Harare Mirror News And Talkshow
June 17, 2025 at 05:42 PM
makadii henyu .So on Sunday ndakageza ndega ndikati haa kurikutonhora rega ndisiye vana nhasi havaendi ku church. Zvikanzi na hubby mama havasikunzwa mushe plus ndichada kuzobuda. Ndikati motongoenda navo ndikaenda kumba kwe friend yangu very close to our house ndakamirira time was checking ma chats . Ndanga ndamukumbira kuti andiperekedze ne mota. Pamba pangu mu close saka pane one exit takanomira nechekunze tikateera hedu kumasure. And yes this men was going with my kids kuhure rake naamai vake 😭😭😭😭 Ini ndaitofunga kuti tichatobuda mu area matinogara but aiwa just kuseri woverenga 2 ma line edzimba watosvika. Takatoona vachipaka (wakaaona ma picture) akatobuda akavhura gate vachitodarirana. Kutoita happy family vana vachinzi mhorosai mama vachingotarisa. We waited vapinde mumba but ndakanga ndakutobvunda, kupera simba kutadza kufema. Murume aka screamer achindiona ndichipinda apa mai vake vatobata mwana vachiti kuvana vangu honai mumwe wenyu uyu. Chandakangogona kutaura kuti sure ungandidaro? Iwewe ndiwe unondidai? Ndokugara pasi ndanga ndakuzarirwa. Friend yangu ndiye aitora ma video nema pictures. Mukadzi uya atori musikana early 20s anga atozvikiira mu bedroom make. Paanogara anosheya rdp neumwe. Vamwene vakuti ndine hurombo muroora ini ndangopindawo pakati ndaishaya kuti ndodii ndaimuudza kuti pedza nyaya dzako . Ndakangovati pakanaka mhai. Mwana wavo ndiye akanga akungonyara. Sorry hako ndaishaya ndokuudza sei zvakangoitikawo. Mmmm kana labour haina kumbondirwadza kudayi Chie 😭😭😭😭😭. Ndirikurwadziwa. Ndakazongoti it’s ok ndokumbirawo mukadzi wako abude. Akamboramba achiti kumurume pedza nyaya dzako wega. Ndikati handisikukurova buda. Akabuda akati sorry henyu ndaisaziva ari married akandinyepera kusvika ndaita pamuviri. Akati it’s ok ndikutoda barika ndiye akanditsvagira imba. Murume akungoti boi boi hanzi inini mhuri yangu ndoida apa ndongoita zvemwana chete . Haaa this man is not worth my time. Ndakazozviona that day kuti kune vanhu vasiri worth your energy. Ndakangotora vana vangu ndikati musare nerugare ndikabuda. Ndione avo mai ne mwana vakupinda mumota kutevera. Ndakavati please musandiise pamuedzo we medha imi. Ibvai pamba pangu . Ndakakanda hembe dzake nedzamai vacho panze locked my gate ndikasiya zvakadaro. Vakambogara mumota vachifunga ndikutamba ndakazoona ndakufonrwa na pastor vangu , mama vangu ndikadzima phone. Vakambogara for some time vakazoenda. Anga achingonetsa calling ndikati ! No ! Apa hanzi am not even ikoko inini am kwe friend. Mai vake akavakwidza nezuro. Chie murume ini handichada. Kumba kwedu kune mari but ndakatoranawo ne tsuro iyi out of love. Akandimitisa ndiri pa Capetown university ndikasiya chikoro akaramba kuti ndipedzise, kuroora akabvisa zvekungodaro daro . Ndairamba ma opportunity because of him . I could be in America or London but ndaiti imba yangu . My family was the one helping him to upgrade. Mapepa takatomagadzira through angu zvichitwa na daddy vangu .But asarudza chihure imbwa iyi . Hazvisina basa . Mwedzi uchipera am going home Chie ku Zimbabwe. Ndakuita zve life yangu, vana ndinavo already ndichadei ? Handisi kutotaura naye ma ticket ndaanawo can’t wait to be home. Rega ndimbonozorora and upgrade my life vabereki vangu vachiri vapenyu ! Ndamuti aunze mota I am going to sell it together with everything else ndiendewo ku Zim nekamari . Ndinoda kungoti thank you for this platform. Thank you for the work you do behind the scenes, you kept me sane . Thank you 🙏
💔 😢 ❤️ 🙏 😮 👍 😭 😂 🫂 108

Comments