Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
June 15, 2025 at 06:09 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie(K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 20 Narration Leah anofambisa achidzokera pabasa pake waingova mufaro pachiso chake.Aiva asina kana kugadzikana zvachose zvekuti Irene anoguma abvunza chaitora nzvimbo."Ndiri kufara l met my first love today l mean baba vaKayden.Hantie ndakambokuudza story yangu vabereki vake ndivo vakandiramba asi iye achiri kundida.The good part is that haasati aroora and he is willing to marry me."Anodaro achiratidza kufara kwazvo. "Happy for you my sister hope he is telling the truth kuti haana kuroora here zvedi." "I know him haawanzo nyepi zvake kungoti maparents ake ndiwo akatiitira tsere kutaura kudai dai ndakagara zvakanaka nemunhu wandinoda.Manje vakaita kuti ndishaye faith in love until this day pandasangana nemudiwa wemoyo wangu.I think anoshanda basa rine mari nokuti zimota raanga achifamba naro umm zvanga zvichingoda uripo younger." "Hope haurwadziswe zvakare.Varume hatina zera navo my sister chimboongorora munhu wako unyatsogutsikana kuti adzoka for good here kana kuti anongoda kukushandisa chete." "You are right ipapo ndichaita sekudaro."Kwaingova kutaurawo zvako asi musikana anga atonyura chaiko nezuva rimwe.Vanoshanda havo kusvika vapedza basa.Achisvika kumba anoona message nenew number anobva angoona profile pic ndokuziva munhu wake anoita kunyungudika chaiko nerudo.Vanotanga kutaura zvavo mashoko aifadza moyo musikana aitoredzeka zvekuti akanyatsopinda chaiko nemuviri wese.Mazuva aya akatanga kungopa maexcuses pabasa zvekuti Irene nguva zhinji aiva akushanda ega izvo zvakaita kuti ambotaura neumwe wake achiti,"Kana neni ndinaye mukomana wangu, asi anotoziva kuti ndinoswera kubasa.Usada kurasha chiri mumaoko Leah uchifadzwa nechinhu chausati wabata.Munhu wako uyu,handirambi kuti muri murudo asi ko ukarasikirwa nebasa unoita sei?Wadii wambodzikama my sister ushande zvawagara uchiita.Auntie vane moyo murefu but don't take it as a weakness vanogona kutsamwa futi.Unoziva here kuti varikushanda double because of you but she is not complaining nokuti pabasa pavo.Sei tisingadzidzi kubva kwavari nhai Leah.Vane mwana asi vanoshanda semvumba kuti vachibate.Mukomana angouya musi uno uyu abva atoku coloniser brain zvekuti wabva wakanganwa chazuro nehope usadero umwe wangu.Usatore life kuita joke mangwana unochema.Kukuudza kukuda Leah l'm not jealousy of you.Funga kuti kangani uchingopa maexcuses uchiswera usipo pano.Sometimes unononoka zvako kusvika pano na10 nokuti unenge warara kuHarare is it fair kuna auntie.Wadii wangosiya hako basa vatsvaka munhu anoshanda kwete zvauri kuita izvi hazvisi fair." "Ndakunzwa Irene ndichaedza kubalancisa." Kwaingovawo kutaura zvako asi Leah anga atonyura chaiko.Nguva nebasa anga asisina hake.Waibva wazvishaya kuti zvaifamba sei?Zvose izvi zvaiva mumaziso amai Mimie asi havana kuda kumhanyira mberi.One day ndiro ravakazoti,"Wadii wauya naye mukomana wako wacho nhai Leah tamuona toziva zvemberi pane kuti usiye waparadza basa rangu pano."Anoseka nhema achibva ati,"Ndichauya naye auntie very soon.Kana riri basa ndiri kungoshanda mwedzi uno chete garai matsvaka umwe anoda basa nokuti ndakutogadzirisa nyaya dzekuti ndichipinda mumba." "Okay darling waisambodai asi Leah mukomana wako akupandutsa chaiko." "Ndivo baba vaKayden aunite my first love he is back mulife mangu zviri kuendeka tiri kufara chasara kuroorwa chete.Ndichaona kuti ndichauya naye rini muzomuona." "Always available unondiudza." "Thanks auntie."Vanoshanda havo mai Mimie vanobva vati kuna Irene,"Ukawana anoda basa gara wamuudza ndomuda month-end." "Okay auntie agara aripo wekumaraini kwangu tonamata tose." "Kana achitoripo huya naye mangwana tione kuti tingaita sei naye.Tikada kutevedzera zvaLeah touraya basa." "Okay auntie." Zveshuwa akauyiwa naye Mazvita musikana mutsva airatidza kuda basa chaizvo regai nditi aiva desperate zvakanyanya zvekuti aiita zvinhu zvake nemazvo.Akatanga kushanda chero hazvo Leah aiva achiripo.Kana vari auntie vavo havana kumbochinja vaingovabata zvakafanana.Vaiva busy kurongedza masweets avo pakabva panzi naLeah,"Auntie mangwana ndichauya late ndoda kuuya nemunhu wangu wandaitaura nezvake." "Unouya naye Leah but kuno