Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
June 19, 2025 at 05:21 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
Pinda muchannel haikona kusara Kwamai Mimie kune tsvigiri👆
https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK
Group redu zvakare 👆
NOT MY CHOICE
A collaboration written by Amai
Amai Mimie (K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
&
Amai Tamia (L.Munjeri)
0786 677 765
0716 600 241
Chapter 4
Happiness
Inga ndiri kungorwadziwawo wani zvandakanzwa kuti ndizvo zvinoitwa nevasikana vazhinji vanenge vabviswa humhandara?Ko seiko ndisinawo kubuda ropa racho?Saka kusabuda ropa zvoreva here kuti ndanga ndisiri sealed?Asi angava ani angave akandiitira hutsinye hwakadaro kurara neni ndisingazivi?Kuti zvinogona kuitika here kuti munhu angatopedza newe ukasaziva kuti ndozvaitika?
Yaingova mibvunzo yandaizvibvunza mushure mekunzi,"fake virgin,"naJosh.Pfungwa dzangu dzakatanga kupishana chaiko asi mhinduro dzemibvunzo yangu ndaiva ndisina.Zvimwe ndosaka vabereki vangu vakasarudza ini nokuti vainge vatoona havo kuti ndangova zuru rakapindwa nenyoka kare.Kochakavaita kuti vasarudze ini chii iko kumberi kwangu kuine vakuru kwandiri?Chionai zvino ndoshorwa naJosh kunge ndini ndakazvida.Ndakapusa munguva pfupi chaiyo ,kungwara kose kuchibva kwangotama.Mugoona ndaitozvida chaiko pamberi paGrey ndichimuudza kuti ndakazara ko ndaizivei hangu kuti kanonaka kese kakapedzwa."Ndikutaura newe Happy,kuramba wakanyarara kudaro kwakanaka here?Are you regretting something?"
Ndakaita kuvhundukira ndichibva ndatosimuka l was expecting kutadza kufamba nokuda kwemarwadzo. Ko ndozvataingonzwa zvichitaurwa ka.Saka unotofanirwa kupinda napo woona kuti ndizvo here asi ini manje handina kuita sekudaro kana kukamhina kwacho handina.I was now confused mufunge meaning kuti Josh anga ari right.
"Nhaiwe Happy asi watobatikana nemashoko andataura?"
Akabvunza Josh zvakare ndichibva ndati,"I can't remember ndichirara nemukomana so ndatova confused hangu.Zvakaitikira kupi,when,zvadii?Ndirikungozvibvunza asi mhinduro handina."ndakdero full of confusion.
"Enda unogeza."
"Ropa riri kubuda iro Josh."
Ndakadaro ndichinongedzera padama pandaiva ndamuruma.
"Hantie ndizvo zvawanga uchida here zvako zvaita ndipowo mucheka uyo."
"Upi wacho?"
"Muchena uyo watanga takararira."
Ndakamutambidza achibva apukutira ropa riya."
"Zvinobatsirei izvozvo?"
"Kwauri hazvibatsire chinhu Happy asi kuvanhu vari panze apo zvakatovakoshera.Tichiri kutevedza tsika dzakare isu mumhuri yedu.Saka zvakatokosha.Izvozvi kungoona machira akachena aya unobva watodzokera nanatete vako pachiri pedyo chaiko.Vamwe ndevanotenga machira voboora munhu kudzokera chaiko kwaabva."
"Perfect then, zvakarongeka izvi ndidzoserei kumba kwedu mutsvake mhandara yakakwana.Inga Mwari vanopindura neimwe nzira minamato yevana vavo.You are not my choice Josh l didn't chose you but my parents did ,asi Mwari vauya neimwe nzira kuzondisunungura."
"So you planned this nhai?"
"No, l didn't Josh kungoti Mwari havasi ku approver this marriage.This marriage is a shame Josh hausi kuzviona here? Don't go against your customs ka nokuda kwangu let me go unosara uchitsvaka umwe anodiwa mumhuri menyu."
"No , Happy l won't let you go iwe ndiwe mukadzi wangu.I waited for so long kuti tive tese asi wainonoka kukura kwacho.Now zvaita you want to complicate things again zvakadaro handizvibvume.Watova mkadzi wangu iwe."
