Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
May 30, 2025 at 08:39 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 9 NARRATION Khumbu aiziva hake hunhu hwehama dzake.Kana kutaura kwakaita amai vake haana kukufarira zvachose. Aitoshaya kuti seiko vaibata mwana wevaridzi neseri kweruoko kudaro.Havana kunge vazvipawo nguva yekudzidza mai Juniour zvachose.Kungoziva kuti yaiva mvana ine mwana wayo mumwe chete kwakaita kuti vanhu vese mumusha vanzwe kuvenga muroora mumwe bedzi uyu aiva apinda mumusha.Kusiri kuti mazuva acho Kevie aiva amira nemukadzi wake zvimwe kudai akarambwa mazuva aapinda mumusha nhumbu yaJuniour ichangobata.Khumbu aiva munhu aishanda nesimba aibata kwese kufodya nezvimwewo zvirimwa.Kana paakapa mainini vake mari haana kurwadziwa.Kwaari aiva akangofanana nemunhu asina kana kubvisa cent zvaro.Aiva azviona hake kuti imba yemunin'ina wake yaiva yapindwa negonye chairo achibva ashaya kuti angavabatsira sei kunze kwekuvapa mari yekuti vatsvake kubatsirikana.Zveshuwa akawedzera pa20 yaiva ambovapa.Khumbu aigara nemwanasikana wake uyo aiva atokura aiva achangobvq kunyora form 4 yake.Kanga kage kechitat8 achinyora mwanasikana asi zvichiramba kubuda zvakanaka.Akazongobatanidzawo macertificate ayo aiva asvikawo pa5 subjects.Letwin mwana waKhumbu aiva asiiwa namai vake aine makore matatu vachienda kune one marriage.Ko mazuva aya khumbu aidya nhoko dzezvironda zvinhu zvaiva zvisina kubatana zvachose.Pavakatanga nhau dzekurima mukadzi akati haangazvigone kugara kumusha segejo.Akabva angoenda kusina kuzivikanwa naKhumbu.Akamboedsa kuenda kwana tezvara asi semunhu anga asina kubvisawo zvikwaniso akabatwa huyanga zvikangovharana zvakadero.Vakada kumutorera mwana atova Kuma grade 7 akajamuka kwazvo.Ndiko kugara kwaiita Khumbu nemhuri take anova Letwin uyo aidiwa samare. Paakadzokera kwaiva nevamwe akabva ati,"Totanga tanodya here kana kuti tonodyira kumba?" "Aiwa aah handei pachicken inn paseri apo ini nditori nenzara svinu chaiyo."Akadero baba Juniour mukoma wacho achibva ati,"Handei."Vanofamba asi baba vacho vaingova zii hameno zvaifungwa.Khumbu ndiye anozoti,"Chii baba?Kubva zvaenda mai Juniour mungori zii." "Wavakwidza here?" "Ehe vakwira ranga rakutosimuka zvekuti apa vatova mutown." "Aah hoo." "Manga Matii?" "Hapana hangu kungoti anondinzwisa tsitsi hangu hameno sei?Ndaisaziva kuti murume wake wekutanga akafa." "Ehe akafa hanzi neaccident here mazuva avabva kuchata." "Haasi mashura iwayo.Ko wangu mwana akamuka akafa.Ko kana pane chinouraya varume paari." Akaramba akavati ndee Khumbu achibva adzungudza musoro.Hasha dzakamupfeka achibva aedza kuzvidzora ndokuzoti,"Mudhara muri munhu mukuru imi. I respect you nokuti ndimi makandiita ndive zvandiri nhasi.Pasina izvozvo ndaikuudzai mashoko ekuti taigona kutadza kuwirirana zvachose.Ndanga ndichiti zvamuri murume ndimi munogona kugadzirisa imba yaKevie asi ndatoona kuti handina kwandiri kuenda mwana wenyu Kevie wacho hamumude zvachose.Dai maimuda maimudzidzisa nzira kwayo yekurarama.Manje rudo rwamunofunga uti munarwo harusi rudo kwaari muri kumukuvadza.Maturity kuna Kevie ishoma ndanga ndichiti mungakwanisa kumudzora asi ndatozoona kuti kutambisa nguva hangu.Murikufunga kuti murikuda mwana wenyu asi hapana muri kumuremadza.Itai zvamuri kufunga kuti zvinoita asi mangwana Kevie wenyu uyu regai ndinyarare handidi kuwanza mashoko." Khumbu aida kuzonorara kumba achikurukura nehama dzake asi akatoona kuti kwaiva kutambisa nguva kuteya nzou neriva."Hey Kevie!!"Akabva acheuka achibva aburitsa mari achibva ati "Ndatambira an important call endai zvenyu munodya tozoonana."Vakaonekana achibva atodzokera kunoshanda zvake kuenda nevanhu ava kwaari haana kuona zviine basa.Akashushikana kwazvo zvemberi anga akutozviona Khumbu.Vanhu ava chavaida kurerera mwana wavo mutray chete zvekuti muroora wavo aita sei vaiva vasina basa nazvo.Anotora phone achibva afonera mwana wake Letwin uyo akabva angodaira,"My dearest daughter wattii?" "I miss you dad murikudzoka rini?Pamba pacho pari kubhohwa musipo." "Ndouya dear ndava kutopedzisa zvasara." "Okay don't forget maorders angu kuri kutonhora veduwe." "Ndatozviziva kuti ndizvo zvawafonera l won't forget." "Thanks dad love you."Anosekerera Khumbu achibva abaya phone yake oda kuisa