Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
May 25, 2025 at 06:13 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 6 Baba Mimie Ndinenge ndanga ndataurisawo kusvika pakurwadzisa umwe wangu.Asi ndaiitawo sei ndaiva ndisina kubvira ndararama life inorwadza kudaro.Ndaifunga kuti zviri nyore asi kutaura chokwadi ndaikundikana ini.Ndaiva ndisina kumborarama poor life.Ndanga ndajaira kurarama hupenyu hwemari izvi zvandanga ndave kuitiswa nerudo kutaura chokwadi zvanga zvakundiremera.Ini kuita maricho kuti ndidye zvaindiremera ini.Ndainzwa kuti ndadzikisirwa chaiko.Life iyi yaisava yangu zvachose ndaisaigona ini.Ndaimboshingirirawo hoping zvichaita but how ini ndisina kana pekutangira zvapo ndipo painetsa ipapo.Ndaiona life yangu yakamira pasame position chaipo.Ndakasvika pakuzvibvunza kuti was it love or pity yaiva yandisvitsa mumaoko aKudzie.Pafair chaipo l was regreting hangu life yandairarama wasn't good at all.Ndaitombofunga kunokumbira ruregerero kumba kwedu ndoita start afresh asi ndaingodzoka pasame position chaipo. Pamba pacho ndanga ndakungoswera ndakagara sezvo Juniour anga akuenda namai vake.Ndairara kusvika mbabvu dzave kurwadza.Nguva dzaidzoka Mimie kuchikoro aiwana ndabika aibva adya owacha oita homework yake.Rimwe zuva akabva anditi,"Ko sei dad muchingoswera makarara mhamha vachienda vega kubasa?Apa hamuchasari naJuniour vave kuenda naye futi why nhai dad?" Ndakapererwa nemubvunzo wake asi semwana handina zvandaikwanisa kuita aitoda mhinduro yake.Ndakabva ndamuti,"Mazuvano Juniour ari kunetsa Mimie ndosaka vachienda naye." "Hoo ,ko imi kubva zvatagara pano hamuna kumboenda kubasa wani munenge makangorara dad." Wakauya umwe mubvunzo wakandipedza simba ndisati ndapindura akabva ati,"Dai muchienda kubasa dad ndichitakurawo machips zvinoita vamwe vangu kuchikoro.Please dad do something ndodawo kuenda nedrink ndaneta nemaheu anobikwa namhamha aya.Mukaenda kubasa ndinomboenda nedrink ,rimwe zuva maheu zvinobva zvaita." "Ndichaenda dear apa ndiri kushaya basa racho.Zvikaita uchatakura zvaunoda dear." "Rini dad?" "Manje,manje mira uone."Akanyemwerera mwana ndikaona mufaro maari.Dai aiziva kuti life yedu yaiva kure nekunaka aisafara kudaro.Phone yangu yakarira ndichibva ndadaira ,"I miss you bro."Akadero mai Adana ndichibva ndambo nyarara achibva aenderera mberi achiti,"Come home brother we miss you.Everyone loves you kungoti you are blinded by love chete pamuchazoona kuti mukadzi wamuri kugara naye haasi wenyu muchachema but inenge yava too late.Huyai mukumbire ruregerero kuna dad namhamha last night vakandifonera there are willing to give everything to Khumbulani kana ukasadzoka kumba." "Whaat!!" "Yes, remember Khumbu anoteerera vabereki vedu uye dad vanomuda too much.Dad ndivo nyakutanga nenyaya yacho mhamha vakabvumira.Do something Kevie dad unovaziva zvavanenge vataura ndizvozvo.Mom will always supports him nomatter what, think about it brother worasikirwa nezvese because of your silly wife do something dad vasati vachekeresa zvese."Ndakanzwa hasha ndikaridza tsamwa.Vaisafanirwa kudaro dad.Shuwa kuda kupa mutorwa hupfumi hwangu zvichibuda here izvozvo?Khumbu aiva mwana wesister yamhamha wavakachengeta mushure mekunge vanonoka kuita mwana.Vakabva vatomuita kunge dangwe ravo chairo nokuti aidiwa kwazvo nekuda kwekuteerera kwaaiita ndofunga.Kungofunga nezvake kwakandipa hasha.Ini ndini ndaiva wekupisirwa madocuments vamwe vachida kutowedzerwa pane zvavanazvo.Khumbu aitova murimi mukuru chaiye aitorarama life yakanaka kupurazi kwaaiva hameno manje kuti aiva akadyisa vabereki vangu here zvekuti angasvika pakuda kupihwa zvose ini ndisina chinhu.Ndakanzwa sendinotsva chaiko.Ndakatombofunga kuti Kwaingova kuda kuti ndidzoke kumba chete asi zvakandirambira mudhara wangu zvavanenge ataura ndizvizvo. Zvisinei amai Mimie vakabva vangosvika."Ko nhasi makasika kwakanaka here?"Ndakabvunza achibva ati,"Junior