Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
June 17, 2025 at 11:26 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
Pinda muchannel 👆
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK
NOT MY CHOICE
A collaboration written by:
Amai Mimie(K.Khums)
0782 818 892
0716 622 299
L MUNJERI (MAI TAMIA)
0786 677 765
0716 600 241
Chapter 2
Happy
Anatete vakataura zvavo asi kutaura chokwadi handina kana chandainzwa.Vakasvika pakuneta vega vachibva vazobuda ndikasara ndichingochema chete.Zvino nguva hadzimiri kufamba nekuti nhingi ane nhamo kaa. Musi wacho wakatosvika ndikanzwa kurwadziwa zvikurusa. Vanhu vese vaive pamba vaitoratidza kufara zvakaraudzira havo kana mumwechete aimboita hany'a nemafeelings angu.
Mari dzichipedza kubviswa vakuwasha vacho vakabva vatonzi takurai munhu wenyu, Josh achibva asiya mota nadriver iye ndokutungamira kunoudza vamwe mberi kuti vafanogadzirira.Mom looked at me ndokuti iwe chienda unorongedza zvinhu zvako zvese nguva dzatofamba Soo.
Ndakapinda mumba ndokuzvivhariramo ndichichema nhamo dzangu. Sisi Vangu vakabva vapinda ndokuti,,,,
"It's not like urikunopondwa ka Happy
wotongotamba irikurira mwana wamai it's useless to cry over split milk,ndiwe wakazvida izvi."my sister said this vachitoratidza kushaya kana hanya zvavo."Saka apa urikuedza kuti all this is my fault right?",I asked her ndichida kunzwisisa nekuti matauriro aakaita aitoisa the blame on me sezvinonzi ndaive ndazvisarudzira ndega.
"Of course,yes pawakaziva kuti ndozviripo wakadii kutiza pane kumirira zvakadai. Maybe it's where your destiny lies my dear sister.Uriwe kumusha that's where you belong.Wakagara waita error pawakabvuma kudzidza kumusha kubva grade 1 kusvika now chiona zvino kungouya dhorobha wotonzi kumurume zvimwe unapota uchiramba dearest kwete kungopusa kudai sesadza rinodyiwa rakagara, chese chese Happy do this you do, now look at yourself together ingobvumaka sezvawagara uchingoita." Vakadaro havo vachifuridza bubble gum ravaitsega zvisingapere mukanwa mavo.Kwaingova kutaura hake kwemunhu aisava mutsoka dzangu asi nemariro ezvinhu panga pasisina zvandaikwanisawo kuita,ndaive ndaedza kuramba but zvaive zvashaya basa. Now my siblings vakuona sekunge ndinoda zvese zvinondiwira.Ndinotodawo hupenyu hunongoraramawo masisters angu but zvinoramba,Sometimes ndinotombofunga kuti handisi hama yavo or mwana wepamba apa.Ndakayeredza misodzi asi chokwadi ndechekuti yanga yatodeuka mvura yemuguchu isisadyorereke zvachose. Kureva kuti kungoita zvaidiwa zvacho nevabereki vangu was the only option for me.My sisi aitozviona kunge dambe chairo asi zvanga zvakaoma.Its not easy kuti out of four girls iwe ndiwe unongodomwa everytime dzimwe dzenguva ndaitombofunga kuti zvimwe handisi hangu mwana wavo ko ndingafungei pakadaro.Kukura kwangu kwese handina kumbogarawo mudhorobha semamwe masiblings angu ini ndaingova wekumusha chete.
Ndakatozobviswa mundangariro namama vakapinda vachinditi,"Wapedza kurongedza here?"
