Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
May 29, 2025 at 01:40 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 8 Amai Mimie "Babe ndipowo 5us ndimbopinda mutown pane friend yangu yandifonera yandiri kuda kunoona."Vakadero baba Junior panguva dzavakapinda ndikati,"Endai munotora muchigaba chedovi chiri muwardrobe." "Thanks babe wabatsira apa,pamwe ndogona kupihwawo pashoma paanenge anapo." "Chamunoda kupihwa chete kushanda hamudi baba Junior." "Unofanirwa kundinzwisisa hapana pandingashanda basa randisina kudzidzira mai Junior.Ndoda rangu chairo kana zvaramba ndoita plan b handishayi zvekuita vabereki vangu vakashanda kare." "Nhamo inesu vamwe tisina vabereki vacho vekuchemera." "Kufa murau waMwari handina zvandokwanisa kuita nezvazvo." "You are right ipapo."Vakapinda mumba vachibva vadzoka ndokuti,"Ko ukandipa iri 10us babe."Ndakavatarisa ndichibva ndati,"Why?" "Mari iri muchigaba chedovi inosvika 50us kana kutopfuura.Wanga waishanda rini?Une mari zvako mumba asi uchitidyisa nemaveg usadero shaa." "Kana ndikaita zvose zvamunoda,ko zvandinodawo zvichaitwa nani.Kubva zvatatanga kugara tese chamakandiitirawo chii baba Junior semurume wangu.Tsvakirai kuno chete 10us futi mototi mune mukadzi mumba.Musadero imi pandakabva kunhamo uko hanzvadzi yangu yakatobvunza kuti tiri kuuya rini?Unoziva ndakaseka ndafunga hangu maitiro enyu.Hameno kana muchimbozvifungawo kuti muri kugara nemwana wevaridzi musina kuroora." "Unoda kuroorwa kangani?Hama dzako hadzina kutambira pfuma here vakato approver nemuchato vakapemberera zvese nekupfeka majasi.Zvakakwana zvakadero.Hantie urikushanda here chengeta mari yacho wonozviroora ini ndakundika.Handina kwandinofunga kuti ndichawana mari.Anyway waita basa ndakuenda kutown." Handina kupindura ndakaramba ndakavatarisa vati fambei ndakabva ndavati,"Nhai baba Juniour,Kevie wangu aiva nemoyo murefu akaenda kupi?Airwadziwa akaona ndichitambudzika akaenda kupi chaiko?Machinja mufunge." "Ndiwo mafungiro ako handikwanisi kuzvichinja.Vakadzi munoda kufadzwa chaizvo asi hautarisi kuti ini wacho ndiri kufara here?Hapana chiri kunakidza mulife mangu,ndiri kutambudzika asi unotarisira kufadzwa neni how ini ndisina mari." "Saka urikuedza kuti munhu anodiwa kana aine mari chete here?" "Yes,uchambondipawo here respect yawaindipa mazuva andaikupa mari.Nokuti iye zvino handina chandinacho hauchaoni kukosha kwangu.Inguva zvinopfuura izvi manje manje ndinenge ndava nayo mari pamwe ungandiremekedzawo." Ndakavatarisa ndikati,"Iyo yakashandwa kare nevabereki venyu here?Ndiyo yamuri kutaura nezvayo." Vakaramba Vakanditarisa vachibva vafamba vachidzoka pandaiva ndakamira vachibva vati ,"Watii?Urikurevei?" "Makambozviona here kuti panguva yekuti zvinhu zvakuda kunyatsonaka ndipo panorasa vazhinji tariro kana kuti ndipo zvakare panorasika vazhinji vacho.Unotozodemba woregreter asi inenge yatorasika mvura yemuguchu isisadyorereke." "Urikuedza kuti chii?" "Kuti zvose zvamuri kuronga,nekundirongera