino ndoda kuvaona ndiripano ini. Ndakapinda mubathroom ndokugeza kwave kupfeka tracksuit yangu sezvo kwaive nekachando ndakabva ndabuda ndichinotsvaga mhamha ndikavaona vakagara maive nevanhu musitting room ndakabva ndangodzoka kuroom kwangu ipapo ipapo nekuti ndaisada zvekutaudzwa zvisina basa, ndaida kuavoider kunetsana nevanhu sezvandaive ndakomerwa naMom vangu. Ndakasvikopinda mumagumbeze hangu ndokuvhara maziso ipapo hope hadzina kuzonetsa kubata ndakabva ndarara zvekare ndokumuka kunze kwatochena chaiko. Ndaive ndazorara ndakapfeka tracksuit iye ndakabvisa ndokupeka Jean nenjombo yangu ine high heel kwave kupfeka crop top neleather jacket rangu ndokubuda ndichienda maive nevanhu ndakasvikogara muye ndakanyarara vanhu vaingonditarisa mhamha vakauya pandaive ndokundipa Zambia vachibva vati "dressing yako haidiwi parufu iyi" vakadaro vachindizeverera munzeve handina kuvadaira ndakangovapa ziso raitaura and naivo vega vakabva vaziva kuti ma1 anogona kutangidza ndokubva vandisiya kwave kugara pasi. "Nematambudziko kaa nhai Taona?", vakadaro Gogo Mai vaDad ndichibva ndati "aoneka" tete vakabva vati "imimi naiye anofanira kubata umwe maoko ndiani nhai amai?", vakadaro Bamukuru ndokuti "ndiye afirwa kaa nhai Emilda saka totobata iye, nematambudziko nhai mwanangu?", vakadaro ndikati "aoneka.
Vanhu vese vakaguma vave kubata ini maoko, mumba mataive maive muine vanhu vehukama chete,vazhinji vaive panze apo paiitwa zvekubikwa bikwa soo. Ryan nababa vake vakasvikawo vachibata maoko ndokuzobuda panze paive nemamwe mastaff members ekubasa kwadad vaive mutent.
Ndaitonzwa kutoda kurutsa chaiko nekubhoikana nevanhu vaive vakazara zara mumba vamwe ndivo vainwa madrinks vamwe vachitonwa doro anabamukuru nanatete kutoita kuparadza zvaive vaona zvirimo mumba. Ndakati regai ndibude hangu panze ndipo pakabva pavhurwa door ndikasangana nemashura akaona makapinda vanhu vainge vanopenga here ndakatarisisa vanhu vaye ndikaziva Alisha ndakamutarisa kubva kumusoro ndikasvika kuzasi kwaive nebhutsu yake iye ndikatadza kuzvidzora hangu. Ko ndini ndadii ndingatadze nei kuseka zvinosekesa izvi. Bamukuru vakabva vasimuka vachiti "Garai henyu apa Mainini", vakadaro kumukadzi uye , ndakamutarisisa ndokuona kuti she is the same woman wandakaona kuoffice kwaDad ndikazomuona zvekare kuchipatara ndakabva ndambotsveta zvekuseka aside ndichida kunyatsonzwa kuti aimboita nezvei chaizvo munhuri yedu.
