Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
June 6, 2025 at 06:34 PM
Follow the LOE LOAH NOVELS channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VajO5n15PO0wigbUuh19
Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/BV8elgeYFzQ0H5zVeJ3xQz
FREE BOOK
🧣🧣🦚🧣🧣
🧣 *TEAMO* 🧣
CHAPTER 1
STORY WRITTEN BY LORRAINE LOE [AKA mama Kay]
Aaapp or call 0718446199
Aapp:+263718446199
.....CHAPTER 1..
TEE..
" Unoziva kuti zvinhu zvaunoita sooo zvinobhowa iwewe izvezvi ndinoshanda baba Dan ,ndinoshingirira kuenda kumbare ndichinohodha zvinhu zvepamusika , ndabva ipapo ndinoswera ndakamira ndichiruka vanhu ndiripo futi pamusika ipapo ,Im suffering in this marriage zvese ndinoita ndichishingirira imba yangu but what do you do in return ?? Chihure it's ok it's fine " ndakadaro ndichifamba kubuda mu 1 room yedu yataigara kwamachipisa ndakanopinda mutoilet ndikatanga kuchema ndakagara pachemba ndakanyatsochema kusvika ndakunzwa kuti zigodo ranga rakanditi mbii pamoyo ratapudzika nguva iyoyo ndakanzwa padoor ponokwa ,,
" Kokoko mutoilet umu munaniko tanzwa nekumirira veduwe "
Ndakamhanya kupukuta pukuta misodzi ndichibva ndabuda ,,
" Yoweee nhayiwee Mai Dan asi unemudumbu Kani ,murume wangu asobvira kare achingotenderera uri mutoilet "
" Iiih vakoma ndanzwa Kani mudumbu macho hamuchaite kubva nezuro paye mamuka ?
" Tamuka bool zvirisei ,,imboenda kuchipatara unoongororwa kuti chii "
Ndakadairira zvenhema ndoti " sure nekuti pakapaipa " ndakabva ndafamba ndodzokera muroom mangu ava vandaitaura navo vainzi Mai tsitsi ,tai lodger tese ma 1 1 room kwedu kwamachipisa ,ndakapinda mumba ndikawana baba Dany vakazvambarara zvavo vachitoratidza kuti havana kana stress varipafon ,vainge vadzoka kumba arimakuseni vaive varara zvavo vasipo pamba ,,usually ndozvaayiwanzoita murume wangu ,kubva tiroorane ayingoita zvechihure achipedzera Mari yese kumahure,,ayimboita achimboziva ombouyawo nemari pamwe pacho ,ASI ezvino ayinge atova ma1 chaiwo ,,
Ndakatarisa papushingtray ndikaona pasina kana chekubika ,ndakamutarisa tonde ndikati " mumba hamuna chekudya umu dai matiitirawo plan "
" Aaaaah " akadaro achitarisa zvake kuside ,ndakaramba ndakamutarisa ndikati murikuti " aaah chii ?
" Iiih wangu hausi wakutonetsa here ,problem Yako iwewe unoda kungonditanga kana ndakazvinyararira hameno soooo kuti unemweya yetsvina here or "
" Haaaa imi zvese zvamakutaura dzatova ngano idzodzo ,imi ingondipai Mari chete ndinotenga chekubika "
" Handina zveee Mari yacho "
" Nhayi ba Dee Saka ndodii imbondiudzawo "
" Haaaa iwe iwe vamwe vakadzi vanoshanda vachingotengera varume vavo zvinhu ,,vachiitirwa ma surprise ,,iwe unenge uchingobvotomoka heeee pwoda ndidii pwoda nditesei sukaaaaa!
Nguva yaitaura mashoko Aya tonde ndainyatsonzwa kubatikana zvakanyanyisisa ,ndakasimudza tswanda yangu yemadomasi nema veggie ndichibva ndanorongedza pamusika ,,ndakadzokera ndikawana Dee achiri akarara ,ndakapukuta pukuta kumeso ndichibva ndaenda kunogara pamusika ,hapanawo kupera nguva pakabva pauya munhu ayida madomasi e 50c nemavegie e50c ,,ndakamutengesera achibva ayenda ,,pakapera 30 minutes tonde achibva awuya zvikanzi " eee wadii ndipo 10 zig ndimbonotenga mogo "
Ndakatarisa kuside ndikati " Handina "
" Aaaaah Saka unoti kubva zvawaronga musika hauna kutengesa iwe ??
