Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
June 14, 2025 at 10:25 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 19 Narration "Kuti zvinobudirira here nhai baba Amila anobvuma here Kevie wenyu iyeyu?Umm kana kuri kudyiswa kwaakaitwa nemukadzi wake aiwa akamugona chaiko.Kubva arambira kumvana yake zvekudaro.Mwana wenyu ndamutadza ini."Vakadero amai vaKevie kumurume wavo uyo akabva ati,"Hazvisi fair tiri kupatisa mwana.Hapana mushonga urikumboshanda asi kuti rudo chairwo vanodanana vana ava kungoti isu vabereki tisu tiri selfish chete.Why sacrificing happiness yavana nekuda kwedu.Kevie is happy nemvana yake.Mvana iyoyo ndiyo yakatiberekera muzukuru wedu Junior hazvifadzi here izvozvo?" "Mukada kufunga muchidaro baba Amila zvinhu zvose mudondo.Only Myress is good for our son.Ngatiitei zvinoita kuti tibude munyatwa yatakazvipinza.Once Kevie aroora Myress tinobva tangoita transfere everything in his name.Kevie will support her vorarama fancy life hapana paangazotipandukira Myress.Chero tikazotsanangura nyaya yedu anotinzwisisa.After all it was not our fault asi hazvitambirike hazvo." "Kusiri kufa ndekupi akangozviziva chete kuti ndizvo zvakaitika we are doomed.Saka kungosiya mwana azviitire sarudzo yake handioni chakaipa ini.Zvagara ambuya vake vakangotaura chete she will surely misunderstood us.Maonero angu siya Kevie azviitire life yake as for us we can face the consequences of our action pasina Kevie." "Makutorasika kana muchidaro.Pane kuti mutaure naKevie makufunga otherwise.Chandoziva kana vakangoitisana mwana chete nyaya yacho inoshaya value life yedu yakuenda mberi.Hamusi kuzvinzwisisa chete nokuti munoda mukadzi waKevie chete.Moita semakadyiswawo imi.Hamukwanise kuronga zvinhu zvichipera munoita kunge mukadzi." "Usada kuti ndikurove Rossana wakura kudai?Ukandiona ndakanyarara usafunga kuti ndakapusa.Aikaka vakadzi hamudi kusekererwa zvachose munopusa.Heya unotondipima uchiti fuza rangu ndini,,,"Havana kupedzisa phone yavo yakabva yarira.Vanosimuka ndokunodairira panze aiva madhiri avo.Vanotaura nemunhu wavo ndokupedzerana.Pavanodzokera mumba vanowana mukadzi wavo uri mufaro bedzi,"Ko chii?"Vanobvunza vachibva vanzi,"Kevie abva kufona ati he is ready kuroora Myress." "Whaaat!!" "Yes,zvaita ka zvatanga tichida." "But,,," "Please baba Amila zvimwe zvinhu hazvide kuramba tongo delayer ngatizadzisei zvatakavimbisana nagogo vaMyress otherwise hazvipere mushe." "Inga ndakamuendesa kuchikoro wani.Zvekuporonga life yemwana wangu izvo zvichiri nei?Myress ava umwe munhu mulife.Akadzidza ndidhokota inga ndakaedzawo wani.Kevie is my only son why ruin his life for the mistake we did handifunge kuti zvinoita l "m going to tell my son the whole truth today,," "Think twice baba Amila musati mataura zvisirizvo."Vanofamba vachienda mai vaKevie.Baba vacho vanosara vakagara vakabata shaya.Hongu vaiva vambotenderana nemukadzi wavo asi kuona muzukuru wavo achikura pasina baba vakaona zvisingavaitiri zvachose.Vanoshushikana murume mukuru vanoona kuudza jaya ravo chokwadi kuri iko kwega kwaibatsira.Vanotora phone and called him asi haina kudairwa zvachose.Vanoedza zvakare asi ngoma ndiyo ndiyo vanoguma vasiyana nazvo nokuti yaiva yakutaura kuti yakadzimwa.Vanotora makeys emota yavo ndokufamba vaiva vafunga kuenda kumba kwaigara son wavo nemukadzi wake.Vatova mumota ndipo pavanorangarira kuti vaisakuziva zvachose.Kubva zvavadzinga Kevie nemukadzi wake vaiva vasina kutsika rutsoka rwavo kumba kwake.Chavaingoziva ndechekuti aigara kuMazowe asi kuti kupi chaiko vaisaziva.Vanopusa ndokuramba vakangogara.Vanosara vasina option than kufonera mai Junior uyo anobva angodaira achiti,"Don't worry father in-law mwana wenyu akandiudza chokwadi haana chaakavanza.Kana achida kuroora mukadzi wamunoda imi sevabereki vake ndinobvuma akasununguka hake.Musandipopotere zvenyu ndava bho veduwe nawo mashoko.Kevie wenyu ava munhu mukuru anoziva zvakamunakira.Inga ndataura wani kuti ngaaroore mukadzi wacho as for me naJunior tinorarama musipo mese otherwise mwana wenyu he is lazy haana chimwe chaanogona kuita kunze kwekuzvarisa chete.Saka ngaauye mukadzi wacho timbozviona kuti anomugona