Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
June 6, 2025 at 02:24 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
Pinda muchannel haikona kusara kwamai Mimie kune huchi kani!!"
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK
AUTHOR'S UNDER SIEGE
Written by Amai Mimie (K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Amai Mimie
Chapter 14
Ndakatomboseka zvangu panguva yakapinda message yaIrene achitaura zvekurohwa kwababa Junior.Ndakangovharawo nyaya yacho asi hameno so ndainzwa kuda kuseka chaiko.Kana pavakazouya pacho zvaindikunda ini ndainzwa kuda kuvharira imba yose nechikwee asi ndongozozvidzora hanguwo semunhu mukuru. Vaiva vabuda vachifara chaizvo vachiti vakunotanga basa rine mari.Mashoko avo ndichiri kumarangarira."Dai wambomira zvako zvemusika wako izvi nezvima book zvako zvaunonyora zvokutadzisa kunyatsotora good care nemwana wangu.Junior anoda rudo rwaamai asi rwako rwuri kuperera kuphone siyana nazvo izvo mari ndichaiita zvekuti mwana wangu achafara kwazvo.Handidi kuti mwana wangu akure life yekutamburira yawakakurira iwewe anofanirwa kuita seni baba vake ndakakura zvakanaka ndichiwana zvandinoda."Regai zvinzi natsa kwawabva kwaunoenda usiku.Vaiva varatidza kutsvinya kwavo kose zvekuti ndakamboda kuramba ndobvunza ndikaona kuti vaifa kuti fiii chaiko nestress.Ndakavasiya Vakadero nekusuwa kwavo ndivo vaiziva kwavaiva vabva.
Mazuva akafamba vakabva vabuda zvakare this time vakasiya bag asi vairatidza kuva nemufaro zuva iri.Kubuda kwavakaita havana kudzoka.Vakaita mazuva havana kufona kana neniwo handina asi chandaiziva vaiva vaenda kwamai vavo.Handina kuda kuzvitsvaka.Mazuva aya vaingoita zvinhu zvavo vakanyarara kana neni ndakabva ndadzidzawo to mind my own business.Raiva ratova day 3 pandakazoti regai ndifone ndinzwe kuti munhu ari sei?Yakamboita nguva isina kudairwa pava paya yakadairwa ndikati,"Nhai baba Junior murisei?Makafamba zvakanaka here?Kubva mati zii kudaro kwakanaka here?Kungobuda musina kutaura ndiko kuita sei murume mukuru.Izvozvi muripi chaiko?Mukanzi mawirwa nenjodzi ndini ndinotanga kubvunzwa nokuti ndiri mukadzi wenyu sei muchidaro murume mukuru zvimwe zvacho musada kungoomesera munhu.Machinja imi kubva zvamaenda kwana mhamha ikoko hameno kuti munofungei chaiko.Anyway haisi nyaya zvayo ndanga ndichida kuziva kuti murisei?"
"Sorry, ndiri kutaura nani?"Rakadero voice rechikadzi zvisina kana hukasha .Ndakatarisa nguva ndikaona dzaenda dzanga dzatova nguva dzekurara chaiko.Sekuziva murume wangu aikasika kurara kwazvo zvekuti panguva idzi ari mwana anenge aita weti rutatu chairwo."Namai Junior ndokumbirawo kutaura nababa Junie."Handina kuda kuitawo hasha ndakadzikamira semukadzi asina papazi."Who is baba Junior?"
"Owner wephone iyoyo ma'am ndivo baba Junior just called hangu pane zvandiri kuda kutaura navo l mean family matters."
"Okay,let me call him vaenda kogeza,,babe,hey sweetheart,, Kevie shaa pane munhu ari kuda kutaura newe mhanya."
"Okay coming,,,"Ndakanzwa voice rake Kevie achidaro."Ndiani iyeye anofona pawrong time,nguva dzino ndedzekufona here?"
"Ndimai Junior."
"Whaaat!!"
"Yes,varikuda kutaura nababa Junior."
"Hausi serious Myress akakuudza kuti phone yemunhu inodairwa ndiani?Handizvifariri hangu."
"Thought ndeye kubasa babe ndosaka ndadaira plus yakanzi car sale ndipo pandaifembera here kuti car sale wacho ndimai Junior."
"Mai Junior vacho ivavo iclient yagu ndanga ndisiri kuda kutaura navo because of my own reasons.Vakauya kuCarsale vachida mota jaira vamwe vakadzi vanochiva varume saka apa vari kunditsoma chaiko."
"Drop the call babie kana vasina basa ngavabve vaziva kuti you are taken babe kwete kunditsomera munhu wangu.Ndipe kuno ndigare ndavaudza kuti pamunhu wangu handide munhu."
