Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
May 26, 2025 at 09:59 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Amai Mimie Chapter 7 Regai zvinzi usavimbe nemunhu, kuti mashoko akadai azobuda unenge wasangana nezvakawanda kwazvo.l once told you that l was living in fear and doubt dzimweni dzenguva zviri nani kugara zvako uri single pane kuroorwa nejaya iwe une mwana wako.Ndakamboudzwa kuti ndoda kudaidzwa kunzi baba Juniour ndoda kunzwa zvazvinoita sezvo riri dangwe rangu.Sevanhu vaiva murudo taitaura tichiseka ndakangoti kutamba handina kuziva kuti munhu airevesa ka ini.Hewo mashoko anodzimba moyo matrue colours akuchibuda.All the blame kwandiri ndini ndakaunza nhamo pamusha nokuti kwandaibva kwaiva kusina rugare.Hazvirambike nokuti dzimwe dzenguva ndinozvipa mhosva nokuti ndakamhanyira kumedza kutsenga kuchada.Dai ndakamirira nguva handifunge kuti Mwari vaitadza kundiwanisawo kangu kadhara kakafirwa ndikatanga musha.Kana kuzvigarira zvangu zvino ndaiti ndawana musha.Kusaziva kuti zviuya zviri mberi.Ndaiva ndakutanga kuvhurika manje maziso anga akazadzwa hupofu nerudo.Now ndakuchizvinzwisisa kuti pasina mari hapana rudo.My husband aifara kana zvinhu zvichifamba zvakanaka pasina dambudziko.Zvino raitadza kuuya seiko dambudziko iye munhu aisashanda.Ndaifungawo kuti munhu achatambira situation iri paground but no aitoda kudya liver kuita seanofuya mombe.Chaindituma kushanda kubereka handina wandaikwanisa kusiira vana vangu.Pandakati kuCross handichadzokeri ndaitorevesa asi hazvirevi kuti ndaiva fuza ka.Mudzimai akangwara anoshandira vana vake zvisinei nekuti baba vanoda zvakapfava kunge honye.Mumba mangu ndaiva netugaba hobho twaisazivikanwa nababa Junior twaiva nemazita.Pandaiti handina mari doesn't mean kuti ndaiva broke.Ndaiva neRed Rose bank mumba zvaisazivikanwa nababa vekwangu.Ehe zviriko ndinozviziva kuti vazhinji maiti ndakadzungaira kushandira murume ehe ichokwadi asi handina kunyanya zvangu nokuti imwe pfungwa haina ngura zvayo inofunga.Pandakapedzisira kubuda kuenda kubasa ndakabuda netugaba twangu twese ndikambogara pane imwe church ndichiverenga mari yangu.Offer yaLiah ndaiva ndaifarira ndichibva ndabuda nemaideas aikwanisa kuburitsa mari nokuti paCross pedu paifaya kwete zvenhema.Vazhinji vaibika maplan chips ini ndakabva ndati better kuwedzera tumaspice kuti zvityise.Ndakaita maths dzangu zuva iri Liah aimhanya kunohodha mapotatoes kuMbare ndakabva ndangomuti,"Liah ndakunzwisisa zvawaiedza kutaura manje paya kungoti ini ndini ndakaenda mberi." "What are you saying tete?"Akabvunza ndichibva ndati,"Kana zvichiita togona kuita collab zvawaitaura zviya." "Yes!!"Akadero ndikati,"On one condition." "Anything for you auntie." "We fast every Wednesday and Sunday." "What!!" "Yes,,kana usingakwanisi tosiyana nazvo." "Ndichaedza tete but pakaipa." "Better late than never darling God first zvimwe zvose zvinozotevera." "Okay auntie ndichaedza." "Another thing ini ndichange ndisipo pabasa pacho only you nemunhu wandichatsvaka mobatsirana.Vawanga uchishanda navo ndinoziva kuti uchatya kubvako just tell them wavhura pako watanga rako basa hazvirambidzwe." "But,,," "No, buts Liah uri nhererera iwe uye une mwana wako anoda kuchengetwa newe saka dzako ngadzishande kwete kupeta maoko.Ukada kundiyemera anodyei Kayden wako.Kana wada kushanda neni wotoita serious handidi munhu akaneta mutezo shamwari.Yes or No taura zvaunoda usandipedzere nguva." "Yes." "Okay uko manga muchibika maplan chips handizivi hangu kuti maida kuti mari yacho iuye how imi musina kurongeka.Anyway pano tichabika sadza jaira makorokoza anoda zvinogutsa and also aripo mamwe maslay queens anodawo tuma simple saka tichabalancisa kuti mari yedu iwande." "Todii?" "Sadza tichabika but tichaita rice futi nemasalads and also