ndiri kuzviziva asi murume wangu think thrice usati wazviwidzira mumadhaka.Ndiri mutorwa zvamunoronga mumhuri menyu handinei nazvo asi mukapota muchiti pamunotaura munoisa zita rangu umm chenjerai kuti togona kusazowirirana zvachose.Ndingava ndiri chembere sekutaura kwenyu asi handisi muroyi.Kubva kunzvimbo inoroyiwa hazvindiite muroyi ini pache zvangu.Pamuri kunovaona muvataurire kuti as long uri mukadzi chete akazvara zvaunoitira vamwe kana zvikasadzoka pauri zvine simba, zvichadzoka pavana vako.Kuipa kwazvo vana vacho vasikana futi." Ndakaona munhu achipusa asi handina kuita basa nazvo.Vaifunga kuti ndakapusa chaizvo.Havana zvavakataura vakabva vangobuda nguva iyoyo ndiyo yakarira phone yangu l was shocked ndichiona vari bamkuru Khumbu.Ndakadaira ndiine mufaro.Taiva tagara tichiwirirana hedu ndingati pahama dzaKevie ndiye munhu aiva anditambirawo nemaoko maviri. "Mainini makadii nevana ikoko." "Ndinofara bamkuru makadiiwo." "Phone yangu haina mari mangwana ndiri kuuya kuMbare kuvarimi huyai mutore mbambaira nenzungu mudye nevana." "Ndinouya bamkuru."Yakabva yakata ndichibva ndasekerera zvangu ndaitozongobatanidza nekunohodha zvimwe kuMbare kwacho sezvo vaiva vati mari yebhazi vaindipa.Manheru baba Junior havana kuuya kana kusender message zvayo.Hazvina kundibata sezvo ndaiziva kuti vaiva vaenda kuhama dzavo.Ndakanyatsodekara zvangu ndikatira chimwe chigaba changu chandaikanda mari yaibva kukabasa kedu naLiah.Pamwedzi miviri Mari yangu yaitova svinu mufunge.Vasikana vangu vaishanda nemazvo uye ndaivapawo Mari yavo nenguva chero hazvo yaiva shoma ndaiedzawo nepandaigina napo kuti vafare. Pamwedzi ndaivapa zuva rimwe chete ravaibika sadza votengesa mari voita share nepakati.Waiona mufaro pavari kana neni ndaigara nazvo kuona zvichivaitira. Zvisinei,the following the day ndakabva ndamukira kuMbare baba Junior handina kuvaudza ko ndaivabatira kupi iyo phone yaiva yakadzimwa.Ndaisava truster baba ava vaigona kungoblocker number yangu chete.Ndakasvika kuMbare bamkuru vatoveko kare.Takambovabatsira kutengesa zvinhu zvavo.Kwaiva kwatosara zvishoma pavakati,"Akazowana basa here mupfana wangu?" "Zvakaoma bamukuru munin'ina wenyu arikuda rake raakadzidzira kwete zvimwe zvose izvo.Arikuswera ariko kumba akarara zvake."Handina kuda kuvavanzira nokuti ndivo vega vaitodawo zvekutaura neni." "Inga zvakaoma,saka muri kurarama sei nhai mainini?" "Kufirwa kwakaoma bamukuru dzimwe dzenguva ndinombofunga kuti zvimwe Mthulisi dai ari mupenyu pasina zvose izvi.Mazuva ekutanga ndaiona rudo mumaziso emunin'ina wenyu but not anymore.I think akamhanyira kuzviudza kuti anondida pasina hapo rudo bamukuru.Kevie haana rudo neni uya,ndichakuudzai bamukuru one day mwana wekwenyu kuti amuka aenda ndasara ndega." "Anokudai mainini tarisai aka sacrificer zvose zvake nokuda kwenyu."Ndakaseka zvangu ndikati,"I don't think so,hapana chakapiswa paya zvose zvake zviriko bamkuru.Kungoti vaida kuona kuti anoita sei chete.Nekuziva mwana wavo vaiziva havo