Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
June 10, 2025 at 07:05 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 16 Amai Mimie Vakomana vanotengesa mumabhazi vaya motivated me so much.Ndaiva ndangoona umwe mukomana achiita majokes achitengesa apo achiita kupavhurira vanhu.Ndakazvibvunza kuti saka iye arikuwanei ipapa?Handina kuda kuvhiringidza basa rake nekumubvunza.Ndakazviudza kuti ndaizotsvaka ndega kusvika ndapawana.Zvinoita Mwari manje vq vanotuma umwe munhu mulife mako kuti akubatsire asi kana usina maziso ehuchenjeri unogona kusazviona futi.Panguva dzandaifunga kuti ndaizowana kupi chaiko masweets akachipa maiguru vangu mukadzi weshamwari yababa Juniour akabva anditi,"Mainini ndimi munoda zvekutengesa maningi ndawana mukoto wemachocolate."Ndizvo zvinoita Mwari.Ndakatozoona kuti pandakatanga kuhodha ndaiva ndatora kunodhura.Ndakaudzwa mukoto ndichibva ndatomukira.PaCross pandaitengesera pakatanga kunakidza kana uchibata mari stress inoita shoma.Zvekuti baba vevana vane munhu wavo ndaiva ndazvibvisa mupfungwa dzangu.Nguva yangu yaiperera pabasa rangu.Masweets ndaitengesa ndega vasikana vachiita zvesadza ravo nemarice.Zvaitobuda mufunge.Regai zvinzi Mwari vanoropafadza pakazvidzika.Kubata kwaMwari ndaiva ndakuona zvangu. Sezvineiwo phone yangu yakaringer ndikarohwa nehana ndichiona vari landlord vangu.Ndakadaira ndokumhoresana vachibva vazoti,"Muriko here kumba ndoda kukuonai?" "Ndiri paCross." ",Okay wait ipapo pane zvandoda kutaura nemi." "Ok mhamha."Havana kutora nguva vakabva vasvika.Takamhoresana vachibva vazoti,"Zvanga zvichida takagara mwanangu tiri kumba chaiko asi takungozviitira mumota imomu." "Taurai henyu mhamha." "Nyaya iripo ndeye kuti imba yamuri kugara ndiri kuda kuitengesa saka mogona kuita plan motsvaka kumwe kwekugara."Ndakamboti zii semunhu aiedza kufunga kuti what's next manje sepamba pataichengeta kubva zvataura tadzingwa kumba kwana Kevie,"Ingaita marii nhai mhamha?Kana kuti makatowana munhu anoida kare." "Handisati ndamuwana zvangu asi vanhu vanoda mastands vakawandisa ndodokerwa ndamuwana." Ndakamboti zii ndichibva ndazoti,"Umm chokwadi mhamha ini wandinoziva ari kuida anoda payment plan." "Atori nemari yacho here zvamanje manje,kutaura chokwadi mwanangu taida kuinvestor nestand iyoyo towana mari yekuvakisa imwe kwandichazogara asi situation iri kumba kwangu ndiyo yakundituma kutsvaka mari nemumhino kudai." "Chiii mhamha?" "Baba vako havasi kuita mushe varikurwara kumba kuri kuda mari uko.Saka munhu wako akandipa 5k chete ndomupa." "Ko akachema."Ndakadero vachibva vanditi,"Paground anofanirwa kundipa 3k cash." "Ko akachema ipapo futi." "Zvamai Mimie veduwe asi ndiwe urikuida here?" Ndakaseka zvangu ndikati,"Ndoida mhamha asi mari yamataura kwandiri yakawandisa handiigone." "Iwe une marii?" "Ko ndikati ndokupai 2,5k for now mozondipa payment plan mhamha please mondidzikisirawo kusvika kana pa4k mhamha tarisai ndoswera pano paCross mari hakuna kunze uko." "Ko murume wako haasati akuenda kubasa