chips ne1rution,fish and chicken also tichangoita zvinoita kuti titore mari.Hameno zviri sei?Zvobuda here?" "Yes auntie ko sei tanga tisiri kuzvifunga pese apa?" "Zviriko futi kuomera kufunga.Pano pane competition saka ukaita zvakapusa unobva usina kana cent.Sekutaura kwandaita ini pano handisweri ndichamukira kuseni by 5 ndinenge ndave pano.Ndosiya ndabatanidza basa pamunosvikawo muri 2 motangira ipapo.Hameno kana zvichigoneka." "Ko capital auntie?" "Don't worry mapoto wagara unawo awakasiya paya uchinoshandira amai Kundie plus maplates zviripo panoda final touch up chete." Ndakamutambidza mari yezvaidiwa kutown achibva aenda.Ini ndakasara ndichivatambidza zvimwe.Ndiko kutanga kwandakaita kabusiness kangu ako kaisazivikanwa nababa Junior.Kubva zvandaudza mashoko anoera ndakabva ndatotanga kuvadaidza nezita rejaya ravo.RaMimie harina kuzobuda mumuromo mangu zvakare.Ndaimuka semunhu ainohodha mavegetables ko ndaiva ndatanga kamusika pamba ka.Ndaito maker sure kuti ndatora aipera nezuva rimwe chete kuti ndiwane kunobhoilisa beef kuCross.Ndaisiya ndabika rice nenyama yese vasikana vaingozobika sadza chete zvaivaitira nyore.Ndipo pandakaona kuti kana uchida mushandi agare pabasa mubate zvakanaka.Vasikana vangu vaishanda pachirungu chaipo.Ndakaona vachiita basa ravo nemazvo uye mari ichiuya kumba.Zvandaida chaizvo.Semunhu anga akushandira pamba baba Juju havana kuzvibata kuti ndaiita dzimwe maths kunze.Mari yangu ndaichengeta ivo vachiswera zvavo vakadziya mushana.Ndaisaziva zvaiva mupfungwa dzavo saka ndaifanirwa kutamba ndakachenjera chaiko. Nguva yangu zhinji yanga yave yekufadza mhene dzangu anova mafans angu.Ndaivapa book nenguva.Ko changa chichanditadzisa chiiko ini nguva ndanga ndave nayo.Pamacomments ndipo pawaiona kuti mhene dzangu dziri kufara chaizvo.Ndainyora book rangu ndakadekara zvangu pasina kumhanya kana kutamba hedu taitombotandara tichiita nyaya.Life ichienda mberi. Ndaitova busy zvangu kueditor book rangu pandakanzwa baba vevana vari paphone vachiti,"Amai Adana please taurai nevabereki venyu ini zvekunetsana naKhumbu handidi zvachose.Why vasarudza kuita zvinhu zvakapusa kudaro ini mwana wavo ndiri mupenyu.Vanoda kuti ndisafe kusvika zvaita sei?Life yandiri kurarama haisi kundifadza zvachose ndiri kunhonga svoswe nemuromo vamwe muchidya muchiguta ikoko." Yaiva paloud ndakanzwa vachinzi,"Zvekuita uri kuzviziva Kevie.Kana ariJuniour mhamha vanochengeta saka uri kutya chii kungoudza munhu chokwadi.Mukadzi wako waunoda chaizvo uyo kuona kwangu mukuru kwauri ini.Ungatadza kuzviona zvako asi zviri pachema.Maturity yacho yakanyanya anofunga kukudarika Kevie are you sure akagumira form 4 here iwe kana kuti uri kuvharwa zvako.Munhu akambopinda nepasingapindwe napo.Akangwarisa anogona achitori nevamwe vana vaviri kana vatatu vausingazivi kunze uko.Ndipo paya patinokuudza kuti kumhanya sandiko kusvika.Wakamhanyira marriage iyi hanzvadzi yangu.Takaedza kukuudza ukaisa zvitanda munzeve nhasi uno wochema woshaya anokunyaradza taura nemaparents edu vanoziva zvavanoita vanogadzirisa life yako kusvika wamira kuti dzii.Ndinzwisise Kevie hanzvadzi Juniour haisi problem mhamha muzukuru wavo vanomuda asi kuti chembere yako ipinde mumusha ndizvo zvavasingadi vanonyara naye mukadzi wako.Chimwe chinhu anenge muroyi futi vanhu veGokwe havana kuchena from today onwards becareful unogona kudyiswa ukaita chiruhwe ruhwe." Yakasvika pakukata mukomana akangoteerera chete.Akatarisa mativi ose achibva aisa phone yake muhomwe ndokufamba achiuya mumba.Ndakabva ndagara hangu kuita sekuti hapana chandaiva ndanzwa vanga vagona havo tete kubaya panorwadza chaipo.Changa chasara kuti mukomana aite sarudzo yake. End of chapter 7 More comments more 🔥
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 👏 🙌 💜 155

Comments