muhomwe ndipo paanofunga mainini vake achibva atofona,"Mainini mafamba zvakanaka here?" "All is well bamkuru don't worry about me." "Okay mainini ndizvo zvandanga ndichida kunzwa chete." "Thanks bamkuru for caring but handidi kuti muzozorwa madhaka, bamkuru you are such a good person.Kumusha kwandinobva kunoroyiwa ,already ndiri kunzi ndakadyisa munin'ina wenyu handidi kuti mupinde palist yevanhu vandakadyisa stay away from me bamkuru munozorwa jambwa." "Mainini,,,"Akasara otaura ega call yaiva yadamburwa.Akaedza kufona ichibva yaramba.Akabva aziva kuti aiva akadumbirwa mwana wevaridzi.Anotura befu Khumbu oedza kuti angabatsira sei munin'ina wake asi anoshaya zano.Anoguma angosender massage kuna Kevie kuti ,"Be a responsible man Kevie hausi kudzokera mudumbu.Ukaona wakugona kumitisa watokura.Pawakatora mwana wevaridzi waiziva kuti imvana here nhasi chii chachinja.Usada kutsvaka muroyi wehupenyu hwako iwe uri iwe muroyi wacho.Sei uchitora advantage yekudiwa kwaunoitwa iwe.Mukadzi wako anokuda sei uchitora that weakness kuita weapon yekumirwisa.Zvese zvauri kuita ndiri kuzviziva.Kana vari mudhara namom vakagadzira yavo life kwasara yako.Ukada kuudzirwa zvekuita nguva dzose uchachema mira ndikuudze.Icho chinokupa nungo dzekushanda ndicho chinodaro.Dai waigona kuzvishandira waiona kukosha kweumwe munhu mulife mako.Uchenjere kuti vaunovimba navo vari pedyo newe ivavo ndivo vachakurasisa mira uone."Anobva asender message iya iyo isina kunonoka kupindurwa,"Thanks nelunch bro but kana zviri zvelife yangu siyanai nazvo.Munodaro nokuti hamusi kuziva zvandiri kusangana nazvo mulife mangu.Dai maiziva maindipa support.Handingararame poor life nokuda mukadzi bro.Hapana chinoshamisira apa ndinotsvaka umwe asi ndichirarama life inondifadza.Ndichiri mwana mudiki ini handidi musengwa.Dai ndakateerera maparents angu zvese zvekushungurudzwa nenhamo zvisina kundiwira zvangu.I love my self ndiri kuda kuchinja life yangu.Kwete kuchinjiswa nemukadzi.I regret my actions munoziva." "Okay,darling brother hupenyu mwene waho chimboitai." Haana kuzosender imwe massage Khumbu aiva atoona kuti hama yake aitova nedzimwe pfungwa.Kana vari mai Mimie vaiva vakatodumbirwa zvavo mashoko avamwene vavo aiva asina kuvaitira zvakanaka zvachose.Vaitoona kuti vaiva vagarwa dare vasipo.Vakatadza kuzvidzora vachibva vasendera murume wavo message,"Hamufunge baba Juniour akatadza chii mwana wangu wamunoti ndirumure ne6 months?Ndakuudzai here kuti handichakwanisi kuyamwisa mwana wangu.Musada kundiisa mashoko mumukanwa nokuti ndokuudzai zvamunoda kunzwa chaizvo.Why muchitadza kufunga imi.Pamangonzwa kuti pfuma yakuda kupihwa bamkuru Khumbu mabva mamhanya kumba kwenyu nungo dzekushanda kuda zvakapfava kunge honye.Tsvee kuronga hwenyu hupenyu moshanda zvenyu neziya renyu speed kuda zvakashandwa kare.Ndokunzwirai tsitsi baba imi.Madiro amunoita zvakapfava one day muchachema chete."Vanotumira message iyo isina kupindurwa.Vanotozoshamisika vachiona munhu achisvika manheru.Akatakura paperbag raiva neyoughut gaba hombe chairo.Anotambira achifara Mimie achibva ati ,"Dad maita basa."Anonyemwerera achibva ati,"Ndati ndivigirewo Juniour ambonzwawo kunaka kunoita youghut." "Ko yangu iripi?" "Ndichakutengera ndaita mari." "But gaba rakakura iri dad toita share nehanzvadzi yangu hapana paangadya sisi vake vakaomesa muromo." "Hazviite!!" "Why?" Mimie to your room kana uchida yako ndichakutengera mangwana." "But mom,,," "Mimie"Anobva asimuka ndokunanga kuroom kwake uko kwaanombotanga kutaura ega achibva angozobatwa nehope.Haana kurara zvinoenda kure anobva avhunduka panguva iyoyo amai vake vanobva vauya vachibva vati,"Ko chii dear?" "Ndarota mumwe murume mhamha tanga tichifara mhamha asi tazosvika patagara achibva anditi hupenyu ivhiri rinotenderera dzidza kubva kune zvakakukomberedza kuita moyo murefu zvimwe zvinoitwa naMwari kuti hukuru hwavo huonekwe." Vanomutarisa vachibva vati,"Ihope mwanangu,learn to pray nguva dzose zvawadai watokura ndizvo zvinoita hupenyu mwanangu.Be strong unosvika chete." Vanomupurudzira kusvika abatwa nehope.Amai vake vanobva vangotora phone yavo ndokutanga kunyora havo book ravo sezvo vainge vasina hope. End of chapter 9 More comments more 🔥
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 👏 236

Comments