here mwana wenyu wamakarerera mutray sechingwa." Yakakatwa call kuita sekuti ivo mai Junior ndivo vaiva vafona.Vega baba vaKevie vakasara vasina kana neremuromo.Chavasina kuziva ndechekuti mukadzi wavo aiva abva kutaura zvaanoda kuna mai Junior.Avo vakazoona call yavatezvara vavo ichipinda kaiva kwekutanga kubva zvavatanga kugara mumusha uyu vakabva vangotaurawo zvaiva pamoyo.Vanotura befu ndokuburuka mumota vopinda mumba ndokunanga mubedroom mavo mavanowana mukadzi wavo achiverenga mari."Zviri nani kutongomupa mari aroore Kevie toziva kuti zvapera.Iye Myress ndataura naye arikufara chaizvo anoda mwana wedu it's a good sign." "Waudza muroora mai Junior kuti chii?"Vanoseka vachibva vati,"Kuti asafone panumber dzaKevie nokuti akuroora muroora wangu wandoda." "Tomboti ndiwe uri mutsoka dzamai Junior wainzwa sei?" "Nezera redu ratava iri papi pacho pamuchandiparika nhai baba Amila.Takatopfuura stage yacho yekuchemedzwa nerudo.Unondida murume wangu l know haundirwadzise zvachose." "Tomboti zvaitika unoita sei?" "Stop dreaming my husband,ndini ndega mulife mako.Hapana pauchazoda umwe munhu kunze kwangu." "Uhuuu."Vakadero ndokurara havo nedumbu ravo.Vaiedza kufunga asi zvairamba."Kumba kwana Mai Junior hakuna kuenda kana cent apa uri kuverenga mari ichaendeswa naKevie usadero Rose pfekwawo netsitsi mwana wako haafe akawana mukadzi anomuda semwana uya.Tarisa akamuda asina chaanacho.Mukore uno who does that zvimwe zvacho inyasha dzinowanzwa mulife but hauzvione." Vaingotaura vega zvavo amai vacho vaisaona kureswa kwavo.Chavaida iwanano yevaviri ava chete. One month later Kevie anga aroorana naMyress vakugara vese pamba pevabereki vake.Amai vake waiva mufaro bedzi muroora wavaida aiva auya mumusha.Kana ari Kevie body yake ndiyo yaiva pamba apa pfungwa nemoyo zvaiva kuna mai Junior kuti sei vasina kana kumutsvaka zvako.Kureva kuti vanga vasina basa naye ndiko saka vasina kurwadziwa nekuroora kwake.Pfungwa dzake dzaipishana kwazvo.Akaona zvanyanya achibva arova mota akananga paMazowe sezvinei achisvika paCross mota inobva yangopera fuel anomira nechepadivi ndokutora jega kuti anotsvaka fuel.Achifamba kudaro ndiye dhuma naLeah uyo anoramba akamutarisa uku akashama muromo.Anotanga kuyeredza misodzi Leah ndokuzunza maoko ake ndokutanga kufamba,asi haana kure kwaakaenda anomhanya Kevie achibva asvikomubata zvikanzi,"Ndiwe here Leah?"Anoramba akanyarara kusvika ati,"Sorry hako ndozviziva ndakakutadzira but you are my first love Leah amai vedangwe rangu please say something."Anotadza kuzvidzora Leah uya anombundira first love yakewo achibva ambochema arimumaoko ake ndokuzobviswa mundangariro paakanzi,"Where is he or she?"Vanotarisana achibva anzi,"His name is Kayden." "A boy ?"Anogutsurira musoro vachibva vambundirana nemufaro."I was waiting for this day hope hauna kuroora Kevie l still love you.Ndakakundika kuita move on l was hoping hangu kuti one day uchadzoka kwandiri.Please tell me hauna kuroora Kevie our son needs us both.Your first child Kevie,,please tell me,,,"Anombonyarara Kevie achifunga kuti oti chii achibva azongoti,"Handina mukadzi the waiting is over ndaikufunga Leah munamato wangu wanga uri wekuti tisangane l love you please let's forget zvakaitika taiva tichiri vana paya." "Yeah."Vanopanana number ndokuonekana.Kevie anoenda kumba uri mufaro chete aisazvifungidzira kuti angasangana nemudiwa wemoyo wake wamakore.Pana Leah ndipo paaivaa akazivira mukadzi aisambozvifungidzira kuti angazosangana naye zvakare muhupenyu hwake.Anonzwa moyo wake kunyevenuka kwazvo.Zvekuti anoyerekana asvika pamba.Anotanga kuona nekudzurwa kwemusika tevere macurtains pamawindow paiva pasina.Anoedza kuvhura door key ichibva yataura kuti yaisava yepo.Aiva ambozviudza kuti achamirira kutangwa namai Junior asi kwete akabva afona kunodai ndokuramba kupinda.Anodongorera ndokuona mumba muri ground anowedzera kupererwa murume mukuru. To be onsale from 21 Send only 1,20us ecocash 45zig ecocash 2us buddie or netone airtime One voucher Blue voucher Easyload Send to 0782 818 892 K.khumalo Note:Munowana book kusvika rapera.
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 💐 💜 🔥 😭 114

Comments