Ndakagutsurira musoro wangu uku misodzi ichiyerera. Ndaifunga kuti samai nyakutumumbura ura hwavo hwaizorwadza vonditi kaa ndaisazvida ndiregerewo zvangu asi zvakadaro hazvina kuitika vakabva vatonditi, "Nyangwe ukachema misodzi yeropa Happiness hapana chicha chinja mwanangu watova mukadzi wemuridzi. Matouya kuzotorwa nadriver anguri amira kare panze apo.Wotoita zvinhu kwazvo nekuti brother Joshua munhu anodiwa nevasikana vese kuchurch zvaunoziva iwe saka zvimwe zvacho tenda Mwari mwanangu nokuti ndiwe wavasarudza.Ini nababa vako hapana patinga kusairira munhamo inga unozviziva wani kuti tinokuda pukuta misodzi mwanangu uchazofara rimwe zuva ugonditenda."
"Kundida hako hapana mom zvimwe mungataura henyu kwete yekundida iyi.Kana maindida mom sekutaura kwenyu why ndiri ini ndega ndakakura ndichigara kumusha.Ndoziva dhorobha nokuda kwekuroorwa mom is it fair?Ndozivira magetsi kudzimba dzema teacher mom.Is it fair tell me."
Ndakaona vatarisa pasi ndikaziva kuti mhinduro yandaida vainge vasina zvavo.Ndakaenderera mberi ndichiti,,
" Mhamha am only 16 but makutoti ndiende kumurume are you for real?"
Ndakadero nemisodzi pamatama kwandiri ndaiva mudiki asi vangu vabereki vaiona tsikombi zvayo yanonoka kuroorwa.I was hurt asi wekuchemera pangapasina.
"Watokura iwe dai usina kutanga zvevakomana aida kukutora wapedza "O "level zvino taona kuti zvingazotiipira wapihwa mimba isu takadya mari dzemunhu, iri yemakore nyarara hako ini ndakaroorwa ndiine 14yrs chaidzo but now ndatochembera ndiripo hangu, hapana chinomborema apa chero achikuda chete murume wako"
"Iye akatadza nei kundipfimba kana aindida pane kundiroora tisina kuwirirana."
" Akataura nababa vako vakatopedza kare nyaya dzacho iwe ita zvatareva chete"
"Mapedza here mumba umo mai Happy ana sis vaneta nekumira hanzi kuChiweshe kure vanoda kusvika kuchangotanga kusviba hazvizoiti kusvika pakati pehusiku nemwenga ",vakadaro dad vachikwamatata vari pamusuwo.
Sezvineiwo anatete vacho vakabva vapinda ndokusimudza monarch rangu vamwe vacho ndokundibata ruoko tichibuda sezvinonzi ndaisagona kufamba ndega,ndakacheuka ndokuona baba namai vangu vachitevera kumashure zviso zvavo zvizere nenyemwerero.Driver wacho akavhura boot ndokuisa bag rangu apedza akabva azouya kuzotivhurira madoor ndakapinda ndokugara zvangu asi chokwadi chaicho moyo wangu waive nechironda.
Zvandaiitiswa ndaisada asi ndaiitawo sei ndonzira yandaiva ndasarudzirwa nevabereki vangu.
Ndakatarisa vabereki vangu ndokuona vachiwaver vachisekerera.Masisters angu aive akamira zvakare vakagumbata maoko kusatoziva hangu kuti yaiva sign yekurwadziwa here kana kuti kufarira kuti ndaenda.Yakarohwa mota ini pfungwa dzangu dzaitovewo kure zvako.
Ko kana Grey aizonzwa kuti ndakaroorwa aizozvitora sei?What about all the promises we made?Did l do the right decision by not telling him zviri kuitika mulife mangu?Ko kana akazozvinzwa neumwe munhu zvobuda here?Let me text him zviri nani angoziva kuti hapachina us pakati pedu all our dreams are shattered now.Ndakatora handbag yangu ndotarisa phone yangu ndokuwana musina.Ndakavhendunyura kasingaperi kusvika vanatete vabvunza kuti,"Kwakanaka here mainini?"
"Ndasiya phone yangu kumba tete ndipeiwo yenyu ndimboisa message pane munhu wandoda kutaura naye."
"Yangu yasara pacharge ndanga ndichitoudza sisi izvezvi mupeiwo yenyu sisi."
"Haina moto iyi mainini."
