Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
May 22, 2025 at 05:06 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 5 Amai Mimie "Ndakuwedzera mari yandinayo ndifanopa baba Kelly."Ndakadero mushure mekunge tapedza kabasa kaya kataiva tawana.Vakanditarisa vachibva vati,"Yose iri kutoenda here apa?" "Ehe ko tingaita sei?Zviri nani kuvapa iripo yacho tozoona kuti toita sei pamberi apo." "Aaaah hoo." "Asi mune zvamuri kuda kumboshandisa here?" "Ko kumbotengawo kacoke kanoti pfaa chaiko kutaura chokwadi ndakasuwa ini.Nenyama yatinonyatsodya tichiguta ini zvelife yekutamburira ndaneta nazvo hangu." "Kuita mwana kutokura ikoku baba Mimie.Munosvika kupi muchiita kunge mwana mudiki.Motaura zvenyama ko chikwereti chandiri kutaura nezvacho hachina basa here?" "Unoita plan mai Mimie zvanhasi chete tingonyautsa mukanwa." "I don't blame you,l blame vakakurerera mutray kunge chingwa.Zvinonaka munozvida asi zvimabasa zvidiki izvozvo hamuzvide saka nyama yacho inobva kupi yamunoda samare kudaro.Mukangoziva chete kuti Junior anoda mapampers munenge musina kutadza." "Chero zvangu ndichimuda mwana wangu asi pafair ndanga ndisati ndava ready ini kuita mwana wakangomhanyawo paya mai Mimie.Hameno kuti waifungei chaiko.Kuita sekuti waisaziva kuti kune family planning." "Mattii?" "Kwaiva kutya kurambwa here semunhu aiva nemwana wake.Inga ndaiva ndangotaura wani nemuromo wangu kuti ndokuda waifanirwa kungozvitenda kwete kundiisa pacorner nekuda kwenhumbu yawanga wava nayo.Ndanga ndisati ndava ready kuroora kutaura chokwadi." "Saka ndakakudzvanyirira kaa?" "Hàndisi kudaro asi tarisa ka ndakazongoita zvinhu zvangu nepressure paya zvakapa vabereki vangu hasha vakapisa zvese zvangu.Ndaida kuvasvikira zvakanaka paya and vaindinzwisa." "Saka uri kupa ini mhosva pazvese zvakaitika mulife mako baba Mimie?Inga wakandinyengerera wani kusvika pakupfugama uchida kutanga kugara neni ko mashoko awave kutaura akubva kupi?Asi ndini ndakaunza munyama mulife mako here?Uri kuregreter kundiroora ,no kutanga kuchaya mapoto neni kwawakaita here?" "Ataura izvozvo ndiani?" "Matauriro enyu anonzwikwa ugoona ndakambozvitaura hangu kungoti kana wanyura murudo unoita mawrong decision mulife.Ndakateerera zvaida nyama yangu ndikakanganwa kuti moyo unodawo kuteererwa l blame myself ndakamhanyira kupinda mune imwe relationship ndisati ndadzidza munhu.I was desperate ndabva ndanyura chamunyurududu ndikati ndamuwana munhu anoda ini nemwana wangu handina kuziva kuti one day uchandipa mhosva." "Wakutora nyaya nepasipo mai Mimie,,,"Handina kuvatendera kupedzisa mashoko avo ndakabva ndabuda ndokutanga kuita basa rangu ndakanyarara.Hameno why pandinenge ndatsamwa ndipo paiuya power ipapo.Ndakawacha hembe dzevana vangu ndiri mundangariro chaiko.Truth betold Mthulisi wangu ndakamufunga panguva iyi.Zvimwe dai asina kutorwa nenguva zvose zvisipo izvi.Ndaitoedzawo nepandogona kuti zviite asi hama yangu iyi yaingofunga kwayaiva yabva hameno kuti vaizokurawo here kana kuti ndiwo hutera hwacho.Ndichirangarira kudaro ndakabva ndatofunga storyline yebook randakaona richiita nyore uti ndiri nyore zvekukasika.Chero hangu ndaiva ndichiri kunyora free book.Ndaifanirwa kuzvibatanidza kukanda mabook maviri achiteverana.Zveshuwa ndakazosara ndopedzisa kuita basa rangu ndatopedza book mupfungwa dzangu.Ndakasekerera ndichibva ndatonhonga phone yangu ndokunyora book rakanzi ,"DISTRUST."Pandakarikanda ndaitarisira feedback ine mutsindo nokuti ndaiva ndarinyora nemoyo wese uye neshungu.Asi zvandaiva ndakatarisira sandizvo zvinoitika.Pakashaya kana umwe chete zvake akapa comment apo ini ndainzwa kuti apa ndanyora zvinonwisa mvura.Ndakaenda kumaadmnis ndobvunza kuti raiva sei book.Vakakasika kuti,," manake mai Mimie."Handina kuvatenda ini ndaidawo macomments aibva kuchaunga asi hapana chakauya.Ndakapera simba ndikambofunga kusiya ini.Sezvineiwo imwe fan yakabva yauya inbox asking for chapter 2.Ndiye munhu wandakabvunza akandisimbisa zvinova zvakandipa simba ndikaenderera mberi chero hazvo confidence yaiva yapera.Ndakashingirira ndave kuchapter 10 ndipo pandakasangana necomment yakandiwedzera simba,"Guys this book riri kunakidza wena tototya kuri commenter nokuti ringaenda pamusika.Anondigonera zvake munyori kungoti vanyori vemabook vawandisa mamwe takungosiya.Plus kutengesa kwacho vave kukunyanya vanyori vanokara