Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
June 13, 2025 at 06:15 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
Pinda muchannel yako👆
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK
Group rako ririkupisa👆
AUTHOR'S UNDER SIEGE
Written by Amai Mimie (K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 18
Myress
Ndaisarwuona rudo mumaziso ake Kevie zvachose.Zvaiita kunge ane munhu wake waaitodawo zvake.Ndaiedza chose kumuratidza rudo asi iye anenge aizvitora for granted.Chero hazvo ndaiva ndasarudzwa nevabereki vake kungoziva kuti anondidawo back zvaindipa mufaro wakakwana.Ko anga ari murume pane vamwe kwete zviya zvivarume zvakanyorwa pamatoilets.Moyo wangu wairwadza ndiri kure naye.Ndainzwa kutya kuti zvimwe ndowana aenda.Paakandiudza yababy mama vake ndakatomborwadziwa ndaisada umwe munhu pamunhu wangu.Luckily akandiudza chokwadi zvekuti ndega ndakabva ndatozoona kuti mukadzi aizviti mai Junior aitaura zvefamily matters ndiye chaiye amai vemwana wake.Handina kuita doubt nazvo zvaiva pachena.Ndakazvifarira kuti aitaura chokwadi ndirwo rudo rwacho ka urwu.Rudo rwunoda foundation yakasimba kwete yemanyepo ndakazvifarira chaiko.Kana vari tete mai Adana taiva tanzwanana chaiko,kusvika pakadzika pemoyo vaigona kutouya kubasa kwangu toswera tichifara hedu.One day vakabva vanditi,"Makoti ndoda basa ndaneta kuswera ndakarara kumba ini.Zvinodawo kupinza dollar mumba.I know my man anondiitira zvose asi kungobatawo yako mari kunonakidza.
"What are you saying auntie?Ndakanzwa mhamha vachiti munoenda kubasa wani?"
"Yes,ndaienda but rakapera last month ndiri kutya kuudza vabereki vangu kana murume wangu chaiye."
"Aaaah nhai auntie chokwadi chakangonaka why lying basa rowanikwa richipera futi."
"I know but apa ndiri kuda basa makoti please edza nepaunogona napo handidi kuvhairirwa nemurume ini."
"Okay ndichaedza but for now pay yacho murikuiwana kupi yekuratidza mukwasha nhai.Nhema hadzibhadhare wena dai makangotaura chokwadi."
"Handidi kutarisirwa pasi ini makoti,this month ndongoti hatina kupihwa.Mabasa acho arikunetsa kuwana aya aah."
"Zvamakaita hazvisi right auntie."
"Zvakwana makoti."
"Anyway will try ndina sekuru vangu business man ndichavabvunza pamwe mogona kubudirira."
Takazotaura hedu dzimwe nyaya dziri general vachindisimbisa kuti Kevie ndewangu haana umwe munhu mulife make.Waingova mufaro bedzi kana neni zvakandipa simba rekutaura nasekuru vangu avo vakabva vatoti vaida personal assistant.Ndakasekerera chandaiziva mufaro wamai Adana waivawo mufaro wangu.Ndakabva ndatovaudza vachibva vati,"Ndinoda makoti chandiri kuda mari chete."
"Ko vana?"
"Vagara vana maid wavo don't worry."
"Ndiri kukutyirai ka aunite nokuti sekuru vangu vanotoda munhu wavanofamba naye kwese kwavanoenda yet muri married."
"Let me go for interview first ndonzwa zvavanenge vachida kana ndisingazvikwanisi ndokuudza makoti wonditsvakira kumwe."
"Okay auntie."
Zveshuwa vakaenda kuinterview kuya ndaitarisira call yavo asi havana kufona.Kwatova kumanheru ndipo pavanonditi,"Makoti, ndava pabasa thank you so much.Handina kumbonetseka wena zvangozviita zvega."
"Ko mukwasha auntie?"
"Don't worry mukwasha wenyu anondinzwisisa ndichaona kuti ndichamuudza sei?"
"Okay asi musaita zvinhu zvinoita kuti tisazowirirana tete nokuti sekuru vangu vanofamba kwakasiyana semunhu anongwavha nzvimbo dzakasiyana please becareful."
"Ndava munhu mukuru makoti usandityire hako."
"Fine auntie."
Hameno sei ndaivatyira tete vangu,manje munhu wacho aitoratidza kuti anotoda zvebasa kwete zvekutamba hapana zvandaigona kuita.Ndaitotyirawo imba yavo semunhu wandaiziva kuti aisagara panzvimbo.Zvisinei,munhu mukuru vanoziva yekutamba havo ndakangosiyawo zvakadero.Ndaitova pabasa pangu hangu zvinhu zvaindifaira mulife mangu.Hapana chandaishaya ini ndanga ndagadzira life yangu ndiri mwana mudiki.Ukaenda kunze kwenyika ukawana mukana wakanaka unobatanidza tumabasa hobho tunoita kuti uwane mari yakanaka kwazvo.Semunhu aiziva kwaaiva abva ndaibatanidza chese chandawana kuti life ifambe nokuti mukana hauuye kaviri.Mari hainei nekuti urikuwana yakawanda sei?Chinongodiwa kugona kuishandisa chete.Ndaiva ndakwanisa kuzvitengerawo imba inoti yangu iyo yandaiva ndakaisa vanhu vanochengeta ini ndichibva ndanogara kuold house kuMbare chaiko naambuya vangu.Amai vanozvara baba.Vangu vabereki vaiva vakasiya nyika karesa.Munhu aiva atoita kuti ndinodzidza kunze kwenyika vaiva vabereki vaKevie ndakazozviziva musi wandagraduater.Saka pose pandaivaona ndainzwa kuvatenda kwakanyanya.Chandaikwanisa kuvatenda nacho kwaingova kuvazvarira vazukuru chete nokuti zvimwe zvose vaiva nazvo zvavangada mulife mavo.Ambuya vangu ndivo vandanga ndave kungoraramira hangu.Kubva zvashaya vabereki vangu nemutwin wangu Malon ndiye ega mubereki wandanga ndangosara naye.