here?" "Haasi uyo mhamha." "Kungoti ndiri panzara yemari pasina izvozvo ndaitoda 5k chaiyo." "Please mhamha pamwe ndimi bridge rangu to success ndibatsireiwo mhamha." "Unondipa mwanangu.Zvinobatsirei kuzodzikisira umwe munhu kunze uko iwe ndakurambira.Ndichadzoka mangwana woita payment yacho toita zvemapaper handidi kutambira mari yako ingapinda pamiyedzo chaipo." "Thanks mhamha regai ndikutorerei machips mufambe muchidya." "Kuita sewafembera kuti ndine nzara."Ndakamhanya handina kutora nguva refu ndaiva ndadzoka.Ndakavapa vachibva vaoneka voenda zvavo.Zuva raiva rakutodoka handina kuzogara pabasa ndakabva ndaenda kumba.Ndakatora magaba angu mashanu ayo aiva nemazita.Ndakabvujunura chidhori chaMimie icho chaiva nemari yangu yandaiva ndapihwa nemurume wangu tichiri murudo.Mazuva atakatanga kudanana achiri kunyengerera achiita mari ko Kevie airema zve imi.Mari yaaibata yaiva isina zera naye asi ukazvitarisa haana chipenyu chaakaita nayo.Ndakavimbiswa kukwidzwa denge chaiyo kuenda kuholiday zvinova zvinhu zvandakafarira.Pakabata nhumbu yaJunior ndakabva ndapihwa 1,3k yekuenda kuholiday.Akandibhilivhisa mukomana ndikaita kunyura chaiko.Rwendo harina kuzobudirira the good part of it handina kubvunzwa kuti mari ndaiva ndazoita sei nayo.Ndiko kuchengeta kwandakaita.Nhamo yese yaitirova ini mari ndaiva ndakasungirira zvangu kana kuisunungura handina.Kuita sendaifemerwa.Ndakaverenga yaiva muzvigaba ndikaona ichikwana yataiva tatanga kuwirirana then vozondipa payment plan.Ndakasekerera zvangu ndaona maths dzangu dzabuda.Imwe yacho ndaizoshanda nesimba kuti ndivhare chipande. Basa rangu raifamba zvakanaka ndanga ndisina complain.Masweets ndaigona kutengesa e200us pazuva apo profit yemasweets it's more than 100percent.Vekuhodha ndivo vanga vakuita vachiti wandei.Ndaiva ndagadzira zita.Vanga vakutoziva kuti paMimie Candy pane huchi.Ndanga ndakungonamata kuti ndirambe ndichimawana masweets acho. Hana yangu ndainzwa yakareruka kungovawo nepanonzi pako chinhu chinofadza ndakazviudza kuti zita ndinonyatsoisa rangu chairo. Vakazouya ndikavapa mari yavo tikaita maths dzacho.Pane vamwe baba vatainamata navo vaishanda kuconsil ndakavapa 50us stand ikabairirwa zita rangu."Congrats mwanangu."Vakadero mhamha vaya ndikati,"Maita basa mhamha handizivi kuti ndlkutendai sei?" "Ndizvo zvinoita hupenyu."Takapesana voenda kwavo ini ndonanga kumba mufaro wandaiva nawo waiva wakanyanyisa waitoda kacelebration nemwana wangu.Ndakabika food yakawandisa tichibva tagara nevana vangu tikatanga kudya."Mhamha chikafu chese ichi chakawandisa apo dad havapo." "Idya mwanangu zvinodiwa izvi." "Shuwa mhamha zviri kunaka." Taitozuwa nemwana wangu panguva yandakaramba ndakamutarisa ndikaerekana misodzi wadonha."Chii mhamha?"Ndakapukuta misodzi ndikati,"I love you Mimie wanzwa."Akasekereka achibva ati,"I know mom."Kwaingova kuvhara zvako nyaya ndaiva ndakutofunga kure chaiko.Mimie anga akafanana nababa vake zvakanyanyisa ndaivafunga panguva yese yandaifara ndizvo zvandaiva izvozvo.Pamwe