" Ehe handisati ini "ndakadaira achibva abhoikana ndokubva pamusika paye ,ndakasimuka ndichibva ndanotora mwana ,ndakawana atotesa zvake ndikatanga kumuchinja nekumupukuta pukuta,ndakapedza ndichibva ndamuisa kumusana ndokudzokera pamusika ,ndakawana baba Dan vachitopedza kutengesera munhu madomasi e$1 ,ndakagara pasi Ivo vachibva vatobvawo pamusika ,ndakavashedzera ndoti " ba Danny heyy "
" Eeeh watii?
" Dzokai 2 minutes "
Vakafamba ndokuuya zvikanzi " watii ?
" Ndipeika $1 ramatengesa ndinotsvaga muriwo tibike"
" Aaaah haa iwewe utorine problem zvakowo iwe ,ndukudzoka "
Ndakasimuka fast ndichibva ndavabata ndikati " tonde ingondipa Mari kwaurikuda kumboenda ndekupiko ??
" Haaa iwewe usade kundiitira chimero pagate panapa , ndisiye tone "
" Ndipeizvee $1 ramatengesa "
Akatsenga tsenga mazino tonde zvikanzi" wakuda kutsvagwa kurohwa manje iwewe "akabva andivhizura achibva ayenda ,,ndakangosara ndakabata mhepo ndichipererwa ,ndakasara ndikagara pasi ,ndainyatsoziva kuti hapana kana kwaimbodzokewa natonde nemari ,ayitoiendesa hake kufodya ndakasara ndikamhanya kunotenga sadza rangu re50c rinenge riinemavegie ega ndikadyira ikoko nemwana ,ndakapedza ndichibva ndadzokera pamusika ,pakazouya munhu ayida kurukwa freehand yepondo ndaingonamata kuti ndimupedze baba Dan vasati vasvika ,,sezvineiwo vakazouya ndatopedza munhu uya atoenda ,,vakapfurira mumba ndikaramba ndakagara pamusika ,vakadzoka zvikanzi ,,
" Eeeh eeeh wagwan wabikei ?
" Ndogobikei ini ndataura kuti mumba hamuna chekubika ,matora $1 ramatengesa hamuna kudzoka ezvino ini ndakangogara hapana kana chatengwa pano "
" Haaaa iweee iwe iwe tibvirepo iwee wasara ukatengesa madomasi adzikira Aya Tenga chekubika undibikire ndinenzara "
" Ndakamutarisa tonde ndikati " hutsinye here hwauyinawo or ?
" Hutsinye hwei ? Kushaya Mari imhosva here "
" Ba Danny chikafu chese chinodyiwa mumba muno ndini ndinongotenga Wani ,Saka zvekuti hee ndatengesa heee this and that zvirikubvepi , appreciate zvinoitwa nemwana weumwe imi "
" Haaa wangu wakutowanza nhorondo ingotenga chekubika tidye Chete "
" Ndotenga neiko ndisina Mari nhayimi ndotenga nei ?
Akabhoikana tonde achibva adzokera mumba ,,ndakaramba ndakagara zvangu pamusika musi uyu kunze kwaive kwakatodhakwa zvako ,nguva dzakafamba akageza murume wangu achibva abudazvee ndakasara ndikati garei ndokuzorongedza musika Kuma 5 ,ndakapinda mubath ndikageza ndokuzobuda ndonotenga rimwe sadza re50c remanheru ,,takadya tikapedza tichibva taenda kumba ,takangosviko rara around 8 ndopakazodzoka tonde ,akangosvika nekuti " muka undipakurire"
Ndakamuka ndikati " kupakureiko hamuna chikafu umu"
" Haaaa iweeeee iweee usade kundijairira iweee ukuzvinzwa unoti hamuna chikafu maswera nenzara pamba pano here imimi ??
" Saka taibikei ipo pasina chekubika chacho ?