kuti gore hariperi anenge adzoka ndizvo zvakuitika manje." "Tomboti haachada adzokera kumba munoita sei?" "Ndingadii hangu?Chiri kufadza moyo wangu ndechekuti ndiri kugara muimba yekuchengeta handibhadhare hangu rent.Saka ndinogara bamkuru ndichishandira vana vangu.Sandini ndatanga nekurambwa.Mwari vanoita plan zvakare kuona kwangu Mimie haachinei naye aimbodiwa mwana wangu asi apa zvave kuonekwa manje kuti haasi wavo vane kakumusarudza kavave kumuita." "Umm mainini ichokwadi here ichi?" "Zvonetsa kutenda asi ndizvo zviripo." "Ndotenga chii chekuti mudye mai mwana." "Ndipei kuno mari yacho ndiise muhomwe tichakaguta isu." "Taurai zvamuri kuda ndozokupai yemuhomwe yacho." "Magrapes bho musazvinetse nekumbofamba muchienda kure basa rinoda pano." Vakatenga vachibva vanditambidza.Vakabva vati,"Mozotengera mwana mapampers neiyi."Vakadero vachindipa 20us.Ndakavatenda yaiva mari svinu chaiyo.Tichitaura kudaro ndakanzwa voti,"Team rabva rasvika ndavafonera kuti vazotorawo mbambaira."Ndakacheuka ndokuona vabereki vaKevie naiye vachisvika.Ndakapfugama ndokuvakwazisa havana kudaira kana ari Kevie airatidza kushamisika zvese nekunyara chaiko.Ndakabva ndati,"Makafamba zvakanaka here baba Junior?Hamuna kunge mataura kuti muchasvika kwana mhamha dai ndakakupai mufushwa wekunyemba unodiwa nababa makatakura." "Asi hauna kusiya waoneka kumba."Vakadero bamkuru Khumbu zvikanzi,"Wauya kuzodii kuno?Watadza kundiudza nekuda kwei?" "Dai phone yenyu yanga ichiita ndaikuudzai?" "Kangani muchifonerana muchisangana kuno?" Bamkuru vakadzungudza musoro vachibva vati,"Mainini nhasi tiri kuenda tese kwamhamha hamusi kudzokera kwenyu uko."Ndakaona vanhu vachishamisika asi kuti mashoko abude akaramba.Vanenge vaitovatyawo bamkuru Khumbu vacho nokuti hapana akapikisa.Ndakabva ndazoti,"Ndasiya Mimie ega bamkuru some other time." "Ndanga ndichitaura naKevie ndikati Junior ngaachirumurwa,,,"Vakadero vamwene vangu. "Whaaat!!"Ndakadero vachibva vati,"Ndoda kugara nemuzukuru wangu,saka murumurei?" "Sorry zvenyu mhamha handikwanisi kuita izvozvo.Imi pavana venyu pane wamakarumura ne6months here?Iko ndoda kuendepi kwandinganzi ndirumure mwana wangu.Sorry zvenyu ndichiri kuenjoyer kupa mwana wangu mukaka handina dambudziko nazvo ini.Saka ndiyo nyaya yamanga mafambira baba Junior kunotaura zvekurumura mwana wangu ini amai vake musina kundiudza sorry zvenyu."Ndakadero ndichirongedza zvinhu zvangu ndokutarisa time ndikati,"Ndoda kubata Zupco bamkuru ndiro rakachipa 2us kusvika kumba regai ndiende tozoonana."Vakandibatsira kutakura zvinhu zvangu tichibva tafamba.Ava vakasara pabasa pabamkuru.Vatopinza zvinhu zvangu mubhazi ndipo pavakati,"Torai mari iyi mainini start something handina zvandokwanisa kuita but be strong for your kids ndizvo zvinoita hupenyu.Waunovimba naye mangwana anokupandukira."Vakabva vaenda ndikasara ndichinzwa kuda kuchema chaiko. End of chapter 8 More comments more 🔥
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 👏 🔟 😇 349

Comments