Ndakanzwa vave kubata maoko vanhu vese vachiratidza kuti vaitoziva hama dzese dzaDad, namhamha vakatarisana ndokubva mhamha vati "Nematambudziko " vachibata mukadzi uye ndokutarisa pasi, Tete Emilda vakabva vati "Chokwadi Trust haapinde denga Ooh vakataura vachirova pasi neruoko rwavo ndokuti tarisai vana vake zvavakaita izvi, vana vakomana kunge mapenzi kudai iye achidya mari nepfambi isina kana nekutomupa mwana panyika" vakadaro vakaguma vave kuchema chaiko "Gogo vakabva vati "Mai Taona tsvagira majaya angu aya hembe dzababa vavo dzavanokwana vapfeke munoti tinonyarira papi vanhu vachinongedzwa kuti ndivo vana vemushakabvu vakadai, iwe Taona ipa sisi vako hembe dzekupfeka vataridzikewo sewe", vakadaro Gogo ndikaseka ndichiti "madrama itai mashoma tiri parufu veduwe baba vangu havana vamwe vana and havana kubvira vakataura izvozvo kwandiri manzwa here?", ndakadaro ndatoita kutsamwa ndakasimuka ndokutarisa Alisha ndikati "saka zvandakaseka bhutsu yako wakabva wafunga kuda kundidzorera nethis way right? Zvino inzwa kaa unzwe hauhwinhe wakanonoka zvako, kana makatengwa nehama dzaDad idzo vaudzeu kuti makanonoka" ndakadaro ndichibva ndamhanya kuroom kwangu kunotora makeys emota ndaitoda kumbobuda out chaiko nekuti musoro chaiwo waive wakupisa zvandaive ndasangana nazvo apa zvaive zvandityisa, Alisha is my sister ? But how nhai ko sei baba vasina kubvira vakataura zvekuti vane vamwe vana, ndakafunga kudaro ndikafunga ndichiona mukadzi uye ari muOffice maDad ndakabatanidza zvavaive vandiudza zviye zvese nereaction yavakaita. Kuti chingave chokwadi nhai. But my father was a good man aida vamwe vanhu zvakanyanya and vaibatsira vanhu vakawanda chose vane matambudziko, so how come kuti inonzi mhuri yavo yacho ndiyo iri worse pakutambudzika haa no mhani hakuna zvakadaro zvingaitike, "Hie beautiful lady" ndakavhunduka ndichitarisa munhu aive ataura uye ndokuona a young and good looking man akamira hake achitambisa makeys emota yake. "Sorry" ndakadaro ndichida kuvhura door remota kuti ndipinde coz ndaive ndaona kuti ndaive ndaparker mota pagate revanhu so aida kubuda asi akaona akavharirwa. "Noo it's okay, what is eating you up?", akabvunza mukomana uye ndikati "none of your business " ndakadaro achibva ati "kuparker mota kwawaita pagate pangu is my business that's why am asking " akadaro achiratidza kuti naiyewo aitove rude. Ndakavhura door remota ndokutora mari yese yandaive ndasara nayo kwave kumutema nayo ndichibva ndati "your parking payment " ndakabva ndavhura door ndokumutsa mota ndikaona mukomana uye ave kunhonga mari iye, type yake ko ndagara ndoiziva zvee vanoda kuzviita kunge vanhu veclass ivo vasina kana chavainacho. Ndakadriver ndokunanga kutown chaiko, kwave kutombotanga ndapinda muchicken inn kuti ndidye sezvo ndaive ndanzwa nenzara. Ndakapinda ndokuisa order yangu kwave kudya ndapedza kudya ndakabva ndaorder pizza ndichida kuzowana chekudya manheru coz ini hangu ndagara handidye zveparuzhinji zvachose . Ndakagara kudaro waiting for my order ndakabva ndaona Ryan achipinda ari hand in hand nemusikana uye waakambotuma kuzotora mari achiti iNephew yake. Ndakatarisa hangu pasi ndichida kubatanidza zvainyatsotora nzvimbo chaizvo nekuti Ryan aive abuda mumba nababa vake vachiti vave kunogara mutent mune vamwe vekubasa, ko how come kuti atove muchicken in kare asina kundiudza zvekare. Vakanoplacer order yavo ndokuimira zvavo yauya akanotora Ryan ndokusvikotsveta ndikaona ave kupfugama pasi achibva aburitsa ring proposing to that girl. Moziva ndakanzwa kutsva nekupera simba at the same time ndichiona zvakadai, ndakasimuka pandaive ndokuenda kunomira pamberi pavo Ryan akanditarisa from top to down ndokubva atotanga hake kudya akabata ruoko rwemusikana uye achiita sekunge asiri kundiona.
