Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
May 21, 2025 at 04:52 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 4 Amai Mimie Ugoona ndaiva ndambozvitaura kuti tiudze Mimie chokwadi baba vacho vachibva varamba.Ndizvo zvandaiedza kuavoider izvozvi.Hama dzekwake kana dzaiva dzisina kugara dzamutsvaka papi pacho paaizodiwa nevatorwa kuita kunge mwana wavo.Ndaiva ndatozvitambira ini kuti mwana wangu vaisada kumuona.Vaisavanza kumusarudza kwavo.Adana naAdel vana vatete Maggie vanova dangwe mumba mana baba Mimie vaiva vatodzidzawo kana kutamba naMimie vaisadawo kureva kuti pane zvavaiudza.Handina hangu kunyanya kuzviisa pamoyo nokuti vaiva vasina rudzi navo.Pandakaenda naJunior kumba kwavo ndakaseka zvangu vaipretender kusada mwana wemwanakomana wavo asi pakadzika pemoyo wavo vaitodawo kumuona.Pandakasara ndakaenda paiva pakagara baba ndikati,"Ndinozviziva kuti hamundide mese pano asi hapana zvazvichachinja nokuti muzukuru wenyu ndini ndakabara.Ndauya in peace kuti muone muzukuru wenyu chete." Ndakaona vatezvara vangu vachitarisa divi ndichibva ndanyepedzera kudonhedza mwana panguva yandakasimuka.Vakamugama ndichibva ndati,"Maita basa baba."Vakaramba vakamuyeva paiva neweakness yavo ndaizopabata chete.Vaisvika kupi vachiramba mwana wemwana wavo nokuti azvarwa nemunhu wavasingadi.Kushata kwazvo mwana wacho aivq akafanana nasekuru vacho.Vakaswedera vamwene vangu vachiti,"Ndipei kuno ndimutambidze mwana wake angatozvinyepera kuti tamugamuchira pano.Handimude pano chete mukadzi waKevie."Hameno sei mashoko avo aisandibata zvachose.Ndakabuda zvangu ndichisekerera.Kana baba vevana vangu was shocked kuona nyemwerero yaiva pachiso changu.Ndizvo zvinoita hupenyu mudiwa wangu baba namhamha vabata mwana wedu." Akanditarisa achiratidza kushamisika ndikati,"Zvaita." "But how?" Anobvunza ndichibva ndati,"ZvaMwari zvozviita zvega.Ndingava ndiri mvana sekutaura kwavo asi muzukuru wavo vanomuda ndizvo zvandoziva."Ndakaona chiso chake chichi nyevenuka ndikaziva kuti kana naiye hope yekuti vabereki vaizochinja moyo wavo yaiva iripo.Takadzokera kumba tatova nemufaro hedu.Mazuva anofamba ndipo pandakaenda kunhamo yasekuru vangu.Ndaiva ndisina kana stress yemari yandaiva ndakakwereta ndaiziva kuti ndinosvika ndichipihwa neboard ndobva ndadzosera chikwereti chandaiva ndaparamura .Handina kuziva kuti zvaiva zviroto ndaizomuka hangu ndanzwa kuti hakuna mari.Ndakabvunza veboard ndadzoka paya ndipo pandinoudzwa mashoko anodzimba moyo.Aaah mari ine chitema mufunge vanhu veboard rechema vakandiita kunge munhu asina kukwana chaiko.Ndaiva ndisina kuzvitarisira zvachose.Ndakatanga ndichanzi tipei proof yekuti mafirwa zvechokwadi.This statement shocked me a lot nekuti ndaiva ndisina kutora kana vedio zvaro.Ndaiva ndangotora vanhu vachiimba vachienda kumakuva jairai vanhu vanenge vachifamba harina kubuda zvakanaka ndiro randakaendesa iroro rikarambwa zvikanzi hazvionekwe uye hazvinzwikwe.Ndakaswera zuva rese ndichibvunza hama kuti pane aiva ambotorawo mavedio here?Zvakanditorera nguva kuti ndiri wane.Ndakazoriwana hangu last minute ko ndaitoshingirira ka sezvo agent baba Kelly neighbor yedu anga akuda mari yake.Ndakaendesa kuboard paya raiva clear manje randaiva ndazowana apa asi manje satan kana chati hapana chako zveshuwa hapana chaunowana. "Aaaah ,,,amai Mimie tsvakai replacement pamunhu wenyu akafa wacho muise umwe nokuti hazvichaita kuudza vanhu nokuti makatoviga kare."Ndakanzwa sendinotsva kamusodzi kachibva kadonha.Ndakapukuta nechanza ndichinzwa kuti pano handichazi ini zvachose.Mashoko ndakamashaiwa dai ndaiva ndisingabvisiriwo vamwe ndaimboti, manje ndaitobvisa.Handina kukwanisa kutaura asi kunyarara bedzi ndizvo zvandiri mashoko angu agara mashoma ndotya kumaburitsa nokuti akabuda ipoison chaiyo. "Nhaiwe wazodii nemari yababa Kelly?"Vakabvunza baba Mimie sezvo ndaiva ndavaudza ndiine confidence kuti mari ndaizopihwa nevamwe vanyori vemabook. "Zvadhakwa."Ndizvo zvandakakwanisa kupindura chete asi ndaiva nemarwadzo pamoyo. "Saka