Ndaingoda kuisira Grey message but seems like, lucky wasn't on my side that day.Ko kana ndaka,,,,,but no no hakuna zvakadero ndigotii kuvabereki vangu.Ndaiva ndatova stressed ini zvekuti patakasvika kuChiweshe kwacho mood yaiva pazero chaipo.Takaita kuwana vanhu vakatimirira nechekuroad chaiko apo vachiita kuimba vachitamba.
"Totodzika mainini tofamba netsoka tinenge takutosvika zvedu.Takutotangira pano kuita chiroora chedu.Sungai dhuku nezambia modzika makafuka musoro wenyu.Musambovhure zvenyu kana kuseka chero pakataurwa zvosetsa sei?"
Chokwadi vangataure zvekuseka ndiri panguva yakadai pane here pandaiwanasimba rekutoseka chaiko.
"Zvichiri kuitwa zvinhu zvakasara kudaro." Vakabvunza tete vadiki vaive vakambotii zii nguva yese iyi.
"Vanhu vane mari ava munin'ina hatingadzokeri ari maoko takutoita zvotipawo mari."
"Makuda kuita mari neni ndosaka makabvumirana nehanzvadzi yenyu inhau dzemari right." Ndakadaira ndanzwa paive pane pfungwa dzatete vakuru. All she needs was money ,not even caring about my happiness.
"Kwete mainini hazvina kudaro,chiitai zvatakuudzai takupedzera vanhu nguva yavo nenyaya dzakapera kare.Matova mukadzi wemunhu izvi hazvichinje kupopota kupedza henyu nguva nokuti mari pano tiri kuzodyorera zvedu.
Vakabva varovana maoko havo. Takati fambei zvishoma ndokubva tagara pasi.
Ini kutaura chokwadi zvese zvaiitwa hapana kana chandaiisa mumusoro kanakunzwa. Ndaingonzwa ruzha rwekuti pane vaiimba.
Nekungosimuka pandainzi ndisimuke pacho tombogara futi.
Pfungwa dzangu dzaive kure.Ndichifunga nezve hwangu hupenyu. Ndaive ndisina kana gore ndauya muHarare ndave kutonzi kunoorwa. And brotherJoshua ava ndaivaziva hangu vari shamwari yadad. Most of the times vaigara vari pamba.Little did I knew kuti ndini ndaitorongerwa dende. Nyangwe zvake aive nemari but aive munhu mukuru zvisingaite kwandiri maybe zvekuma 30s chaiko uko.
Baba naamai vangu zvese izvo havana kuita hanya nazvo Mari chete ndiyo yavaida. Asika chakanetsa ndaive nemasisters vakuru kwandiri . Like Melody anga atove ne24 but havana kufunga kuroodza iye.
"Chitivhurirai mwenga wedu tione", ndakavhunduka ndanzwa mashoko aya.
"Hey stop pliz, let me do that myself", rakadaro izwi randakaziva kutiraive raJosh. Pasina nguva ndakanzwa kubatwa nemaoko ari soft ndichibva ndabviswa jira riye.
Takabva tatarisana mumaziso chaimo. Misodzi yangu ikati yatanga manyemwe.
"Yohwee nhai Josh haushure iyo pwere iyoyo chokwadi, hona Kari kutochema kutukwa kwakanga kachiitwa", vakadaro vamwe Mai vechikuru vachifa havo nekuseka.
Dai vaiziva zvandaichema vainzwa tsitsi. Munhu aive mberi kwangu ndaive ndisina kana zuva rimwe randambotaura naye nyaya dzerudo."Musadaro kani gogaz musadaro babe wangu uyu" akadaro Joshua achindipukuta misodzi.
"Kudiii haa tibvire zvino kanochema zvakadai kuzoti chinonzi mukadzi chacho nhai ,ko mwana chaiye anotakura dumbu iyeyu, haa Josh unoshura naMwari ooh"vakaidairira vamwe vacho vakatanga kuseka zvavo vese.Ndaiva ndakungonamata kuti vati handikodzeri ndodzokera kumba kwedu.
End of chapter 2
More comments more
❤️
🙏
👍
😂
😢
❤
😭
😮
🔥
🤣
136