inyaya yekuvasuwa hameno manje.Vakaerekana vavhura door baba vevana ndikavatambira zvakanaka chaizvo.Pavakatarisa patable vakaseka zvikanzi,"Heya ndizvo zvamunodya izvi kana ndisipo.Pandinenge ndiripo ndodyiswa mavegetables une shuwa mai Junior.Unoziva ndanga ndisina kumbokufungira kuti ungaita moyo wakadero.Ndiri murume wako wani why kundibata neseri kweruoko kudaro." Ndakaseka zvangu ndikati "Zvinonaka zvinoshandirwa mudiwa wangu."Ndakadero ndichiseka asi ndaitaura chokwadi hangu."Inga zvakaoma."Vakadero vachigara pasi ndikati,"Ibvai mageza maoko mudye ndagara ndanga ndine kafeeling kekuti nhasi murikuuya." "Wakunyepa manje nokuti wabatwa." "Kana ndagara ndanga ndatoisa mumafood warmer chenyu." Ndakadero ndichitora mawarmer ndokuvapa food iya.Vaipota vachinditarisa ndobva ndanyemwerera zvangu."I miss you."Ndakadero vachibva vati,"Are you sure kana kuti wakungotaura hako nokuti wandiona." "Pafair chaipo."Vakandipa ziso randakatadza kuziva kuti rairevei.Ndakapedza kudya ndokurongedza maplates angu after ndamasuka.Ndichibva ndazobuda ndakunorara.Ndakapinda ndiri musvo chaiyo.Vakapinda mumba ndokugara pacorner yebed,vakasimuka ndokudzoka zve vogara kuguma ndati,"Kwakanaka here?" Vakaseka nhema zvikanzi,"Iwe utori right here?"Ndikati,"Bho."Zvikanzi,"Hapana zvaunoda kundibvunza ?"Ndikati,"All is well with me." "Are you sure?"Vakabvunza ndikati,"Bho zvekuti,why so many questions?" "Hapana hangu kuda kuziva kuti mhuri yangu iri bho here?" "We are fine."Ndakadero ndichitanga kubata maweak points panonaka pacho ndikaona munhu apusa airatidza kuti ane zvaaanoda kutaura asi zvaigumira parurimi.I told myself kuti handibvunze.Vakatura befu zvikanzi,"Ndiri kutsva ndiri kuda mvura."Vakabuda phone ichibva yavibrater.Ndakaitora ndikaona message from mom uchiti,"Where are you?Myress arikuuya kusleepover kumba izvozvi be prepared ndoda muzukuru ini.Myress anokuda usaite kuti akufungire Kevie nzwisisa iwe." "Don't worry mom l won't disappoint you ndoita zvamunoda mom." "That's my boy." "Goodnight."Ndakadeleter mamessage asati adzoka.Paakapinda handina kuda kudya manonoko number dzose dzandaifungira kuti dzinga disturber ndakadzi blocker ndichibva ndaita wekudhonza.Handina kumupa mukana.Ndakaita wekushandira chaiko.Patakapedza first round ndakatora phone ndokusetter alarm hourly ndichibva ndamborara.Pairira alarm ndaibva ndaita yekugarira chaiko."Zvakwana veduwe."Akacomplainer apo nguva dzaiva pa0000 chaipo ndikati,"Ngatirarei "One dzichikwana ndakabva ndamutsa munhu wangu husiku hwese kusvika yangoti fototo.Pakwakachena havana kumuka baba vakaramba vakarara.Ndakagadzira kuenda kubasa ndokudzoka baba vakarara chete.Ndakatoseka zvangu kuda kuzviidza bhuru nhai."Asi marwara."Ndakadero zvikanzi,"Blambi yangu iri kurwadza asi wanga wakabhema here aiwa wandikuvadza handina kana simba ini."Ndakaseka zvangu nechemumoyo ndikati zvaiwana ngwarati. End of chapter 16 More comments more 🔥
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 💃 😃 🤩 176

Comments