Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
June 16, 2025 at 04:00 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j Pinda muchannel yako👆 https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK h NOT MY CHOICE. Collaboration written by: Amai Mimie(K.Khums) 0782 818 892 0716 622 299 L. MUNJERI (MAI TAMIA) 0786 677 765 0716 600 241 Chapter 1 "Grey please don't leave me,Grey kani,,,unoda kuti ndisare nani?" Misodzi yaingoti mokoto pamatama angu ndichiedza kudzivisa mudiwa wemoyo wangu kuti asandisiya ndiri ndega.Ndakaedza chose ndipo pandinonzwa achiti, "No, Happy ndisiye ndiende, wosara zvakanaka chimwe changu asi usakanganwe kuti ndinokuda nemoyo wangu wose", akadaro achitobvisa ruoko rwangu pamusoro perwake. "I can't let you go you know I love you more wani", ndakadaro misodzi ichiwedzera kubuda, apa munhu wacho haana kana kunzwa tsitsi akabva andifuratira ndokurova pasi. "Greeeey", ndakadaidzira nenzwi rese ndichibva ndazovhunduka ndanzwa kurohwa rohwa.I opened my eyes ndokuona kuti ndaitorota hangu. Muviri wangu wese waive wazara dikita uku misodzi ichitodonha.Ndakafunga zvakawanda munguva pfupi iyi.Asi kuti Grey haachandida here?Ko why ndarota achindisiya ndega?Is he thinking of leaving me?Yaingova mibvunzo isina zvayo mhinduro.Ndakatozovhunduka pandakanzwa my sister Mellody vachiti,,"Are you okay". I just nodded ndokutanga kutsvanzvadzira phone yangu. Ndichingoiwana Grey wacho akabva atofonawo.Ndakambotya kuidaira ndichiti zvimwe achataura zvekuti ave kuenda kunze kwenyika semarotero andaiva ndaita. Ndakarovera moyo padombo ndokudaira nezwi risina kana simba. "Babe are you okay?", He asked ndikati "yes, ndichangobva kuhope", "Kubva kuhope this time asi nhasi hausi kuenda kuchikoro futi here?",Akabvunza achinzwikwa kushushikana. "Yes kumba kune ceremony irikuda kuitwa weekend so tiri busy cleaning the house pamwe neyard, see you on Monday babe." "Ceremony yei?" Akabvunza zvakare, pandakada kupindura phone yakabva yakata. Ndakanzwa kurerukirwa zvishoma kutaura nemudiwa wangu uye kunzwa kuti aive atondisuwawo.Ndaimuda Grey ndiye ega aindinzwisisa. "Mhamha vari kupopota uko hanzi tinogadzira ma rockery emaruva", vakadaro sisi vangu. "Amana kuseni kuno here veduwe imbori yeiko ceremony yacho yabva yaitirwa pamba separi kuuya president kudaro?", Ndakabvunza nekuti neniwo ndangandisiri kutombozivawo zvacho zvaida kuitwa. "You will know when the time is right, now let's go mhamha unovaziva kuti havadi kuudza vanhu kahobho", vakadaro sisi vachibva vatobuda. Ini ndakamukawo ndotevera kuye to avoid trouble. Munhu wese pamba aive busy that day, kusvika masikati eThursday iyi pamba painge pachena zvino, asi still taingoshanda chete. Kumazuva rodoka ndipo pakasvika vana tete, ndakafara zvisingaite ndokumhanya kunovagamuchira.Kana ivo vakaratidza kufara chose kundiona. "Inga watokura nhai ,patakanzwa zvekuti wave kuda kuroorwa ndakatombopopota ndichiti pamwe uchiri Happy chanana chichiri kutamba mahumbwe.Ko zvawatova munhu pavanhu nhai Happy kutopfumbirawo.Inga chirungu chino builder munhu shuwa ", vakadaro vachiseka ndikatoshaya kuti ko zvekuroorwa zvavave kutaura vazviwana kupi?Ndakangoti pamwe dzave kurasika ini ndichibva ndangotambira mabag ndokupinda mumba. Vana tete namhamha vakazotorana kunopinda muspare