" Ndokurova iwe ukuzvinzwa ,ndokurova usade kundijairira Panapa "
Ndakaramba ndakanyarara ndakutotyawo tonde ayirova zvekuti ukaona atotaura kudai zvinenge zvatoshata ,akanditarisa zvikanzi mother figar tipei Lumo please"
" Hapana chiripo tonde " ndakadaro ndichidzokera mumagumbeze ,ndakazongonzwa gumbeze ravhurwa ndichibva ndanzi mucheka kumeso watsu,ndakavhunduka zvese nekurwadziwa ,ndakabata dama ndikati " ndaita sei tonde urikundiroverei hiiiiiiiiii"
" Ndinokupa umwe mucheka urikunzwa ,umwe mucheka ryt now unokumhara usade kudzidzira kunyepA iwe urikuti hamuna kudya nhasi here imi hee maswera nenzara ?? Buritsa tone Mari "
Ndakaramba ndakungochema ndakagara pabed ,ndakamutarisa ndakanyatsoona kushata kwake kose tonde ndainyatsoshaiwa kuti ndainge ndadei chaizvo panechidhoma chakadaiso kuita kunge ndakaita munhu wekunyengerwa ndakatsunzinya apa oti chihure hake aaah ndainyatsozvishaya ini ,ndakaderera ndichibva ndarara zvikanzi " hooo urikuti ndirikutamba handi ,manje uchanyatsoona kuti ndiri disaster munhu ungade kutohwandisa kamari kwawashanda ? Akadaro achimona Mona fodya yake ,akapedza achibva abuda ndakasara ndikahwihwidza mbichana ndichibva ndanyarara ndowaive mugariro wedu ndaitove ndatojaira ,zvaibaya zvaidzimba moyo asika painge pasina zvekuita nekuti kumba kwedu tisu Vaya vainge vaine hama dzaiti dzimba dzinoshingirirwa nekuti dzose dzakafanana ..
Ndini hangu muskana munaku chaiye my name is Teamo sibanda ,mumba medu takazvarwa tiri 4 ,,2 girls and 2 boys ,,sis vangu ndovakuru kotevera ini kozoti boys mumashure ,ndakaita cos yangu ye teaching ndikapedza ,mazuva andaive kucollege ndomazuva andakasangana natonde ,akandipinza murudo tonde taidanana tichinyatsowirirana kusvika ndapedza cos yangu ndichibva ndatizira,,tonde akatongo Tanga kungochinja for the first 4 months takugara tese ,ndakambotanga ndichaudza vanhu vekumba vaingondisimbisa vacho vaiti " zvimwe inyaya yekuti hapasati pane mwana ",,ndaidida kufamba ndichienda kumasowe akasiyana siyana ndichida kuti mimba ibate ,zvesure yakabata ASI hapana chakachinja zvakatoita sezvaita worse until now ,, marriage iyi inondirwadza zvokuti ndinozama kunamata , ndinozama kufambira imba asi zvinoramba zvinotoita sezvadirwa moto ,tonde kubasa anotoenda anoshanda basa rinotomupa 250 usd pamwedzi but Mari iyi handiione chero pondo zvayo nenyaya dzechihure ,,,
Kuti ndiendewo kubasa kubva ndichangoroorwa tonde ayisada ,ndaingova munhu ayinge akagara pamba certificate ndakapfimbika mumba ,kudya chaiko ndaiita kwekutamburira ,ndaiti kamari kandinenge ndawana ikako ndotenga chikafu chemumba ndobika todya tose natonde wacho pamusoro pekusaunza Mari kumba ,kana ashandisa yake Mari yapera anotanga kunetsera yangu yemadomasi epamusika kuti anotenga fodya nedoro ,, I was very tired nelife yandairarama iyi but zvekuita chaizvo ndopainge pasina ,Mai vangu nababa vangu vaigara kuglenview 8 ndokwaive neimba yavo ASI kuti udzokere kumba unochema nhamo dzako vaingoti ndomarriage zvairi..
Tonde musi waabuda uyu Haana kudzoka pamba ,ndakarara husiku hwese door risina kukiwa ndichingoti munhu anodzoka ,kunze kwakachena ndikamhanya kunofilisa gas rodola ndichibva ndabikira mwana wangu porridge ndakaripindirawo ndikadya imomo ndokusuka suka tundiro ,hapana kupera nguva tonde akabva apinda mumba atori sobber zvake ,,
" Eeeh ndyp"
" Mamuka sei ? Ndakadaro ,,
" Bol " akadaira achibva avhura wallet yaive nemari yakati wandei ,akatora Dola achibva anditambidza zvikanzi" enda unotenga chingwa "
" Ok but hamuna sugar negas "
Akatorazve wallet yake achibva abuditsa $5 zvikanzi "zvese zvinokwana ipapa "
Ndakasunungura gas rangu ndichibva ndabuda ndakatofara nekuti ndakawedzera munerimwe redola randainge ndabva kunofilisa ,ndakatenga sugar iya nechingwa ndichibva ndadzokera kumba ,ndakatowana achitamba nemwana ndichibva ndagadzika tea pastove ,hapana ayitaura neumwe ,umwe neumwe ayingoita yake yake...
Kana urikuda kupinda mucoment group huya pa 0718446199 woti comment
End of chapter 1
@loeloah novels🌹
😢
❤️
👍
😂
🙏
😮
😔
🤗
🤷♂️
🥰
27