todii?"Vakabvunza ndikati,"Ndichitaura navo ndovapa ndabva kubasa.Mhamha vamanga muchiti tinoona kuMbare hazvichabuda nokuti kunoda mari yakawanda kwazvo hazvizobatani."Vaiva mhamha munin'ina wavamwene vangu vaisanzwa mushe vaiva vati ndiuye nemwana vagozomuonawo futi. "Pakashata." "Ndizvo zvinoita hupenyu wangu.Zvaunenge wakatarisira sandizvo zvinoitika.Ndarwadziwa asi.Ugoona vamwe vanotopihwa mari idzi kuti wangu munyama here?" "Zvine ropa wangu l think vakatoita madoubt ekuti wakafirwa ini saka mari haibude zvekudaro." "Pane munhu anganyepa kuti afirwa iye asina baba Mimie?" "Vamwe vanozviita pamwe ndizvo zvavafunga." "Inga proof ndavapa wani?" "Hameno wangu it's life kunze kune mbavha uko wava kuziva next time uchaziva zvekuita." "You are right."Ndakadero ndichitora phone yangu ndichibva ndatobaya exit.Ndaisada kuramba ndozvipa stress.Ndakatanga kufunga kuti zvaizofamba sei?Baba Kelly vaida mari yavo.Pafair ndaiva pazero chaipo.Kuti ndibate kamari kangu kebasa mhuri yaifa chaiko nenzara.Ndakavhura drawer ndiye dhuma nechifoni changu chandaimboshandisa kare.Yaiva yadonha ndichibva ndashaya mari yekugadzirisa.Mazuva acho ndaiva ndaitawo lucky ndikapihwa phone nefan raiva rafadzwa nezvinyorwa zvangu zvepaphone.Ndakasekerera ndakaibata ndakabva ndatomhanya pabasa pababa Kelly ndichisvika vakabva vanyemwerera ndokuti,"Magona gulez mauya ndanga ndichitoda kukufonerai ipapa." "Haa baba Kelly motondirova zvenyu kwandanga ndakatarisira mari ndashaya handitorina pekutangira ipapa.Ndosaka ndatouya nephone iyi pamwe munogona kundibatsira.Iri kuda kugadzirwa kana ikaita motengesa zvenyu mowana mari yenyu."Ndakadero ndichivatambidza vakadzungudza musoro wavo vachibva vati,"Still haikwani gulez." "Ndinokutsvakirai imwe saka ndingawedzera marii?" "30us chete nokuti ndichitsvaka touch nemari yangu."Handina kuda kupikisa zvinonetsa kudembera murume wemunhu.Chero hazvo vanga vari vadiki respect inongodiwa.Sezvineiwo ndichisvika kumba ndakawana ndakamirirwa neumwe mukadzi wandaisaziva uyo akabva ati,"Ndine basa rinoda kuitwa amai pamba pangu panoda kucheneswa ndiri kuda kutanga kuvaka."Takawirirana vachibva vaoneka.Ndakasara nemurume wangu uyo anobva ati,"Umm,zvimwe zvacho hazvisi zvazonyanya here?Chimboedza kunyora book rako nekukasika uchisender everyday rinotengwa l think urikuzvinyanyawo mai Mimie uriku dissappointer mafans ako.Dai uchivapa book everyday waiona shanduko.Zviri nani pane kushandira munhu." "Baba Kelly varikuda mari yavo.20 free chapters dzakawandisa apo mari inenge yakamirirwa handei tese tinoshanda tokasika kupedza topihwa mari." "Haa izvi kana shaa enda wega ndikaonekwa namhamha,,,,." "Enough baba Mimie muri munhu akaita sei?It's not like ndiri kunoshandako everyday ka ipart time job kushanda nekupihwa mari yangu.Saka kufunga kwenyu mukaramba makagara January to December mari yacho yekurarama inobva kupi?Inga ndiri kuedzawo wani nepandogona napo.Mangani mapeace job amunowana muchiramba only because makadzidza chaizvo.Kana makadzidza chaizvo iripi proof yacho yekudzidza kwenyu.Havana kupisa here amai venyu kufunga kwenyu ndiani munhu anga employer munhu asina kana paper zvaro paposition yamunoda iyoyo.Imi neni tangofanana pamwe ini nditori nani nokuti certificate re"O" level ndinaro nere till operating chero hazvo zvisina mari asi ndinazvo.Munhu unofanirwa uadjuster musituation yauri panguva iyoyo kwete kuramba wakabatira pazvinhu zvaunoziva kuti hazvichaita munosvika kupi muchiita zvamuri kuita izvi.Ndipei mwana ndibereke tinoshanda mari yevanhu iri kudiwa." Ndakatora mwana wangu ndokubereka ndichibva ndatungamira vakawana ndakutoshanda.Hapana aitaudza umwe asi nechemumoyo ndaingoseka zvangu.Hapana chaizivikanwa veduwe mudzimba umo vabereki ngatiwanei nguva yekudzidzisa vana vedu mabasa zvisinei nekuti akaberekerwa kuchirungu itai kamunda kaanopota achishandawo nekuti ramangwana harizivikanwi. End of chapter 4 More comments more 🔥
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 💃 137

Comments