kubasa manje kumba hatiwanike,asi akutoda kuroora zvawaitaura paya." "Ehe,akakumbira ruregerero kuhama dzangu chasara kubvisa pfuma chete." "Wanga watodzifambira nyaya dzacho so soon." "Ndingaita sei auntie kana munhu wacho achindida ndanga ndarasa tariro asi zvaadzoka kudai kungopa mbiri kumusiki l love him too,hàndisi kuda kunonaka." "Munouya dear ndinenge ndiripo." "Thanks auntie." Kubva zvanzi nababa Junior vanoda kuroora mukadzi anodiwa nevabereki vavo Mai Mimie havana kuda kupokana nazvo.Vaimbozvipa mashoko enyaradzo vachiti murume wavo achachinja asi hazvina kuita sekudaro.Aitoramba achiwedzera kurasika kwacho.Pamoyo zvaidzimba asi vaisada kuva munhu anowawata manhingi.Haisi nyore kuudzwa pameso pako kunzi ndakutora umwe mukadzi.Ishoko rinodzimba moyo.Musi wacho vakanzwikwa vachiti,"Ndokumbirawo kuti musaende nhasi pane zvandiri kuda."Baba Junior havana kuramba zvavo vaitofunga kuti mukadzi wavo achataura zvaiva pamoyo.Vaifunga kuti amai Mimie vachapfugama vachichema begging him to stop zvavaida kuita.Asi zvakadero hazvina kuitika rather amai Mimie vakabva vangoti,"Kumbirawo one night chete for rememberance ndisati ndakuita share murume wangu neumwe mukadzi."Vakambofunga kuti kutamba sezvo vaimbobatwa huruweki mazuva ese aya.Hakuna kurarwa.Kuseni kwacho vakabva vati,"Good lucky "Vachibva vabuda ndokuenda vachisiya murume wavo mumba umo maakazobuda oenda kuHarare kwake."Ndosvika kupi life ichinditamba chomama kudai? Financially l'm stable now kubhadhara stand yangu ndakapedza.But love life yangu ine machallenges anorwadza ndosvika kupi ndichinyengerera rudo?Yes l love him a lot but l think ndasvika palevel rekuti ndimbomupawo space amboroora anodiwa nevabereki vake wacho."Vaitaura vega vachinyatsonzwikwa kuti pamoyo pane ronda.Vanosvika padecision yekutakura mikwende yavo vainge vafunga havo kuloja vachishanda zvakare kuti imba yavo iwane kuvakwa.Vaida kungosimudza main house saka kubva pamba apa ndiyo yega yaiva option.Vanochinja line ndokutenga rimwe.Havana kuenda kure imomo mudhuze vakabva vawana pekugara ndokujegera zvavo varipo nevana vavo.Zvekuti nguva dzakasvika baba Junior pamba pavaigara vaiva vatova neweek vabva zvavo.Moyo wairwadza asi vaiva vasina imwe option kunze kwekupa murume wavo space.Mazuva anofamba vachishanda zverudo vaiva vazvisendeka.Chaiva changosara apa kugadzirisa life yevana vavo pasina baba vacho.Zveshuwa mukadzi aishanda semvumba only God knows zvaiva mudzoro ravo. Sezvineiwo,Leah ainzwa kufara kwazvo aiva audza mudiwa wake nezva madam boss vake avo vaiva nemoyo wakanaka kwazvo.Mazuva aya Leah aiva atotanga kupfira pfira.Aiva aona zvirizvo zvaiita kuti arambe ari pedyo nemudiwa wake wamakore.Vanonyatsopfeka zvainwisa mvura vachibva vapinda mumota vakananga kunoona madam boss vaLeah. "Takusvika auntie."Akasender message Leah."Okay ndiripo svikirai kuCandy shop ndiko kune space." "Okay auntie."Havana kutora nguva refu vaiva vasvika.Vaitova busy kusevha customer mai Mimie pakagugudza Leah vanodaidzira kuti ,"Pindai mugare ndiri kuuya."Vanoenderera mberi nezvavaiita uyu Leah anoratidza mudiwa wake pekugara achibva anyatsodekara.Mudiwa waLeah anosimudza musoro ndokuona pikicha remukadzi wake nevana vaviri vanova Mimie naJunior.Anorohwa nehana achibva ati,"Ndivanani vari papikicha iyo?"Anobvunza ,Leah achibva asekerera ndokuti,"Ndivo auntie vandinoshandira nevana vavo cute right." "Is she your madam boss vaunogara uchitaura kuti vane moyo wakanaka?" "Yes,yes,,l love her vakandidzidzisa zvakawanda mulife." "Saka ndivo vatauya kuzoona here!" "Ehe." ""I'm finished,,"Anodero mudiwa waLeah achitora cap yake kuti abude asi haana kwaakaenda akabva adhumana namai Mimie padoor avo vakato shamisikawo vachiti,"Ko baba Junie muri pano?" "Baba Junie!!"Anodero Leah amai Mimie vachibva vati,"Sorry darling handina kukuratidza murume wangu ndivo baba Junior what a surprise." Munoita runyararo kari kare tichikura taibva tati papfuura Jeso huye futi.Zvinopera mushe here kana kuti kwangova kupa mai Mimie storyline yekuti vanyore havo book.Vachada kupedzisa book redu rakachipa kudai,,, Send only 1,20ecocash 45 zig ecocash 50zig airtime 2us airtime buddie or netone 30r voucher One voucher Blue voucher Easyload Send to 0782 818 892 K.khumalo Haikona kusara chiri kupisa ichi!!❤️
❤️ 😂 🙏 😢 👍 😮 👏 🙆 80

Comments