"Can l ask you a question ?"
"Yes bvunza hako."
"Why me nhai Josh? What's so special about me chekuti mungasiya vasikana vese vakanaka vemuchurch muchiitira mwana anenge ini hutsinye?"
"Hutsinye here uhu nhai Happy?"
"Of course yes."
"Go and ask your parents Happy ndivo vane mhinduro yauri kutsvaka."
"Ndiudze iwewe Josh."
"Ndakuda kurara Happy kana newe dai watorara zvako nokuti tommorow it's a busy day."
Akadaro achitodhonza sheet ndokufuga.Ndakaramba ndakagara zvangu ndipo pandinonzwa achiti,"Asi hauna kuguta ndikupamhe futi."Ndakangosimuka ndokunanga kubath kogeza lucky yaisava kure neroom yaJosh.Ndichidzoka ndakawana abatwa nehope ndikati Mwari kudzwai.Ndakatarisa mudenga ndofunga Grey wangu ndaiva ndamusuwa veduwe asi phone yekuti nditaure naye ndaiva ndisina.Ndichifunga kudaro ndakabva ndanzwa kuvibrater kwephone ndakaitora ndokuona isina pattern ndichibva ndangosaver number dzake Grey ndokumuti ,"hie."
"Ndiani wangu?"
Akapindura ndichibva ndati,"NdiHappy phone yangu yakafa battery ndaba phone yasisi vangu."
"Sisi vako vapi number dzavo vese ndinadzo."
Ndakakwenya musoro ndichibva ndati,"I miss you."
"Can l call you now?"
Ndisati ndapindura ndakatanga ndatarisa Josh kuti haana kumuka here?Aiva asina hake ndakabva ndati,"Yes."
Ndakaiisa pasilent pasina nguva ichibva yapinda call.Ndakabuda ndoenda kubath ndikasvikotaura nemudiwa wangu pakapera mari yake, ndakabva ndafona ini tichibva tataura ndaiti pachaperera mari yacho ndipo pandaizokata asi umm takaramba totaura kusvika ndaneta asi mari ichingovemo chete.Ndakakata ndokudzosera phone panzvimbo hope dzichibva dzatobata. Ndisati ndamborara zvinoenda kure ndakabva ndamutswa na Josh ndakamuvhizura ndikanzwa oti,"Asi une mangoromera here?"
"Ndikuda kurara ini."
"Muka wakudiwa panze kuti utange basa plus jira ravo rakudiwa futi."
"Ndisiye ndirare mhani iwe."
"Ukasateerera ndovaudza kuti wanga wakavhurwa kare."
"Unenge watondigonera ufunge hako.Ndobva ndadzokera kumba kwedu."
Ndakanzwa knock zvakare ndipo pandakabva ndamuka.
"Doek nezambia riripi Happy zvawave kubuda usina."
"Aah iwe siyana neni."
Ndakabva ndatobuda ndakadaro.Vanatete vachingonditi ba vakati vatanga kupopota.
"Inguva dzekumuka here mainini idzi momboziva kuti tine basa rekupa vehukama vose mvura dzekugeza tichipihwa mari."
"Itai imi vana tete munoda mari ini nditori bho ndakadai."
"Nhaiwe Happy?"
"Ndatopedza nemi ndoda kurara ini kundimutsa nguva ino shuwa nokuti munodamari itai imi munoida not me."
Ndakadero ndichitobva pavaiva ndisina kana hanya nezvaizoitika mberi kwacho.Ndozva vaindimanikidzira kuroorwa izvozvo nezera rangu irorishuwa.Ndakapfuurira zvangu paiva naJosh ndokuenda kwaiva neimwe room yedu ndakazongonzwa kutaura ndikaziva kuti ndivana tete chete.Ndichiri kuroom kuya ndakanzwa mhururu ndikashaya kuti chava chii.Ndichidzoka ndakawana Josh ari ega ndikanzwa oti,"Zvapfuura hazvo ndavapa mucheka wako Happy asi chimbondiudza kuti ndiani akakutsotsa shuwa nezera rako iri."
End of chapter 4
More comments more 🔥
❤️
👍
🙏
😂
❤
😢
😮
👏
96