"Are you not supposed to be at my father's funeral?", ndakadaro achibva ati "and you you what are you doing here, are you not supposed to be at your your father's funeral " akadaro ndikati "you don't have respect right"
"Taona please leave us, am tired of your arrogance just let me breathe okay" akadaro hake achinyatsoratidza kubhoikana neni zvake ndakabva ndati "ibva waziva kuti basa rako rapera I don't want to see you anywhere near my father's company idiot" ndakadaro achibva ati "ndakato resigner kare ini kana wanga usiri kuziva do you think that you own the whole world nxcaa " akadaro ndikati "I will teach you a lesson that you will never forget in your entire life", ndakadaro ndokufamba ndichibuda ndichiita kunzwa hasha dzisingaite, munhu asina respect naboss vake using me kuti awane mari yekuyengera umwe musikana ring. Ndoda kuzviona izvozvo nyangwe kana akasiya basa handisi kuzomusiya I will make him pay for what he did to me. Ndakadriver mota kudzokera kumba ndakasvika musisina kana space yekuti ndiise mota yangu ndichibva ndaiparker pagate chaipo kwave kuburuka ndichisiya iripo ipapo vanopinda vanongopinda vachinyenyeredza........
Alisha
Sometimes life haisi fair veduwe, I can't believe that we share same father naTaona musikana anozivikanwa nekuve very rich kuchikoro kwedu, musikana anouya nemota kuchikoro ini ndichifamba ndisina kana bhutsu yemutsoka chaiyo, akabuda hake Taona andinyima hembe dzekupfeka vavaiti tete vaye vakabva vati "rega nditaure naMaiguru Mai Try vamupewo hembe vane kamuviri kadiki diki" vakataura vachibuda ndokuzodzoka vakadungamidzana namai vaye ndikanzi ndivatevere ndakanopihwa hembe dzekupfeka zvese nebhutsu ndokubuda ndichidzoka maive nevamwe ndikawana Andrew vachiri vakagara zvavo. Tete vakabva vati "ipai vakomana hembe dzekupfeka"
"Inini hangu noo am okay with this one ndichachinja after burying my father, I want to say goodbye to him like this", akadaro Stan and uyo ndaiziva kuti haasi munhu anoregerera zvekumhanya and vakomana ivava umwe akatanga chimwe vese vanoenda one side supporting each other pazvinhu zvavo. "Noo it's okay we know that you are angry but just do this for us" vakadaro Gogo Andrew ndokubva ati "But Gogo where you not there panguva yataitambura isusu, maiziva henyu kuti tiriko ndaona kusvika kwataita munhu wese aratidza kuti anotiziva and nobody seems to care hapana kana akauya kuzongotionawo zvake so let us be please we are here to burry our father Nothing more, we are okay with our lifestyle don't worry", vakabva vatarisana vese vakapererwa and vakagona nekuti hapana akazoda kudzokorora zvekare nyaya yacho nekuti dai vakada kuita nharo hazvaipera mushe nevakomana.
Ndakazobuda panze paive nevamwe nekuti kuramba ndakagara kwaiita pfungwa dzangu dziwedzere kubatikana ndichifunga kuti all along taisuffer tiina baba vane hupenyu hwakanaka kudaiso.
Ndakaenda kune vanhu vaibika ndokuti ndibatsire kuita basa vamwe Mai vakauya ndokuti "Noo no siya hako tsvaga pasi uzorore ibasa revaroora iri" vakadaro ndichibva ndavatarisa ndikati "am okay with it don't worry" ndakadark vachibva vati "noo please come with me am your Aunt", vakadaro vachinyemwerera havo ndichibva ndavatevera vakasvikowarira Zambia ravo pasi ndokuti tigare ndakagara padivi pavo vachibva vati "ndini hanzvadzi yababa vako vakuru" vakadaro vachisekerera zvavo ndakamboda kuvachenamira ndokuzozvidzora hangu asi hapana chinhu chakaoma sekuti vanhu vasina kubvira vakakutsvaga kana zuva rimwe pretend to love you..........
More likes ,more chapters
End of chapter
❤️
👍
5