Ndakabva ndacutter call iya.Ndanga ndichada kunzwei zvimwe ini ndanga ndatoguta nemashoko anodzimba kwazvo.Ndakatura befu Myress raisava zita new one kwandiri.Ndakaedza kufunga kuti ndaiva ndamborinzwa kupi chaiko?Zvakanditorera nguva kurangarira.Pava paya ndipo pandakarangarira tete mai Adana vachiti,"Wakango nyengedzwawo zvako mai Mimie ukabvuma kunyengereka Kevie ane munhu wake musikana futi isiri mvana arikunze kwenyika uchamuona hako paanodzoka anonzi,"Myress."Ndakatanga kubatanidza ndega ndikaona kuti ndiyo nyaya yaiva yadaidzirwa baba Junior kumba kwavo nokuti Myress aiva auya.Pakadai unonzwa kunge mweya unoda kubuda chaiko. Ndaiva ndakavatadzira chii vanhu ava zvekuti vangandibata neseri kweruoko kudai?Saka iye Kevie abva atongosvikowira chete. Kupererwa ndiko kwandakaita.Ndaimuda murume wangu zvakanyanyisa kwazvo.Handina kunge ndazvifungira kuti zvose zvaitaurwa nehama dzake will surely come through.Ndaiti pamwe kwaingova kurwadzisa kwekuti mwana wavo akaroora mvana handina kuziva kuti zvaizosvika pakadai pekuti murume wangu airara akagumbatirwa neumwe mukadzi.Ko kuzo saver number dzangu kunzi,"Carsale ini."Ndakaseka ndisingadi moyo wangu wanga wagara wakabvaruka zvawo asi apa wakawedzera kuita mapeace chaiyo.Fear and doubt, l was right all along zvaimbondibata asi handina kuziva kuti chibhakera chacho chichandirova zverudzi urwu.Junior aifeeler kurwadziwa kwangu akabva atanga kuchema kusvika ini mai vake ndave kuchemawo.Mimie akamuka achibva ati,"Aita sei mwana nhai mhamha?"
"Hameno dear arikungochema uyu."Takabatsirana kunyararidza mwana asi zvanga zvakaoma.Kuchiedza akabva angonyarara zvake nekutobatwa nehope kana neni dzakabva dzandikunda.Panguva yandakamuka ndoti ndigadzirire mwana wangu aende kuchikoro aiva atopedza kare akutouya kuzooneka.Ndakangomutarisawo zvechirango asi aiva akarongeka zvake.Paakabuda ndakasara ndikarara kuti ndibate phone ndinyore zvandaimboita makuseni zvakandirambira.Simba racho ndanga ndisina.Ndainzwa kuremerwa chaiko zvakangooma kubatwa sechikorobho nevanhu vepedyo.
Ndakatoona kuti kuswera pamba ndaifa nestress.Ndakagadzira ndichibva ndatobuda ndoenda kunoswera hangu kubasa nevasikana vangu.Hameno zvandinoita kana ndakatsamwa ndinonzwa power rakanyanyisa.Ndakavati vazorore ini ndini ndaibika zvese nekusaver macustomers."Auntie chimbodyai ndipedzise hamuna kumbozorora imi."Ndakada kuramba Leah achibva aita kundigadzika pasi chaipo.Ndakatanga kuyamwisa mwana wangu pfungwa dziri kure kwazvo.Ndakagara kudaro pakabva pazvika amai Sauro vachida mari dzavo dzerent."Asi hamuna kupihwa nhai mhamha mari yenyu? Leah Waka,,,"
"Ndakapihwa mai Mimie sandizvo zvandavinga pano."
"Okay,ndanga ndoti pamwe tine chikwereti."
"Ndatouya kuzokuudzai kuti kana pane anoda pekutengesera paripo mundinzwirewo mamunofamba umu."
"Ndekupi ikoko?"
"Apo mai Mimie?"
Takafamba toenda kuya ndokusvika tichitarisa tarisa paya.Paiva pakanaka zvekuti ndakabva ndatofunga zvimwe ipapo."Imarii nhai mhamha?"
"Iyoyo yamuri kubvisa kamuri."
"Pakanaka apa panoita zvegrocery futi."
"Chero zvada munhu."
"Ndopada mhamha.Mari yacho ndokupai manheru tapedza basa."
"Iwe handikutyire haunetsi kubhadhara."Takambotaura vachibva vazoenda zvavo.Ndakagara pasi ndikaita maths dzangu ndikaona kuti paCross panga pasina munhu aiita zvemasweets chete kuhodhesa kana kutengesa.Ndakasekerera ndichibva ndatora phone yangu ndokunyora kuti,"Mimie's Candy shop."Ndakaudza vasikana zvekuita ndichibva ndatodzokera kumba ndaida kuita maths dzinobuda.Zvababa Junie ndakabva ndasiyana nazvo pfungwa dzangu dzanga dzava busy kuronga business.
The following day ndakabva ndangopinda mutown mari ndaiva nayo ndakangotora 300us profit yekukitchen ndichibva ndahodha masweets nemachocolate mind you mutown chero pack re50cents rinowanikwa iwe wotengesawo 1us.Ndizvo zvandakaita.Ndakaita kunge benzi chairo zvekuti girls dzangu padzakandiona vakashamisika kwazvo asi ndaisadzora tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso.Yanga yave nguva yekushanda iyi kwete yekutamba vana vangu needs me the most.
End of chapter 14
More comments more 🔥
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
❤
🔥
🫂
👏
253