mari veduwe vanotoda kudya nesu." Ndakatanga ndaseka asi ndaiva ndatoziva zvakawanda.Akandibatsira zvekuti muverengi uyu nokuti ndakabva ndatowana simba rekuramba ndakadzvanya.Ndaiva ndava nechokwadi chekuti book rainaka uye kutapira asi vaitya kuzosiiwa nenyota.Ndakabva ndatanga kutsika chepakati chaicho.Simba ndaiva ndava naro ka.Book rakandinakidza kunyora irori.Ndipo pandakaona kuti kupa mafans book nenguva kana newe munyori zvinokunakidza.Kubasa kwangu ndaiva ndadzokera ndaitozvipa nguva yekunyora ndiri pachibasa changu. Kubva zvataura baba Mimie mashoko avo handina kuzova truster zvachose.Ndaitoona kunge vane dzimwe pfungwa.Kwandiri ndaiona kunge munhu aitorangarira hama dzake dzaanga asisatauri nadzo nekuda kwangu.I was the root cause yekutambudzika kwavo.Fear and doubt zvakandipfeka hazvina kuda kundisiya zvachose.Ndakatanga kutakura baby Junior kubasa kwangu ndaida kuonawo kuti vaifungei semunhu aisara pamba.Asi ndakatoona kuti hapana zvisvinu chavaida ibasa ravo ravaiva vakadzidzira bedzi.Vaitoswera varipo pamba zvavo. Chandaida hangu ipeace chete.Ndaiva ndakagara pakasvika musikana anonzi Leah uyu wekuimba akasvikotora Junior achibva atanga kutamba naye ndipo paakabva ati,,"Tete zvekumhanya nemwana paroad umm zviri risk tadii tabatana tabika machips pandiri kubika sadza apo.Munobva mangoisa zvinhu zvenyu panze vanoda vanotenga.Kunyanya fish idzi vamwe vanodzida pasadza zvogona kukuitirai nyore pane kumhanya muroad.Ko mukadonha motsikwa mese nemwana.Think about it hàndisi hangu kukumanikidzai asi zvogona kubuda." Ndakamutarisa kumeso ndikati,"Why me?Amai Justine avo vane mwana futi sei usina kuenda kwavari?Waonei pandiri?" Ndofunga aiva asina kutarisira mhinduro yangu akaratidza kupusa pachiso chake.Handina kuda kukusekerera ndakaramba ndiri serious akakakama ndichibva ndati,"Zvandiri kuita izvozvi handishaye yekudya nevana vangu usada kundishandisa." "Kana tete kutongoda kuti tibatsirane chete." "Taura chokwadi otherwise handitaure newe futi urikutoda kundishandisa iwe." "No,auntie nyaya iri pakuti ndoda kuti mundiudzewo kwamakaenda kuti mutengerwe.Ndaedza zvose zvaramba." Ndakaseka zvekusvika pakubuda misodzi chaiyo.Ndikati,"Ini ndine kwandakaenda nhai Leah?" Akatarisa pasi achibva ati,"Sorry auntie but ndizvo zviri kutaura vanhu nokuti munotengerwa chaizvo.Ndinoita hangu mushandi wenyu zvose zvamunoda ndinoita." Ndakaseka zvakare ndichibva ndazoti,"Wakaguma kutsanya rini nhai Leah?" "Kubva zvandakazvarwa handisati ndambo,,,,," "Handina kumutendera kupedzisa ndakabva ndati,"Wapaona ka pane dambudziko rako.Kana kunamata kwacho hapana chozivikanwa.Basa kuswera muchinyeya vanhu hanzi vanoshandisa mishonga.Akakuudzai kuti mushonga chete ndiwo unoshanda ndiani?Mabvi ako aya munamato mukuru kudenga.Go straight to the point woudza Mwari zvauri kuda uone kuti havakuitire here?Kwete kuti iwe uchida kunamatira vana vako woti Mwari onai mapudzi angu ndiko kuita sei ikoko.Taura naMwari ivo vari pakavanzika ukavimba navo vachaita sekuda kwavo.Don't accuse me nezvinhu zvandisina ruzivo nazvo.Udza Mwari zvaunoda pabasa pako uone kuti havakuitire here?Vimba naJehovha Mwari wako nhamo dzatinadzo dzakasiyana usachive ukaona zvevamwe zvichiita zvako zviri panzvimbo imwe chete muchapinzwa munyatwa vana Leah nekuda zvinhu."Ndakatora mwana wangu ndokubereka ndichibva ndamhanyira pabhazi raiva richangosvika.Zveshuwa ndakadzoka nedollar maorange angu atengwa.Akabva ati,"Sorry auntie" 'Ndakamutarisa ndokudzungudza musoro wangu.Dai ndaiziva mishonga life ndingadai ndiri pasame level here?Ndakangoti,"Zvakaoma shuwa."Ndichirovanisa maoko angu.Phone yangu yakabva yatorira yaiva new number ndakabva ndatodaira paya ndipo pandakanzwa munhu achiti,"Nhaimi munyori muchiri kuda nebook renyu here kana kuti?Ko motadza kuitawo sevamwewo vanyori here vanotipa book nenguva makaita sei?Munotipa pamadira zvenyu mabook enyu kunyanya mafree book munozviitirei?"Ndakangopererwa ndofunga phone yacho yaiva yapera mari.Ugoona ndaitoedzawo kungoti munhu haugoneri munhu wese.Ndine vaitofadzwawo nehunhu hwangu mufunge. Zvakaoma hazvo. Kkk mafans matotanga haisi real life yangu veduwe!!Muri kuchemei nhaimi nhami ?Nhasi ndanakirwa munoita kuti zviite mhani rambai makadero. End of chapter 5 More comments more 🔥
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 👏 🔥 🤛 174

Comments