medu hamheno zvavakakurukura. Pasina nguva vakadaidza ana sisi vangu ndikasara ndega. Zvese zvaive zvichiitika zvaitondipa confusion hombe chaiyo, ndakagara paye kwenguva refu mhamha vachibva vazouya nadad. "Nyaya iripano yakamira sekudai izvi, brother Joshua vati vanoda kukuroora saka tabvumirana navo kuti vauye vabvise havo mari Saturday", vakadaro baba vangu ndikaramba ndakavatarisa.Vakabva vaenderera mberi vachiti,, "Hongu mwanangu watove mukadzi wemunhu, saka pari zvino ana tete vakasira kuuya kuti vakudzidzise zvimwe zvinoitwa mumba", "You are joking right",ndakabvunza ndichitosimuka pandaive ndakagara mamwe majokes haangonakidzi achiitwa nevanhu vakuru mufunge. "Gara pasi Happy!" Vakadero baba vangu nezwi rine hukasha zvekuti ndakaita pasofa pekudonhera. "Urikuona midziyo yese iri muno iyi ndiye akatenga ,mese mese zvenyu chikoro ndiye aibhadhara nekuda kwako, usatombozviedza hako zvemusarinya wauri kuda kuita, now get out uende kunana sisi uite zvavanoda ikoko vakangotaura zvimwe chete najesu ndinokuponda iwe", ndakasimuka ndichiita kunzunzutira kuenda kwaive nanatete. Vese vakambotora nguva vakanditarisa ndichichema. Pave paye tete vakuru ndivo `vakazoti,, "Mainini chitombomirai zvekuchema pano tiite basa tave mumashure menguva zuva one chete rasara apa mune zvakawanda zvamunoda kuti mudzidze",vakadaro tete ndikaona kuti vanhu vese vaiziva nyaya iripo asi vaive vasinei nekundikuudzawo.Ko kana iri nyaya yemari yavakadya inga vakuru kwandiri vangoripo wani.Ndakatarisa masisters angu vachibva vatarira divi."Rega tibude isu pamwe arikunyara isusu vana vadiki rega tisiye vakadzi vakuru vega vamboita dzechikuru", my sister said this achibuda achi modeler hake.Kana ndimiwo, she was 21 and I was only 16 asi arikuti iye ndiye mwana mudiki. Kuda kwangu here pane zviri kuitika izvi?Ndakura pai nhaimi pandinonzi ndakura.Haizi miyedzo iyoyi yakambotaurwa nasister Monalisa vekuchurch here kuti ndichasangana nayo? Ko vadireiko kudaro vabereki vangu?Kubva vanditsondera musaga sekitsi shuwa.Ko mhosva yangu ndeyeiko kungonzi ndakuroorwa ndisina kana ruzivo.Ndakazvuva makumbo angu ndichienda kunogara pabed asi confusion yainge ichakangobata.Ndaitadza kuzvitenda ini kuti ndakutoroorwa shuwa uye vabereki vangu vainge vachengeta secret yehupenyu hwangu kwenguva yakareba kudai?Marriage idecision yehupenyu hwese ko vadirei kundidaro shuwa ndakaparei panyika pano?Zvondongonzi ndiyende ndichiri nemukaka pamhino kudai? Meso angu aitoona rima chairo. Ndaive ndakuita mukadzi wemunhu at this age.Ko inga vamwe vanogutsikana nehupenyu hwavainawo wani ,vana vavo vachikura kusvika nguva yavo yakwana. Ko ini ndaive ndatadzei nhai zvekusvika pakundirasa kudai?Chikoro ndaigona wani?Pamba pedu hapana kana aigonerana neni, asi vaive vasarudza kurasa ini.Ko kana dai vaiziva kuti ndiri mutoro kwavari vakadii kundisiya havo ndiri kumusha kwandaive ndiri. Inga vamwe ma gotwe anodiwa wani zvakanyanya kutopfuura vamwe vana, but my case was different ndaitoitwa kunge mwana asiri wepo.Ndaiva ndamboedza kuomesa gotsi asizvakakona n'anga murapwa achida.Baba vangu vaitova nemoto vaisada zvisina basa.Ndakaguma ndangoti hakuna anoramba zvamaronga Mwari.Ndizvo zvandanga ndatarirwa mulife mangu. End of chapter 1 More comments more fire
❤️ 😢 👍 🙏 😭 😂 😮 💔 76

Comments