"Anokuda chaizvo here mukomana wako nhai muzukuru wangu zvekuti munokwanisa kugarisana zvakanaka?"Ndakanyemwerera ndikati,"Anondida gogo arikutoronga zvekuroora."
"Une chokwadi here chekuti ndiye chaiye wako?"
"Zvagogo veduwe pandakaenda kuchikoro taingodanana zvamunoziva wani gogo?Ndaitofunga kuti ndichawana aroora asi kwete gogo kundimirira kwaakaita kuratidza kuti anondida."
"Ehe zvekuti anokuda ndazvinzwa asi iwe wakataura here kuti une mwana?"
"Aaaah,gogo zvichiita here?Ndichamuudza tave mumba gogo ko akachinja mufungo,hàndisi kudzokera mudumbu gogo ndakudawo murume wekuvaka naye musha."
"Saka unosvika kupi uchivanza chokwadi.Muudze chokwadi azviitire sarudzo yake ega.Kana achikuda wakadero ndirwo rudo."
"Aiwa gogo zvimwe zvacho hazvitaurwe kufunga kwenyu kana vabereki vake vangazvida here?Vakanzwa kuti ndine mwana vangaramba vachindida here?I once heard vachiudza Kevie kuti havadi mukadzi ane mwana wake kufunga kwenyu zvinobuda here gogo?Ngatisiyanei nazvo gogo chandave kuda kuvaka musha chete zvimwe zvose zvotevera.Papi pacho paachandiramba abva kubvisa pfuma?"
"Usade kutanga musha nemanyepo Myress muzukuru wangu mangwana zvokuzvimbira."
"Hameno gogo ini ndiri kuita zvandoona zvichibuda."
Vakambonyarara zvavo ndichibva ndaenderera nekubika kwandaiita.Ivo vaiva vakagara zvavo vachiita embroidery yavo.Ndizvo zvavaiswera vachiita vari pamba.Zvaiva zvatiraramisa vainyatsozvigona chaiko.Dzimwe dzenguva vaiendesa kuAgriculture show vachitowanawo mubairo towana mari yekushandisa.Zvisinei phone yangu yakaringer ndakasekerera ndichiona ari mudiwa wemoyo wangu ndakabva ndatodaira,"My love."
"Hesi babe urisei?"Takatanga kutaura hedu dzerudo ndaiva ndaita kunyura chaiko.Ndaiita kushaya zvekuita ndichitaura naye.Moyo wangu waiita kunyungudika chaiko.Mazirudo aiva akazara mandiri.Yaiva first time yake kundifonera pose apa ndini ndaingofona.Ndega ndaiva ndagutsikana kuti ndinodiwa apa.Paakazokata gogo vakabva vati,"Wanyura murudo mwana wemwana wangu.Dai zvikaramba zvakadero pasawanikwa chinoparadzanisa rudo rwenyu."
"Amen gogo."
"Kungoti chinonzi regedza ndechiri mumaoko chiri mumoyo unofa nacho.Handidi kuti uzorwadziwa muzukuru wangu nokuti ndinokuda chaizvo.Chishuwiro changu chiri pakuti dai waziva chokwadi usati wapinda muwanano nokuti mangwana zvingazokunetsa kuti ubude pawakapinda nemoyo."
"Munorevei gogo?"
"Hapana muzukuru wangu kungoti ndinotya kurasikirwa newe mwana wemwana wangu sezvakaita vabereki vako,chishuwo changu ndechekuti uzive chokwadi ugoita sarudzo yako wega.Kuti worwisa here muvengi kana kuti?"
"Muvengi upi zvakare nhai gogo?Inga makati vabereki vangu vakafa rufu rwaMwari wani?"
"Waiva mudiki Myress iye zvino wakura wakugona kuzviitira sarudzo yako wega.Tomboti waziva zvakaitika kuvabereki vako unoita sei?"Ndakavatarisa gogo ndikati,"Musatenderera gogo nyatsai kuti dyoo chaiko ndizive chokwadi."
"Kungotaurawo hangu mwana wemwana wangu."Ndakaramba ndiri zii ndikaerekana ndati,"Mune nyaya gogo muchataura henyu when the time is right.Asi kana kuri kuti pane ane ruoko chete gogo tosvitsana kwamvura yacheka makumbo."Phone yakabva yaringer yaiva new number ndakabva ndadaira,"Makoti unoreva here kuti Mr Bhengu ndivo sekuru vako?"
"Yes auntie any problem."
"Yes,,l mean no,, aah makoti ndiri kutadza kuziva kuti ndokuudza sei?"
"Taurai neni auntie."
"I don't think ndinogona kushanda navo ini."
"But why?"
"He is my ,,,,"
Call yakabva yakata ndakaedza kufona ichibva yaramba pamwe yaiva yapera moto handina kuziva.Ndakasiyana nazvo vaizotaura nyaya yavo.Ndakatanga kufunga hangu zvaiva zvataurwa nagogo ndikaerekana ndati,"Ndinouraya munhu."
End of chapter 18
More comments more 🔥
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
❤
👏
✅
💐
156