haasi kunzwa zvakanaka anenge arikumedza mhepo kubasa nokuti pamhene paya."Ndakabata mwana wangu ndikanzwa temperature yake yakakwira chaiko.Ndakatadza kuzvidzora ndikati,"Uri careless amai Mimie pandaiswera nemwana pano hauna zuva rimwe zvaro rawakamunzwa achipisa muviri.Nhasi kwauyeyi mwana wangu paave kurwara.Mimie hauna zuva rimwe chete rawakatadza kufunga nezvake why my Junior.Atadza chiiko mwana mudiki akadai?"Akaseka mai Mimie ndikanzwa achiti,"What's the difference between Mimie and Juniour?Havana kubuda mudumbu rimwe chete here?Havasi vana vangu vese here?Musada kundinzwa mukada kuisa mukaha pavana vangu handife ndakakuregererai?" "Hapana zvaunotaura apa warwarisa mwana wangu pamwe urikutoita hako zvevarume ikoko uchinyepa kuti unenge urikuba,,,,"Handina kukwanisa kupedzisa mashoko andaida kutaura akabva ati,"Enough!!"Akadero achikwamatata asi handina kudzora tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso.Ndakabva ndati,"Unoti handizvioni ndakapusa here?Hàndisi fuza ini ndakafunda ndikapasa kuswero tsinatira uchiti hee ndiri munyori wemanovel api ipapa kuvhara mabiribobi ako chete.Gore riya handina kuona message here muphone mako uchinzi wakanaka nefan rako?Unoda kuti nditi chii?"Haana kupindura akanyarara kuti zii.Ndakaramba ndodzvanya pamoyo chaipo asi haana zvaakataura.Akabuda ndikaswera ndichiwawata ndega.Ndakaramba ndakagara ndakabata mwana mumaoko asi haana kudzoka.Ndakabuda panze ndakabata mwana mumaoko ndokunoka padoor retoilet asi maiva musina munhu.Ndakatora phone ndokuona kuti yaitoringer mumba zvayo.Akatanga kuchema Junior uya kuita seaiziva kuti amai vake havapo.Ndakaedza kusvusvudzira asi mwana haana kunyarara. "Ndiberekesei dad."Ndakaita sekudaro achibva atonyarara.Ndakatanga zvino kuita maups and down asi hazvina kubatsira."Ko kana atiza akandisiira mwana?"Ndakazvirova muromo wangu uyo waiva wataurisa.Ndaiva ndapedzera hasha kumunhu asina mhosva.Ndakatura befu panguva dzaakavhura door ndikati,"Wanga waenda kupi uchisiya mwana?" "Kunotsvaka mishonga pamba panurse vepazasi apo."Akadero nevoice rakanyorovera achiita kunge pasina chaitika zvake.Akatora mwana wake ndokutanga kumupa mishonga akabva arara Junior uya.Achibva asimuka onobika ndakasara ndakungoita kunge dzisina kukwana ndakagara pasofa.Ndakamboda kutevera asi nyadzi dzokunda rufu ndakakundika.Rakaibva sadza nenyama yehuku ndakamboda kuramba nekuda kwenyadzi ndikaona kuti hope dzaisauya husiku.Tapedza kudya ndakasimuka ndonhonga maplates zvandaisimboita kana tichiwirirana asi akabva ati,"Siyai ndinosuka."Ndakaita nharo ndokusuka paya ndichizvitongesa mupfungwa dzangu.Tave mubedroom ndakabva ndati,"So,,,"Ndisati ndapedza akabva ati,"Porridge raJunior rapera,hupfu hwapera,tusugar twasara tushoma mapampers ake apera zvakare mundiitirewo plan.Ini handina mari yandinayo ndichapedzisa chikwereti chababa Kelly imwe ndichaendesa kuchikoro kwaMimie.Kutanga mangwana handina kwandichaenda ndichagara pano pamba nemwana angafa mwana wenyu nekuda kwezvikomba zvangu zvandinosangana nazvo ndozobata mwana." Ndakagadzirisa pahuro ndichibva ndaedza kutaura asi mashoko akaramba kubuda.Ndakabva ndaziva kuti aiva atsamwa mwana wachihera.Kurega kuenda kubasa kwake kwaiva kufa nenzara kwedu.Ndakazvishingisa ndikati ndoiwana kupi mari yekutenga zvauri kuda zvacho?"Akabva ati,"No,idea muchaziva zvekuita mukaona munhu wakugona kuitisa mwana kureva kuti une plan yehupenyu.Chero hazvo ndakakumanikidzai kundiitisa mwana sezvo ndaiva desperate kuda murume wekugara naye maningi hazvichinje kuti Juniour mwana wenyu as for Mimie don't worry mwana wangu ndochengeta ndega ndichaedza nepandogona napo nokuti baba vake vakafa.Juniour imi muripo munokwanisa kumuchengeta hamusi careless ka imi plus hamuna mababe ekuti anozomurwarisa saka ari safe mumaoko menyu." End of chapter 6 More comments more 🔥
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 💔 🔥 133

Comments